Hatisati Tiri Vatengesi veShoko raMwari
“TAKANGA tichitengesa ushumiri hwedu nokuda kwemari.” Iwayo mashoko eaichimbova “mushumiri womunyengetero womurunhare” akabvunzurudzwa mumushumo wokunzvera wavaparidzi veevhangeri vomuterevhizheni veAmerica mukupera kwa 1991.
Iyi purogiramu yakanangidzira ngwariro paushumiri hutatu hwokuparidza evhangeri muterevhizheni muUnited States. Yakazivisa kuti vanhu vanobirwa makumi amamirioni amadhora gore riri rose noutatu ihwohwu chete. “Ushumiri” humwe hwakarondedzerwa se“fekitari yokubudirira kwemipiro.” Hwose hwaibatanidzwa mukubiridzira kwakawanda. Ikoku kunokukatyamadza here?
Rudzidziso Rwuri Kunzverwa
Hakusati kuri bedzi kuparidza evhangeri muterevhizheni asi kunyange marudzidziso anogamuchirwa, ari pakati napakati ari kuongororwa nehurumende, masangano anodzivirira miitiro yakaipa, uye vanhu vose zvavo. Muzvinoitika zvakati magwaro echechi emari inogoveranwa, fariro dzezvamatongerwe enyika dzinowanirwa mari nenzira yorudzidziso, uye mararamire oumbozha avafundisi vanobhadharwa zvikuru zvakamutsa mibvunzo youkodzeri.
Vatungamiriri vorudzidziso vakati vanowirirana sei nerondedzero yakaisvonaka youshumiri hwechiKristu yakapiwa nomuapostora Pauro anodokusvika makore 2 000 apfuura? Iye akanyora, kuti: “Hatifanani navamwe vazhinji vano[tengesa, NW] shoko raMwari; asi tinotaura muna Kristu nezvokwadi, sezvinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.” (2 VaKorinte 2:17) Ndivanaani vanokodzera rondedzero iyoyo nhasi?
Kukubetsera kuyera zvinhu, ngatisanonzverei kuti ushumiri hwechiKristu hwaPauro navasonganiri vake hwaiwanirwa sei mari. Hwakanga hwakasiana munzirai nohwavamwe vomuzuva rake?
Vaparidzi Vanofambira Vomuzana Rokutanga Ramakore
Somuparidzi anofambira, Pauro akanga asati ari wechienzi. Muzuva iroro vakawanda vaifamba kuti vasimudzire mirangariro yavo pamusoro porudzidziso nouzivi. Munyori weBhaibheri Ruka anotaura nezve“vamwe vaJudha, vauki, vaipota-pota.” (Mabasa 19:13) Apo Jesu Kristu akashurikidza vaFarise, iye akawedzera, kuti: “Munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe.” (Mateo 23:15) Jesu amene akanga ari mushumiri anofambira. Iye akarovedza vaapostora vake navadzidzi kuti vamutevedzere kupfurikidza nokuparidza kwete bedzi muJudhea neSamaria asi “kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.”—Mabasa 1:8, NW.
Mukati menzendo dzavo, vateveri vaJesu vakasangana navaparidzi vaisava vechiJudha. MuAtene, Pauro akabonderana navazivi veEpikuro neveStoiko. (Mabasa 17:18) MuUmambo hwose hweRoma, vaCynic vakashandisa nyengetedzo kupfurikidza nekurukurirano yakareba. Vazvipiri vaIsis naSerapis vakafutunura pesvedzero yavo pavakadzi navaranda vaine zvipikirwa zvokuenzana kworudzidziso nekwomunzanga navanhu vakasununguka. Tsika dzoruzvaro dzokuMabvazuva dzakagovera pokutangira nokuda kwamarudzidziso mazhinji ezvakavanzika enyika yeGirisi neRoma. Chipikirwa chokununurwa muchivi nechishuvo chokugoverana zvakavanzika zvoumwari chakakwezva vateveri kuvamwari venhema Demeter, Dionysus, uye Cybele.
