Kuwana Pfuma Yechokwadi muHong Kong
HONG KONG inzvimbo umo mari yakawanda inogona kuitwa munguva pfupi—kana zvinhu zvose zvakakunakira. Mumakore 40 apfuura kana kuti kupfuura, nyika iyoyo yeBritain yakakura kubva panosvikira ngarava pane mubato muduku kusvikira kusimba rezvemari rinokosha kwete bedzi muSoutheast Asia asiwo mubhizimisi renyika yose.
Mwero wakaderera womutero unokwezva vapinzi vemari vokumwe uye unogovera sundo nokuda kwavashandi vanobishaira vanowanwa pakati pavagari vemo veHong Kong vane mamirioni matanhatu. Yakanakawo inzvimbo yayo senzira pakati peChina yokumaodzanyemba nenharaunda yeAsia-Pacific nokupfuura. Nemiitiro yazvino uno yokufamba nekurukurirano negadziriro yakasanobudirira yehorosero nokutengesa, Hong Kong yakagadzirira kuita nokukurumidza kuzvinodikanwa zvokutengeserana zvamarudzi ose.
Budiriro yezvemari yakapa Hong Kong mumwe wemipimo yokurarama mikurusa munyika. Zvisinei, ko budiriro yose yokunyama yakaunza gutsikano nomufarwa usingagumi kuvagari veHong Kong here? Aiwa, asi vamwe vakatsvaka ndokuwana pfuma yorudzi rwuri nani zvikuru.
Ivo Vakawana Pfuma Yomudzimu
Pakati paavo vakawana pfuma yomudzimu inokosha ndiAlfred akaberekerwa muHong Kong. Iye aiva nebasa rinobudirira somutungamiriri weboka rebhizimisi ramarudzi ose rine dzimbahwe muBritain. Kufanana navamwe vazhinji muHong Kong, nharidzano yake muupenyu yakanga iri yokuwana mari yakawanda, kuva neimba yake amene, kudya zvakanaka, uye kurarama upenyu hwakanaka. Ane nzvimbo yake nemari, iye akaratidzika kuva akawana zvose izvozvo. Asi akanga achifara here? “Ndakadzidza kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira kuti mari ine chaizvoizvo miganhu yayo,” Alfred akachema kudaro. Iye nguva dzose ainetseka pamusoro pokuti mari yake yaakachengeta yaizogara kwenguva yakareba sei kana akarasikirwa nebasa rake. Apo akapa nguva yakawanda kubasa rake, zvinetso zvemhuri zvakavamba kukura. Mudzimai wake, Emily, akanetseka apo mwanakomana wavo akafa kamwe kamwe. “Ndaida kuziva kwaakanga ari kuti ndigogona kuita chimwe chinhu kumubetsera,” iye akadaro. Sezvo iye aisagona kuita chinhu, akava akaora mwoyo zvikuru.
Justina akarasikirwa nababa vake achiri muduku. Asi kupfurikidza nokuzvishandisa amene iye akapedza kufunda paHong Kong University ine mukurumbira. Ikoku kwakatungamirira kubasa nehurumende. MuCanton irori rinonzi gum fan woon, ndiro yomupunga yakaisvonaka—basa rakachengeteka nomuripo wakanaka. Bva, Justina akanga asingafari uyewo asingagutswi. Iye aiwanzoshamisika neraiva donzo roupenyu uye icho nguva yemberi yaizopa. Murume wake, Francis, akanzwawo kuti upenyu hwakanga husina donzo. Iye akanzwa sorutivi ruduku rwusingakoshi rwuri mumuchina muhombe, pasina munhu, akabatwa mumuitiro usingagumi.
Ipapo kuna Ricky, manija webhizimisi. Kunyange zvazvo akanga achiita mari yakawanda, akavamba kuona rumwe rutivi rwoupenyu—makwikwi outsinye pakati pavashandi biyake nezvinetso muroorano yake. Mari haina kugona kumubetsera kupedza izvi zvinetso. Kumudzimai wake, Wendy, basa rinoremekedzeka, mari yakawanda, uye kugara muchaunga chakagadzikana mune zvamatongerwe enyika kwakareva chengeteko. Asi upenyu hwake hwairatidzika kuva hwakachengeteka hwaizogara kwenguva yakareba sei? Ikoko kwakamunetsa nemhaka yokuti zvomene yorufu yakamusiya achinzwa kuti upenyu hwake hwakanga husina revo uye husina donzo.
