Nzira Iyo maKristu Anogona Kubetsera Nayo Vakweguru
“HATINETI, kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. . . . Tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.” Akadaro muapostora Pauro mutsamba yake yechipiri kuvaKorinte.—2 VaKorinte 4:16-18.
Munguva dzakare, varume navakadzi vokutenda vaichengeta meso avo ari pazvinhu zvisingaoneki, izvo zvaibatanidza zvinhu zvose izvo Mwari wavo, Jehovha, akanga apikira kuita munguva yake yakafanira. Mubhuku raVaHebheru, Pauro anotaura zvakanaka zvikuru nezvavakadaro, avo vakachengeta kutenda kwavo kusvikira panguva yorufu rwavo—uye vamwe vavo vakararama kusvika vakura zvikuru. Anonongedzera kwavari somuenzaniso wedu, achiti: “Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa.”—VaHebheru 11:13.
Nhasi tiri pedyo zvikuru nezadziko yeizvi zvipikirwa. Asi tine vanorwara navakweguru pakati pedu vasinganzwi vane chokwadi chokuti vachararama somunhu oga kuti vaone mugumo wetsika ino yakaipa. Zvimwe vamwe vaivava vachafirawo mukutenda vasina kuona zvipikirwa zvose zvichizadzikwa mukati menduramo yavo yazvino. Kuvakadaro mashoko aPauro ari pana 2 VaKorinte 4:16-18 anogona kuva ekurudziro huru.
Jehovha anoyeuka vakavimbika vake vose, kubatanidza vanorwara navakweguru. (VaHebheru 6:10) Vanhu vakura vakatendeka vanodudzwa nenzira yorukudzo panzvimbo dzinoverengeka muBhaibheri, uye muMutemo waMosesi, kududzwa chaiko kunoitwa kworukudzo runofanira kuratidzwa vakwegura. (Revhitiko 19:32; Pisarema 92:12-15; Zvirevo 16:31) Pakati pamaKristu apakuvamba, vanhu vakwegura vaibatwa norukudzo. (1 Timotio 5:1-3; 1 Petro 5:5) Bhuku rimwe reBhaibheri rine rondedzero yakaisvonaka yeitiro hanya yorudo nokuzvibaira kunoorora kwakaratidzwa nomukadzi muduku kuna vamwene vake vari kukwegura. Bhuku racho nenzira yakakodzera rine zita romukadzi muduku iyeyo, Rute.
Mubetseri Akazvipira
Upenyu hwakanga hwakaomera Naome akwegura. Nzara yakanga yamumanikidzira, pamwe chete nemhuri yake duku, kusiya shamwari nenhaka shure muna Judha ndokugara kumabvazuva kwoRwizi rwaJoridhani munyika yaMoabhi. Muno murume waNaome akafa, achimusiya ari oga navakomana vavo vaviri. Ivava, pashure penguva yakati, vakakura ndokuroora, asika ipapo ivowo vakafa. Naome akasiiwa asina vadyi venhaka vokumutarisira.
Akanga akura zvokusagona kutanga mhuri itsva, uye upenyu hwairatidzika kuva hwaipa zvishomanene zvikuru. Nenzira isina udyire, aida kudzorera Rute naOrpa, chirikadzi dzavanakomana vake vaviri, kumisha yavanamai vavo kuti vagozviwanira vamene varume. Aizodzokera oga kunyika yake yaakaberekerwa. Nhasiwo vamwe vakura vanonzwa vakaora mwoyo, zvikurukuru kana vakarasikirwa navadiwa vavo murufu. Kufanana naNaome, vangada mumwe munhu wokuvatarisira, asi havadi kuva mutoro.
Rute, zvisinei, haana kusiya vamwene vake. Iye aida uyu mukadzi akura, uye aida Jehovha, Mwari ainamatwa naNaome. (Rute 1:16) Naizvozvo pamwe chete vakatanga rwendo rwokudzokera kuna Judha. Munyika iyoyo, makanga mune gadziriro yorudo muMutemo waJehovha yokuti varombo vaigona kunhonga, kana kuti kuunganidza, zvipi kana zvipi zvakasiiwa muminda pashure pokunge zvikohwiwa zvapinzwa. Rute, uyo akanga ari muduku zvikuru, akazvipira nokudisa kuti aite iri basa, achiti: “Nditenderei ndiende.” Akashanda asinganeti nokuda kwokubetserwa kwavose vari vaviri.—Rute 2:2, 17, 18.
