Jehovha Anoda Vapi Vanofara
“Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema kana nokurovererwa, nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.”—2 VAKORINTE 9:7.
1. Mwari naKristu vave vari vapi vanofara sei?
JEHOVHA akanga ari mupi anofara wokutanga. Iye akapa nomufaro upenyu kuMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi ndokumushandisa kuita kuti ngirozi norudzi rwomunhu zvivepo. (Zvirevo 8:30, 31; VaKorose 1:13-17) Mwari akatipa upenyu nechifemo nezvinhu zvose, kubatanidza mvura dzinobva mudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yedu nomufaro. (Mabasa 14:17; 17:25) Zvamazvirokwazvo, vose vari vaviri Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vapi vanofara. Vanopa nomufaro nomudzimu usina udyire. Jehovha akada nyika yorudzi rwomunhu zvikuru kwazvo zvokuti “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Uye Jesu nokusanyima ‘akapa mweya wake rudzikinuro mutsinhano navazhinji.’—Johane 3:16, NW; Mateo 20:28.
2. Mukuwirirana naPauro, Mwari anoda rudzii rwomupi?
2 Vabatiri vaMwari naKristu vanofanira, naizvozvo, kuva vapi vanofara. Kupa kwakadaro kwakakurudzirwa mutsamba yechipiri yomuapostora Pauro kumaKristu muKorinte, yakanyorwa munenge muna 55 N.V. Sezviri pachena achinongedzera kumipiro yemari yokuzvidira neyomunhu oga yaiitwa zvikurukuru kubetsera maKristu anoshaiwa muJerusarema neJudhea, Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo, arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7; VaRoma 15:26; 1 VaKorinte 16:1, 2; VaGaratia 2:10) Vanhu vaMwari vakaita sei kumabanza okupa? Uye chii chatinogona kudzidza muzano raPauro pamusoro pokupa?
Kusundwa Nemwoyo Inodisa
3. VaIsraeri vakatsigira kuvakwa kwetabhernakeri nokuda kwokunamatwa kwaJehovha kusvikira kutambanukoi?
3 Mwoyo inodisa inosunda vanhu vaMwari kuti vazvipe vamene nepfuma yavo mukutsigirwa kwedonzo roumwari. Somuenzaniso, vaIsraeri vezuva raMosesi vaitsigira nomufaro kuvakwa kwetabhernakeri nokuda kwokunamatwa kwaJehovha. Mwoyo yavamwe vakadzi yakavasunda kuruka makushe embudzi, nepo varume vakati vakabatira savagadziri vezvinhu. Vanhu vakapa nomufaro ndarama, sirivha, matanda, machira, uye zvimwe zvinhu so“mupiro waJehovha” wokuzvidira. (Eksodho 35:4-35, NW) Vakanga vane rupo kwazvo zvokuti zvinhu zvakapiwa “zvakabvumikisa kuva zvakawanda nokuda kwebasa rose raifanira kuitwa, uye zvakapfuura zvakakwana.”—Eksodho 36:4-7, NW.
4. Dhavhidhi navamwe vakapa mipiro kutembere nechimiroi chendangariro?
4 Mazana amakore gare gare, Mambo Dhavhidhi akapa zvipo zvikuru kutembere yaJehovha yaizovakwa nomwanakomana wake Soromoni. Sezvo Dhavhidhi ‘aifarira imba yaMwari’ akapa “pfuma” yake yendarama nesirivha. Machinda, madzimambo, uye vamwe ‘vakazadza ruoko rwavo nechipo chaJehovha.’ Nomuuyoi? Chokwadi, “vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama.” (1 Makoronike 29:3-9) Vakanga vari vapi vanofara.
5. VaIsraeri vakatsigira sei kunamata kwechokwadi mumazana ose amakore?
5 Mumazana ose amakore, vaIsraeri vakaropafadzwa kuti vatsigire tabhernakeri, tembere dzapashure, uye mabasa ouprista neouRevhi ipapo. Somuenzaniso, muzuva raNehemia vaJudha vakasarudza kuita mipiro kuti vachengete kunamata kwakachena, vachiziva kuti havafaniri kuregeredza imba yaMwari. (Nehemia 10:32-39) Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinoita mipiro yokuzvidira nomufaro kuti zvivake nokuchengeta nzvimbo dzemisangano uye kuti zvitsigire kunamata kwechokwadi.
