Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
RUFU rwapakarepo, rwusingakarirwi rwomudiwa rwunorwadza zvikuru. Rwunoguma nokuvhunduka, kunoteverwa namarwadzo akakomba emirangariro. Kutarira mudiwa achifa pashure pechirwere chenguva refu uye chinorwadza kwakasiyana, asi kutambura nemurangariro wokurasikirwa kukuru zvinoramba zviripo.
Pasinei zvapo nemafire omudiwa, nyakufirwa anoda tsigiro nenyaradzo. MuKristu akafirwa angafanirawo kutarisana nechitambudzo chinobva kune avo vanoomerera pakuchengeta tsika dzemariro dzisiri dzomuMagwaro. Izvi zvakarovedzeka munyika dzakawanda dzeAfrica uyewo mune mamwe mativi apasi.
Chii chichabetsera muKristu akafirwa kuti adzivise tsika dzemariro dzisiri dzomumagwaro? Vaanotenda navo vanogona sei kuva vanotsigira munguva dzomuedzo dzakadaro? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinoitirwa hanya navose vanotsvaka kufadza Jehovha, nokuti “kunamata kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.”—Jakobho 1:27.
Kubatanidzwa Nechinodavirwa
Chinhu chinowanzobatanidza tsika dzamariro dzakawanda kudavira kuti vakafa vanopfuurira kurarama munzvimbo isingaonekwi yamadzitateguru. Kuti vavanyaradze, vachemi vakawanda vanonzwa vachisungirwa kuita tsika dzakati. Kana kuti vanotya kuti havazofadzi vavakidzani avo vanodavira kuti kuvadziko ichauya kunzanga kana tsika dzacho dzikasaitwa.
MuKristu wechokwadi haafaniri kutya munhu ndokutora rutivi mutsika dzisingafadzi Mwari. (Zvirevo 29:25; Mateo 10:28) Bhaibheri rinoratidza kuti vakafa havana chavanoziva, nokuti rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 10) Naizvozvo, Jehovha Mwari akanyevera vanhu vake vomunguva dzakare kuti vasaedza kunyaradza vakafa kana kuti kukurukura navo. (Dheuteronomio 14:1; 18:10-12; Isaya 8:19, 20) Idzi zvokwadi dzeBhaibheri dzinopesana netsika dzamariro dzakawanda dzakakurumbira.
Zvakadini “Nokucheneswa Muvatano”?
Mune dzimwe nyika dzepakati peAfrica, murume kana kuti mukadzi afirwa anokarirwa kuti avatane nehama yokunyama yapedyo yomushakabvu. Kana izvi zvikasaitwa, zvinodavirwa kuti afa wacho achakuvadza mhuri iri kurarama. Tsika iyi inonzi “kucheneswa muvatano.” Asi Bhaibheri rinorondedzera vatano ipi neipi yokunze kweroorano so“upombwe.” Sezvo vaKristu vachifanira ku“tiza upombwe,” vanodzivisa noushingi iyi tsika isiri yomumagwaro.—1 VaKorinte 6:18.
Rangarira imwe chirikadzi inonzi Mercy.a Murume wake paakafa muna 1989, hama dzokunyama dzaida kuti acheneswe muvatano nehama yokunyama yechirume. Akaramba, achitsanangura kuti tsika yacho yakanga ichipesana nomutemo waMwari. Dzashatiriswa, hama dzacho dzokunyama dzakaenda pashure pokunge dzamutuka. Mwedzi mumwe gare gare dzakaparadza musha wake, dzichibvisa marata padenga reimba yake. “Rudzidziso rwako rwunogona kukutarisira,” dzakadaro.
Ungano yakanyaradza Mercy uye yakatomuvakira imba itsva. Vavakidzani vakaororwa kwazvo zvokuti vamwe vakasarudza kutora rutivi mubasa racho, mudzimai waishe ari muKaturike achiva wokutanga kuunza uswa hwedenga racho. Mufambiro waMercy wokutendeka wakakurudzira vana vake. Vana vake kubva panguva iyoyo vakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari, uye mumwe akapinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri munguva pfupi yapfuura.
