Neiko Vanhu Vakanaka Vachitambura?
GORE racho rakanga riri 1914, uye nyika yakanga ichirwa hondo. Kamwe kamwe, typhus yakatanga mumusasa wavasungwa vehondo muSerbia. Asi iwayo akanga achingova chete mavambo. Hosha inotyiwa yakapararira kuvasiri varwi ndokuparira rufu rwavane 150 000 mumwedzi mitanhatu bedzi. Pakati pemigariro yenguva yehondo nokupandukira kwakatevera muRussia, vane mamirioni matatu vakafa netyphus. Ungasanogumisa kuti vanhu vakanaka vakawanda nemitezo yavo yemhuri yakafirwa vakanga vari pakati pavanyajambwa.
Uyu unongova muenzaniso mumwe chete wejambwa ravanhu. Iwe umene ungave wakawana kutambura kunovapo apo vadiwa vanova vanyajambwa kuhosha, tsaona, uye ngwavaira dzorudzi rwakati. Sezvingabvira, iwe unotambudzika apo munhu akarurama anotambudzwa namarwadzo ehosha isingarapiki. Iwe zvimwe unosuruvariswa zvikuru apo munhu akanaka—zvichida murume wemhuri anoshanda zvakaoma—anourawa mutsaona. Nhamo yavafirwi ingaita kuti mwoyo wako urwadzwe nokuda kwavo.
Vazhinji vanorangarira kuti munhu anoita zvakanaka anofanira kutuswa norusununguko pakutambura. Vamwe vanotorangarira kutambura kuva chibvumikiso chokuti nyajambwa mutadzi. Ikoku kwakanga kuri chibvumikiso chavarume vatatu vakararama makore 3 600 apfuura. Ivo vaiva vararami munguva imwe cheteyo vomurume akanaka ainzi Jobho. Ngatidzokerei kuzuva ravo sezvatinovamba kutsvaka mhinduro kumubvunzo, Neiko vanhu vakanaka vachitambura?
Kutambura kwaJobho
Apo dzainzi shamwari nhatu dzaJobho dzakamushanyira, akanga achitambura zvisingarondedzereki namarwadzo nehosha. Iye akanga afirwa navana vake gumi uye akanga arasikirwa nepfuma yake yose yokunyama. Vanhu vairemekedza Jobho vakamusema. Kunyange mudzimai wake akarega kumutsigira ndokukurudzira kuti iye atuke Mwari ndokufa.—Jobho 1:1–2:13; 19:13-19.
Kwamazuva manomwe nousiku, vashanyi vaJobho vakacherechedza chinyararire kutambura kwake. Ipapo mumwe wavo akamupomera mufambiro usina kururama waaifungidzirwa kuva anorangirwa. “Rangarira hako,” akadaro murume Erifazi: “Ndianiko usine mhaka wakatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi? Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa, navanodyara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo. Vanoparadzwa nomweya waMwari, vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.”—Jobho 4:7-9.
Naizvozvo Erifazi akaita nharo kuti Mwari akanga achiranga Jobho nokuda kwezvivi zvake. Nhasiwo, vamwe vanoita nharo kuti ngwavaira mabasa aMwari akarongedzerwa kuranga vanhu nokuda kwechakaipa. Asi Jehovha akanga asiri kuranga Jobho nokuda kwokuita mabasa asina kururama. Tinoziva ikoku nemhaka yokuti gare gare Mwari akaudza Erifazi, kuti: “Ndakutsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaita muranda wangu Jobho.”—Jobho 42:7.
Mwari Haana Mhaka
Nhasi, mamirioni—zvirokwazvo kubatanidza vanhu vakanaka vakawanda—vanorohwa nourombo uye vava pedyo nokuziya nenzara. Vamwe vanhu vanoshatirwa ndokushora Mwari nokuda kwokutambura kwavo. Asi iye haafaniri kushorwa nokuda kwenzara. Kutaura idi, iye Ndiye anogovera zvokudya nokuda kworudzi rwomunhu.—Pisarema 65:9.
