Chipo chaJehovha Chomudzimu Mutsvene
“Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu, “NW”] mutsvene vanokumbira kwaari.”—RUKA 11:13.
1, 2. (a) Chipikirwai icho Jesu akaita pamusoro pomudzimu mutsvene, uye neiko ichochi chichinyaradza zvirokwazvo? (b) Chii chiri mudzimu mutsvene?
MUMUGUMO wegore ra 32 N.V. apo Jesu akanga achiparidzira mashoko akanaka muJudhea, akataura kuvadzidzi vake pamusoro porupo rwaJehovha. Iye akashandisa mienzanisiro ine simba uye ipapo akaita chipikirwa chinoshamisa, achiti: “Kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu, NW] mutsvene vanokumbira kwaari!”—Ruka 11:13.
2 Mashoko iwayo inyaradzo yakadini! Sezvatinotsungirira nhamo dzamazuva okupedzisira enyika ino, tinotarisana noruvengo rwaSatani namadhemoni ake, uye tinorwisana nekombamiro dzedu timene dzakawa, kunofadza zvirokwazvo kuziva kuti Mwari achatisimbisa kupfurikidza nomudzimu wake. Zvamazvirokwazvo, tsungiriro yokutendeka haibviri pasina tsigiro iyoyo. Wakambowana simba rouyu mudzimu here, uyo uri simba rinobata basa raMwari amene? Unonzwisisa here kuti rinogona kukubetsera zvikuru sei? Unorishandisa zvakazara here?
Simba Romudzimu Mutsvene
3, 4. Enzanisira simba romudzimu mutsvene.
3 Tanga kurangarira simba romudzimu mutsvene. Funga uchidzokera shure kusvikira kugore ra 1954. Ipapo ndipo apo bhomba rehydrogen rakaputisirwa paBikini Atoll muSouth Pacific. Chinguvana pashure pokunge bhomba racho raputika, chitsuwa ichocho chakaisvonaka chakamonzverwa mubhora guru remwoto ndokurovanywa nokuputika kwakaenzana musimba nokuputika kwamatani ana mamirioni 15 eTNT. Simba rinoparadza rose iroro rakabva kupi? Wakanga uri muuyo wokuchinjira musimba chidimbu chiduku chete cheuranium nehydrogen izvo zvakaumba rutivi runokosha rwebhomba racho. Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana masayendisiti aigona kuita zvakasiana nezvaakanga aita paBikini? Ngatitii aigona kubata simba rose iroro rinopisa ndokurichinjira mumakirogiramu mashomanene euranium nehydrogen. Ikoko kwaizova chiitwa chakadini! Bva, Jehovha akaita chimwe chinhu chakafanana naichocho asi pamwero mukuru zvikuru apo “pakuvamba [iye] akasika matenga napasi.”—Genesi 1:1, NW.
4 Jehovha ane migove mikuru yesimba guru. (Isaya 40:26) Muchisiko, iye anofanira kuve akadzora rimwe reiri simba paakaumba zvinhu zvose zvinoumba chisiko chapose pose. Chii chaakashandisa muuyu mubato wokusika? Mudzimu mutsvene. Tinorava, kuti: “Kupfurikidza neshoko raJehovha matenga amene akaitwa, uye kupfurikidza nomudzimu womuromo wake hondo yazvo yose.” (Pisarema 33:6, NW) Uye nhauro yaGenesi yechisiko inorava, kuti: “Simba rinobata basa raMwari [mudzimu mutsvene] rakanga richifamba-famba pamusoro pemvura.” (Genesi 1:2, NW) Mudzimu mutsvene isimba guru rakadini!
Mabasa Enenji
5. Munzirai dzakakwirira umo mudzimu mutsvene unoshanda namo?
5 Mudzimu mutsvene uchiri kushanda munzira dzakakwirira zvikuru. Unotungamira uye unokutungamirira sangano raJehovha rokudenga. (Ezekieri 1:20, 21) Kufanana nesimba rinobudiswa nebhomba rehydrogen, unogona kushandiswa nenzira inoparadza kuita rutongeso pavavengi vaJehovha, asi wakashandawo mudzimwe nzira idzo dzinotinyandura kushamisika.—Isaya 11:15; 30:27, 28; 40:7, 8; 2 VaTesaronika 2:8.
