Mienzanisiro—Chinokosha Kukusvika Mwoyo
DHAVHIDHI ave achimhanya nokuda kwoupenyu hwake. Muvengi wake ndiSauro, mambo akazodzwa waIsraeri. Zvisinei, Sauro murume akazara noruvengo nokuda kwaDhavhidhi, apedzwa negodo. Mukutsvaka kwake kwokuponda, mambo zvino aunza varwi 3 000. Vapfuurwa zvikuru kwazvo muchiverengero, Dhavhidhi navarume vake vavanda pasi mukati mebako murenje.
Sezvo Dhavhidhi navarume vake vanoungana pamwe chete murima, mugariro wacho unova nechinoitika chinoshamisa. Mambo Sauro anopinda muiri bako rimene kuti afukidze tsoka dzake. Dhavhidhi anosvika chinyararire pamuvengi wake asingagoni kuzvibetsera, chombo chiri muruoko. Asi kukushamiswa kwavarume vaDhavhidhi, iye haaurayi mambo. Iye anongogura zvake mupendero wenguvo yaSauro. Achidemba kunyange ikoku, Dhavhidhi anoti: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.”—1 Samueri 24:1-6.
Iyi nhauro yeBhaibheri inodzidzisa chidzidzo chikuru pamusoro poruremekedzo nokuda kwechiremera chakapiwa naMwari. Inosvikawo mwoyo, zvichida kunyange nenzira inobudirira zvikuru kupfuura zano rakananga. Rakadaro isimba renhauro dzakanyorwa muShoko raMwari nokuda kwomuraidzo wedu.—VaRoma 15:4.
Nenzira inowirirana, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuita zvinopfuura kutaura maidi apo zvinoparidzira mashoko akanaka, kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha, kupa hurukuro dzapaMagwaro, kana kuti kupupurira nenzira yamasanga. Izvo zvinoedza kusvika mwoyo kupfurikidza nokurondedzera zvinoitika nokushandisa mienzanisiro. Bhuku Rinotungamirira reChikoro choUshumiri razvo rinotsanangura, kuti: “Mienzanisiro inokuchidzira fariro uye inosimbisa mifungo mikuru. Inonyandura mano okufunga kwomunhu ndokukuita nyore nyore zvikuru kunzwisisa mifungo mitsva. . . . Paimwe nguva, muenzanisiro ungashandiswa kunzvenga fungira mano.”a—Peji 168.
Mubhuku rake Essentials of Public Speaking, Warren DuBois anoti: “Munyori kana kuti mukurukuri ngaataure pfungwa dzake kupfurikidza nezviito kana kuti mashoko avanhu, uye nhau isingafadzi zvikurusa inova noupenyu uye yakajeka.” Nokudaro, kuwedzera upenyu nokujeka kushoko rinotofadza nerinopa upenyu kune chokwadi chokubetsera vashumiri vechiKristu kusvika mwoyo.
Mienzanisiro Inodzidzisa
Rudzii rwomuenzanisiro runoshanda zvakanakisisa? Kazhinji kazhinji, uyo wakavakirwa pachimwe chinhu icho vateereri vanogona kusatana kuziva. Jesu Kristu akagadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku. MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akataura pamusoro pezvinhu zvinozivikanwa navose zvakadai somunyu, mwenje, uye shiri. (Mateo 5:1–7:29) Somuenzaniso, munhu ari wose akanga akarovedzana nomwenje yaipisa mafuta omuorivhi uye iyo pane dzimwe nguva yaiiswa pachigadziko chomwenje. Naizvozvo, vadzidzi vaJesu vanofanira kuva vakaziva kuti vanofanira kuva vatakuri vechiedza chomudzimu apo akavaudza, kuti: “Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:15, 16) Mienzanisiro isina kuoma kunzwisisa iyo inokodzera nhau ichabetsera vashumiri vechiKristu kujekesa pfungwa nedzidziso dzeBhaibheri.
Zvichida mienzanisiro ine simba zvikurusa yaJesu yainangidzira ngwariro pavanhu. Rangarira iyo yakanyorwa muna Ruka ganhuro 15 ne 16. Vanyori navaFarise vakanga vatsoropodza Jesu nokuda kwokugamuchira vatadzi navateresi. Mumhinduro, iye akataura nhau dzinoorora pamusoro pavanhu. Iye akataura pamusoro pomufudzi akawana gwai rake rakarasika, mukadzi akawana mari yakarasika, mwanakomana anopambadza akadzokera kumusha, uye mutariri asina kururama.
Mienzanisiro chaiyoiyo nezvinoitika zvechokwadi zvinogona kuva zvinobetsera zvikuru kumushumiri wechiKristu. Somuenzaniso, cherechedza kuti Alexander H. Macmillan, uyo akafamba zvikuru somukurukuri wapachena kwamakore 60, akatsanangura sei zvokwadi yeBhaibheri pamusoro pavakafa. Chinguvana pamberi porufu rwababa vake, avo vaidavira kuti mweya hautongofi, Macmillan akava neiyi kurukurirano navo:
“Baba vangu vakandibvunza mubvunzo wakananga: ‘Mwanakomana, ndichava noushoma here muguva pandinenge ndakamirira kuti umambo huvambe basa rahwo rokuzadza pasi nokukwana?’
“Iwoyo wakanga uri mubvunzo murume muduku aisagona kupindura nyore nyore kusvikira kugutsikano yomunhu akura akanga asina kutongofunga izvozvo.