Udyire, makaro, uye zvimwe zvinhu zvohunhu zvingadzivisa kuendeswa kwezvokudya kuvane nzara. Hondo iri pakati pezvisakiso zvenzara. Somuenzaniso, The World Book Encyclopedia inoti: “Hondo ingaguma nenzara kana varimi vazhinji vakasiya minda yavo ndokukumbanira mauto akashongedzerwa nezvombo. Muzvimwe zvinoitika, hondo yakaparira nzara namaune kuziyisa nenzara muvengi kuti atere. Hondo inoparadza zvokudya zvakachengetwa nezvirimwa zviri kukura uye inoisa chidziviso kuti igure mugove wezvokudya womuvengi. Zvidziviso zvakadzivisa zvokudya kusvika nharaunda yeBiafra mukati meHondo yaVagari Vemo veNigeria (1967-70). Nzara yakavapo, uye vaBiafra vanopfuura mirioni imwe zvimwe vakaziya nenzara.”
Zvikurukuru vamwe vakashora Mwari nenzira yakaipa mukati meHondo yeNyika II, apo vanhu vakanaka vazhinji vakatambura ndokufa. Bva, vanhu vanopunza mitemo yaMwari kupfurikidza nokuvengana nokurwisana. Apo Jesu Kristu akabvunzwa kuti murairo upi waiva “wokutanga weyose,” iye akapindura, kuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, Haiwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe, uye unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu, ‘Iwe unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.’ Hakuna mumwe murairo mukuru kupfuura iyoyi.”—Marko 12:28-31, NW.
Apo vanhu vanopunza mitemo yaMwari kupfurikidza nokupinda mukuuraya vazhinji, ko munhu upi noupi anogona here nenzira yakafanira kumushora kana kutambura kuri muuyo wacho? Kana mubereki akaudza vana vake kusarwa pakati pavo vamene uye ivo vakazvidza zano rake rakanaka, ane mutoro here kana ivo vakatambura kuvadziko? Mubereki haana mutoro sezvo Mwari asina nokuda kwokutambura kwavanhu apo vanhu vanozvidza mitemo youmwari.
Kunyange zvazvo kutambura kungavapo apo mitemo yaJehovha inofuratirwa, Bhaibheri hariratidziri kuti ngwavaira dzose zvadzo mabasa aMwari akarongedzerwa kuranga vakaipa. Apo vaviri vokutanga vohunhu vakatadza, vakarasikirwa nechikomborero chake chaicho nedziviriro. Kunze kwezvinoitika zvepindiro youmwari kuita madonzo aJehovha, chakaitika kurudzi rwomunhu zuva nezuva chakadzorwa neiyi nheyo yapaMagwaro: “Unomhanyisa haasi iye unokunda, une simba haasi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haasi iye une zvokudya, vanhu vane njere havasi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havasi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.
Vose Vari Vaviri Vakanaka Navakaipa Vanotambura
Zvomenemene, vose vari vaviri vanhu vakanaka navakaipa vanotambura nemhaka yechivi chakagarwa nhaka nokusakwana. (VaRoma 5:12) Somuenzaniso, vanhu vakarurama navakaipa zvakafanana vanotambura hosha dzinorwadza. MuKristu akatendeka Timotio akatambura ne“zvinoitika zvizhinji zvechirwere.” (1 Timotio 5:23, NW) Apo muapostora Pauro akadudza “munzwa munyama” yake amene, iye angave ainongedzera kumarwadzo akati omuviri. (2 VaKorinte 12:7-9) Kunyange nokuda kwavabatiri vake vakavimbika, Mwari haabvisi zvino utera hwakagarwa nhaka kana kuti kutapurwa nehosha.
Vanhu voumwari vangatamburawo nemhaka yokushandisa chisarudzo chakaipa kana kuti kukundikana kushandisa zano rapaMagwaro padzimwe nguva. Kuenzanisira: Munhu asingateereri Mwari uye anoroora asingatendi angatambura nhamo dzeroorano dzaangadai akagona kudzivisa. (Dheuteronomio 7:3, 4; 1 VaKorinte 7:39) Kana muKristu asingadyi zvakafanira uye asingawani zororo rakakwana, angatambura nemhaka yokuparadza utano hwake.
Kutambura kwemirangariro kungavapo kana tikatera kuutera ndokupinda mumufambiro wakaipa. Upombwe hwaMambo Dhavhidhi naBhati-shebha hwakamuunzira kutambura kukuru. (Pisarema 51) Achiedza kuvanza chakaipa, iye akatambura nhamo huru. “Panguva yandakaramba ndinyerere,” iye akadaro, “mapfupa angu akasakara nokuuura kwangu zuva rose. . . . Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.” (Pisarema 32:3, 4) Nhamo pamusoro pemhaka yake yakaderedza simba raDhavhidhi sokurasikirwa kungaita muti nounyoro hunopa upenyu mukati mokushaya mvura kana kuti mukupisa kwakaoma kwezhezha. Iye sezviri pachena akatambura mose muri muviri mundangariro nomumuviri. Asi Pisarema 32 rinoratidza kuti kutambura kwakadaro kunogona kusunungurwa kupfurikidza nokureurura kwomunhu chivi nenzira yokupfidza nokugamuchira ruregerero rwaMwari.—Zvirevo 28:13.
Vanhu vakashata kazhinji kazhinji vanotambura nokuda kwokuronda nzira youtere, kwete sechirango choumwari. Herodhe Mukuru akaradzikwa nehosha nemhaka yetsika dzakaipa. Mumazuva ake okupedzisira, Herodhe “akatambura marwadzo akaipa,” akadaro wezvenhau wechiJudha Josephus. “Iye aiva nechishuvo chinotyisa chokuzvikwenya amene, matumbu ake aiva namaronda, uye mativi ake avandika akaora ndokuva namakonye. Iye akaedza pasina maturo kusunungura kutadza kufema kwake nebuka mutsime rinodziya paCallirrhoe. . . . Herodhe zvino akanga achitambura marwadzo akaipa akadaro zvokuti akaedza kuzvibaya amene, asi akadziviswa nehama yake yokunyama.”—Josephus: The Essential Writings, rakashandurwa ndokurongwa naPaul L. Maier.
Kunamatira kumutemo waMwari kunogovera dziviriro pazvinhu zvakadai sehosha dzinopfuudzwa muvatano. Bva, neiko vanhu vakanaka vanotsvaka nyasha dzake vachiratidzika kuva nounopfuura mugove wavo wokutambura?
Chikonzero Nei Vanhu Voumwari Vachitambura
Chikonzero chikuru nei vanhu voumwari vachitambura ndechokuti ivo vakarurama. Ikoku kunoratidzirwa muchinoitika chomwanakomana watateguru Jakobho Josefa. Kunyange zvazvo mudzimai waPotifari akakurudzira nguva dzose Josefa kuvatana naye, iye akabvunza: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:9) Ikoku kwakatungamirira kukuiswa mutorongo kusakarurama, uye Josefa akatambura nemhaka yokuti akanga akarurama.
Asi neiko Mwari achibvumira vabatiri vake vakarurama kutambura? Mhinduro iri munhau yakamutswa nengirozi yakapanduka Satani Dhiabhorosi. Iyi nhau inobatanidza perero kuna Mwari. Tinoziva sei? Nemhaka yokuti ikoku kwakaratidzwa muchinoitika chomurume akarurama Jobho, adudzwa pakuvamba.
Pamusangano wavanakomana vengirozi vaMwari mudenga, Jehovha akabvunza Satani, kuti: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuno munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa?” Mhinduro yaDhiabhorosi inobvumikisa kuti kwakanga kune gakava pamusoro pokuti vanhu vaizochengeta here perero kuna Jehovha mumuedzo. Satani akataura kuti Jobho akabatira Mwari nemhaka yezvikomborero zvokunyama zvaifarikanywa uye kwete nokuda kworudo. Satani ipapo akati: “Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo [Jobho], ipapo iye achakushorai pachena.” Jehovha akapindura, achiti: “Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari!”—Jobho 1:6-12.
Pasinei zvapo nechinhu chiri chose Satani aigona kuita, Jobho akachengeta nzira yakarurama ndokubvumikisa kuti iye aibatira Jehovha nokuda kworudo. Zvamazvirokwazvo, Jobho akaudza vapomeri vake, kuti: “Hakufungiki kwandiri kuti ndinofanira kukuzivisai imi vanhu kuti makarurama! Kutozosvikira ndafa handisati ndichizobvisa perero yangu kwandiri ndimene!” (Jobho 27:5, NW) Hungu, vachengeti veperero vakadaro nguva dzose vave vachidisa kutambura nokuda kwokururama. (1 Petro 4:14-16) Bhaibheri rinotaura nezvavazhinji vakava norudo rusingakundikani nokuda kwaMwari uye vakararama upenyu hwakarurama kuti vamukudze ndokubvumikisa kutaura kwaSatani kuva kwenhema kwokuti iye aigona kubvisa vanhu vose kuna Jehovha. Munhu ari wose anotambura nemhaka yokuchengeta perero kuna Mwari anogona kufara kuti iye ari kubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema uye ari kuita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.
Mwari haasati ari asingaitiri hanya kutambura kwavabatiri vake vakatendeka. Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Avo vakazvitsaurira kuna Jehovha vangashaiwa simba romunhu oga rakakwana rokutsungirira kutambura kwoupenyu nechitambudzo chavanowana savanhu vake. Asi Mwari anovasimbisa nokuvatsigira uye anovapa uchenjeri hunodikanwa kutsungirira miedzo yavo yose. (Pisarema 121:1-3; Jakobho 1:5, 6) Kana vatambudzi vakafanira kuuraya vamwe vavabatiri vakavimbika vaJehovha, ivo vane tariro inopiwa naMwari yorumuko. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Kunyange kusvikira patambanuko iyoyo, Mwari anogona kuchinja miuyo yokutambura kupi nokupi kunotamburwa naavo vanomuda. Iye akagumisa kutambura kwaJobho ndokukomborera zvikuru munhu iyeyo akarurama. Uye isu tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha haasati achizosiya vanhu vake muzuva redu.—Jobho 42:12-16; Pisarema 94:14.
Nokukurumidza—Hakusati Kuchizovazve Nokutambura!
Naizvozvo, ipapoka, munhu ari wose anova nokutambura nemhaka yokusakwana kwakagarwa nhaka noupenyu pakati petsika ino yakaipa yezvinhu. Vanhu voumwari vanogonawo kukarira kutambura nemhaka yokuchengeta perero kuna Jehovha. (2 Timotio 3:12) Asi ivo vanogona kufara, nokuti Mwari achakurumidza kugumisa misodzi, rufu, kuchema, kurira, uye marwadzo. Muna ikoku, muapostora Johane akanyora kuti:
“Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga wakashongerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: ‘Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.’ Wakanga agere pachigaro choushe akati: ‘Tarirai, ndinovandudza zvose.’ Akati: ‘Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:1-5.
Nenzira yakafanana, muapostora Petro akazivisa, kuti: “Kune matenga matsva nepasi idzva izvo takamirira mukuwirirana nechipikirwa chake [Jehovha Mwari], uye muna izvozvi muchagara kururama.” (2 Petro 3:13, NW) Ikariro dzakaisvonaka zvakadini dziri pamberi apa! Upenyu muparadhiso yapasi inogona kuva ropafadzo yako inofadza. (Ruka 23:43) Naizvozvo, usarega kutambura kwomuzuva razvino kuchikushatirisa. Panzvimbo pezvo, tarira kunguva yemberi netariro. Isa tariro yako nechivimbo munyika itsva yaMwari yava pedyo kwazvo. Ronda nzira inogamuchirika kuna Jehovha Mwari, uye unogona kurarama nokusingaperi munyika isina kutambura kwose.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Kunyange zvazvo Jobho akatambura, akaronda nzira inogamuchirika kuna Mwari
[Mufananidzo uri papeji 7]
Iwe unogona kurarama munyika isina kutambura kwose
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Collier’s Photographic History of the European War