Nemhaka yetsika yokucheneswa muvatano, vamwe vaKristu vakazvibvumira kuti vamanikidzirwe kuroorana nomunhu asingatendi. Somuenzaniso, imwe pfunda iri mumakore ayo omuma70 yakakurumidza kuroora musikana muduku aiva noukama nomudzimai wake akanga afa. Kupfurikidza nokuita izvi, aigona kutaura kuti akanga acheneswa muvatano. Zvisinei, muitiro wakadaro unorwisana nezano reBhaibheri rokuti vaKristu vanofanira kuroora kana kuti kuroorwa “munaShe [bedzi, NW].”—1 VaKorinte 7:39.
Mitambo Yokupupudza
Munyika dzakawanda, vachemi vanoungana pamusha womushakabvu ndokupupudza. Kupupudza uku kunowanzobatanidza kudya nokuimba nenzwi riri pamusoro. Izvi zvinodavirwa kuti zvinonyaradza mufi ndokudzivirira mhuri iri kurarama kuti isaroyiwa. Majee angataurwa kuti vawane nyasha dzomunhu afa. Pashure pokutaura, vachemi vangaimba rwiyo rworudzidziso mumwe munhu asati asimuka kuti ataure. Izvi zvingapfuurira kusvikira kwaedza.b
MuKristu wechokwadi haagoverani mumitambo yakadaro yokupupudza nemhaka yokuti Bhaibheri rinoratidza kuti vakafa havakwanisi kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu. (Genesi 3:19; Pisarema 146:3, 4; Johane 11:11-14) Magwaro anoshora muitiro wokudavira midzimu. (Zvakazarurwa 9:21; 22:15) Asi, chirikadzi yechiKristu ingazviwana zvakaoma kudzivisa vamwe kutanga miitiro yokudavira midzimu. Vangaomerera kupupudza mumusha mayo. Vanotenda naye vanogona sei kubetsera vaKristu vafirwa kuti vatarisane neiri dambudziko rawedzerwa?
Vakuru veungano kakawanda vakakwanisa kutsigira mhuri yechiKristu yafirwa kupfurikidza nokutaura nehama dzokunyama navavakidzani. Pashure pokutaura kwakadaro, ava vanhu vangabvuma kubva pamusha wacho norugare ndokuunganazve nokuda kwamariro pane rimwe zuva. Asi zvakadini kana vamwe vakava vanorwisa? Nhamburiko dzinopfuuridzirwa dzokurangarira navo dzingaguma namasimba masimba. ‘Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuzvidzora muzvakaipa.’ (2 Timotio 2:24) Naizvozvo kana hama dzokunyama dzisingabatiri pamwe dzikatungamirira nechisimba, chirikadzi yechiKristu navana vayo vangasakwanisa kudzivisa izvi. Asi havatori rutivi mumutambo upi noupi worudzidziso rwenhema unoitirwa mumba mavo, nokuti vanoteerera murayiro weBhaibheri wokuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.”—2 VaKorinte 6:14.
Nheyo iyi inoshandawo kumariro. Zvapupu zvaJehovha hazvigoverani mukuimba, kunyengetera, kana kuti miitiro inotungamirirwa nomufundisi worudzidziso rwenhema. Kana vaKristu vari mitezo yemhuri yapedyo vachirangarira kuti zviri madikanwa kupinda munamato wakadaro, havatori rutivi.—2 VaKorinte 6:17; Zvakazarurwa 18:4.
Mariro Ane Chiremera
Mariro anoitiswa neZvapupu zvaJehovha haabatanidzi miitiro inoitirwa kuti inyaradze vakafa. Hurukuro yeBhaibheri inopiwa pangava paHoro yoUmambo, panzvimbo inogadzirirwa zvitunha, pamusha pomushakabvu, kana kuti kumakuva. Chinangwa chehurukuro yacho ndechokunyaradza nyakufirwa kupfurikidza nokutsanangura zvinotaura Bhaibheri pamusoro porufu netariro yorumuko. (Johane 11:25; VaRoma 5:12; 2 Petro 3:13) Rwiyo rwakavakirwa muMagwaro rwungaimbwa, uye hurukuro yacho inogumiswa nomunyengetero unonyaradza.