David ane nhau yake yokutaura. Dzidzo yake yapayunivhesiti yakamuunzira basa rakanaka nechengeteko mune zvemari, asi haana kuwana gutsikano. Neiko? Akanga akanyura mumhindumupindu nouzivi, uye aidavira kuti upenyu hahupfuuri kuvapo uku kwazvino. David akanzwa kuti akanga asina chinhu chokutarira mberi kwachiri, uye pfuma yake yose yokunyama haina kumudzivisa kunzwa asina betsero.
Kunyange zvazvo mumwe nomumwe waava vanhu aiva nomugariro wakati sianei, vaiva nechinhu chimwe chakafanana. Vose vakanga vawana izvo vaifunga kuti zvaizounza upenyu hwomufarwa negutsikano. Zvisinei, apo ivo vakasvika papfundo apo vaifunga kuti zviroto zvavo zvaizozadzikwa, upenyu hwavo hwakanga husina maturo.
Kupfuma Kuna Mwari
Mugariro waAlfred, Justina, uye vamwe vachangobva kududzwa wakanga wakafanana zvikuru nouyo womupfumi womumufananidzo waJesu. Iye ‘akazviunganidzira amene pfuma asi akanga asina kupfuma kuna Mwari.’ (Ruka 12:21) Nomufaro, zvisinei, ivo vakawana chimwe chinhu chiri nani—upenyu hwakazadzwa nepfuma chaiyoiyo. Avo vanoshuva mufarwa negutsikano zvechokwadi vanofanira “kuisa tariro yavo, kwete papfuma isina chokwadi, asi pana Mwari, uyo anotigovera zvinhu zvose zvikuru nokuda kwefarikanyo yedu.” (1 Timotio 6:17, NW) Hungu, kusvika pakuziva Mwari wechokwadi, Jehovha, uye kuisa chivimbo chavo maari kwakaita musiano muupenyu hwomumwe nomumwe waava vanhu. Ngationei kuti kwose ikoku kwakaitika sei.
Alfred naEmily vakanetseka apo mwanakomana wavo akafa kamwe kamwe, uye zvinhu zvavo zvose zvokunyama hazvina kugona kubvisa marwadzo avo. Ivo vakaenda kuchechi asi vakangonzwa vasina maturo uye vasingagutswi. Ipapo mumwe weZvapupu zvaJehovha akasvika kusuo ravo ndokubvunza, kuti: “Chiiko chiri tariro yomunhu nokuda kwenguva yemberi?” Alfred akapindura mukuwirirana neizvo akanga audzwa muchechi pamusoro pedenga nehero. Zvisinei, muBhaibheri iye akaratidzwa kuti vakafa “havana chavanoziva” uye kuti avo vari muyeuko yaMwari vari muguva ravose rorudzi rwomunhu vachimirira rumuko. (Muparidzi 9:5, 10; Johane 5:28, 29) Ikoku kwakanzwika kwakanaka uye kune mufungo kuna Alfred. Zvino iye akaziva kuti mwanakomana wake akanga asiri kutambura mune imwe nzvimbo asi akanga akarara murufu, ane tariro zvichida yokubatanidzwazve nemhuri yake kupfurikidza norumuko. Inyaradzo yakadini nesununguko! Pashure penguva yakati Alfred nomudzimai wake vakabvuma fundo yeBhaibheri yapamusha ndokutanga kufamba munzira inoenda kukubatisisa pfuma chaiyoiyo Bhaibheri rinopa.
Justina akaodzwa mwoyo apo akakundikana kuwana pakati pavashandi biyake mudzimu wokudisa wokubetsera kutarisira vanhu. MuKaturike anoshingaira, iye akakangaidzika apo akacherechedza kuti muprista aisvuta nokutamba, kungofanana navamwe vanhu. Ipapo iye akaonana neZvapupu zvaJehovha ndokuvamba kuwana mhinduro dzinogutsa dzapaMagwaro kumibvunzo yakawanda. Muprista akanga asina kumupa chinhu kunze kwomurangariro wake womunhu oga, uye akanga asina kuzarura Bhaibheri mumakore 16, kunyange zvazvo akanga ari mupindi wechechi wenguva dzose uye akanga ave ari mushandi kwamakore 10.
