RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/1 pp. 4-7
  • Kushandura Hunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandura Hunhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Echinetso
  • Hunhu Hunoshandurwa!
  • “Dhiabhorosi woRugwaro”
  • Dzorero
  • “Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Nei Tichikwegura Ndokufa?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • “Shoko raMwari Ibenyu”
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Vatongi Munzvimbo Yomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/1 pp. 4-7

Kushandura Hunhu

“VANHU havasati vachingorarama bedzi kupfurikidza nokurwisa zvakaipa,” akadaro muzivi Sir Isaiah Berlin. “Ivo vanorarama kupfurikidza nenharidzano dzakanaka, dzomunhu oga kana kuti dzeboka.” Asi vangani vanogona kuwana “nharidzano dzakanaka” dzakadaro? Kazhinji kazhinji zvikuru hunhu hunokombamira kune chiri chakashata uye chinoparadza.

MuBritain, somuenzaniso, utsotsi hwamasimba masimba misi ichangobva kupfuura hwakasvetuka 11 muzana. “Basa redu,” rinodaro gurukota guru reBritain, “kuedza kuwana zvinodzora kuitira kuti shambidziko huru igogona kupfuurira.” Asi ko mitemo nedzvinyiriro yezvamatongerwe enyika, zvisinei hazvo nokuti zvine vavariro yakanaka sei, zvinogona chaizvoizvo here kuchinja kombamiro yavanhu yokuita chiri chakaipa? Idi rokuti kusateerera mutemo kuripo uye kunowedzera pasinei zvapo nemitemo, uye kunyange pasinei zvapo nokutarisira kuchengetwa kwemitemo kwakasimba, rinozvitaurira rimene. Chimwe chinhu chinopfuura chinodzora chapamutemo chinodikanwa. Hunhu humene hwavanhu hunofanira kuchinja.

Bhaibheri, richiva nomurangariro wokutendeseka, une mufungo woupenyu, rinorondedzera mavara akashata omunhu. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyorera maKristu biyake aiva muGaratia pamusoro pa“mabasa outere, ane tsvina, uye asakafanira . . . Vanhu vanova vavengi uye vanorwa; vanova neshanje, vakashatirwa, uye . . . vanochochora, vanodhakwa, vanova namabira okunwa, uye vanoita zvimwe zvinhu zvakafanana naizvozvi.” Mukuwirirana neToday’s English Version, yanokorwa mashoko pamusoro apa, iyi miitiro yose yakashata ndiyo “zvinoita hunhu.”—VaGaratia 5:19-21.

Mavambo Echinetso

Today’s English Version, zvisinei, ishanduro yamadiro uye kutaura kwokuti “zvinoita hunhu” kunongova zvako kutaurwa namamwe mashoko kweizvo Pauro akataura zvomenemene. Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro, sarx, rinoreva “nyama,” kwete “hunhu.” Nokuda kweichi chikonzero, shanduro chaidzoidzo dzinotaura pano nezva“mabasa enyama” kupa kutaura kwaPauro nenzira yakarurama mururimi rwedu rwazvino uno.a

Nhauro yeBhaibheri yokupinda kwechivi muvanhu yakajeka uye yakapfava—chaizvoizvo, yakapfava kwazvo zvokuti vazhinjisa vanosarudza kusaidavira. Iyi ndiyo nzira iyo Pauro akairondedzera nayo: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vakanga vatadza vose.” (VaRoma 5:12, NW) Pauro pano ari kunongedzera kuna Genesi, bhuku rokutanga reBhaibheri, uye kukusikwa kwomurume wokutanga, Adhama, uye mudzimai wake, Evha. Kusateerera kwavo kwamaune kunosanozivikanwa. Nemhaka yako, ivo vakatongerwa kurufu. Vana vavo vakagara nhaka kusakwana kwavo uye nenzira yakafanana vakafa. Naizvozvo ipapoka, “vose vakatadza ndokukundikana kusvika mbiri yaMwari.” Nokuda kweichi chikonzero chikuru, hunhu nhasi zvikurukuru kuratidzirwa kwakasvibiswa kwouko hwakanga hwakaita apo Mwari pakuvamba akasika munhu akakwana.—VaRoma 3:23, NW; Genesi, ganhuro 2 ne 3.

Hunhu Hunoshandurwa!

Kunobvira, zvisinei, kukurira akawanda amavara akaipa zvikurusa ohunhu. Zvirokwazvo, Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kuchinja hunhu hwedu mupfungwa yokuchinja hunhu hwedu. Seiko? Neyamuro yomudzimu mutsvene waMwari.—VaRoma 8:9.