Munguva pfupi yapfuura, mariro akadai seaya akaitirwa mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo aiva hanzvadzi dukusa yaNelson Mandela, purezidhendi wokuSouth Africa. Pashure pehurukuro yacho, purezidhendi akaonga mukurukuri nomwoyo wose. Vanhu vakawanda vanoremekedzwa navakuru vakuru vakanga varipo. “Aya ndiwo mariro ane chiremera zvikurusa andati ndambopinda,” rakadaro rimwe gurukota.
Zvipfeko Zvokuchema Zvinogamuchirwa Here?
Zvapupu zvaJehovha zvinochema rufu rwavadiwa. Kufanana naJesu, zvingachema misodzi. (Johane 11:35, 36) Asi hazvirangariri kuti zviri madikanwa kuratidzira kuchema kwazvo pachena kupfurikidza nechimwe chiratidzo chokunze. (Enzanisa naMateo 6:16-18.) Munyika dzakawanda, chirikadzi dzinokarirwa kupfeka zvipfeko chaizvo zvokuchema kuti zvinyaradze afa. Izvi zvipfeko zvinofanira kupfekwa kwemwedzi inoverengeka kana kuti kunyange gore pashure pamariro, uye kubviswa kwazvo inhambo yomumwe mutambo.
Kukundikana kuratidza zviratidzo zvokuchema kunorangarirwa sokugumbura munhu akafa. Nokuda kwechikonzero ichi, mumativi eSwaziland, madzishe amadzinza akadzinga Zvapupu zvaJehovha pamisha yazvo pachazvo nenzvimbo. Zvisinei, vaKristu vakatendeka vakadaro nguva dzose vakatarisirwa nehama dzavo dzomudzimu dzinogara kune imwe nzvimbo.
Dare Rapamusoro reSwaziland rakatsigira Zvapupu zvaJehovha, richitaura kuti zvinofanira kubvumirwa kudzokera kumisha yazvo nenzvimbo. Mune chimwe chakaitika, imwe chirikadzi yechiKristu yakabvumidzwa kugara panzvimbo yayo pashure pokunge yabudisa tsamba netepi yakarekodwa umo murume wayo akashaya akanga ataura zvakajeka kuti mudzimai wake haafaniri kupfeka zvipfeko zvokuchema. Nokudaro, akakwanisa kubvumikisa kuti zvirokwazvo akanga ari kuremekedza murume wake.
Zvinokosha zvikuru kujekesa mirayiridzo yamariro munhu asati afa, zvikurukuru munzvimbo umo miitiro isiri yomumagwaro yakarovedzeka. Rangarira muenzaniso waVictor, mugari wokuCameroon. Akanyora purogiramu yakanga ichifanira kuzoteverwa pamariro ake. Mumhuri make makanga mune vanhu vakawanda vane simba avo vaiva netsika dzakasimba zvikuru pamusoro pavakafa, kubatanidza kunamata madehenya avanhu. Sezvo Victor aiva mutezo wairemekedzwa wemhuri yacho, aiziva kuti dehenya rake ringadaro raizobatwa nenzira iyi. Naizvozvo akapa mirayiridzo yakajeka pamusoro penzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kutarisira nayo mariro ake. Izvi zvakaita kuti mamiriro ezvinhu zvacho ave nyore nokuda kwechirikadzi yake navana vake, uye uchapupu hwakanaka hwakapiwa munzanga yacho.
Dzivisa Kutevedzera Tsika Dzisiri Dzomumagwaro
Vamwe vane zivo yeBhaibheri vakatya kutanhamara savakasiyana. Kuti vadzivise kutambudzwa, vakaedza kufadza vavakidzani vavo kupfurikidza nokuita gamuchidzanwa rokupupudza vakasvinura nokuda kwavakafa. Nepo zvichirumbidzwa kushanyira nyakufirwa kuti ugovere nyaradzo yomunhu oga, izvi hazvidi kuti mariro maduku aitirwe pamusha wemushakabvu manheru oga oga mariro chaiwoiwo asati aitwa. Kuita izvi kungagumbura vacherekedzi, sezvakungavapa murangariro wokuti vanotora rutivi havadaviri chaizvoizvo zvinotaura Bhaibheri pamusoro pomugariro wavakafa.—1 VaKorinte 10:32.
Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vaise kunamata Mwari pakutanga muupenyu uye kuti vashandise nguva yavo nokuchenjera. (Mateo 6:33; VaEfeso 5:15, 16) Mune dzimwe nzvimbo, kunyange zvakadaro, mubato weungano wakamiswa kwevhiki imwe kana kuti kupfuura nemhaka yamariro. Ichi chinetso hachisi cheAfrica bedzi. Pamusoro pamamwe mariro, mumwe mushumo wakabva kuSouth America wakati: “Misangano yechiKristu mitatu yakapinda navanhu vashomanene zvikurusa. Basa romumunda harina kutsigirwa kwamazuva anenge gumi. Kunyange vanhu vasiri muungano uye vadzidzi veBhaibheri vakashamiswa uye vakaodzwa mwoyo nokuona dzimwe dzehama dzedu nehanzvadzi dzichitora rutivi.
Mune dzimwe nzanga, mhuri yafirwa ingakoka shamwari dzapedyo shomanene kuti dziuye kumba kwavo nokuda kwezvokudya zvishomanene pashure pamariro. Asi mumativi akawanda eAfrica, mazana anopinda mariro acho anouya pamusha pomushakabvu ndokukarira mabiko, apo mhuka dzinowanzopirwa. Vamwe vanosonganirana neungano yechiKristu vakatevedzera tsika iyi, vachipa murangariro wokuti vari kuva namabiko etsika kuti vanyaradze vakafa.
Mariro anoitiswa neZvapupu zvaJehovha haaisi mutoro unodhura pana nyakufirwa. Naizvozvo hazvifaniri kuva madikanwa kuva negadziriro chaiyo yokuti vanenge varipo vape mari yokufukidza ndyiko dzemariro anodhura. Kana chirikadzi dziri varombo dzisingagoni kubhadhara ndyiko dzinodikanwa, vamwe vari muungano pasina mubvunzo vachafara kubetsera. Kana betsero yakadaro isina kukwana, vakuru vangaronga kuti vagovere betsero yokunyama nokuda kwavakafanirwa.—1 Timotio 5:3, 4.
Tsika dzamariro hadzirwisani nenheyo dzeBhaibheri nguva dzose. Padzinodaro, vaKristu vakatsunga kuita maererano naMagwaro.c (Mabasa 5:29) Kunyange zvazvo izvi zvingaunza dambudziko rakawedzerwa, vabatiri vaMwari vakawanda vanogona kupupurira kuti vakatarisana nemiedzo yakadaro nenzira inobudirira. Vakaita kudaro nesimba rinobva kuna Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose,” uye nebetsero yorudo yavavanotenda navo avo vakavanyaradza mudambudziko ravo.—2 VaKorinte 1:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okutsiva ashandiswa munyaya ino.
b Mune mamwe mapoka omutauro netsika shoko rokuti “kupupudza” rinoshandisirwa kushanyo pfupi yokunyaradza nyakufirwa. Hapana chinhu chisiri chomumagwaro chingabatanidzwa. Ona Mukai! yechiNgezi yaMay 22, 1979, mapeji 27-8.
c Uko tsika dzamariro dzingangounza miedzo yakakomba pamuKristu, vakuru vanogona kugadzirira vanoda kubhabhatidzwa nokuda kwezvingava zviri mberi. Pakusangana naava vatsva kuti vakurukure mibvunzo inobva mubhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, ngwariro inofanira kupiwa kuzvikamu zvinoti: “Mweya, Chivi Norufu” uye “Kutenda Kwakavhengana.” Zvose izvozvi zviri zviviri zvine mibvunzo yekurukurirano. Pano ndipo apo vakuru vanogona kugovera mashoko pamusoro petsika dzamariro dzisiri dzomuMagwaro kuitira kuti anoda kubhabhatidzwa agoziva zvinoda Shoko raMwari kwaari kana akatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro.
