Kucheka Zvakawanda Kunounza Mufaro muTaiwan
TAIWAN chitsuwa chakareba makiromita 390 namakiromita 140 kufara. Nechiverengero chavagari vemo chavanopfuura 20 000 000, ndiimwe yenharaunda dzinogarwa navanhu vazhinjisa dzenyika. Vazhinjisa vavagari vemo vayo vanotaura chiChina, kana kuti Mandarin Chinese seizvo vokuMadokero vanochidana. Asi tumitauro tunoverengeka nemitauro yamarudzi inenge 13 inotaurwawo muno.
Iri paTropic yeCancer, Taiwan chitsuwa chakaorera zvikuru, ichibudisa kukohwiwa kwakawanda kwakadaro kwomupunga nezvimwe zvirimwa zvokuti yazova inoendesa zvokudya kune dzimwe nyika. Zvisinei, kukohwiwa kworumwe rudzi kuri kuunza mufaro mukuru kuavo vakabatikana makuri. Uku kukohwiwa kwomudzimu kwaavo vanogamuchira zvakanaka “mashoko akanaka oumambo.”—Mateo 24:14, NW.
Kudyara Kuduku Kwokutanga
Basa rokukusha mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri muTaiwan rakavamba anenge makore 60 apfuura, apo mumiriri weWatch Tower Society akabva Japan ndokukurukura hurukuro dzeBhaibheri muTaipei, dzimbahwe racho. Mumwe murume muduku weJapan anonzi Saburo Ochiai akagamuchira zvakanaka shoko roUmambo uye nokukurumidza akavamba kutaura kuvamwe pamusoro paro. Gare gare, vashumiri venguva yakazara vaviri vakabva Japan vakafamba-famba muchitsuwa chacho, vachikusha mbeu dzamashoko akanaka. Pakupedzisira, ivo vakapinzwa mutorongo navakuru vehondo veJapan ndokupa upenyu hwavo nokuda kwoUmambo hwaMwari. Dzakawanda dzembeu dzavakanga vakusha dzakamera nokukurumidza pakati porudzi rweAmis, asi fariro duku yakawanwa pakati pavanhu vazhinji veChina vanogara pamhenderekedzo yokumadokero yechitsuwa chacho. Ivo zvikurukuru vaBuddha kana kuti vaTao.
Basa rokucheka kwomudzimu muTaiwan rakapfuurira kuvambira pamavambo iwayo maduku, zvokuti nhasi chitsuwa chacho chazova munda unobereka zvibereko. Somuenzaniso, mumakore mashanu apfuura, vanhu 529 vakabhapatidzwa, zvikurukuru vakabva pakati pechiverengero chavagari vemo vechiChina. Ikoku kwakasvitsa chiverengero chavazivisi voUmambo pachitsuwa chacho kuchiverengero chapamusoro chavane 1 552 muna 1989. Hungu, vaTao, vaBuddha, uye maKristu nezita vari kugamuchira mashoko akanaka uye vari kudzidza pamusoro paJehovha Mwari! Asi kutaura pamusoro peBhaibheri kuvanhu vane migariro yakare yakasiana-siana yakadaro kwakaita sei? Uye ndeipi yave iri miuyo?
Kugamuchira Kwoushamwari Kunorwisana Nefariro Yechokwadi
Basa rokuparidzira muTaiwan riri zvose zviri zviviri rinotusa nerinodenha nemhaka yokuti vanhu vechiChina vane ushamwari nomusikirwo. Kazhinji kazhinji, vanoteerera norupfave kuvashanyi. Apo mabhuku eBhaibheri anogoverwa, anowanzogamuchirwa nemhaka yokuti akanaka. Somuuyo, vashumiri venguva yakazara vakagovera magazini edu anosvika ku 300 kana kuti vakawana kuzvinyoresa 100 kumagazini mumwedzi mumwe. Mumakore apfuura, maBhaibheri akawanda, mabhuku, magazini, uye maturakiti zvakasiiwa zvine vanhu. Neiko, ipapoka, wedzero muvaparidzi voUmambo yave ichinonoka zvikuru?