Pauro, mutsamba yake kumaKristu biyake paKorose, akakutaura neiyi nzira: “Bvisai hunhu hwekare nemiitiro yahwo, uye zvipfekedzei mumene hunhu hutsva, uhwo kupfurikidza nezivo yakarurama huri kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo waIye akahusika.” Pakati pemiitiro yohunhu hwekare, iye anoronga mamwe amavara ayo anosunda vanhu kukombamira kuchiri chinoparadza: chishuvo chinokuvadza, kutsamwa, hasha, uye ushati.—VaKorose 3:5-10, NW.

Achinyora nenzira yakafanana kumaKristu apaEfeso, Pauro anodudza zvakare kudikanwa kwo“hunhu hutsva,” uhwo iye anovaudza kuti “hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari nokururama kwechokwadi noruvimbiko.” (NW) Iye anokudziridza kurukurirano yake nokutaura, kuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi.”—VaEfeso 4:24, 31, 32.

Ko mashoko aPauro akanga ari echokwadi here? Ko hunhu hunogona chaizvoizvo here kuchinjwa? Eya, ufakazi ndohwokuti maKristu iwayo apakuvamba akaita chinjo huru muupenyu hwawo. Seboka ravanhu, ivo vakaparadzana nenyika yakanga yakavapoteredza. Justin Martyr, wezvenhau munguva dzechiKristu dzapakuvamba, akanyora, kuti: “Isu taivengana nokuparadzana, uye, nemhaka yomusiano wetsika, tairamba kugara navanhu vorudzi rwakasiana, zvino, chifo chokuoneka kwaKristu, tinogara mukuwirirana nekurukurirano yakarovedzeka navo, uye tinonyengeterera vavengi vedu, uye tinovavarira kunyengetedza avo vanotivenga pasina chikonzero kuti tigare nenzira inowirirana nemirairo yakakwana yaKristu.”

Zvakadiniko nanhasi? Kuchiri kunobvira here kuita chinjo huru dzakadaro muhunhu hwomunhu? Hungu! Makumi ezviuru emienzaniso anoratidza kuti chinjo dzinoshamisa dzichiri kuitika. Unotevera unongova mumwe chete wayo.

Stephen akarererwa muimwe yenzvimbo yamasimba okugadzira zvinhu yeEngland. Baba vake vakanga vari vasingatendi kuvapo kwaMwari. Pazera ramakore 12, Stephen akatongerwa kumakore matatu okugara muchikoro chokuvandudza. Iye akanga areurura mhaka 64 dzokupaza! Iye akakurumidza kurasikirwa noruremekedzo nokuda kwechiremera chipi nechipi, uye sezvaaikura, mhaka dzake dzakava dzakakomba zvikuru. Idzo dzakabatanidza kurozva, kudhakwa, mufambiro usina nhevedzano, uye kudenha mapurisa, iri mhaka yokupedzisira Stephen akatumirwa kutorongo. Hunhu hwake hwakava hwamasimba masimba zvikuru. “Hakuna mhaka munhu asina umwari asati achizopara kana zvinodikanwa zvake zviri zvikuru zvakakwana,” iye akadaro.

Chiiko chaigona kuchinja tsotsi ramakoko rakadaro? Stephen pakupedzisira akagamuchira betsero yakabva kumukoma wake uyo akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge afunda Bhaibheri kwenhambo pfupi yenguva, Stephen akatanga kupfeka “hunhu hutsva.” Chinjo dzaakaita dzaishamisa zvirokwazvo. Zvino, makore mashanu gare gare, iye akaroora zvinofadza uye mutezo wakavimbika weungano yeZvapupu zvaJehovha, umo iye anobatira somubatiri anoshumira.

Naizvozvo hunhu hunogona kuchinjwa muzvinoitika zvomumwe nomumwe. Asi utera hwomunhu ndihwo chikonzero bedzi here cho‘kusekesa shambidziko’ nhasi?

“Dhiabhorosi woRugwaro”

Muapostora Pauro akanyora uporofita hunoshamisa pamusoro paaya “mazuva okupedzisira.” Mashoko ake anonyorwazve mubhokisi riri pamusoro apa. Cherechedza kuti mwero mukurusa wamasimba masimba nezvakaipa unounza “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” Hunhu hune mutoro chose chose here waikoku kwose?—2 Timotio 3:1, NW.

Aiwa, kune chimwe chinhuzve, simba rakaipa rezvakaipa riri kushandisa utera hwavanhu. Sezvo vanhu vachikuwana kwakaoma kudavira kuti munhu akagara nhaka chivi, ivo nenzira yakafanana vanokuwana kwakaoma kubvuma kuti kune simba guru kumunhu rinotsvaka kumushandisa. Asi Bhaibheri rinotaura kuti simba rakadaro riripo: Satani Dhiabhorosi.