[Bhokisi riri papeji 23]
VAKAKOMBORERWA NOKUDA KWECHIMIRO CHAVO CHAKASIMBA
Sibongili ndeimwe chirikadzi yechiKristu yakashinga inogara muSwaziland. Pashure porufu rwomunguva pfupi yapfuura rwomurume wake, akaramba kutevera tsika dzinofungwa navakawanda kuti dzinonyaradza vakafa. Somuenzaniso, haana kugera musoro wake. (Dheuteronomio 14:1) Mitezo yemhuri misere yakashatirwa pamusoro peizvi ndokugera musoro wake nechisimba. Vakadzivisawo Zvapupu zvaJehovha kuti zvishanyire musha wacho kuzonyaradza Sibongili. Zvisinei, vamwe vanhu vanofarira shoko roUmambo vakafara kumushanyira netsamba dzekurudziro dzakanyorwa navakuru. Zuva raikarirwa Sibongili kupfeka zvipfeko chaizvo zvokuchema, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. Mumwe mutezo wemhuri unoremekedzwa wakaita musangano kuti akurukure kuramba kwake kubvumirana netsika dzegamuchidzanwa dzokuchema.
Sibongili anoshuma kuti: “Vakabvunza kana zvitendero zvorudzidziso rwangu zvaindibvumira kuratidza kusuruvara kupfurikidza nokupfeka zvipfeko zvitema zvokuchema. Pashure pokunge ndatsanangura chimiro changu, vakandiudza kuti vakanga vasingazondimanikidzi. Zvakandishamisa ndezvokuti, vose vakakumbira ruregerero nokuda kwokundibata zvakaipa kwavakanga vaita uye nokuda kwokugera musoro wangu ndisingadi. Vose zvavo vakandikumbira kuti ndivakanganwire.” Gare gare, munin’ina waSibongili akataura kupwiswa kwake kuti Zvapupu zvaJehovha zvine rudzidziso rwechokwadi, uye akakumbira fundo yeBhaibheri.
Rangarira mumwe muenzaniso: Mumwe murume wokuSouth Africa anonzi Benjamin akanga ane makore 29 okukura paakanzwa pamusoro porufu rwapakarepo rwababa vake. Panguva iyoyo, Benjamin akanga achingova iye bedzi chapupu mumhuri yake. Mukati memariro, munhu wose aikarirwa kuita mutsetse achipfuura napaguva vachikanda mavhu pabhokisi.d Pashure pokuviga, mitezo yose yemhuri yapedyo yakagera misoro yayo. Sezvo Benjamin akanga asina kugoverana mune iyi miitiro, vavakidzani nemitezo yemhuri vakafanotaura kuti aizorangwa nomudzimu wababa wake vakafa.
“Nemhaka yokuti ndakaisa chivimbo changu muna Jehovha, hapana chakaitika kwandiri,” Benjamin anodaro. Mitezo yemhuri yakacherekedza nzira iyo zvinhu zvakanga zvamufambira nayo. Pashure penguva yakati, vakati kuti vavo vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokubhabhatidzwa mukuratidzira kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari. Uye zvakadini naBenjamin? Akapinda mubasa renguva yakazara rokuparidza evhangeri. Kwamakore mashomanene apfuura, akava neropafadzo yakaisvonaka yokubatira ungano dzeZvapupu zvaJehovha somutariri anofambira.
[Mashoko Omuzasi]
d Vamwe vangasaona pane chakaipa kukanda maruva kana kuti mavhu muguva. Zvisinei, muKristu angadzivisa muitiro uyu kana nzanga ichiuona senzira yokunyaradza nayo vakafa kana kuti kana ruri rutivi rwomutambo unotungamirirwa nomufundisi worudzidziso rwenhema.—Ona Mukai! yechiNgezi yaMarch 22, 1977, peji 15.