Chikonzero chimwe chinobatanidza pfungwa dzaConfucius idzo dzakaumba kufunga kwavanhu kwamazana amakore. Mukuwirirana naConfucius, iye uyo “kupfurikidza nokuremekedza Midzimu anoichengeta iri kure, anganzi akachenjera.”a Pfungwa yacho ndeyokuti munhu akachenjera haasati achinyanyobatanidzwa nokunamatwa kwemidzimu kana kuti vamwari. Nokudaro, vazhinji vangava vanoda kuziva shoko roUmambo, asi vashomanene vanoda kubatanidzwa mufundo yeBhaibheri. Ipapowo, kunyange zvazvo vaChina vachidavira mumidzimu yakawanda navamwari, murangariro woMusiki mukurusa ndowechienzi chose kuvazhinjisa vavo. Kupfuurirazve, kunyange vanhu veBhaibheri vanozivikanwa navose vakadai saAbrahama naDhavhidhi vangareva zvishomanene kwavari. Naizvozvo, hakuna kuoma kuona chikonzero nei nguva yakawanda neshiviriro zvichidikanwa kubetsera vanhu muno kugamuchira Bhaibheri seShoko rakafuridzirwa raMwari nokutanga ukama hwomunhu oga noMusiki, Jehovha Mwari. Nechikomborero chaJehovha, zvisinei, nhamburiko dzakadaro dziri kutuswa.
Sundo Yokukura
Kwamakore akawanda, ungano dzavanhu vaJehovha muTaiwan dzaishandisa horo dzinorendwa nokuda kwemisangano yadzo. Kudikanwa kwenzvimbo yemisangano yakakodzera zvikuru kwakaunzwa kungwariro yavakuru muimwe ungano apo munhu anofarira akati: “Kana imi mune zvokwadi, muri kuitei munzvimbo yakadai seiyi? Neiko musina nzvimbo yemisangano yechigarire?” Naizvozvo norutsamiro pana Jehovha, ungano iyoyo yakatanga kutsvaka nzvimbo yakakodzera yeHoro yoUmambo. Pakupedzisira, vakatenga mafurati maviri ari pedyo nepedyo muchivako chikuru, uye zvino vane Horo yoUmambo yakaisvonaka.
Mumakore matanhatu okupedzisira, Horo dzoUmambo 11 dzakavakwa kana kuti kutengwa muTaiwan. Muchinoitika chimwe nechimwe, ikoku kwakaguma nokucheka kwakawedzerwa navanopinda misangano vakawanda. Muenzaniso mumwe wakanga uri ungano muguta rokumaodzanyemba reTainan. Muna 1981 iri guta guru ravanhu 600 000 raingova bedzi neungano imwe duku yavaparidzi voUmambo 44. Nenzira iri madikanwa iri boka rakasarudza kuvaka Horo yoUmambo yavo vamene. Nokutenda kuti Jehovha aizovakomborera, hama nehanzvadzi vakafambira mberi negadziriro yacho kunyange zvazvo horo yacho yaizoita mari inenge $200,000. Vamwe vakapa ndarama yavo inouya nomwenga pakuroorwa; vamwe vakasundira mberi nzendo dzokumhiri kwamakungwa. Munhu ari wose aiva muungano akapa tsigiro yakazara. Apo hama dzapahofisi yebazu yeWatch Tower Society dzakaziva nezveiyi gadziriro, dzakasarudza kuvaka musha wavafundisi pamusoro peHoro yoUmambo, nokudaro vachigoverana hafu yendyiko. Horo yakapedzwa mukati mamakore maviri. Muuyo wacho? Pakasvika nguva yakapedzwa Horo yoUmambo, hwerengedzo yavaparidzi yakanga yasvika 74! Panguva ino, ungano mbiri, nehwerengedzo yavaparidzi 160, dziri kushandisa horo iyoyo, uye vanopinda misangano vhiki nevhiki vanoita avhareji yavanenge 250. Ungano mbiri zvino dziri kuronga kuvaka Horo yoUmambo yechipiri.
Kucheka Pakati Pamapoka Orudzi
Kucheka pakati pamapoka orudzi pamhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeTaiwan kwave kuchipfuurira chibviro chamavambo amene ebasa roUmambo pachitsuwa chacho. Vamwe vavanhu veAmis vakatanga kudzidza zvokwadi makore anopfuura 50 apfuura vachiri vanoshingaira. Mumakore apfuura, ivo vakasangana nedenho dzakawanda. Mukati mokutapa kweJapan muHondo yeNyika II, ivo vaifanira kudzidza chiJapan. Apo chitsuwa chacho chakadzorerwa kuChina pashure pehondo, ivo vaifanira kudzidza mutauro wechiChina. Mukuvamba kwama 1960, ivo vakatarisana nomuedzo worumwe rudzi. Panguva iyoyo vakatanhamara vazhinji vorudzi rwechiAmis vakasia sangano rakachena raJehovha kana kuti vakabvumikisa kuva vasingakodzeri nokuda kwesonganirano naro. Muna ikoku kwose, musimboti weZvapupu zvakatendeka wakapfuurira kubatira Jehovha. Vazhinji vavazukuru veidzi hama nehanzvadzi vakura vakavimbika zvino vari kutungamirira mubasa rokuparidzira.