Ndyiko Dzairipirwa Sei?
Zvisinei, kufamba kwakanga kuchidhura. Kunze kwendyiko dzokutakura zvinhu, mitero, uye dzokufamba nechikepe, vafambiri vaida zvokudya, pokugara, huni, zvipfeko, uye kurapwa. Vaparidzi, vadzidzisi, vazivi, uye vauki vakaripira izvi zvinodikanwa munzira huru shanu. Ivo (1) vaidzidzisa nokuda kwomubhadharo; (2) vaiita mibato yakaderera namabasa; (3) vaigamuchira mutsa nemipiro yokuzvidira; (4) vaizvibatanidza vamene navatsigiri vakapfuma, kazhinji kazhinji savadzidzisi; uye (5) vaikumbira. Kuti azvigadzirire amene nokuda kwokudziviswa, mupemhi wemari akakurumbira Cynic Diogenes aitokumbira zvidhori zvisina upenyu nokuda kwezvipo.
Pauro aiziva nezvavaparidzi vakati avo vaitaura kuti vashumiri vechiKristu asi, kufanana navazivi vakati vechiGiriki, vaishamwaridzana navapfumi ndokubira varombo. Iye akatsiura ungano muKorinte, achiti: “Munoita nomwoyo murefu kana munhu . . . achikutapai.” (2 VaKorinte 11:20) Jesu Kristu haana kutongobvuta chinhu chipi nechipi, uye Pauro navashandi biyake havana kudarowo. Asi vaparidzi veevhangeri vane makaro veKorinte vakanga vari “vaapostora venhema, vanobata nokunyengera,” uye vashumiri vaSatani.—2 VaKorinte 11:13-15.
Mirairidzo yaJesu kuvadzidzi vake yakarambidza kudzidzisa nokuda kwokubhadharwa. “Makangopiwa henyu, chingopai henyu,” iye akapa zano kudaro. (Mateo 10:8) Kunyange zvazvo kukumbira kwakanga kuchizivikanwa navose, kwaizvidzwa mumazuva iwayo. Mune mumwe wemienzanisiro yake, Jesu anoratidzira muranda akati seanoti, “kukumbira ndinonyara.” (Ruka 16:3) Nokudaro, munhauro yeBhaibheri hatitongowani vateveri vakatendeka vaJesu vachikumbira mari kana kuti zvinhu. Vairarama mukuwirirana nenheyo, inoti: “Kana munhu achiramba kubate basa, ngaarege kudyawo.”—2 VaTesaronika 3:10.
Jesu akakurudzira vadzidzi vake kutarisira zvinodikanwa zvavo munzira mbiri. Yokutanga, ivo vaigona, sokutaura kunoita Pauro, kuti “vararame neEvhangeri.” Seiko? Kupfurikidza nokugamuchira mutsa unopiwa nenzira yokudisa. (1 VaKorinte 9:14; Ruka 10:7) Yechipiri, ivo vaigona kuzvigovera vamene mune zvokunyama.—Ruka 22:36.
Nheyo Dzakashandiswa naPauro
Pauro akashandisa sei nheyo dzichangobva kududzwa? Eya, pamusoro perwendo rwoufundisi rwechipiri rwomuapostora, Ruka akanyora, kuti: “Takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori; tikabvapo tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro.” Kufamba kwose, zvokudya, uye pokugara zvaibatanidzwa zvaitarisirwa naivo pachavo.—Mabasa 16:11, 12.
Pakupedzisira, mumwe mukadzi ainzi Ridhia akagamuchira “zvaitaurwa naPauro. Wakati abhapatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti: ‘Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare.’ Akatitendisa.” (Mabasa 16:13-15) Zvichida toti hedu murutivi nemhaka yomutsa waRidhia, Pauro aigona kunyorera vatendi biyake muFiripi, kuti: “Ndinoonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusongana kwenyu paEvhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino.”—VaFiripi 1:3-5.
