Chii Chinoreva Rutava Nehove Nokuda Kwako?
“Kwamuri kunopiwa kunzwisisa zvakavanzika zvinoyera zvoumambo hwamatenga.”—MATEO 13:11, NW.
1, 2. Neiko tingafarira mienzanisiro yaJesu?
UNOFARIKANYA kuziva chakavanzika kana kuti kupedza chishamiso here? Zvakadiniko kudai kuita kudaro kwaizokubetsera kuona zvakajeka zvikuru rutivi rwako mudonzo raMwari? Nomufaro, unogona kuwana nzwisiso yakaropafadzwa yakadaro kupfurikidza nomuenzanisiro uyo Jesu akapa. Wakashamisa vazhinji vakaunzwa uye wakashamisa vamwe vasingaverengeki chibviro chaipapo, asi unogona kuunzwisisa.
2 Cherekedza icho Jesu akataura muna Mateo ganhuro 13 pamusoro pokushandisa kwake mienzanisiro. Vadzidzi vake vakabvunza, kuti: “Neiko muchitaura kwavari kupfurikidza nokushandisa mienzanisiro?” (Mateo 13:10, NW) Hungu, neiko Jesu akashandisa mienzanisiro iyo vanhu vazhinjisa vaisanzwisisa? Akapindura muMt 13 ndima 11 kusvikira ku 13 (NW), kuti: “Kwamuri kunopiwa kunzwisisa zvakavanzika zvinoyera zvoumambo hwamatenga, asi kuna vanhu ivavo hakupiwi. . . . Ndicho chikonzero nei ndichitaura kwavari kupfurikidza nokushandisa mienzanisiro, nemhaka yokuti, kutarira, vanotarira pasina, uye kunzwa, vanonzwa pasina, uyewo havawani mufungo wako.”
3. Kunzwisisa mienzanisiro yaJesu kunotiunzira sei betsero?
3 Jesu ipapo akashandisa Isaya 6:9, 10, iyo yakarondedzera vanhu vakanga vari matsi namapofu nenzira yomudzimu. Isu, kunyanguvezvo, hatifaniri kuva vakadaro. Kana tikanzwisisa ndokuita chiito pamienzanisiro yake, tinogona kuva vanofara zvikuru—zvino nomunguva yemberi isingagumi. Jesu anotigovera ichi chipikirwa choushamwari: “Anofara meso enyu nemhaka yokuti anoona, uye nzeve dzenyu nemhaka yokuti dzinonzwa.” (Mateo 13:16, NW) Chipikirwa ichocho chinofukidza yose yemienzanisiro yaJesu, asi ngatipei ngwariro pamuenzaniso mupfupi worutava, wakanyorwa pana Mateo 13:47-50.
Muenzanisiro Une Revo Huru
4. Jesu akarondedzerei kupfurikidza nomuenzanisiro, sezvakanyorwa pana Mateo 13:47-50?
4 “[Umambo hwamatenga, NW] hwakafananazve norutava runokandirwa mugungwa, runounganidza marudzi ose ehove; kana rwazara vanorukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasha. Ndizvo zvichaitwa pa[mhedziso yetsika yezvinhu: ngirozi, NW] dzichabuda, dzichabudisa vakaipa pakati pavakarurama, dzichavakandira muvira romwoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”
5. Mibvunzo yorudzii inomuka pamusoro perevo yomufananidzo worutava?
5 Zvimwe wakaona vanhu vachiredza norutava, zvimwe mufirimu kana kuti muterevhizheni, naizvozvo mufananidzo waJesu hauna kuoma kuisa muchiono. Asi zvakadiniko noudzame nerevo? Somuenzaniso, Jesu akataura kuti uyu muenzanisiro uri pamusoro po“umambo hwamatenga.” Bva, zvirokwazvo iye haana kureva kuti “rudzi rwuri rwose” rwomunhu, rwakaisvonaka norusina kukodzera, kana kuti rwakaipa, ruchava muUmambo. Uyewo, ndivanaani vanoredza? Uku kuredza nokuparadzanisa zvakaitika muzuva raJesu here, kana kuti kungaganhurirwa kunguva yedu here, “mhedziso yetsika yezvinhu”? Unozviona umene uri muuyu mufananidzo here? Unogona sei kudzivisa kuguma wava pakati paavo vanochema nokugeda-geda meno avo?