6. Ipa mienzaniso yokupa kwokufara kwakaitwa namaKristu.
6 MaKristu apakuvamba akanga ari vapi vanofara. Somuenzaniso, Gayo akanga ari kuita “basa rakatendeka” mukuva ane mutsa kuavo vaifamba mufariro dzoUmambo, kunyange sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichitambanudzira mutsa kuvatariri vanofambira zvino vanotumwa neWatch Tower Bible and Tract Society. (3 Johane 5-8) Kunoda chimwe chinhu kuita kuti idzi hama dzifambe kuungano uye kutambanudzira mutsa kwadziri, asi ikoku kunobetsera sei mumudzimu!—VaRoma 1:11, 12.
7. VaFiripi vakashandisa sei pfuma yavo yokunyama?
7 Ungano dzose zvadzo dzakashandisa pfuma yadzo yokunyama kusimudzira fariro dzoUmambo. Somuenzaniso, Pauro akaudza vatendi muFiripi, kuti: “Nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe norwechipirizve, pakushaiwa kwangu. Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunopfumiswa nacho.” (VaFiripi 4:15-17) VaFiripi vakapa nomufaro, asi zvinhui zvinosunda kupa kwokufara kwakadaro?
Chii Chinosunda Kupa Kwokufara?
8. Waizobvumikisa sei kuti mudzimu waMwari unosunda vanhu vaMwari kuva vapi vanofara?
8 Mudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa, unosunda vanhu vake kuva vapi vanofara. Apo maKristu eJudhea akanga achishaiwa, mudzimu waMwari wakasunda vamwe vatendi kuvabetsera mune zvokunyama. Kuti akurudzire maKristu muKorinte kuti aite hunani hwawo mukuita mipiro yakadaro, Pauro akadudza muenzaniso weungano dzomuMakedhonia. Kunyange zvazvo vatendi veMakedhonia vakanga vari kutambura chitambudzo nourombo, vakaratidza rudo rwouhama kupfurikidza nokupa kupfuura zvavaikwanisa chaizvoizvo. Vakatokumbira ropafadzo yokupa! (2 VaKorinte 8:1-5) Basa raMwari haritsamiri bedzi bedzi pamipiro yavapfumi. (Jakobho 2:5) Vabatiri vake vakazvitsaurira vari varombo mune zvokunyama vave vari tsigiro huru mukuwanira mari basa rokuparidzira Umambo. (Mateo 24:14) Bva, havatamburi nemhaka yorupo rwavo, nokuti Mwari anogovera asingakundikani zvinodikanwa zvavanhu vake mubasa irori, uye simba rinotsigira kupfuurira kwaro newedzero mudzimu wake.
9. Kutenda, zivo, uye rudo zvine chokuita sei nokupa kwokufara?
9 Kupa kwokufara kunosundwa nokutenda, zivo, uye rudo. Pauro akati: “Zvino sezvamakapfuura [vaKorinte] pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo. Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwazvokwadiwo.” (2 VaKorinte 8:7, 8) Kupa mupiro kubasa raJehovha, zvikurukuru apo mupi anenge ane zvinhu zvakaganhurirwa, kunoda kutenda mugadziriro dzaMwari dzomunguva yemberi. MaKristu ane zivo yakawanda anoda kubatira donzo raJehovha, uye ayo ane rudo rwakawanda nokuda kwake navanhu vake vanoshandisa nomufaro pfuma yavo kuti vafambisire mberi basa rake.
10. Neiko kuchigona kutaurwa kuti muenzaniso waJesu unosunda maKristu kupa nomufaro?
10 Muenzaniso waJesu unosunda maKristu kuti ape nomufaro. Pashure pokukurudzira vaKorinte kuti vape norudo, Pauro akati: “Munoziva kuti nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi”. (2 VaKorinte 8:9) Akapfuma zvikuru mudenga kupfuura mumwe mwanakomana upi noupi waMwari, Jesu Kristu akazvibvisira amene zvose izvozvi ndokutora upenyu hwohunhu. (VaFiripi 2:5-8) Kupfurikidza nokuva murombo neiyi nzira isina udyire, zvisinei, Jesu akagovera chimwe chinhu kukutsveneswa kwezita raJehovha ndokuvanzarika upenyu hwake sechibairo chorudzikinuro nokuda kwokubetserwa kwavanhu vaizochigamuchira. Mukutsinhirana nomuenzaniso waJesu, hatifaniri kupa nomufaro here kuti tibetsere vamwe ndokugovera chimwe chinhu kukutsveneswa kwezita raJehovha?