Kutendeka kwaRute norudo nokuda kwaJehovha zvakanga zviri kurudziro yakasimba kuna Naome, uyo akavamba kufunga nenzira yakanaka neinovaka. Zivo yake yoMutemo netsika zvenyika yakanga ichishanda zvino. Akapa zano rokuchenjera kumubetseri wake akazvipira rokuti mukadzi muduku, kupfurikidza neroorano nomuramu, agowana nhaka yemhuri ndokuva nomwanakomana kuti apfuuridzire mutsara wemhuri. (Rute, ganhuro 3) Rute muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwaavo vanozvibaira kuti vatarisire vanorwara kana kuti vakura. (Rute 2:10-12) Mukati meungano nhasi, zvakawanda zvinogona kuitwa nenzira yakafanana kubetsera vanorwara navakweguru. Seiko?
Kuronga Kunokosha
Muungano yechiKristu yapakuvamba, ndaza yaichengetwa yechirikadzi dzaida tsigiro yokunyama. (1 Timotio 5:9, 10) Nenzira yakafanana nhasi, muzvinoitika zvakati vakuru vangaita ndaza yavanorwara navakweguru vanoda ngwariro chaiyo. Muungano dzakati mumwe mukuru akakumbirwa kutarisira ikoku somutoro wake chaiwo. Sezvo vakweguru vazhinji, kufanana naNaome, vasingadi kutsvaka betsero, hama yakadaro ingafanira kuva ine unyanzvi mukukamuranisa mugariro uye—nenzira yokungwarira pakutaura neyokuchenjera—ichiva nechokwadi chokuti zvinhu zviri madikanwa zvinoitwa. Ingagona, somuenzaniso, kuona kana Horo yoUmambo ine gadziriro dzakakwana nokuda kwavanorwara navakweguru. Kana kuchishanda, inogona kurangarira zvinhu zvakafanana nesloping ramp yamawheelchair, zvokushandisa zvakakodzera zvomuchimbudzi, maearphone nokuda kwavane chinetso chokunzwa, uye nzvimbo yezvigaro chaizvo. Iyi hama ingagonawo kuva nechokwadi chokuti vose vasingakwanisi kuuya kuHoro yoUmambo vanogona kukumbira tepi yakarekodhwa misangano kana kuti kuiteerera yakabatanidzwa norunhare.
Kungavawo nokudikanwa kwokuronga kuendeswa kumisangano nekokorodzano. Imwe hanzvadzi yakwegura yakanga ine chinetso nemhaka yokuti uyo aiiendesa nguva dzose kumisangano haana kuwanika. Yaifanira kuridzira runhare vanhu vakawanda isati yawana pakupedzisira mumwe munhu wokuiendesa uye somuuyo yakasvika pakunzwa kuti yakanga iri mutoro. Gadziriro inoitwa nomukuru uyo angagona kutarisira nhau dzose dzakadaro ingadai yakapedza kukwenudzwa kwayo.
Uyu mukuru angagonawo kukumbira mhuri dzakasiana-siana kana dzingaita majana mukushanyira vakweguru. Neiyi nzira vana vangadzidza kuti kutarisira vakweguru rutivi rwoupenyu hwomuKristu. Kwakanaka kuti vana vadzidze kuita uyu mutoro. (1 Timotio 5:4) Mumwe mutariri wedunhu anoti: “Muruzivo rwangu rwokuzviwanira, vana vashomanene zvikuru kana kuti vaduku vanoshanyira vakweguru kana kuti vanorwara vachizvitangira vamene.” Zvimwe havatongofungi nezvako, kana kuti vanganzwa vasina chokwadi pamusoro pezvokuita kana kuti kutaura; vabereki vanogona kuvadzidzisa ikoku.
Yeuka, kunyanguvezvo, kuti vakweguru vazhinjisa vangaonga kuziva pachine nguva mberi kuti shamwari iri kuuya. Ikoku kunovapa mufaro wakawedzerwa wokukarira mushanyi. Kana vashanyi vakaunza zvokudya, zvakadai sekofi kana kuti keke, uye kukurumidza kuchenesa pashure pacho, mutoro womuraudzo pane vakweguru unodziviswa. Vamwe vanyakuroorana vakweguru, vachine simba rakazara, vane zuva renguva dzose vhiki rimwe nerimwe pavanorongedza tswanda duku yepikiniki ndokutanga nhevedzano yeshanyo kuvakweguru vari muungano. Shanyo dzavo dzinoongwa zvikuru.
