Jesu Akaberekwa Musinou Here?
“SINOU Huru Inokuvadza Jerusarema” uye “Nhambo Refu Yesinou Inokatyamadza Chamhembe.” Misoro mikuru yenhau yakadaro muThe Jerusalem Post yakava chinoitikawo zvacho nokuda kwavaravi veIsraeri muna 1992, muyakabvumikisa kuva imwe yenguva dzechando dzakaoma zvikurusa dzeIsraeri dzezana ramakore.
Pakasvika January pamusoro peGomo reHermoni pakafukidzwa namamita 7 kusvikira ku 12 esinou, uye nguva yacho yechando yakanga isati yatongopera. Kuvambira paGolan Heights neUpper Galilee kudzika kupfuura Jerusarema neBhetrehema iri pedyo (inoonwa pabutiro), kunyange kupfuurira kumaodzanyemba kupinda muNegebhi, nguva nenguva upenyu hwezuva nezuva hweIsraeri nomuitiro zvakakuvadzwa nomushanyi akaisvonaka nomunyoro, bva ane simba. Imwe nyaya yeJerusalem Post yakati: “Kunaya kukuru kwesinou kwakabudirira nezuro mukuita icho kunaya kwezvitundu mutsere mutsere zveKatyusha vhiki rapfuura kwakakundikana kuita, kuvhara munogarwa nokuchengeta vagari vakavharirwa zvakasimba mumisha yavo.”
Nguva yechando ine hasha yakaparadza vanopfuura vagari veguta. Mishumo yakapinda yamazana emombe nemhuru, pamwe chete nezviuru zvehuku, izvo zvakaoma nechando kusvikira kurufu sezvo tembiricha dzousiku dzakasvika pakutonhora zvikurusa. Sokunge sinou yakanga isina kukwana, mvura huru, inotonhora zvikuru yakaurayawo zvayo. Rimwe zuva, vakomana vafudzi vaduku vaviri, sezviri pachena vachiedza nokupererwa nezano rose kuponesa chiverengero chakati chamakwai avo akanga abatwa mumafashamo akamwe kamwe, ivo vamene vakayeredzwa ndokunyura murwizi rwacho.
Kunyange zvazvo iyi yakanga isati iri nguva yechando yenguva dzose yeMiddle East, magazini yeIsraeri Eretz yakashuma, kuti: “Mashoko omugariro wokunze ayo akaunganidzwa ndokunyorwa munyika yeIsraeri kwamakore 130 apfuura anozivisa kuti sinou muJerusarema ndichinhu chinozivikanwa navose zvikuru kupfuura zvingakarirwa . . . Pakati pa 1949 na 1980, guta reJerusarema rakava nenguva dzechando dzine sinou makumi maviri neina.” Asi ikoku kunongova zvako kwoukoshi hwomugariro wokunze nefariro yavanhu here, kana kuti kune revo chaiyo nokuda kwavadzidzi veBhaibheri here?
Kune Ukoshii nokuda Kwavadzidzi veBhaibheri?
Pakufunga nezvokuberekwa kwaJesu, vanhu vazhinji vanofungidzira chiono chechidyiro chinofadza mumirangariro chinowanzoratidzirwa panguva yeKrisimisi. Imomo munorara mucheche Jesu, akaputirwa zvinodziya uye akarindwa naamai vake, sinou yakafukidza zvinyoro-nyoro nzvimbo yakapoteredza. Uyu murangariro wakakurumbira unokodzera rondedzero yeBhaibheri yeichi chinoitika chinokosha here?
Munyori weBhaibheri Ruka anorondedzera nhauro yakatsigirwa nokungwarira yokuberekwa kwaJesu, achiti: “Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa wa[Jehovha, NW] akamira navo, nokubwinya kwa[Jehovha, NW] kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari: ‘Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi [Bhetrehema] Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri: Muchandowana rushiye, rwakaputirwa nemicheka, ruvete muchidyiro chezvipfuwo.’ Ipapo kamwe kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti: ‘Mwari ngaarumbidzwe kumusorosoro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.’”—Ruka 2:8-14.
Kudai waizoravira iyi nhauro muIsraeriwo zvake nhasi ndokumubvunza kuti iyoyi ingagona kuva nguvai yegore, iye sezvingabvira aizopindura kuti, “Pane imwe nguva pakati paApril naOctober.” Neiko? Mhinduro yacho yakapfava. Kuvambira muna November kusvikira kuna March mwaka unotonhora, unonaya mvura yakawanda muIsraeri, uye December 25 zvamazvirokwazvo ari munguva yechando. Vafudzi havasati vaizova vachigara kunze, vachirinda mapoka avo mumasango usiku. Uchirangarira mishumo iri pamavambo penyaya ino, unogona kusanonzwisisa chikonzero nei. Bhetrehema, umo Jesu akaberekwa, iri munzvimbo dzakakwirira zvikuru uye inongova namamaira mashomanene chete kubva Jerusarema. Kunyange mumakore apo mugariro wokunze unenge usina kukomba zvikuru, imomo munotonhora zvikuru usiku mukati menguva yechando.—Mika 5:2; Ruka 2:15.