11, 12. Kuronga kwakanaka kunogona sei kutiita vapi vanofara?
11 Kuronga kwakanaka kunoita kuti kupa kwokufara kubvire. Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.” (1 VaKorinte 16:1, 2) Nenzira yakavandika neyokuzvidira yakafanana, avo vanoda kuita mipiro kuti vafambisire mberi basa roUmambo nhasi vangaita zvakanaka kutsaura zvimwe zvezvavanowana nokuda kwedonzo iroro. Somuuyo wokuronga kwakanaka kwakadaro, Zvapupu zvimwe nezvimwe, mhuri, uye ungano vanogona kuita mipiro kuti vafambisire mberi kunamata kwechokwadi.
12 Kushandisa rongedzero dzokupa mipiro kuchatiita kuti tive vanofara. Jesu akati, “mune mufaro mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira.” (Mabasa 20:35 NW) Naizvozvo vaKorinte vaigona kuwedzera mufaro wavo kupfurikidza nokutevera zano raPauro rokuita rongedzero yavo yakanga yava negore yokutumira mari kuJerusarema. “Chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo,” iye akadaro. Apo mumwe munhu anoita mipiro mukuwirirana nezvaanazvo, inofanira kukosheswa zvikuru. Kana tichivimba naMwari, iye anogona kuenzanisa zvinhu kuti avo vane zvakawanda vave vane rupo, kwete vanopambadza, uye avo vane zvishoma havana perevedzo dzinoderedza simba ravo namano okumubatira.—2 VaKorinte 8:10-15.
Kusanotarisirwa Kwokupa
13. Neiko VaKorinte vaigona kuva nechivimbo mukutarisira kwaPauro mipiro?
13 Kunyange zvazvo Pauro akatarisira gadziriro yemipiro kuti vatendi vanoshaiwa vagone kufarikanya betsero yezvokunyama ndokubatikana zvakasimba zvikuru mubasa rokuparidzira, iye kana kuti vamwe havana kutora ipi neipi yemari yacho nokuda kwamabasa avo. (2 VaKorinte 8:16-24; 12:17, 18) Pauro akashanda kuti awane zvinodikanwa zvake amene zvokunyama panzvimbo pokuisa mitoro yemari paungano ipi neipi. (1 VaKorinte 4:12; 2 VaTesaronika 3:8) Mukupa mipiro kwaari, naizvozvo, vaKorinte vakanga vari kuironzesa kumubatiri akavimbika, anoshanda zvakaoma waMwari.
14. Pamusoro pokushandiswa kwemipiro, chinyorwai icho Watch Tower Society inacho?
14 Chifo chokunyoreswa pamutemo kweWatch Tower Bible and Tract Society muna 1884, vapi vemipiro vakava noufakazi hwokuti iyo mutarisiri akavimbika wemipiro yose inoronzeswa kwairi nokuda kwebasa roUmambo hwaJehovha. Mukuwirirana nechata yayo, Sosaiti inovavarira kugutsa chinodikanwa chikurusa chavanhu vose, chinodikanwa chezvinhu zvomudzimu. Ikoku kunoitwa muchimiro chamabhuku eBhaibheri nomuraidzo pamusoro penzira yokuwana nayo ruponeso. Nhasi, Jehovha ari kukurumidzisa kuunganidzwa kwavanhu vakafanana namakwai musangano rake riri kufutunuka, uye chikomborero chake pakushandiswa kwokuchenjera kwemipiro mubasa rokuparidzira Umambo ufakazi hwakajeka hwetendero youmwari. (Isaya 60:8, 22) Tine chivimbo chokuti achapfuurira kusunda mwoyo yavapi vanofara.