Vanhu vanobva mumamwe mapoka orudzi vakafambirawo mberi mumudzimu. Somuenzaniso, pane boka rakatendeka ravaparidzi voUmambo pakati porudzi rweBunun. Vamwe vavanasekuru vavo vemisi ichangobva kupfuura iyi vaiva vatsvaki vemisoro yavanhu. Zvino ava vanhu vari kuparidzira shoko rine rugare roUmambo hwaMwari. Marudzi eLukai nePaiwan akagamuchirawo uchapupu hwakaisvonaka, uye vazhinji pakati pavo vakaita chinjo huru muupenyu hwavo. Ba Chu Fu anorondedzera chinoitika chake, achiti:
“Ndakaberekerwa munharaunda ine makomo yePingtung. Sezvo baba vangu vakanga vari mambo worudzi rweLukai, vanhu vaiunza zvipo zvezvokudya, naizvozvo taisafanira kuita basa rakaoma ripi neripi. Nemhaka youyu mugariro, ndakatanga mudzimu wokuzvitutumadza zvikuru. Ndakava ‘mambo’ wegen’a ramatsotsi, tichityisidzira vanhu nokupamba mari kwavari. Ndaityiwa mumusha mangu. Pazera ramakore 22, ndakatora mumwe wavasikana vangu vazhinji somudzimai. Asi kurarama kwoutere nokudutira zvakanga zvakadzika kwazvo mandiri zvokuti ndakawana upenyu hwokuroora hwakaoma kugamuchira. Nokukurumidza roorano yedu yakaparadzika, uye ndakadzokera kumararamiro angu ekare.
“Panenge panguva ino, mudzimai wangu akatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakanga ndisingafariri uye ndichizvirangarira ndimene kuva asingatendi kuvapo kwaMwari. Somuuyo wenhamburiko dzapachokwadi nedzokushingaira dzomudzimai wangu, zvisinei, muna 1973 ndakabvuma kumuperekedza kukokorodzano yamarudzi ose muTaipei. Takagara nemhuri yeZvapupu. Mutsa wehanzvadzi yechiChina nomutoo wokusafungira mano akaipa zvakaita munembo usingadzimiki pandiri. Pakudzokera kumusha, ndakatanga kufunda Bhaibheri uye ndakaita nhamburiko yapachokwadi yokuchinja. Ndakabhapatidzwa muna 1974.
“Chibviro chenguva iyoyo, kwave kune miedzo yakawanda. Mumwe wakanga uri kudzidza kurava chiChina. Kuva toga kwaiva mumwe. Nemhaka yokuti kwakanga kusina hama dzakakura mumudzimu dzokusonganirana nadzo kana kuti dzokutsvaka betsero kwadziri, ndakakurudzirwa kuvimba naJehovha. Ndakadzidza kuva anozvininipisa nokunamatira kusangano raJehovha. Muuyo wacho? Nhasi, vose vari mumhuri yangu vanoshingaira muzvokwadi. Ndine ropafadzo yokuva mubatiri anoshumira muungano, iyo zvino ine vaparidzi vanoshingaira 60. Kunyange zvazvo ndisina unyanzvi hupi nohupi chaihwo, Jehovha akakomborera uye akatsigira nhamburiko dzangu mubasa rokucheka.”
Kucheka Kunopfuurira
Taiwan runongova rutivi ruduku chete rwomunda wenyika yose. Bva, mashoko aJesu, “Kucheka kukuru, asi vacheki vashoma,” ndeechokwadiwo muno. (Mateo 9:37, NW) Gore rapera, vane 4 534 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Uye sezvo kucheka kunofambira mberi kumugumo, vashandi vave vachibishaira muTaiwan vari kukohwa nedanidzo yomufaro.—Enzanisa nePisarema 126:5, 6.
[Mashoko Omuzasi]
a The Analects, vii 20, seyakashandurwa naArthur Waley, muThe Analects of Confucius, 1938, Vintage Books, New York.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 31]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
JAPAN
CHINA
TAIWAN
PHILIPPINES
[Mifananidzo]
Horo yoUmambo ichangobva kuvakwa pamhenderekedzo yegungwa yeTaiwan
Vazivisi voUmambo vanounza mufaro kuvazhinji vari muiyi nyika yakasvibira