6. (a) Neiko tichifanira kuva vanofarira zvikuru kunzwisisa mufananidzo worutava? (b) Chii chiri nhungamiro kukunzwisiswa kwawo?
6 Mibvunzo yakadaro inoratidza kuti uyu muenzanisiro hausati uchitongova wakapfava. Usakanganwa, kunyanguvezvo, kuti: “Anofara meso enyu nemhaka yokuti anoona, uye nzeve dzenyu nemhaka yokuti dzinonzwa.” Ngationei kana tichigona kunzvera revo yawo kuitira kuti nzeve dzedu dzisave dzisinganzwi uye meso edu arege kuvharwa pamusoro poukoshi hwawo. Chaizvoizvo, nechekare tine nhungamiro inokosha yokuzarura nayo revo yawo. Nyaya yakapfuura yakataura nezvokukoka kwaJesu varedzi veGarirea kuti varege basa iroro ndokutora basa romudzimu sa“varedzi vavanhu.” (Marko 1:17) Iye akavaudza, kuti: “Kubva zvino zvichienda mberi uchave uchibata vanhu vari vapenyu.”—Ruka 5:10, NW.
7. Chii icho Jesu akanga achienzanisira paakataura nezvehove?
7 Mukuwirirana naikoko, hove mumufananidzo uno dzinomirira vanhu. Nokudaro, apo Mt 13 ndima 49 inotaura nezvokuparadzanisa vakaipa kubva muvakarurama, inonongedzera, kwete kuupenyu hwakarurama kana kuti hwakaipa hwezvipenyu zvinogara mumakungwa, asi kuvanhu vakarurama kana kuti vakaipa. Nenzira yakafanana, Mt 13 ndima 50 haifaniri kutiita kuti tifunge nezvemhuka dzomugungwa idzo dzinochema kana kuti kugeda-geda meno adzo. Aiwa. Uyu mufananidzo uri pamusoro pokuunganidzwa kwavanhu nokuparadzaniswa kwavo kwapashure, uko kuri kwakakomba zvikuru, sokuratidza kunoita muuyo wacho.
8. (a) Chii chatinogona kudzidza pamusoro pomuuyo nokuda kwehove dzisina kukodzera? (b) Nemhaka yezvakataurwa pamusoro pehove dzisina kukodzera, chii chatinogona kugumisa pamusoro poUmambo?
8 Cherekedza kuti hove dzisina kukodzera, ndiko kuti, dzakaipa, dzichakandirwa muvira romwoto, umo dzichafanira kuchema nokugeda-geda meno adzo. Kune imwe nzvimbo Jesu akabatanidza kuchema kwakadaro nokugeda-geda nokuva kunze kwoUmambo. (Mateo 8:12; 13:41, 42) Pana Mateo 5:22 na 18:9, akatodudza “Gehena romwoto,” achinongedzera kuruparadziko rwechigarire. Ikoko hakuratidzi here kuti kunokosha sei kuwana revo youyu muenzanisiro nokuita nenzira inowirirana? Tose zvedu tinoziva kuti hamusati mune kana kuti muchizova navakaipa muUmambo hwaMwari. Nokudaro, apo Jesu akataura kuti “umambo hwamatenga hwakafanana norutava,” anofanira kuve akareva kuti mukuwirirana noUmambo hwaMwari, pane rutivi rwakafanana norutava runodzikiswa kuti ruunganidze marudzi akasiana-siana ehove.