15. Neiko magazini ino ichidudza mipiro panhambo nenhambo?
15 Sosaiti panhambo nenhambo inoshandisa zvikamu zveiyi magazini kusvinudzira varavi kuropafadzo yavo yokuita mipiro yokuzvidira kubasa rokuparidzira Umambo munyika yose. Uku hakusati kuri kukumbira, asi chiyeuchidzo kuvose vanoshuva kutsigira “basa dzvene ramashoko akanaka” sezvo Mwari anovabudiririsa. (VaRoma 15:16, NW; 3 Johane 2) Sosaiti inoshandisa mari yose inopiwa nenzira yorutsuta zvikurusa kuti izivise zita raJehovha noUmambo. Mipiro yose inogamuchirwa nokuonga, inobvumwa, uye kushandiswa kuparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, kupfurikidza nemitoo iyoyi mibato yavafundisi inotsigirwa munyika dzakawanda, uye zvivako zvokutsikirira zvinokosha kukuparadzirwa kwezivo yeBhaibheri zvinochengetwa nokufutunurwa. Uyezve, mipiro kubasa renyika yose inoshandiswa kufukidza ndyiko dziri kuwedzera dzokubudisa maBhaibheri nezvinyorwa zveBhaibheri pamwe chete namakaseti anoteererwa namavhidhiyo kaseti. Munzira dzakadaro fariro dzoUmambo dzinofambisirwa mberi navapi vanofarira.
Kwete Nokugombedzerwa
16. Kunyange zvazvo vashomanene veZvapupu zvaJehovha vakapfuma mune zvokunyama, neiko mipiro yavo ichiongwa?
16 Zvapupu zvishomanene zvaJehovha zvakapfuma mune zvokunyama. Kunyange zvazvo zvingapa zvitsama zvine mwero kufambisira mberi fariro dzoUmambo, mipiro yazvo kunyanguvezvo inokosha. Apo Jesu akaona chirikadzi inoshaiwa ichidonhedza mari duku mbiri dzoukoshi hushomanene mubhokisi rinochengeterwa mari romutembere, iye akati: “Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose, nokuti avo vose [vamwe vapi] vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.” (Ruka 21:1-4) Kunyange zvazvo chipo chayo chakanga chiri chiduku, yakanga iri mupi anofara—uye mupiro wayo wakaongwa.
17, 18. Nderipi riri pfundo guru ramashoko aPauro ari pana 2 VaKorinte 9:7, uye chii chinoratidzirwa neshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “vanofara”?
17 Pamusoro pebasa rebetsero nokuda kwamaKristu eJudhea, Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo, arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa, nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7) Muapostora angave akanongedzera kuchikamu chaZvirevo 22:8 mushanduro yeSeptuagint, icho chinoti: “Mwari anokomborera mupi anofara; uye achagovera perevedzo yamabasa yake.” (The Septuagint Bible, rakashandurwa naCharles Thomson) Pauro akatsiva “anokomborera” na“anoda,” asi pane batano, nokuti kuwanwa kwezvikomborero kunobva murudo rwaMwari.
18 Mupi anofara zvirokwazvo anofara kupa. Chokwadi, kubva mushoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “vanofara” pana 2 VaKorinte 9:7 munobva shoko rokuti “chinonakidza”! Pashure pokuonesa ikoku, nyanzvi R. C. H. Lenski yakati: “Mwari anoda mupi akafaranuka, ane rufaro, anofara . . . [ane] kutenda kunofukidzwa nokunyemwerera apo rimwe banza rokupa rinomukwazisa.” Munhu ane mudzimu wokufara wakadaro haasati achipa nokunyunyuta kana kuti nokugombedzerwa asi ane mwoyo wake mukupa kwake. Unofara zvakadaro here pamusoro pokupa mukutsigira fariro dzoUmambo?
19. MaKristu apakuvamba aiita sei mipiro?
19 MaKristu apakuvamba haana kufambisa ndiro dzokuunganidzira mari kana kuti kushandisa kupa chegumi kupfurikidza nokupa chegumi chemari yawo nokuda kwamadonzo orudzidziso. Panzvimbo pezvo, mipiro yawo yakanga iri yokuzvidira chose chose. Tertullian, uyo akatendeudzirwa kuchiKristu munenge muna 190 N.V., akanyora, kuti: “Kunyange zvazvo tine bhokisi redu remari, harisati richiumbwa nemari yokutenga, seyorudzidziso rune mutengo warwo. Pazuva romwedzi nomwedzi [sezviri pachena kamwe pamwedzi], kana achida, mumwe nomumwe anoisa mupiro muduku; asi bedzi kana ukava mufaro wake, uye bedzi kana achikwanisa; nokuti hapana kugombedzera; kwose ndokwekuzvidira.”—Apology, Ganhuro XXXIX.
20, 21. (a) Chinyorwa chapakuvamba chemagazini ino chakataurei pamusoro peropafadzo yokutsigira basa raMwari nemari, uye ikoku kunoshanda sei kunyange zvino? (b) Chii chinoitika apo tinokudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha?