Ruka anodudza mienzaniso mizhinji yavanhu vanogamuchira ava vashandi vechiKristu vanofambira. (Mabasa 16:33, 34; 17:7; 21:7, 8, 16; 28:2, 7, 10, 14) Mutsamba dzake dzakafuridzirwa, Pauro akabvuma ndokupa kuonga nokuda kwomutsa nezvipo zvaakanga agamuchira. (VaRoma 16:23; 2 VaKorinte 11:9; VaGaratia 4:13, 14; VaFiripi 4:15-18) Bva, iye kana kuti vasonganiri vake havana kukarakadza kuti vanofanira kupiwa zvipo kana kuti tsigiro yemari. Zvapupu zvaJehovha zvinogona kutaura kuti ichi chimiro chendangariro chakaisvonaka chichiri kuoneka pakati pavatariri vazvo vanofambira.
Havatsamiri Pamutsa
Pauro akanga asingatsamiri pamutsa. Iye akanga adzidza basa iro raida kushanda kwakaoma namaawa marefu asi rakaguma nomuripo wakaderera. Apo muapostora akasvika muKorinte somufundisi, “akawana mumwe muJudha wainzi Akwira . . . naPrisira mukadzi wake; . . . akaenda kwavari; zvino zvaakanga ane basa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matente.”—Mabasa 18:1-3.
Gare gare, muEfeso, Pauro akanga achiri kushanda zvakaoma. (Enzanisa naMabasa 20:34; 1 VaKorinte 4:11, 12.) Iye angave akava nyanzvi mukugadzira cilicium, tende yakaoma, yedehwe rembudzi aibva munharaunda yetaundi rokumusha kwake. Tinogona kufungidzira Pauro akagara pachituru, akakotama pabhenji rake rokushandira, achicheka nokusona kutozosvikira pakati pousiku. Sezvo ruzha rwomushopu rwakanga rwakaderera sezvingabvira, kuchikuita kuti kuve nyore kutaura apo akanga achishanda zvakaoma, Pauro angave akava nebanza rokupupurira kumwene weshopu, vashandirwi vake, varanda, vatengi, uye shamwari.—Enzanisa na 1 VaTesaronika 2:9.
Mufundisi Pauro akaramba kutengesa ushumiri hwake kana kuti kupa munzira ipi neipi murangariro wokuti iye akanga ari kushandisa Shoko raMwari kuti awane mari. Iye akaudza vaTesaronika, kuti: “Nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu. Hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.”—2 VaTesaronika 3:7-9.
Vatevedzeri Vomuzana Ramakore Rechimakumi Maviri
Kusvikira kuzuva rino Zvapupu zvaJehovha zvinotevera muenzaniso wakaisvonaka waPauro. Vakuru navabatiri vanoshumira havagamuchiri mubhadharo kana kuti kunyange muripo kubva muungano dzavanobatira. Panzvimbo pezvo vanogovera mhuri dzavo kufanana nomunhu ari wose zvake, vazhinjisa vavo kupfurikidza nokushanda. Vashumiri venguva yakazara mapiona vanozvigoverawo vamene, vakawanda vachishanda zvakakwana chete kuti vawane zvinodikanwa zvavo zvikuru. Gore rimwe nerimwe Zvapupu zvakati zvinoenda pandyiko yazvo zvimene kundoparidza munharaunda dziri kure dzisingawanzosvikwi namashoko akanaka. Kana mhuri dzomunzvimbomo dzikazvikoka kuti zvigoverane zvokudya kana kuti pokugara, zvinoonga ikoku asi hazvisati zvichishatisa mutsa wakadaro.