9. Ngirozi dzinobatanidzwa sei mumuenzanisiro worutava?
9 Pashure pokunge rutava rwadzikiswa uye hove dzaunganidzwa, paizova nebasa rokuparadzanisa. Ndivanaani avo Jesu akati vakabatanidzwa? Mateo 13:49 yakazivisa ava varedzi vaparadzanisi sengirozi. Naizvozvo Jesu akanga achitiudza pamusoro petarisiro yengirozi yechishandiswa chiri pasi pano icho chinoshandiswa kuzivisa vanhu—vamwe vakaisvonaka uye vakakodzera nokuda kwoUmambo hwokudenga, vamwe vachibvumikisa kuva vasina kukodzera nokuda kwokudana ikoko.
Kuredza—Rini?
10. Tinogona kusarudza kuti basa rokuredza rakatambanudzwa kwenhambo yakati yenguva kupfurikidza nokurangarirai?
10 Mashoko akapoteredza anotibetsera kuwana apo ikoku kunoshanda. Pamberi chaipo paikoku, Jesu akapa muenzanisiro pamusoro pokudyarwa kwembeu yakaisvonaka, asi ipapo mashawi akadyarwa mumunda, uyo unofananidzira nyika. Iye akatsanangura pana Mateo 13:38 (NW), kuti mbeu yakaisvonaka yaimirira “vanakomana voumambo; asi mashawi vanakomana vowakaipa.” Izvozvi zvakakura pamwe chete kwamazana amakore akawanda, kusvikira pakukohwa mumhedziso yetsika yezvinhu. Ipapo mashawi akaparadzaniswa uye pashure akapiswa. Tichienzanisa iwoyu nomuenzanisiro worutava, tinoona kuti kupinzwa kwezvisikwa murutava kwakanga kuchifanira kutambanuka kwenhambo refu yenguva.—Mateo 13:36-43.
11. Basa rokuredza ramarudzi ose rakatanga sei muzana rokutanga ramakore?
11 Mukuwirirana nomufananidzo waJesu, hove dzaizounganidzwa nokusasarura, ndiko kuti, rutava rwakapinza zvose zviri zviviri hove dzakaisvonaka nehove dzisina kukodzera. Apo vaapostora vakanga vari vapenyu, ngirozi dzaitungamirira basa rokuredza dzakashandisa sangano rechiKristu raMwari kubata “hove” idzo dzakava maKristu akazodzwa. Ungataura kuti pamberi pePentekosta 33 N.V., kuredza kwaJesu vanhu kwakaunganidza vanenge vadzidzi 120. (Mabasa 1:15) Asi apo bedzi ungano yamaKristu akazodzwa yakatangwa, kuredza nechishandiswa chorutava kwakavamba, uye zviuru zvehove dzakaisvonaka zvakabatwa. Kuvambira muna 36 N.V., kuredza kwakapararira zvakafara kupinda mumvura dzamarudzi ose, sezvo Vamarudzi vakakweverwa kuchiKristu ndokuva mitezo yeungano yakazodzwa yaKristu.—Mabasa 10:1, 2, 23-48.
12. Chii chakavamba pashure porufu rwavaapostora?
12 Mumazana amakore pashure pokunge vaapostora vaenda, pakapfuurira kuva namaKristu aitamburira kuwana ndokuomerera kuzvokwadi youmwari. Vanenge vamwe vaivava vaiva netendero yaMwari, uye iye akavazodza nomudzimu mutsvene. Zvakare, rufu rwavaapostora rwakabvisa pesvedzero inodzivisa, ruchibvumira kuwa pakutenda kwakapararira kuti kukure. (2 VaTesaronika 2:7, 8) Sangano rakakura iro rakataura nenzira isina kufanira kuva ungano yaMwari. Rakataura nenzira yenhema kuva rudzi rutsvene rwakazodzwa nomudzimu waMwari kuti rutonge naJesu.