Sezvo Zvapupu zvakafunda Bhaibheri naJustina nomurume wake, Francis, iye akaororwa nechinzwano chazvo chomunyika yose muchitendero nechiito. Francis akapwiswa kuti Mwari chaiyeiye. Pashure pokurangarira zvose, Mwari mupenyu bedzi, wechokwadi aigona kushandisa pesvedzero yakadaro paboka ramarudzi ose ravanhu. Haiwa ava vaviri vakaroorana vanofara sei kuti vakawana pfuma chaiyoiyo!
Ricky naWendy vaiziva kuti vaifanira kuita chimwe chinhu apo vakaona kuti vakanga vachibatanidzwa pashoma napashoma muzvinetso zvakakomba zvomunhu oga. Sezvo vose vari vaviri vakanga vaonana neZvapupu zvaJehovha munguva yakapfuura, ivo vakaparadzana vakatanga kuzvitsvakazve. Kupfurikidza nenhamburiko yapachokwadi, Ricky naWendy vakawana kwete bedzi mishonga inoshanda kuzvinetso zvavo asiwo pfuma yechokwadi muukama hwomunhu oga na“Mwari anofara,” Jehovha.—1 Timotio 1:11, NW.
Upenyu hwaDavid hwakachinjawo apo Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira. Nevavariro yokuratidzira zvikanganiso zvazvo, iye akabvuma kuzviita kuti zvidzoke. Pashure penguva yakati, zvisinei, meso ake akasvinudzwa, nokuti akavamba kuona kuti Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi, mune zvenhau, uye mune zvimwe. Kwose ikoku kwakabatsira David kurangarira Bhaibheri sebhuku rezvokwadi iro rakamupa tariro ine donzo chairoiro muupenyu. Haiwa ichinjo inofadza zvakadini neinopfumisa nokuda kwake!
Kubetsera Vamwe Vazhinji Kuwana Pfuma Chaiyoiyo
Muchiverengero chikuru chavagari vemo veHong Kong, Alfred, Emily, Justina, Francis, uye vamwe vadudzwa pano vanongova vashomanene chete vaavo vakawana pfuma chaiyoiyo yezvokwadi yeBhaibheri nokutenda muna Jehovha Mwari. Muna 1992 Zvapupu zvaJehovha 2 600 zvakapedzera hwerengedzo yamaawa anodokusvika 900 000 zvichishanyira vanhu veHong Kong nokuvaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura 3 800. Zvisinei, nhano youpenyu muHong Kong inokurumidza, uye vanhu vakabatikana. Mukuwedzera kukushanyira paimba neimba, naizvozvo, vazivisi voUmambo vari kuva nebudiriro huru mukupupurira kwomumugwagwa. Ivo vanoonanawo navanhu panzvimbo dzavo dzebasa kupfurikidza nokushanyira vashandi vomuhofisi, vatengesi vomuzvitoro, varimi, uye vanhu vanodzoka vachibva kunzendo dzokuredza muSouth China Sea.
Kunogona zvirokwazvo kutaurwa kuti “kucheka kukuru asi vabati vashoma” muHong Kong. (Mateo 9:37) Panguva ino, kamuraniso yeZvapupu kuchiverengero chavagari vemo 1 ku 2 300. Vachinzwisisa ukoshi hwebasa rokucheka, vaparidziri voUmambo vanodokusvika 600 ve 2 600 imomo mapiona, kana kuti vaparidziri venguva yakazara vamashoko akanaka. Zvapupu zvaJehovha muHong Kong, kufanana neizvo zviri kune imwe nzvimbo, zvinoziva kuti ‘chikomborero chaJehovha chinopfumisa munhu.’ (Zvirevo 10:22) Nokudaro, zvinoshanda zvakaoma zvikuru kubetsera vamwe vanhu vazhinji vari munzanga iyoyo inobudirira kuti vawane pfuma yechokwadi.
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
SOUTH CHINA SEA
CHINA
Hong Kong
Kilometers
Miles
15
15