“Mumhinduro ndakavabvunza, kuti: ‘Baba, marara zvakanaka here usiku hwapfuura?’
“Vakapindura kuti, ‘Hungu, mwanakomana wangu, ndadaro pashure pokunge chiremba andipa mapiritsi anokotsirisa.’
“‘Maiva noushoma here pamanga makarara?’
“‘Aiwa, ndanga ndisina. Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kurara nguva yose, nokuti panguva iyeyo handinzwi marwadzo.’”
A. H. Macmillan ipapo akarava Jobho 14:13-15 uye 3:17-19 kuna baba vake ndokuti: “Naizvozvo munoonaka, baba, vakafa vari mukurara kworufu uye havazivi chinhu vari mumugariro iwoyo, naizvozvo vangagona sei kuva noushoma?”
Kudzidzisa kunobudirira kwakadini! Kana iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, iwewo unogona kushandisa magwaro nemienzanisiro kuti ufadze ndangariro nomwoyo.
Kuwana Mienzanisiro
Asi ndokupi kwaunogona kuwana mienzanisiro inobudirira kana kuti zvinoitika zvechokwadi? Yakawanda inogona kubudiswa muzvinoitika zvako zvomunhu oga zvakawanda. Somuenzaniso, unoda here kuenzanisira zvikomborero zvokutenda, simba romunyengetero, kana kuti mufaro woushumiri? Kana iwe uri muKristu akazvitsaurira, sezvingabvira ungagona kurondedzera zvinoitika zvakasiana-siana zvomuupenyu hwako umene. Unganzwa zvinoitika zvakaisvonaka pamusangano weungano kana kuti pakutaura namaKristu biyako. Kana kuti ungarava chinoitika chinokurudzira muYearbook of Jehovah’s Witnesses. Kutaura idi, Watch Tower Publications Index inosvitsa kuzvinoitika zvakatsikirirwa zvinobva munyika yose.
Unogona sei kutaura chinoitika nenzira inobudirira? Kutanga, kuparira mwero wakati wekariro kunokubetsera kubata ngwariro yavateereri vako. Ungatanga chinoitika nokutaura kuti: “Mumwe piona akadzidza zvakananga kuti Jehovha anokomborera sei chaizvo avo vanovimba naye.” Nokukurumidza, vateereri vako vanoshamisika kuti zvikomboreroi izvo muparidzi woUmambo wenguva yakazara akafarikanya. Iva nechokwadi chokuvaudza.
Edza kurondedzera chinoitika chacho mumashoko ako umene. Govera udzame, nokuti kuita saizvozvo kunowedzera simba kunhau. Kupfurikidza nokuratidzira chiono chakajeka chemigariro inobatanidzwa, unogona nenyore zvikuru kusunda vateereri vako. Asi iva nechokwadi chokuti hausati uchibatanidzwa kwazvo mukutaura nhau zvokuti vanokundikana kunzwisisa chikonzero nei uri kurondedzera chinoitika chacho. Uyewo, dzivisa kukatutsira, nokuti kunyange zvazvo ikoku kungaita kuti nhau ive inofadza zvikuru, kunogona kusekesa kuvimbika kwako. Nokuda kwechikonzero chimwe chetecho, rega kupfuudza zvokunzwa zvichitaurwa kana kuti kurondedzera zvinoitika zvausingagoni kusimbisa.
Kuita Kuti Bhaibheri Rive Benyu
Zvinoitika zvinoraidza zvikurusa zvinowanwa muBhaibheri rimene. Somuenzaniso, ngatitii unoda kuratidza mudzidzi weBhaibheri kana kuti vateereri kuti vana vanogona kutsigira Jehovha Mwari. Ungasarudza kushandisa nhauro yomusikana asina kududzwa zita akataura kumudzimai waNaamani pamusoro pomuporofita waJehovha Erisha. Kutanga, rava nhauro yacho iri pana 2 Madzimambo 5:1-5. Ipapo ungabvunza, kuti: “Munofunga kuti kwakanga kwakaoma sei kuti uyu musikana achengete perero kuna Mwari munyika yenamato yenhema? Hakuna kuda ushingi here kuti ataura nenzira yokupwiswa pamusoro paJehovha nomuporofita wake?”
Nzvero yapachine nguva mberi ingave yakakubetsera kuita kuti nhau yacho ive mhenyu. Ungave wakawana mashoko anobetsera pasi pemisoro iyi NAAMAN, SYRIA, uye ELISHA muWatch Tower Publications Index. Nongedzero muNew World Translation of the Holy Scriptures dzingave dzakakutungamirira kubva panhauro iri muna 2 Madzimambo kusvikira kuPisarema 148:12, 13, patinorava, kuti: “Majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.” Ikurudziro yakadini yokuti vanhu vaduku vataure shoko raMwari noushingi!—Mabasa 4:29-31.
Kana iwe uri mushumiri wechiKristu, ‘ipa ngwariro yenguva dzose kukudzidzisa kwako’ muna ikoku. (1 Timotio 4:16) Usangotaure zvako zvokwadi—ienzanisire. Ita kuti nhauro dzeBhaibheri dzive dzakajeka nedzine revo. Shandisa zvinoitika zvakakodzera nemienzanisiro. Idzodzi inzira dzokusvika nadzo mwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kufanana naJesu, vashumiri vechiKristu vomuzuva razvino vanogona kushandisa mienzanisiro yakajeka kuti vape shoko ravo ndokusvika mwoyo