13. Neiko kuchigona kutaurwa kuti chiKristudhomu chakanga chine basa mukushanda kworutava?
13 Unofunga kuti vanotaura kuva vechiKristu vasina kutendeka vakanga vane rutivi rupi norupi mumuenzanisiro worutava here? Eya, pane chikonzero chokupindura kuti, hungu, vakanga vanarwo. Rutava rwokufananidzira rwakabatanidza chiKristudhomu. Chokwadi, kwamakore Chechi yeKaturike yakaedza kurambidza Bhaibheri kuvanhu venhando. Kunyanguvezvo, mumazana amakore mitezo yechiKristudhomu yakaita basa guru mukushandura, kunyora, uye kuparadzira Shoko raMwari. Machechi gare gare akaumba kana kuti kutsigira masangano eBhaibheri, ayo akashandurira Bhaibheri mumitauro yenyika dziri kure. Akatumirawo vafundisi vanorapa navadzidzisi, avo vane vanhu vakatendeukira kuchiKristu nemhaka yokuti vaipiwa zvokudya. Ikoku kwakaunganidza zviverengero zvikuru zvehove dzisina kufanira, idzo dzakanga dzisina tendero yaMwari. Asi zvisinei kwakaratidzira mamirioni avasiri maKristu kuBhaibheri nokuchimiro chechiKristu, kunyange zvazvo chakashatiswa.
14. Kuredza hove dzakaisvonaka kwakayamurwa sei nebasa rakaitwa namachechi echiKristudhomu?
14 Munguva yose iyoyo, vakatendeka vakaparadzirwa vanoomerera kuShoko raMwari vakazvishandisa vamene zvakanakisisa sezvavaigona. Panguva ipi neipi yakapiwa, vaiumba ungano yechokwadi yakazodzwa yaMwari pasi pano. Uye tingava nechokwadi chokuti ivowo vakanga vachibata hove, kana kuti vanhu, vazhinji vavo Mwari aizorangarira savakaisvonaka uye avo aizozodza nomudzimu wake. (VaRoma 8:14-17) Ava vanotaura kuva vechiKristu vakaisvonaka vakakwanisa kuunza zvokwadi yeBhaibheri kuvazhinji avo vakanga vava maKristu nemhaka yokupiwa zvokudya kana kuti avo vakanga vawana zivo yakaganhurirwa yeBhaibheri muMagwaro akashandurirwa mundimi dzavo namasangano eBhaibheri echiKristudhomu. Chokwadi, kuunganidzwa kwehove dzakaisvonaka kwakanga kuchipfuurira, kunyange zvazvo zhinjisa dzaiunganidzwa nechiKristudhomu dzakanga dzisina kukodzera mumurangariro waMwari.
15. Nenzira yakananga, chii chinomirirwa norutava rwomufananidzo?
15 Naizvozvo rutava runomirira chishandiswa chapasi icho chinotaura kuva ungano yaMwari uye icho chinounganidza hove. Chakabatanidza zvose zviri zviviri chiKristudhomu neungano yamaKristu akazodzwa, vapashure vachiva vakapfuurira kuunganidza hove dzakaisvonaka, munhungamiro isingaoneki yengirozi, mukuwirirana naMateo 13:49.
Nhambo Yedu Ichaiyo
16, 17. Neiko nguva yatiri kurarama mairi ichikosha kwazvo mukushanda kwomuenzanisiro waJesu worutava?
16 Ngatirangarirei zvino nguva. Kwamazana amakore chishandiswa chorutava chakaunganidza hove dzakaisvonaka pamwe chete nezhinji dzisina kukodzera, kana kuti dzakaipa. Ipapo nguva yakasvika apo ngirozi dzakabatanidzwa mukuita basa rokuparadzanisa rinokosha. Riniko? Eya, Mat 13 ndima 49 inotaura zvakajeka kuti mukati me“mhedziso yetsika yezvinhu.” Ikoku kunowirirana neicho Jesu akataura mumuenzanisiro wamakwai nembudzi: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake, uye ngirozi dzose dzinaye, ipapo achagara pasi pachigaro chake choumambo chine mbiri. Uye marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye iye achaparadzanisa vanhu kubva kune mumwe nomumwe, kungofanana nomufudzi anoparadzanisa makwai kubva mumbudzi.”—Mateo 25:31, 32, NW.