Shoko rokuti “Dhiabhorosi” (rinoreva, “mucheri”) rinooneka ka 33 muBhaibheri, uye “Satani” (rinoreva, “mudzivisi”) ka 52. Zhinjisa dzeidzi nongedzero dzine chokuita nomunhu womudzimu akaipa mumwe cheteyo. Vamwe, kunyanguvezvo, vanoramba kuvapo kwaSatani chaiyeiye, vachida zvavo kuti: “Hunhu nekombamiro yahwo yokutadza ndiye dhiabhorosi woRugwaro.”b Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, munhauro yomubatiri akatendeka waJehovha Jobho, rugwaro rwechiHebheru runoshandisa kutaura kwokuti has·Sa·tanʹ, iye Satani, uye pana Ruka 4:2, tinorava kuti akanga ari iye Dhiabhorosi (chiGiriki, ho di·aʹbo·los) akaedza Jesu. (Jobho 1:6) Muzvinoitika zvose zviri zviviri, munhu chaiye anodudzwa mugirama. Hunhu hahubatanidzwi.

Muapostora Pauro anowedzera kunzwisiso yedu yokuti Satani ane simba sei apo, mukunyorera VaEfeso, iye anotaura pamusoro pa“vatongi venyika verima rino, . . . masimba akaipa omudzimu ari munzvimbo dzokudenga.” (VaEfeso 6:12, NW) Pamwe chete naSatani Dhiabhorosi, “vatongi venyika” ivavo madhemoni, zvisikwa zvomudzimu zvakaipa zvisingaoneki. Izvo zviri “kutsausa pasi rose rinogarwa,” kushandisa zvakaipa mugariro wakawa womunhu kusvikira kutambanuko hurusa inobvira. (Zvakazarurwa 12:9, NW) Kuri nokuda kweichi chikonzero kuti Pauro anokurudzira zvakasimba muKristu mumwe nomumwe ku“mira akasimba mukurwisana namano aDhiabhorosi.” Iye ndiye chisakiso chikuru choushati hwavanhu hwatinoona makatipoteredza.—VaEfeso 6:11, NW.

Dzorero

Petro, mugari wapanguva imwe cheteyo waPauro, anotivimbisa kuti Satani namadhemoni ake havasati vachizovapo nokusingaperi kuti vatyisidzire rudzi rwomunhu. Iye anoti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara muna izvozvi.” (2 Petro 3:13, NW) Zvamazvirokwazvo, nokukurumidza zvino, zvakaipa muratidzirwo yazvo yose hazvisati zvichizovazve rutivi rwechiono chavanhu. Satani namadhemoni ake vachaparadzwa. (VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 20:1-3) Ipapo, zvamazvirokwazvo, hunhu hucharatidzira “mbiri yaMwari,” noupenyu husingaperi kariro yechokwadi yemhuri yavanhu.—VaRoma 3:23, NW.

“Nguva dzose ndakataura uye nguva dzose ndichataura,” akadaro purezidhendi weAmerica Thomas Jefferson, “kuti kunzverwa kwokushingaira kweVhoriyamu Tsvene kuchaita vagari vemo vari nani . . . Bhaibheri rinoita vanhu vakanakisisa munyika.” Sezvataona, hunhu hwedu hunogona kushandurwa kana tikapa shoko rine simba reBhaibheri banza rokupesvedzera upenyu hwedu. (VaRoma 12:2) Tinogona kusarudza kusvasvavirira kuti tibate chiri chakaisvonaka nechoumwari. Uye kutisimbisa munhamburiko yedu yokuvandudza, tinogona kusarudza kusonganirana naavo vanoda zvapachokwadi kuita zvimwe chetezvo. (VaHebheru 10:24, 25) Zvapupu zvaJehovha zvinodisa kukubetsera munzira iri yose inobvira. Kuregerereiko kuonana nazvo zvino!

[Mashoko Omuzasi]

a Enzanisa: New World Translation of the Holy Scriptures; The Holy Bible, rakanyorwa naRobert Young; The Emphasised Bible, rakanyorwa naJoseph B. Rotherham; The Holy Bible in Modern English, rakanyorwa naFerrar Fenton; The Modern Reader’s Bible, rakanyorwa naRichard G. Moulton.

b Kutaura kwapamutemo kwechitendero chechiKristaderfinizimu, sekete yechiKristudhomu.

[Bhokisi riri papeji 6]

“Mazuva Okupedzisira”—Rondedzero yeBhaibheri

“Asi ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vadi vemari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vamhuri, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasingavimbiki, vasina rudo rwomuzvarirwo, vasingadziuriri bvumirano ipi neipi, vacheri, vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako, vanyengeri, vasingadzoreki, vanozvikwidziridza namanyawi, vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari, vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vachibvumikisa kuva venhema kusimba rako; uye ibva pana ivava.”—2 Timotio 3:1-5, NW.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nokukurumidza, hunhu hucharatidzirazvizere mbiri yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe