Mudzimu waJehovha Unotungamirira Vanhu Vake
“Mudzimu wenyu wakanaka; ngaunditungamirire munyika yokururama.”—PISAREMA 143:10, NW.
1, 2. Chii chingaparira nhamo nokuda kwavabatiri vakavimbika vaJehovha?
‘NDINONZWA ndakaora mwoyo kwazvo! Ndokupi kwandinogona kuwana nyaradzo? Mwari akandisiya here?’ Unombonzwa nenzira iyoyo here? Kana uchidaro, hausati uri woga. Kunyange zvazvo vabatiri vakavimbika vaJehovha vachigara muparadhiso yomudzimu inokura, ivo pane dzimwe nguva vanonangana nezvinetso zvinotambudza, miedzo, uye zviedzo zvavose kurudzi rwomunhu.—1 VaKorinte 10:13.
2 Zvichida unokombwa nomuedzo unovapo kwenguva refu kana kuti chisakiso chenhamo huru. Ungave uri kuchema kufa kwomudiwa uye unganzwa uri woga kwazvo. Kana kuti mwoyo wako unganetswa nechirwere cheshamwari inodiwa. Migariro yakadaro ingave iri kukutorera mufaro norugare uye ingatove iri kutyisidzira kutenda kwako. Chii chaunofanira kuita?
Kumbira Mwari Mudzimu Wake
3. Kana chimwe chinhu chiri kukutorera mavara akadai sorugare nomufaro, kungava kuchenjera kuitei?
3 Kana chimwe chinhu chiri kukutorera rugare, mufaro, kana kuti rimwe vara roumwari rakati, kungava kuchenjera kunyengeterera mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa. Neiko? Nemhaka yokuti mudzimu waJehovha unobereka zvibereko zvakanaka izvo zvinobetsera muKristu kunangana nezvinetso, miedzo, uye zviedzo. Pashure pokunyevera pamusoro pa“mabasa enyama,” muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvino chibereko cho[mudzimu, NW] ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora; hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.”—VaGaratia 5:19-23.
4. Pakunangana nomuedzo wakati kana kuti chiedzo, neiko kungava kwakakodzera kuva akananga muminyengetero yako?
4 Nemhaka yorudzi rwomuedzo wauri kunangana nawo, ungaziva kuti uri mungozi yokurasikirwa nounyoro hwako, kana kuti rupfave. Ipapo iva akananga kupfurikidza nokunyengetera kuna Jehovha Mwari nokuda kwechibereko chomudzimu chounyoro. Kana wanangana nomuedzo wakati, zvikurukuru unoda chibereko chokuzvidzora. Chokwadika, kwaizovawo kwakakodzera kunyengeterera betsero youmwari mukudzivisa muedzo, nokuda kwokununurwa pana Satani, uye nokuda kwouchenjeri hunodikanwa kutsungirira muedzo wacho.—Mateo 6:13; Jakobho 1:5, 6.
5. Kana migariro ichitambudza kwazvo zvokuti hauzivi kuti chibereko chipi chomudzimu chokunyengeterera, chii chinogona kuitwa?
5 Padzimwe nguva, zvisinei, migariro ingava inotambudza kwazvo kana kuti inovhiringidza zvokuti hauzivi kuti chibereko chipi chomudzimu chaunoda. Kutaura idi, mufaro, rugare, unyoro, uye mamwe mavara oumwari angaiswa ose mungozi. Ipapoka chii? Kuregererei kukumbira Mwari mudzimu mutsvene umene ndokuurega uchiparira zvibereko zvinodikanwa kukura mauri? Zvibereko zviri madikanwa zvingava rudo kana kuti mufaro kana kuti rugare kana kuti mubatanidzwa wezvibereko zvomudzimu. Nyengeterawo kuti Mwari akubetsere kutera kunhungamiro yomudzimu wake, nokuti anoushandisa kutungamirira vanhu vake.
Jehovha Anodisa Kubetsera
6. Jesu akaorora sei vateveri vake nedikanwo yokunyengetera vasingaregi?
6 Apo vadzidzi vaJesu Kristu vakatsvaka murairidzo pamusoro pomunyengetero, murutivi iye akavakurudzira kunyengeterera mudzimu waMwari. Jesu akatanga kushandisa muenzanisiro wakarongedzerwa kuvasunda kunyengetera vasingaregi. Iye akati: “Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari: ‘Shamwari, ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Uri mukati akapindura, akati: ‘Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.’ Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.”—Ruka 11:5-8.
7. Nderipi riri pfundo guru ramashoko aJesu ari pana Ruka 11:11-13, uye ivimbisoi yaanotipa pamusoro paMwari nomudzimu wake?
7 Jehovha anodisa kubetsera munhu ari wose wavabatiri vake vakazvitsaurira vakatendeka, uye anoteerera mikumbiro yavo. Asi kana munhu akadaro ‘akaramba achikumbira,’ sokukurudzira kwakaita Jesu, ikoku kunoratidzira chishuvo chomwoyo wose uye iratidzirwo yokutenda. (Ruka 11:9, 10) Kristu akawedzera, kuti: “Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu mutsvene, NW] vanokumbira kwaari.” (Ruka 11:11-13) Kana mubereki wapasi, kunyange zvazvo akaipa zvikuru nemhaka yokutadza kwakagarwa nhaka, achipa zvinhu zvakanaka kumwana wake, zvirokwazvo Baba vedu vokudenga vachapfuurira kupa mudzimu mutsvene wavo kune upi noupi wavabatiri vake vakavimbika vanoukumbira nenzira yokuzvininipisa.
8. Pisarema 143:10 rinoshanda sei kuna Dhavhidhi, Jesu, uye vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno?
8 Kuti tibetserwe nomudzimu waMwari, tinofanira kuva vanodisa kutevera nhungamiro yawo sezvakanga zvakaita Dhavhidhi. Iye akanyengetera, kuti: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu. Mudzimu wenyu wakanaka; ngaunditungamirire munyika yokururama.” (Pisarema 143:10, NW) Dhavhidhi, uyo akanga adzingwa namambo wechiIsraeri Sauro, aida kuti mudzimu waMwari umutungamirire kuti agova nechokwadi chokuti nzira yake yakanga yakarurama. Pashure penguva yakati Abhiatari akauya neefodhi yomuprista yaishandiswa mukuva nechokwadi chokuda kwaMwari. Somumiriri waMwari wouprista, Abhiatari akarairidza Dhavhidhi pamusoro penzira yokufamba nayo kuti afadze Jehovha. (1 Samueri 22:17–23:12; 30:6-8) Kufanana naDhavhidhi, Jesu akatungamirirwa nomudzimu waJehovha, uye ikoku kwavewo kuri kwechokwadi nezvavateveri vakazodzwa vaKristu seboka. Muna 1918-19, vaiva mumugariro wokurambwa pamberi penzanga yavanhu, uye vavengi vavo vorudzidziso vakafunga kuti vaigona kuvaparadza. Vakazodzwa vakanyengeterera nzira yokubuda nayo mumugariro wavo wokusaita basa, uye muna 1919, Mwari akapindura minyengetero yavo, akavanunura, uye akavamutsidzira mubasa rake. (Pisarema 143:7-9) Zvirokwazvo, mudzimu waJehovha panguva iyeyo wakanga uchibetsera nokutungamirira vanhu vake, sezvaunoita kusvikira kuzuva rino rimene.
Kubetsera Kunoita Mudzimu
9. (a) Mudzimu mutsvene unobatira sei so“mubetseri”? (b) Tinoziva sei kuti mudzimu mutsvene hausati uri munhu? (Ona mashoko omuzasi.)
9 Jesu Kristu akadana mudzimu mutsvene kuti “mubetseri.” Somuenzaniso, iye akaudza vateveri vake, kuti: “Ndichakumbira Baba uye ivo vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wezvokwadi, uyo nyika isingagoni kugamuchira, nemhaka yokuti haiuoni uyewo haiuzivi. Munouziva, nemhaka yokuti unoramba unemi uye uri mamuri.” Pakati pezvimwe zvinhu, “mubetseri” iyeyo aizova mudzidzisi, nokuti Kristu akapikira, kuti: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, uyo Baba vachatumira muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose ndokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” Mudzimu waizopupurirawo pamusoro paKristu, uye iye akavimbisa vadzidzi vake, kuti: “Kuri nokuda kwokubetserwa kwenyu kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndisingaendi, mubetseri haasati achizotongouya kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.”—Johane 14:16, 17, 26; 15:26; 16:7, NW.a
10. Mudzimu mutsvene wakabvumikisa kuva mubetseri munzirai?
10 Ari mudenga, Jesu akadurura mudzimu mutsvene wakapikirwa pavateveri vake pazuva rePentekosta muna 33 N.V. (Mabasa 1:4, 5; 2:1-11) Somubetseri, mudzimu wakavapa nzwisiso yakawedzerwa yokuda kwaMwari nedonzo uye wakavazarurira Shoko rake rouporofita. (1 VaKorinte 2:10-16; VaKorose 1:9, 10; VaHebheru 9:8-10) Mubetseri iyeyo akasimbisawo vadzidzi vaJesu kuti vave zvapupu mupasi rose. (Ruka 24:49; Mabasa 1:8; VaEfeso 3:5, 6) Nhasi, mudzimu mutsvene unogona kubetsera muKristu akazvitsaurira kukura muzivo kana achizviyamura amene negadziriro dzomudzimu dzinoitwa naMwari kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Mudzimu waMwari unogona kugovera betsero kupfurikidza nokugovera ushingi nesimba zvinodikanwa kupupurira somumwe wavabatiri vaJehovha. (Mateo 10:19, 20; Mabasa 4:29-31) Zvisinei, mudzimu mutsvene unobetserawo vanhu vaMwari mudzimwe nzira.
“Nokugomera Kusingataurwi”
11. Kana muedzo uchiratidzika kuva unokurira, chii icho muKristu anofanira kuita?
11 Kana muKristu akakombwa nomuedzo unoratidzika kuva unokurira, chii chaanofanira kuita? Chokwadi, nyengeterera mudzimu mutsvene, uye rega uite basa rawo! “[Mudzimu, NW] unobatiranawo nokusava nesimba kwedu;” akadaro Pauro, “nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi [mudzimu, NW] umene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi; uyo unonzvera mwoyo, ndiye unoziva kufunga kwo[mudzimu, NW], nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.”—VaRoma 8:26, 27.
12, 13. (a) VaRoma 8:26, 27 inoshanda sei kuminyengetero inopiwa mumigariro inotambudza zvikuru? (b) Pauro navasonganiri vake vakaitei apo vakanga vari mudzvinyiriro huru muruwa rweAsia?
12 Vatsvene ivavo avo mudzimu waMwari unoteterera nokuda kwavo vateveri vakazodzwa vaJesu, vane tariro yokudenga. Asi kana une danidzo yokudenga kana kuti tariro yapasi, somuKristu unogona kuva nebetsero yomudzimu mutsvene waMwari. Jehovha pane dzimwe nguva anopa mhinduro yakananga kumunyengetero chaiwo. Padzimwe nguva, zvisinei, ungave uchitambudzika kwazvo zvokuti haukwanisi kutaura kunzwa kwako uye ungakwanisa bedzi kukumbira Jehovha nokugomera kusingataurwi. Kutaura idi, ungasaziva chiri chakanakisisa nokuda kwako uye ungatokumbira chinhu chisina kururama kutoti ukanyengeterera mudzimu mutsvene. Mwari anoziva kuti unoda kuti kuda kwake kuitwe, uye anoziva zvaunoda chaizvoizvo. Uyezve, kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, iye akaparira minyengetero yakawanda kuti inyorwe muShoko rake, uye iyoyi inobata nemigariro inotambudza. (2 Timotio 3:16, 17; 2 Petro 1:21) Nokudaro, Jehovha anogona kurangarira mifungo yakati yakataurwa muminyengetero yakafuridzirwa yakadaro seiri kutaura kwaungada kuita somumwe wavabatiri vake, uye iye anogona kuipindura nokuda kwako.
13 Pauro navasonganiri vake vangave vasina kuziva zvokunyengeterera pakutambura chitambudzo muruwa rweAsia. Vachiva ‘mudzvinyiriro huru inopfuura simba ravo, vakanzwa mukati mavo vamene kuti vakanga vagamuchira tongero yorufu.’ Asi vakatsvaka mikumbiro yavamwe ndokuvimba naMwari, uyo anogona kumutsa vakafa, uye iye akavanunura. (2 VaKorinte 1:8-11) Kunonyaradza sei kuti Jehovha Mwari anonzwa ndokuita chiito pamusoro peminyengetero yavabatiri vake vakatendeka!
14. Ndichakanakai chingavapo somuuyo kana Jehovha akabvumidza muedzo kupfuurira kwenguva yakati?
14 Vanhu vaMwari kazhinji kazhinji vanokombwa nemiedzo sesangano. Sezvacherekedzwa pakuvamba, vakatambudzwa mukati meHondo yeNyika I. Kunyange zvazvo panguva iyeyo vakanga vasina nzwisiso yakajeka yechimiro chavo uye naizvozvo vasingazivi chaizvoizvo chokunyengeterera, Shoko raJehovha raiva neminyengetero youporofita iyo iye akapindura nokuda kwavo. (Mapisarema 69, 102, 126; Isaya, ganhuro 12) Asi zvakadiniko kana Jehovha akabvumidza muedzo kupfuurira kwenguva yakati? Ikoku kungaguma nouchapupu, kungasunda vamwe kugamuchira zvokwadi, uye kunopa maKristu banza rokuratidza rudo rwouhama kupfurikidza nokunyengeterera kana kuti zvimwe kubetsera vatendi biyawo vanotambura. (Johane 13:34, 35; 2 VaKorinte 1:11) Yeuka kuti Jehovha anotungamirira vanhu vake kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, anoita zviri zvakanakisisa nokuda kwavo, uye nguva dzose anoita zvinhu nenzira ichakudza nokutsvenesa zita rake dzvene.—Eksodho 9:16; Mateo 6:9.
Usatongochemedza Mudzimu
15. MaKristu anogona kuvimba nomudzimu waJehovha kuti uitei nokuda kwavo?
15 Kana uri mubatiri waJehovha, naizvozvo, nyengeterera mudzimu mutsvene mukati memiedzo uye pane dzimwe nguva. Ipapo iva nechokwadi chokutevera nhungamiro yawo, nokuti Pauro akanyora, kuti: “Regai kuchemedza [mudzimu mutsvene, NW] waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.” (VaEfeso 4:30) Mudzimu waMwari wakanga uri uye chisimbiso, kana kuti ‘chiratidzo chezvaizouya,’ nokuda kwamaKristu akazodzwa akatendeka—ndiko kuti, upenyu husingafi hwokudenga. (2 VaKorinte 1:22; VaRoma 8:15; 1 VaKorinte 15:50-57; Zvakazarurwa 2:10) Vose vari vaviri maKristu akazodzwa naavo vane tariro yapasi vanogona kuvimba nomudzimu waJehovha kuita zvakawanda nokuda kwavo. Iwo unogona kuvatungamirira muupenyu hwokutendeka ndokuvabetsera kudzivisa mabasa echivi ayo anotungamirira kukusatendera kwaMwari, kurasikirwa nomudzimu mutsvene wake, uye kukundikana kuwana upenyu husingagumi.—VaGaratia 5:19-21.
16, 17. MuKristu angachemedza sei mudzimu?
16 MuKristu, achiziva kana kuti zvimwe asingazivi, angachemedza sei mudzimu? Eya, Jehovha anoshandisa mudzimu wake kusimudzira chinzwano uye kugadza varume vane mutoro muungano. Naizvozvo, kana mutezo weungano ukanyunyutira vakuru vakagadzwa, ukaparadzira guhwa rokuchera, uye zvichingodaro, iye haasati aizova achitevera kutungamirira kwomudzimu waMwari kurugare nechinzwano. Zvikurukuru, iye aizove ari kuchemedza mudzimu.—1 VaKorinte 1:10; 3:1-4, 16, 17; 1 VaTesaronika 5:12, 13; Judhasi 16.
17 Mukunyorera maKristu muEfeso, Pauro akanyevera pamusoro pekombamiro kuunhema, kutsamwa kunorebeswa, kuba, kutaura kusina kukodzera, kufarira ufeve kunobva mumifungo yakaipa, mufambiro unonyadzisa, uye kutaura majee kunonyangadza. Kana muKristu akazvibvumira amene kukukurwa achienda kuzvinhu zvakadaro, iye aizove ari kupesana nezano rakafuridzirwa nomudzimu reBhaibheri. (VaEfeso 4:17-29; 5:1-5) Hungu, uye kusvikira kumwero wakati iye aizove ari kudarozvo kuchemedza mudzimu waMwari.
18. Chii chinogona kuitika kumuKristu upi noupi uyo anovamba kufuratira zano reShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu?
18 Zvomenemene, muKristu upi noupi anovamba kufuratira zano reShoko rakafuridzirwa nomudzimu raJehovha angatanga kukudziridza zvimiro kana kuti mavara ayo angagona kuguma nechivi chamaune nokurasikirwa nenyasha dzoumwari. Kunyange zvazvo angave asiri kuita chivi zvino, iye angagona kuva ari kunanga ikoko. Kupesana kwakadaro kwomuKristu nenhungamiro yomudzimu kungava kuuchemedza. Nokudaro iye angavewo ari kudzivisa nokuchemedza Jehovha, Manyuko omudzimu mutsvene. Mudi waMwari haasati achitongoda kuita izvozvo!