6. Mudzimu mutsvene wakatsigira sei Mosesi navana vaIsraeri mukubata kwavo neEgipita?
6 Somuenzaniso, munenge muna 1513 P.N.V., Jehovha akatuma Mosesi kuoneka pamberi paFarao weEgipita kuzoraira rusununguko nokuda kwavana vaIsraeri. Kwamakore 40 akapfuura, Mosesi akanga ave ari mufudzi muMidhiani, naizvozvo neiko Farao achifanira kuteerera mufudzi? Nemhaka yokuti Mosesi akauya muzita raMwari bedzi wechokwadi, Jehovha. Kubvumikisa ikoku, Jehovha akamupa simba rokuita manenji. Iwaya akanga achiorora kwazvo zvokuti kunyange vaprista veEgipita vakamanikidzirwa kubvuma, kuti: “Munwe waMwari!”a (Eksodho 8:19) Jehovha akaunza madambudziko gumi paEgipita, rokupedzisira rawo rakamanikidzira Farao kurega vanhu vaMwari vachibuda muEgipita. Apo Farao akavaronda nenzira yechisimbwa nehondo yake, vaIsraeri vakapukunyuka apo nzira yakazarurwa nenzira yenenji muGungwa Dzvuku. Hondo yeEgipita yakavatevera uye yakanyura mugungwa.—Isaya 63:11-14; Hagai 2:4, 5.
7. (a) Ndezvipi zvakanga zviri zvimwe zvikonzero nei mudzimu mutsvene wakaita manenji? (b) Kunyange zvazvo manenji anoitwa nomudzimu mutsvene asati achiri kuitikazve, neiko chinyorwa chawo muBhaibheri chichinyaradza?
7 Hungu, Jehovha kupfurikidza nomudzimu wake akaita manenji ane simba nokuda kwavaIsraeri munguva yaMosesi, uye padzimwe nguvawo. Chii chakanga chiri vavariro yamanenji iwayo? Akafambisira mberi madonzo aJehovha, akaparira zita rake kuzivikanwa, uye akaratidzira simba rake. Uye pane dzimwe nguva, saMosesi, akabvumikisa chose chose kuti munhu wacho akanga ane tsigiro yaJehovha. (Eksodho 4:1-9; 9:14-16) Zvisinei, manenji akaparirwa nomudzimu mutsvene ave ari echienzi munhau yose.b Sezvingabvira, vanhu vazhinjisa vaigara munguva dzeBhaibheri havana kutongopupurira rimwe, uye nhasi haachaitikizve. Kunyanguvezvo, sezvo isu nhasi tinorwisana nezvinetso izvo zvingaratidzika kuva zvisingakundiki, haisati iri nyaradzo here kuziva kuti kana tikakumbira Jehovha mukutenda, achatipa mudzimu mumwe chetewo wakatsigira Mosesi pamberi paFarao ndokuzarurira nzira vaIsraeri muGungwa Dzvuku?—Mateo 17:20.
Manyoro Akafuridzirwa
8. Chii chakanga chiri basa romudzimu mutsvene mukupiwa kweMirairo Gumi?
8 Pashure pokununurwa kwavo muEgipita, Mosesi akatungamirira vaIsraeri kuGomo reSinai, uko Jehovha akaita sungano navo ndokuvapa Mutemo wake. Rutivi rukuru rwoMutemo iwoyo wakapiwa kupfurikidza naMosesi yakanga iri Mirairo Gumi, uye makopi apakuvamba ayo akatemerwa pamahwendefa amabwe. Seiko? Kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Bhaibheri rinoti: “Zvino [Jehovha] wakati apedza kutaura naMosesi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.”—Eksodho 31:18; 34:1.
9, 10. Mudzimu mutsvene waishanda sei mukunyorwa kwaMagwaro echiHebheru, uye ikoku kunooneka sei mukutaura kwakashandiswa navadzidzi vaJesu?
9 Mukuwedzera kuMirairo Gumi, Jehovha kupfurikidza nomudzimu wake akapa Israeri mazana emitemo nemirairo kutungamirira upenyu hwavarume navakadzi vakatendeka. Uye zvakawanda zvakanga zvichizouya. Mazana amakore pashure pezuva raMosesi, vaRevhi vakapupurira mumunyengetero wavose kuna Jehovha, kuti: “Makava netsitsi navo [vaIsraeri] makore mazhinji, mukavapupurira no[mudzimu, NW] wenyu navaporofita venyu.” (Nehemia 9:5, 30) Mauporofita mazhinji akafuridzirwa akataurwa navaporofita ivavo akanyorwa. Uyezve, mudzimu mutsvene wakasunda varume vakatendeka kunyora nhau dzinoyera nenziyo dzomwoyo wose dzerumbidzo.
