Chikonzero Nei Kunamata kwechiKristu Kuri Kukuru
Mapfundo Makuru Anobva Mutsamba kuVaHebheru
JEHOVHA MWARI akavamba mativi makuru okunamata apo akatuma Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kupasi. Ikoko kwakanga kwakadaro nemhaka yokuti Jesu, Muvambi wechiKristu, mukuru kungirozi nomuporofita Mosesi. Uprista hwaKristu ndohwoukuru hukuru pahunoenzaniswa nouhwo hwavaRevhi muna Israeri wakare. Uye chibairo chaJesu chikuru zvikuru kupfuura izvo zvemhuka dzaipiwa muMutemo waMosesi.
Mapfundo aya anojekeswa mutsamba kuvaHebheru. Sezviri pachena iyo yakanyorwa nomuapostora Pauro muRoma munenge muna 61 N.V. ndokutumirwa kuvatendi vechiHebheru muJudhea. Kubva munguva dzapakuvamba, maKristu echiGiriki neechiAsia airangarira kuti Pauro akanga ari munyori, uye ikoku kunotsigirwa nezvose zviri zviviri kurovedzana kwokunzwisisa kwomunyori naMagwaro echiHebheru uye kushandisa kwake kudziridzo ine mufungo, izvo zviri zvomuapostora. Angave akasiya zita rake nemhaka yefungira mano yakaipa yechiJudha kwaari uye nemhaka yokuti iye aizivikanwa so“muapostora wavahedheni.” (VaRoma 11:13) Zvino ngatisanoongororei mativi makuru echiKristu, saanoratidzwa mutsamba yaPauro kuvaHebheru.
Kristu Mukuru Kungirozi Uye Mosesi
Inotanga kuratidzwa inzvimbo huru yoMwanakomana waMwari. (VaH 1:1–3:6) Ngirozi dzinomukotamira, uye kutonga kwake kwoumambo kunotsamira pana Mwari. Naizvozvo tinofanira kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kuzvakataurwa noMwanakomana. Uyezve, tinofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo munhu Jesu akanga akaderera kupfuura ngirozi, iye akakwidziridzwa pamusoro padzo ndokupiwa udzori pamusoro papasi rinogarwa richauya.
Jesu Kristu mukuruwo kuna Mosesi. Seiko? Eya, Mosesi akanga ari bedzi murindiri muimba yaMwari yaIsraeri. Zvisinei, Jehovha akaisa Jesu pamusoro peimba yose iyoyo, kana kuti ungano yavanhu vaMwari.
MaKristu Anopinda Muzororo raMwari
Muapostora anotevera kuonesa kuti zvinobvira kupinda muzororo raMwari. (3:7–4:13) VaIsraeri vakasunungurwa muusungwa hweEgipita vakakundikana kupinda mariri nemhaka yokuti vakanga vasingateereri uye vaisava nokutenda. Asi isu tinogona kupinda muzororo iroro kana tikashandisa kutenda muna Mwari ndokutevera Kristu nenzira yokuteerera. Ipapo, panzvimbo pokungochengeta chete Sabata revhiki nevhiki, tichafarikanya zuva nezuva chikomborero chikuru chokuva nezororo mumabasa ose oudyire.
Kupinda muzororo raMwari chipikirwa chimwe cheshoko rake, iro “rinopinza kupfuura munondo upi noupi unocheka kuviri uye rinobaya kunyange kusvikira panoparadzaniswa mweya nomudzimu.” (NW) Rinoita saizvozvo mukuti rinopinda kuzonzwisisa vavariro nezvimiro, kuparadzanisa pakati pezvishuvo zvenyama nechimiro chendangariro. (Enzanisa naVaRoma 7:25.) Kana “mweya,” wedu kana kuti upenyu somunhu, ukabatanidzwa no“mudzimu,” woumwari kana kuti chimiro, tinogona kupinda muzororo raMwari.