Ramba Uchinyengeterera Mudzimu Mutsvene
19. Neiko vanhu vaJehovha vachida zvikuru mudzimu wake nhasi?
19 Kana uri mubatiri waJehovha, pfuurira kunyengeterera mudzimu mutsvene wake. Zvikurukuru muaya “mazuva okupedzisira” nenguva dzawo dzinotambudza dzakaoma kwazvo kubata nadzo maKristu anoda betsero yomudzimu waMwari. (2 Timotio 3:1-5) Dhiabhorosi namadhemoni ake, vakadzingwa mudenga uye zvino vari munzvimbo yapasi, vari kupenga kurwisana nesangano raJehovha. Nokudaro, zvino kupfuura nakare kose, vanhu vaMwari vanoda mudzimu mutsvene wake kuti uvatungamirire, kana kuti kuvadzora, uye kuvagonesa kutsungirira nhamo nechitambudzo.—Zvakazarurwa 12:7-12.
20, 21. Kutevererei nhungamiro yeShoko raJehovha, mudzimu, uye sangano?
20 Nguva dzose ratidza kuonga betsero iyo Jehovha Mwari anogovera kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake. Tevera nhungamiro yeShoko rake rakafuridzirwa nomudzimu, Bhaibheri. Batira pamwe zvizere nesangano rapasi raMwari rinotungamirirwa nomudzimu. Usatongozvibvumira umene kutsaukira munzira isati iri yapaMagwaro uko kungava kuchemedza mudzimu mutsvene, nokuti ikoku pakupedzisira kungatungamirira kukubviswa kwawo uye nokudaro kungwavaira yomudzimu.—Pisarema 51:11.
21 Kutungamirirwa nomudzimu waJehovha ndiyo nzira bedzi yokumufadza nayo ndokuva noupenyu hune rugare, hunofadza. Yeukawo kuti Jesu akadana mudzimu mutsvene kuti “mubetseri,” kana kuti “munyaradzi.” (Johane 14:16, NW, mashoko omuzasi) Kupfurikidza nawo, Mwari anonyaradza maKristu uye anoasimbisa kunangana nemiedzo yawo. (2 VaKorinte 1:3, 4) Mudzimu unosimbaradza vanhu vaJehovha kuti vaparidzire mashoko akanaka uye unovabetsera kuyeuka mapfundo apaMagwaro anodikanwa kupa uchapupu hwakaisvonaka. (Ruka 12:11, 12; Johane 14:25, 26; Mabasa 1:4-8; 5:32) Kupfurikidza nomunyengetero nenhungamiro yomudzimu, maKristu anogona kusangana nemiedzo yokutenda nouchenjeri hwokudenga. Muyose yemigariro youpenyu, naizvozvo, anoramba achinyengeterera mudzimu mutsvene waMwari. Somuuyo, mudzimu waJehovha unotungamirira vanhu vake.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo uri “mubetseri” anotaurwa somunhu, mudzimu mutsvene hausati uri munhu, nokuti shoko rinomirira zita rechiGiriki risingarevi chinhurume kana kuti chinhukadzi (rinoshandurwa kuti “u”) rinoshandiswa kumudzimu. Mashoko anomirira zita echiHebheru echinhukadzi anoshandiswa nenzira yakafanana kuuchenjeri hunotaurwa somunhu. (Zvirevo 1:20-33; 8:1-36) Uyezve, mudzimu mutsvene waka“dururwa,” uko kusingagoni kuitwa nomunhu.—Mabasa 2:33.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Kunyengetererei mudzimu mutsvene waJehovha?
◻ Mudzimu mutsvene mubetseri sei?
◻ Chii chakunoreva kuchemedza mudzimu, uye tinogona sei kudzivisa kuita saizvozvo?
◻ Kurambirei tichinyengeterera mudzimu mutsvene nokutevera nhungamiro yawo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Sezvo baba vane rudo vachipa zvinhu zvakanaka kumwanakomana wavo, saizvozvo Jehovha anopa mudzimu mutsvene kuvabatiri vake vanounyengeterera
[Mufananidzo uri papeji 17]
Unoziva kuti mudzimu waMwari unoteterera sei nokuda kwamaKristu anonyengetera here?