Nokuda kwokubetserwa kwavakweguru, ungano dzakawanda dzine Fundo yeBhuku yeUngano inoitwa mukati mamaawa amasikati. Pane imwe nzvimbo dzimwe mhuri navaparidzi vasina kuroora vakakumbirwa kana vaizova vanodisa navanokwanisa kutsigira boka rakadaro, uye muuyo wacho wakanga uri boka refundo yebhuku uko vakweguru navaduku vaigona kutarisirana.
Hakufaniri kusiirwa kuvakuru voga kuita nhano yokutanga muiyi nharaunda. Tose zvedu tinofanira kuziva zvinodikanwa zvavanorwara navakweguru. Tinogona kuvakwazisa muHoro yoUmambo ndokuva nenguva yokutaura navo. Kokero kusonganirowo zvayo ingagamuchirwa. Kana kuti tinogona kuvakoka kutiperekedza kupikiniki kana kuti kunyange zororo. Chimwe Chapupu chaiwanzoenda navaparidzi vakwegura mumotokari yacho apo chaibuda mutaundi pashanyo dzebhizimisi. Kunokosha kubetsera vakweguru kuti vapfuurire kunzwa vachibatanidzwa. Musavabvumira kubva, seizvo Naome aida kuita, uko kungakurumidzisa kukwegura kana kuti kuchembera.
Vaduku avo vakaremara kana kuti vanorwara vanodawo ngwariro. Chimwe Chapupu icho chakanga chine vakomana vatatu vairwara zvisingarapiki, vaviri vavo vakatofa, chinoti: “Kunogona kuva kwakaomera ungano kupfuurira kuratidza itiro hanya apo mumwe munhu anenge ane chirwere chinopfuurira kwenhambo refu yenguva. Kuregererei kugovera vaparidzi vaduku vakavimbika kukurukura rugwaro rwezuva ndokurava ganhuro muBhaibheri zuva rimwe nerimwe neshamwari yavo isingamuki pamubhedha? Vaduku, mapiona achibatanidzwa, vangagona kuita majana.”
Apo Rufu Runoratidzika Kuva Rusingadzivisiki
Vabatiri vaJehovha nguva dzose vakatarisana norufu noushingi, rungave nemhaka yechirwere kana kuti chitambudzo. Apo vanotambudzwa vanovamba kunzwa kuti rufu rungave rwava pedyo, ndekwomuzvarirwo kuti vatambure mirangariro yakasiana-siana. Pashure porufu rwavo, hama dzavo dzokunyamawo dzingapfuura nomunhambo yokugadziridza, nhamo, uye kugamuchira. Naizvozvo kazhinji kazhinji kwakanaka kuti munhu anorwara ataure zvakajeka pamusoro porufu, sezvakaita Jakobho, Dhavhidhi, uye Pauro.—Genesi, maganhuro 48 ne 49; 1 Madzimambo 2:1-10; 2 Timotio 4:6-8.
Chimwe Chapupu chiri chiremba chinonyora, kuti: “Tinofanira kuva vakajeka zvikuru pamusoro peiyi nhau. Handina kutongowana mubasa rangu kuti kwakatongonakira murwere kuvanza idi rokuti iye ari kurwara zvokufa.” Kunyanguvezvo, tinofanira kunzwisisa izvo murwere amene anoda kuziva, uye apo iye anoda kuziva ikoku. Vamwe varwere vanoratidzira nenzira yakajeka kuti vanoziva kuva pedyo kworufu, uye vanofanira kukurukura mifungo yavo nemirangariro pamusoro paikoku. Vamwe vanoratidzika kuva vanoomerera pakukarira, uye shamwari dzavo dzinoita zvakanaka kukarira navo.—Enzanisa naVaRoma 12:12-15.
Mumwe munhu ava pedyo norufu angave aneta kwazvo kana kuti avhiringidzika zvokuti kwakamuomera kunyengetera. Murwere akadaro sezvinobvira achanyaradzwa nokudzidza muna VaRoma 8:26, 27 kuti Mwari anonzwisisa “kugomera kusingataurwi.” Jehovha anoziva kuti munhamo yakadaro munhu angava nechitambudzo mukuwana mashoko omunyengetero.