10 Pauro akanga achitaura nezvamanyoro ose iwaya paakati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16, NW; 2 Samueri 23:2; 2 Petro 1:20, 21) Zvamazvirokwazvo, pakunokora mashoko aya magwaro, vadzidzi vaJesu vomuzana rokutanga ramakore kazhinji kazhinji vaishandisa kutaura kwakadai sokwokuti “mudzimu mutsvene wakataura . . . nomuromo waDhavhidhi,” “mudzimu mutsvene wakataura zvakakodzera kupfurikidza naIsaya,” kana kuti chete “mudzimu mutsvene unoti.” (Mabasa 1:16; 4:25; 28:25, 26; VaHebheru 3:7, NW) Chikomborero chakadini kuti mudzimu mutsvene mumwe chetewo wakapesvedzera kunyorwa kwaMagwaro Matsvene wakaachengeta kuti agone kutitungamirira ndokutinyaradza nhasi!—1 Petro 1:25.
Kutsamira Pamudzimu Mutsvene
11. Mubatoi womudzimu mutsvene wakaoneka pamusoro pokuvakwa kwetabhernakeri?
11 Apo vaIsraeri vakanga vari mumusasa mujinga meGomo reSinai, Jehovha akavaraira kuvaka tabhernakeri senzvimbo yapakati yokunamata kwechokwadi. Vaigona sei kuita ikoku? “Mosesi akati kuvana vaIsraeri: ‘Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akamuzadza no[mudzimu, NW] waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa.’” (Eksodho 35:30, 31) Mudzimu mutsvene wakasimbisa unyanzvi hupi nohupi hwomusikirwo uhwo Bhezareri akanga anahwo, uye iye aigona nenzira inobudirira kutarisira kuvakwa kwechivako ichocho chinoshamisa.
12. Mudzimu wakasimbisa sei vanhu munzira dzisati dziri dzenguva dzose pashure penguva yaMosesi?
12 Panguva yapashure, mudzimu waJehovha wakashanda pana Samsoni, uchimupa simba rinopfuura rohunhu kumugonesa kununura Israeri pavaFiristia. (Vatongi 14:5-7, 9; 15:14-16; 16:28-30) Gare garezve, Soromoni akapiwa uchenjeri chaihwo samambo wavanhu vakasarudzwa vaMwari. (2 Makoronike 1:12, 13) Munhungamiro yake, Israeri akabudirira sezvisakamboitika nakare kose, uye mugariro wake wokufara wakava muenzaniso wezvikomborero izvo vanhu vaMwari vachafarikanya muKutonga kweMireniyumu kwaKristu Jesu, Soromoni Mukuru.—1 Madzimambo 4:20, 25, 29-34; Isaya 2:3, 4; 11:1, 2; Mateo 12:42.
13. Chinyorwa chokusimbiswa nomudzimu kwaBhezareri, Samsoni, uye Soromoni chinotikurudzira sei nhasi?
13 Chikomborero chakadini kuti Jehovha anoita kuti mudzimu mumwe chetewo uwanike kwatiri! Patinonzwa tisingakwanisi kuita mugove kana kuti kupinda mubasa rokuparidzira, tinogona kukumbira Jehovha kutipa mudzimu mumwe chetewo waakapa Bhezareri. Apo tinotambura chirwere kana kuti kutsungirira chitambudzo, mudzimu mumwe chetewo wakapa Samsoni simba rinopfuura renguva dzose uchatisimbisa—kunyange zvazvo chokwadika, kwete nenzira yenenji. Uye apo tinotarisana nezvinetso zvakaoma kana kuti tinofanira kuita zvisarudzo zvinokosha, tinogona kukumbira Jehovha, uyo akapa Soromoni uchenjeri hunopfuura hwenguva dzose, kutibetsera kuita nokuchenjera. Ipapo, kufanana naPauro, tichati: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Uye chipikirwa chaJakobho chichashanda kwatiri: “Kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.”—Jakobho 1:5.