Kuparidza kwose nokudzidzisa zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha ndekwokuzvidira, uye hazvitongochaji nokuda kwoushumiri hwazvo. Zvisinei, mipiro ine mwero kubasa razvo renyika yose rokuparidza inogamuchirwa ndokutumirwa kuWatch Tower Society nokuda kwedonzo iroro. (Mateo 24:14) Ushumiri hweZvapupu hahusati huri hwebhizimisi munzira iri yose. Kufanana naPauro mumwe nomumwe wazvo anogona kutaura zvirokwazvo, kuti: “Ndakakuparidzirai Evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo.” (2 VaKorinte 11:7) Zvapupu zvaJehovha hazvisati zviri “vano[tengesa, NW] shoko raMwari.”
[Bhokisi riri papeji 27]
NZIRA IYO VAMWE VANOITA NAYO MIPIRO KUBASA ROKUPARIDZA UMAMBO
◻ MIPIRO KUBASA RENYIKA YOSE: Vazhinji vanotsaura kana kuti vanoronga chitsama icho vanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa, kuti: “Mipiro Yebasa Renyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira izvi zvitsama kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu iri pedyosa.
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201, kana kuti kuhofisi yebazu yeSosaiti yomunzvimbomo. Zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMUGARIRO: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka kutozosvikira parufu rwomupi, negadziriro yokuti muchinoitika chokushaiwa kwomunhu wacho, ichadzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro ipi neipi yakadaro.
◻ MAAKAUNDI EBHANGI: Maakaundi ebhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti mudyandigere angachengeteswa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, mukuwirirana nezvinodikanwa zvomunzvimbomo zvebhangi. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MASTOCK NAMABOND: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti zvimwe mugadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kubhadharwa kumupi.
◻ REAL ESTATE: Real estate inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kupfurikidza nokuchengeta estate youpenyu kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati menduramo yake. Munhu anofanira kunyorera Sosaiti asati apa huridzi hwereal estate ipi neipi kuSosaiti.
◻ ZVIDO ZVENHAKA NAMATRUST: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa somugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzomutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano yetrust inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pezvinhu zvakadaro, nyorera Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 35 Fife Avenue, Harare.
[Bhokisi riri papeji 29]
IYE AIDA KUBETSERA
TIFFANY ane makore gumi nerimwe okukura musikana wechikoro muBaton Rouge, Louisiana, U.S.A. Misi ichangobva kupfuura iyi, ichi Chapupu chiduku chaJehovha chakagadzirira nhauro pamusoro unoti “Dzidzo muAmerica.” Somuuyo, vabereki vake Zvapupu vakagamuchira iyi tsamba kubva kumukuru wechikoro:
“Mukati mevhiki reDzidzo yeAmerica, imwe nhauro yakatanhamara yegiredhi rimwe nerimwe inoraviwa murunhare rwapachikoro. Ndava nomufaro wokushandisa nhauro yaTiffany mangwanani ano. Iye zvirokwazvo musikana muduku anoshamisa. Iye akadzikama, anozvivimba, ane mano, uye ane nyasha. Handisati ndawanzoona ari mugiredhi rechitanhatu ane akawanda kwazvo amavara iwaya. Tiffany anobetsera kuchikoro chedu.”
Tiffany akawina nzvimbo yokutanga mumakwikwi enhauro. Pashure pacho iye akanyorera Watch Tower Society ndokuti: “Zvimwe ndangowina bedzi makwikwi nemhaka yechinyorwa chinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. . . . Ndakashandisa maganhuro pamusoro pedzidzo. . . . Ndinokuongai zvikuru kwazvo nokuda kwokubudisa iri bhuku rinobetsera nerinokurudzira. Nokuda kwenhauro yangu yakawina, ndakawina madhora makumi matatu namashanu. Ndiri kupa aya madhora 35 namamwe 65, nokuda kwehwerengedzo yamadhora 100 kubasa rokuparidzira munyika yose. . . . Apo ndinokura, ndinokarirawo kuzvipira nokuda kwebasa reBheteri.”
[Mufananidzo uri papeji 26]
Padzimwe nguva, Pauro aiwana mari yake yokurarama nayo kupfurikidza nokugadzira matende