Uprista Hukuru Uye Sungano
Pauro anotevera kuratidza ukuru hwouprista hwaKristu uye hwesungano itsva. (4:14–10:31) Jesu Kristu asina chivi ane tsitsi kuvanhu vanotadza nemhaka yokuti, kufanana nesu, akaedzwa mumativi ose. Uyezve, Mwari akamugadza kuva “muprista nokusingaperi mukuwirirana nomutoo waMerkizedheki.” (NW) Kusafanana navaprista vakuru vaRevhi, Jesu ane upenyu husingaparadzwi uye nokudaro haadi vatsivi mubasa rake rokuponesa. Iye haafaniri kupa zvibairo zvemhuka, nokuti iye akapa muviri wake mukuru zvikuru usina chivi uye akapinda mudenga noukoshi hweropa rake.
Sungano itsva, inosimbiswa neropa raJesu, ihuru kusungano yoMutemo. Avo vari musungano itsva vane mitemo yaMwari mumwoyo wavo uye vanofarikanya kanganwirwo yezvivi. (Jeremia 31:31-34) Kuonga nokuda kwaikoku kunovasunda kuita ziviso yapachena yetariro yavo uye kuungana navatendi biyavo. Kusafanana navo, vatadzi vamaune havachisina chibairo chipi nechipi nokuda kwezvivi.
Kutenda Kunokosha!
Kuti tibetserwe nesungano itsva huru, tinoda kutenda. (10:32–12:29) Tsungiriro inodikanwawo kana tichizogamuchira izvo Jehovha akapikira. Sekurudziro kutsungiriro, tine ‘gore guru’ rezvapupu zvapamberi pechiKristu rakatipoteredza. Zvikurukuru, zvisinei, tinofanira kusanorangarira nzira yaJesu isina chikanganiso mukutambura. Kutambura kupi nokupi uko Mwari anobvumira kutiwira kungarangarirwa mupfungwa yakati sechirango chinogona kubereka chibereko chorugare chokururama. Kuvimbika kwezvipikirwa zvaJehovha kunofanira kuwedzera chishuvo chedu chokumuitira basa dzvene “norutyo rwoumwari nokudedera.”
Pauro anopedzisa namazano. (13:1-25) Kutenda kunofanira kutisunda kuti tiratidzire rudo rwouhama, kuva nomutsa, kuyeuka vatendi biyedu vanotambura, kurangarira roorano norukudzo, uye “kugutsikana nezvinhu zviripo.” Tinofanira kutevedzera kutenda kwaavo vanotungamirira muungano uye tinofanira kuvateerera. Uyezve, tinofanira kudzivisa kuwa pakutenda, kutakura ruzvidzo urwo Jesu akatakura, “nguva dzose kupa kuna Mwari chibairo cherumbidzo,” uye kupfuurira kuita zvakanaka. Mufambiro wakadaro uriwo pakati pamativi makuru echiKristu chechokwadi.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
Rubhapatidzo Rwakasiana-siana: Mativi okunamata patebhernakeri yaIsraeri aiva nechokuita bedzi ne“zvokudya nezvokunwa norubhapatidzo rwakasiana-siana.” (VaHebheru 9:9, 10, NW) Rubhapatidzo irworwu rwaiva kugeza kwomuitiro kwaidikanwa noMutemo waMosesi. Midziyo yaisvibiswa yaigezwa, uye kuchenesa kwetsika kwaibatanidza kugeza nguvo dzomumwe uye kushamba. (Revhitiko 11:32; 14:8, 9; 15:5) Vaprista vaishamba, uye zvinhu zvaiva nechokuita nezvipiriso zvaipiswa zvaisukurudzwa mumvura. (Esksodho 29:4; 30:17-21; Revhitiko 1:13; 2 Makoronike 4:6) Asi “rubhapatidzo rwakasiana-siana” rwaisabatanidza ‘kushamba makomichi, mikombe, uye midziyo yendarama’ kwomuitiro kwaiitwa navaJudha panguva yakasvika Mesia; uyewo VaHebheru 9:10 hainongedzeri kukunyika mumvura kwaiitwa naJohane Mubhapatidzi kana kuti kurubhapatidzo rwaavo vari kuratidzira tsauriro yavo kuna Mwari samaKristu.—Mateo 28:19, 20; Marko 7:4; Ruka 3:3.