14. Ndivanaani, munguva dzekare uye nhasi, vakatsigirwa nomudzimu mutsvene?
14 Mudzimu waJehovha wakanga uriwo pamusoro paMosesi mubasa rake rokutonga rudzi. Apo vamwe vakagadzwa kubetsera Mosesi, Jehovha akati: “Ndichatora pa[mudzimu, NW] uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwe chete newe, kuti urege kuutakura iwe woga.” (Numeri 11:17) Nokudaro, varume ivavo vaisafanira kuita musimba ravo vamene. Mudzimu mutsvene wakavatsigira. Tinorava kuti panhambo dzapashure mudzimu waJehovha wakanga uri pamusoro pavamwe vanhu. (Vatongi 3:10, 11; 11:29) Apo Samueri akazodza Dhavhidhi samambo womunguva yemberi waIsraeri, chinyorwa chacho chinoti: “Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. [Mudzimu, NW] waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi.” (1 Samueri 16:13) Avo nhasi vane mitoro inorema—mhuri, ungano, kana kuti yesangano—vanogona kunyaradzwa kuziva kuti mudzimu waMwari uchiri kusimbisa vabatiri vake sezvavanotarisira misengwa yavo.
15. Mudzimu mutsvene wakasimbisa sangano raJehovha munzirai (a) mumazuva aHagai naZekaria? uye (b) nhasi?
15 Makore ane chiuru pashure pezuva raMosesi, vanhu vakatendeka vakabva pakati pavana vaIsraeri vakadzokera kuJerusarema vachibva Bhabhironi nebasa rokuvakazve tembere. (Ezra 1:1-4; Jeremia 25:12; 29:14) Mhinganidzo dzakaoma dzakamuka, zvisinei, uye vakaodzwa mwoyo kwamakore mazhinji. Pakupedzisira, Jehovha akamutsa vaporofita Hagai naZekaria kukurudzira vaJudha kusatsamira pasimba ravo vamene. Asi basa racho raizoitwa seiko? “‘Kwete nesimba rehondo, kana kuti nesimba, asi nomudzimu wangu,’ Jehovha wehondo akataura kudaro.” (Zekaria 4:6, NW) Uye netsigiro yomudzimu waMwari, tembere yakavakwa. Vanhu vaMwari nhasi nenzira yakafanana vakaita zvakawanda. Kuparidzirwa kwamashoko akanaka kwakafutunuka kupota pasi. Mamirioni avanhu ari kudzidziswa muzvokwadi nokururama. Kokorodzano dziri kurongwa. Horo dzoUmambo namahofisi ebazu zviri kuvakwa. Zvizhinji zvaizvozvi zvakaitwa mukutarisana nechishoro chakakasharara. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvina kuodzwa mwoyo, zvichiziva kuti chinhu chiri chose chavakaita chave chiri, kwete kupfurikidza nesimba rehondo, kana kuti nesimba romunhu, asi kupfurikidza nomudzimu waMwari.
Mudzimu waMwari Muzana Rokutanga Ramakore
16. Ndichinoitikai icho vabatiri vaJehovha vapamberi pechiKristu vakava nacho nomubato womudzimu waMwari?
16 Sezvataona, vabatiri vaMwari vapamberi pechiKristu vakanga vachisanoziva nezvesimba romudzimu waMwari. Vakatsamira pauri kuvabetsera kuita misengwa inorema uye kuita kuda kwaMwari. Vaizivawo kuti Mutemo namamwe manyoro anoyera zvakafuridzirwa, zvakanyorwa mupesvedzero yomudzimu waJehovha, uye nokudaro zvakanga zviri ‘Shoko raMwari.’ (Pisarema 119:105) Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvenguva yechiKristu?
17, 18. Ndedzipi dzaiva dzimwe dzeratidziro dzenenji dzomudzimu munguva yechiKristu, uye idzodzi dzakabatira donzoi?
17 Zana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose rakaonawo mibato inoshamisa yomudzimu waMwari. Kwakanga kune kuporofita kunofuridzirwa nomudzimu. (1 VaKorinte 14:1, 3) Mukuzadzika kwechipikirwa chaJesu chokuti mudzimu mutsvene waizoyeuchidza vadzidzi vake nezvezvinhu zvose zvaakanga ataura uye waizovadzidzisa mamwe mativi ezvokwadi, chiverengero chamabhuku chakanyorwa mupesvedzero yomudzimu mutsvene. (Johane 14:26; 15:26, 27; 16:12, 13) Uye kwakanga kune manenji, sezvichakurukurwa zvizere zvikuru munyaya yedu inotevera. Zvamazvirokwazvo, zana rokutanga ramakore rakapinzwa nenenji rinoshamisa. Munenge mugore ra 2 P.N.V., mwana chaiye akanga achizoberekwa, uye sechiratidzo, mai vake vaduku vakanga vachizova mhandara. Ikoko kwaigona sei kudaro? Kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Chinyorwa chacho chinoti: “Kuberekwa kwaJesu kwaiva kudai: Maria, mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasongana, wakaonekwa ava nemimba no[mudzimu, NW] mutsvene.”—Mateo 1:18; Ruka 1:35, 36.