17 Nokudaro, mukuwirirana naMateo 13:47-50, basa rinokosha rokuparadzanisa munhungamiro yengirozi rave richifambira mberi chifo chaapo “mhedziso yetsika yezvinhu” yakavamba muna 1914. Ikoku kwakava kunooneka zvikurukuru pashure pa 1919, apo vakasarira vavakazodzwa vakasunungurwa muusungwa hwechinguvana hwomudzimu, kana kuti utapwa, uye vakava chishandiswa chinobudirira zvikuru nokuda kwokupedza basa rokuredza.
18. Hove dzakaisvonaka dzakaunganidzirwa sei mumidziyo?
18 Chii chakanga chichizoitika kuhove dzakaisvonaka dzakaparadzaniswa? Mat 13 Ndima 48 inotaura kuti varedzi vaparadzanisi vengirozi “vakaunganidzira [hove] dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasha.” Midziyo ndezvokuisira zvinodzivirira umo hove dzinoiswa. Ikoku kwakaitika munguva yedu here? Zvamazvirokwazvo. Sezvo hove dzakaisvonaka dzokufananidzira dzakabatwa dziri mhenyu, dzakaunganidzirwa muungano dzamaKristu echokwadi. Idzi ungano dzakafanana nemidziyo dzakabetsera kudzidzivirira nokudzichengeta nokuda kwebasa roumwari, haubvumirani nazvo here? Zvakare, mumwe munhu angagona kufunga kuti, ‘Ikoku kose kwakaisvonaka, asi kune chokuitai nenguva yangu yazvino nenguva yangu yemberi?’
19, 20. (a) Neiko kuchikosha nhasi kuwana pfungwa youyu mufananidzo? (b) Ibasai rinokosha rokuredza rakaitwa chifo cha 1919?
19 Kushanda kwechakaenzanisirwa pano hakuna kuganhurirwa kumazana amakore pakati penguva yavaapostora na 1914. Mukati menhambo iyoyo, chishandiswa chorutava chakasvika pakuunganidza vose vari vaviri vanotaura kuva vechiKristu venhema nevechokwadi. Hungu, chakanga chichiunganidza dzose dziri mbiri hove dzisina kukodzera nehove dzakaisvonaka. Kupfuurirazve, basa rokuparadzanisa rakaitwa nengirozi harina kuguma shure munenge muna 1919. Aiwa, zvamazvirokwazvo. Muna mamwe mativi uyu muenzanisiro worutava unoshandisika kusvikira kunguva yedu chaiyo. Tinobatanidzwa uye ndozvakaitawo nguva yedu yemberi iri pedyo. Kunokosha kuti tinzwisise kuti nei uye sei ikoko kwakadaro kana tichida aya mashoko kutirondedzera: “Anofara meso enyu nemhaka yokuti anoona, uye nzeve dzenyu nemhaka yokuti dzinonzwa” nokunzwisisa.—Mateo 13:16, NW.
20 Iwe sezvingabvira unoziva kuti pashure pa 1919 vakasarira vakazodzwa vakabatikana mubasa rokuparidzira mukubatira pamwe nengirozi, idzo dzakapfuurira kushandisa rutava rwokufananidzira kukwevera hove pamhenderekedzo, kuparadzanisa dzakaisvonaka kubva mudzisina kukodzera. Zviverengero zvapanhambo iyoyo zvinoratidza kuti kubatwa kwehove dzakaisvonaka nokuda kwokuzodzwa nomudzimu waMwari kwakapfuurira sezvo vokupedzisira vavane 144 000 vakaunganidzwa norutava rwokufananidzira. (Zvakazarurwa 7:1-4) Asi pakazosvika pakati pama 1930, kuunganidzwa kwehove dzakaisvonaka nokuda kwokuzodzwa nomudzimu mutsvene kwakaguma zvikurukuru. Ungano yavakasarira vakazodzwa ipapo yakanga ichizorasha rutava, sokunge zvakadaro, uye kungogara, vachimirira tuso yavo yokudenga here? Nyangwe!