20 Kupa kwokuzvidira nguva dzose kwave kuri kwomuitiro pakati pavabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno. Padzimwe nguva, zvisinei, vamwe havana kushandisa zvakazara ropafadzo yavo yokutsigira basa raMwari kupfurikidza nokuita mipiro. Muna February 1883, somuenzaniso, magazini ino yakati: “Vamwe vari kutakura mutoro wezvemari unorema zvikuru nokuda kwavamwe, zvokuti masimba avo emari ari kuderera nebasa rakaoma nokuneta, uye nokudaro kubetsera kwavo kunokuvadzwa; uye hakuna kudaro bedzi, asi avo . . . vasina kunzwisisa zvizere mugariro wacho, vave vari varasikirwi nebanza rokugamuchira nemhaka yokushaiwa nhamburiko muna ikoko.”
21 Sezvo boka guru rinodirana musangano raJehovha nhasi, uye sezvo basa raMwari rinofutunuka kupinda muEastern Europe nedzimwe nharaunda dzaichimbova dzakaganhurirwa, pane dikanwo inowedzera yefutunuko yenzvimbo dzokutsikirira nezvimwe zvivako. MaBhaibheri akawanda nezvimwe zvinyorwa zvinofanira kutsikirirwa. Mabasa oubati ushe hwaMwari mazhinji ari kuitwa; zvisinei, mamwe angapfuurira nokukurumidza zvikuru kudai paiva nemari yakakwana. Chokwadika, tine kutenda kwokuti Mwari achagovera chinodikanwa, uye tinoziva kuti avo ‘vanokudza Jehovha nezvinhu zvavo zvinokosha’ vachakomborerwa. (Zvirevo 3:9, 10) Zvamazvirokwazvo, “unodyara zvizhinji uchachekawo zvizhinji.” Jehovha acha‘tipfumisa nokuda kworudzi rwuri rwose rworupo,’ uye kupa kwedu kwokufara kuchaparira vakawanda kumutenda ndokumurumbidza.—2 VaKorinte 9:6-14.
Ratidza Kuonga Kwako Nokuda Kwezvipo zvaMwari
22, 23. (a) Chii chiri chipo chapachena chisingarondedzereki chaMwari chapachena? (b) Sezvo tichionga zvipo zvaJehovha, chii chatinofanira kuita?
22 Asundwa nokuonga kukuru, Pauro amene akati: “Mwari ngaaongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.” (2 VaKorinte 9:15) So“mudzikinuri” wezvivi zvamaKristu akazodzwa uye nokuda kweizvo zvenyika, Jesu hwaro nomukoto wechipo chapachena chisingarondedzereki chaJehovha. (1 Johane 2:1, 2) Chipo ichocho i“nyasha huru huru dzaMwari” dzaakaratidza kuvanhu vake pasi pano kupfurikidza naJesu Kristu, uye dzinowanda kusvikira kuruponeso rwavo nokumbiri yaJehovha nokurevererwa.—2 VaKorinte 9:14.
23 Kuonga kwedu kukuru kunoenda kuna Jehovha nokuda kwechipo chake chapachena chisingarondedzereki nezvimwe zvipo zvakawanda zvomudzimu nezvokunyama kuvanhu vake. Chokwadi, runako rwaBaba vedu vokudenga kwatiri runoshamisa kwazvo zvokuti runopfuura masimba avanhu okutaura! Uye zvirokwazvo runofanira kutisunda kuva vapi vanofara. Nokuonga kwomwoyo wose, ipapoka, ngatiite zvose zvatinogona kufambisira mberi basa raMwari wedu ane rupo, Jehovha, Mupi anofara wokutanga nomukurusa!
Unoyeuka Here?
◻ Mwoyo inodisa yakagombedzera vanhu vaJehovha kuitei?
◻ Chii chinosunda kupa kwokufara?
◻ Watch Tower Society inoshandisa sei mipiro yose yainogamuchira?
◻ Mwari anoda rudzii rwomupi, uye tinofanira kuratidza sei kuonga kwedu nokuda kwezvipo Zvake zvakawanda?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Apo tabhernakeri yakanga iri kuvakwa, vaIsraeri vakashanda nenzira yokubishaira ndokuita mipiro yorupo nokuda kwaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mipiro yakafanana nouyo wechirikadzi inoshaiwa inoongwa uye inokosha