Apo kunobvira, kunokosha kunyengetera nomurwere. Imwe hama inorondedzera, kuti: “Apo amai vangu vakanga vari kufa uye vakanga vachisinazve simba rokutaura, vakaratidzira kupfurikidza nokupeta maoko avo kuti vaida kuti tinyengetere navo. Pashure pomunyengetero wedu, takaimba rumwe rwenziyo dzoUmambo, nokuti amai vangu vakanga vave vachida nziyo zvikuru nguva dzose. Pakutanga, takanga tichiita mahonyera rwiyo rwacho, uye ipapo takaimba chinyararire mashoko acho. Vakarufarikanya nenzira yakajeka. Pasina panikiro, idzi nziyo dzatinobatanidza noupenyu hwedu seZvapupu zvaJehovha dzinobatanidza mirangariro zvokuti neimwe nzira ingava yakaoma kuratidzira.”
Kutaura nomunhu ava kufa kunoda rudo, kungwarira pakutaura, uye tsitsi. Mushanyi anogona kugadzirira nhau dzinovaka nedzinosimbisa kutenda dzokududza, uye anofanira kungwarira kudzivisa kutaura kwakaipa pamusoro pavamwe vanhu nezvinetso zvavo. Uyewo, urefu hweshanyo yacho hunofanira kugadziridzwa kusvikira kune hune mufungo nohwakakodzera. Kana murwere wacho achiratidzika kuva asingazivi chinhu, kwakanaka kuyeuka kuti iye angave achiri anokwanisa kunzwa zviri kutaurwa. Naizvozvo ngwarira pamusoro pezvaunotaura.
Mutoro Watinogoverana
Kutarisira vanorwara navakweguru mutoro unorema. Nokuda kwaavo vari pedyosa nomurwere, kunoraira, mose muri muviri mumuviri nomumirangariro. Vanoda uye vakafanirwa nokunzwisisa nebetsero zvinobva kuvasara vose muungano. Avo vanotarisira mitezo yemhuri inorwara kana kuti vatendi biyavo vari kuita zvakarurama, kunyange kana kuchireva kuti vanorasikirwa nemisangano yakati kana kuti goverano yavo muushumiri hwomumunda inoderera kwenhambo yakati. (Enzanisa na 1 Timotio 5:8.) Vachasimbiswa nechimiro chendangariro chokunzwisisa cheungano. Padzimwe nguva imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi ingakwanisa kutarisira kwechinguvana kuti muchengeti wenguva dzose agone kupinda musangano kana kuti kufarikanya maawa mashomanene anozorodza mubasa rokuparidzira.
Chokwadika, kana iwe umene uri anorwara wacho, unogonawo kuita chimwe chinhu. Kusava netariro nokuva asingabetseri pamusoro poundonda hwako kungagona kukushatirisa, asi kushatirwa kunoparadzanisa munhu uye kunodzinga vamwe. Ungagona panzvimbo pezvo kuedza kuratidzira kuonga ndokuva anobatira pamwe. (1 VaTesaronika 5:18) Nyengeterera vamwe avo vari kurwadziwa. (VaKorose 4:12) Fungisisa pamusoro pezvokwadi dzinoshamisa dzeBhaibheri, uye kurukura idzodzi navashanyi. (Pisarema 71:17, 18) Nokudisa wirirana nomusi nefambiro mberi inosimbisa kutenda yavanhu vaMwari. (Pisarema 48:12-14) Ipa kuonga kuna Jehovha nokuda kweizvi zvinoitika zvinofadza. Kufungisisa pamusoro pezvinhu zvakadaro kunogona, kufanana nezuva rinodoka rinokanda chiedza chinotova chikuru zvikuru nechinodziya zvikuru kupfuura zuva pamasikati makuru, kupa mazuva okupedzisira oupenyu hwedu runako rwawo amene.
Tose tinofanira kutamburira kuchengeta tariro iyo, zvikurukuru munguva dzinotambudza, inorinda ndangariro yedu kufanana nengowani. (1 VaTesaronika 5:8) Kwakanaka kufungisisa pamusoro petariro yorumuko nehwaro hwayo hwakasimba. Tinogona kutarira mberi nechivimbo nekariro yokudisa kuzuva apo kusati kuchizovazve nechirwere kana kuti utera nemhaka youkweguru. Ipapo, munhu ari wose achanzwa zvakanaka. Kunyange vakafa vachadzoka. (Johane 5:28, 29) Izvi “zvisingaonekwi” tinoona nameso okutenda kwedu nemwoyo wedu. Usatongorasikirwa nazvo.—Isaya 25:8; 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4.