Kubatanidzwa Kwako Mukuredza
21. Kumwe kuredzai kwakaitika munguva yedu? (Ruka 23:43)
21 Muenzanisiro waJesu worutava wakanangidzira ngwariro pahove dzakaisvonaka idzo dzaizotuswa nenzvimbo muUmambo hwamatenga. Bva, kunze kwomuenzanisiro iwoyo, kune kumwe kuredza kwokufananidzira kunoitika pamwero mukuru, kunyange sezvakaenzanisirwa munyaya yakapfuura. Uku kuredza, kusati kuri kwehove dzakaisvonaka dzakazodzwa dzinodudzwa mumuenzanisiro waJesu, asi kwehove dzokufananidzira idzo dzichabatwa dziri mhenyu ndokupiwa tariro inoshamisa youpenyu muparadhiso yapasi.—Zvakazarurwa 7:9, 10; enzanisa naMateo 25:31-46.
22. Muuyoi unofadza watinogona kuwana, uye chii chiri chinotsiva?
22 Kana une tariro iyoyo, ipapo unogona kufara kuti Jehovha akabvumira basa rinoponesa upenyu rokuredza kupfuurira kusvikira zvino. Ikoku kwakaita kuti kukubvirire kuwana kariro inoshamisa. Kariro? Hungu, iroro ndiro shoko rakakodzera kushandisa, sezvo muuyo wacho uchava mukuwirirana nokutendeka kwedu kunopfuurira kune Uyo ari kutungamirira nhamburiko yokuredza inopfuurira. (Zefania 2:3) Yeuka kubva mumuenzanisiro kuti hadzisi hove dzose dzinobudiswa norutava dzinowana muuyo wakanaka. Jesu akataura kuti dzisina kukodzera, kana kuti dzakaipa, dzichaparadzaniswa kubva mune dzakarurama. Nedonzoiko? Pana Mateo 13:50, Jesu akarondedzera muuyo wakakomba nokuda kwehove dzisina kukodzera, kana kuti dzakaipa. Idzodzi dzichakandirwa muvira romwoto, kureva ruparadziko rusingagumi.—Zvakazarurwa 21:8.
23. Chii chinoita kuti basa rokuredza nhasi rive rinokosha kwazvo?
23 Nokuda kwehove dzakaisvonaka dzakazodzwa, pamwe chete nokuda kwehove dzokufananidzira idzo dzingararama nokusingaperi pasi pano, pane nguva yemberi ine mbiri. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, ngirozi dziri kuona kuti iko zvino basa rokuredza rinobudirira riri kupfuuridzirwa kupota nyika yose. Uye kubata kwakadini kuri kuitwa! Ungava wakarurama mukutaura kuti munzira yako imene, kunongova kubata kwenenji souko kwehove chaidzoidzo uko vaapostora vakafarikanya pavakadzikisa rutava rwavo munhungamiro yaJesu.
24. Chii chatinoda kuita pamusoro pokuredza kwomudzimu?
24 Uri kuva negoverano yokushingaira seinobvira here muiri basa rinoponesa upenyu rokuredza kwomudzimu? Hazvinei hazvo nokuti goverano yedu yomunhu oga yave yakakura zvakadini kusvikira kunguva ino, mumwe nomumwe wedu anogona kutarira nenzira inobetsera pachiri kupedzwa munyika yose mubasa guru rokuredza nerinoponesa upenyu iro zvino riri kufambira mberi. Kuita kudaro kunofanira kutinyandurira kushingairo yakatokura zvikuru mukudzikisa rutava nokuda kwokubata mumazuva ari pamberi chaipo apa!—Enzanisa naMateo 13:23; 1 VaTesaronika 4:1.
Unoyeuka Aya Mapfundo Here?
◻ Chii chinomirirwa namarudzi maviri ehove dzomufananidzo waJesu worutava?
◻ Machechi echiKristudhomu akabatanidzwa mukushanda kworutava mupfungwai?
◻ Neiko kuredza kuri kuitika munguva yedu kwakakomba kwazvo?
◻ Mufananidzo worutava unofanira kutungamirira mumwe nomumwe wedu kuita kuzvinzvera kworudzii?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mabasa okuredza akaitika paGungwa reGarirea kwamazana amakore
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.