18 Apo Jesu akakura, akadzinga madhemoni, akaporesa vanorwara, kunyange kumutsa vakafa musimba romudzimu mutsvene. Vamwe vavateveri vake vakaitawo manenji namabasa esimba. Aya mano chaiwo akanga ari zvipo zvomudzimu. Chii chakanga chiri donzo rawo? Kungofanana nezvakanga zvaita manenji apakuvamba, akafambisira mberi madonzo aMwari ndokuzivisa simba rake. Uyezve, akaratidzira uchokwadi hwokutaura kwaJesu kwokuti akatumwa achibva kuna Mwari; uye gare gare, akabvumikisa kuti ungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore yakanga iri rudzi rwakasarudzwa naMwari.—Mateo 11:2-6; Johane 16:8; Mabasa 2:22; 1 VaKorinte 12:4-11; VaHebheru 2:4; 1 Petro 2:9.
19. Kutenda kwedu kunosimbiswa sei nenhauro yeBhaibheri yamanenji aJesu navaapostora vake?
19 Muapostora Pauro, zvisinei, akataura kuti ratidzirwo dzamanenji dzakadaro dzomudzimu dzakanga dziri dzouduku hweungano uye dzaizopfuura, naizvozvo isu nhasi hationi manenji akadaro anoitwa nomudzimu mutsvene. (1 VaKorinte 13:8-11) Zvakare, manenji akaitwa naJesu navaapostora vake ane fariro inopfuura yenhau. Anosimbisa kutenda kwedu muchipikirwa chaMwari chokuti chirwere norufu hazvisati zvichizova nenzvimbo mukutonga kwaJesu munyika itsva.—Isaya 25:6-8; 33:24; 65:20-24.
Betserwa Nomudzimu Mutsvene waMwari
20, 21. Tinogona sei kuzviyamura timene negadziriro yomudzimu mutsvene?
20 Uyu mudzimu isimba guru rakadini! Asi maKristu nhasi anogona sei kuzvibetsera amene nawo? Kutanga, Jesu akati tinofanira kuukumbira, naizvozvo kuregerereiko kuita izvozvo chete? Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe ichi chipo chinoshamisa kwete bedzi munguva dzenhamo asi panhambo iri yose. Mukuwedzera, rava Bhaibheri kuti mudzimu mutsvene ugogona kutaura kwauri. (Enzanisa naVaHebheru 3:7.) Fungisisa pane zvaunorava ndokuzvishandisa kuti mudzimu mutsvene ugogona kuva pesvedzero muupenyu hwako. (Pisarema 1:1-3) Uyezve, songanirana—somunhu oga, muungano, uye pamagungano—navamwe vanotsamira pamudzimu waMwari. Mudzimu mutsvene unosimbisa zvikuru sei avo vanorumbidza Mwari wavo “paungano”!—Pisarema 68:26.
21 Jehovha haasati ari Mwari ane rupo here? Iye anoti tinongofanira bedzi kukumbira mudzimu mutsvene uye iye achaupa kwatiri. Hufuza sei kutsamira pauchenjeri hwedu timene nesimba apo betsero yakadaro ine simba inowanika kwatiri! Zvisinei, pane dzimwe nhau dzine chokuita nomudzimu waMwari idzo dzinotitapura samaKristu, uye idzodzi dzichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Kutaura kwokuti “munwe waMwari” kunowanzonongedzera kumudzimu mutsvene.—Enzanisa naRuka 11:20 naMateo 12:28.
b Mazhinjisa amanenji akanyorwa muBhaibheri akaitika mukati menguva yaMosesi naJoshua, Eria naErisha, uye Jesu navaapostora vake.
Unogona Kupindura Mibvunzo Inotevera Here?
◻ Jehovha akasika sei zvinhu zvose zviri muchisiko chapose pose?
◻ Ndedzipi dzakanga dziri dzimwe nzira idzo mudzimu mutsvene wakashanda nomadziri munguva dzapamberi pechiKristu?
◻ Kunotinyaradza sei nhasi kuziva chakaita mudzimu mutsvene munguva dzekare?
◻ Tinogona sei kuzviyamura timene negadziriro yomudzimu mutsvene?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Mudzimu uyo wakapa Samsoni simba rinopfuura rohunhu unogona kutipa simba nokuda kwezvinhu zvose