Kunzvera nhau panguva yokuberekwa kwaJesu kunojekesa idi rokuti haana kuberekwa mukati mesinou yaDecember. Amai vaJesu, Maria, kunyange zvazvo vakanga vasvikana, vaifanira kufamba vachibva kumusha kwavo muNazareta kuenda kuBhetrehema. Ivo naJosefa vakaita saizvozvo kuti vasvitse zvinodikanwa zvokuverengwa kwavanhu kwakarairwa nomutongi weRoma Kesari Augusto. (Ruka 2:1-7) Vanhu vechiJudha, vachishatirirwa kutonga kweRoma uye mutero wayo wakaoma, vakanga votodokupanduka. Neiko Roma yaizovashatirisa nenzira isiri madikanwa kupfurikidza nokuda kuti vazhinji vafambe kundonyoreswa mukati momugariro wokunze wenguva yechando wakaoma zvikurusa uye kunyange une ngozi? Hakuna mufungo zvikuru kwazvo here kuti ikoku kungadai kwakarairwa nokuda kwomwaka unozvikodzeranisa umene nokufamba, zvakadai sechirimo kana kuti munakamwe?
KuverengaKwakavakirwa paBhaibheri
Ufakazi hwenhau nohunooneka hunoita kuti December asakwanirise, kana kuti mumwe mwedzi upi noupi womunguva yechando, saanokodzera nhauro dzokuberekwa kwaJesu. Uyezve, Bhaibheri rinozivisa kupfurikidza nouporofita nguva yegore apo Jesu akaberekwa. Ndapapi parinoita ikoku?
Mubhuku raDhanieri, ganhuro 9, tinowana humwe hwouporofita hunoorora zvikurusa pamusoro paMesia. Ihwo hunorondedzera zvose zviri zviviri kuuya kwake nokugurwa kwake murufu, uko kwakagovera chibairo chorudzikinuro chokuyananisira chivi ndokutanga hwaro hwokuti rudzi rwomunhu rwunoteerera rwuwane “kururama kusingaperi.” (Dhanieri 9:24-27; enzanisa naMateo 20:28.) Mukuwirirana nouhwu uporofita, kwose ikoku kwaizoitwa mukati menhambo yamavhiki 70 amakore, kuvambira mugore ra 455 P.N.V., apo murairo wakabuda wokuvakazve Jerusarema.a (Nehemia 2:1-11) Kubva muchikamu chenguva chiri muuhwu uporofita, kunogona kunzwisiswa kuti Mesia aizooneka pamavambo evhiki rechi 70 ramakore. Ikoku kwakaitika apo Jesu akazvipa amene nokuda kworubhapatidzo muna 29 N.V., achivamba pamutemo basa rake rouMesia. “Pakati pevhiki,” kana kuti pashure pamakore matatu nehafu, Mesia aizogurwa murufu, nomutoo iwoyo achigumisa ukoshi hwezvibairo zvose musungano yoMutemo waMosesi.—VaHebheru 9:11-15; 10:1-10.
Uporofita ihwohwu hunozivisa kuti urefu hwoushumiri hwaJesu hwakanga huri makore matatu nehafu. Jesu akafa paPaseka, Nisani 14 (mukuwirirana nekarenda yechiJudha), muchirimo cha 33 N.V. Musi unowirirana wegore iroro aizova April 1. (Mateo 26:2) Kuverenga tichidzokera shure makore matatu nehafu kunoisa rubhapatidzo rwake muna 29 N.V. pamavambo aOctober. Ruka anotizivisa kuti Jesu akanga ava namakore anenge 30 okukura parubhapatidzo rwake. (Ruka 3:21-23) Ikoku kwaizoreva kuti kuberekwa kwaJesu kwakanga kuriwo pedyo namavambo aOctober. Mutsinhirano nenhauro yaRuka, vafudzi panguva iyoyo yegore vaizova vachiri “vaigara kuuragu vachirinda mapoka avo usiku.”—Ruka 2:8.
Hunobva Mumanyukoi?
Sezvo ufakazi huchinongedzera kumavambo aOctober senguva yokuberekwa kwaJesu, neiko kuchichengetwa pana December 25? The New Encyclopædia Britannica inoratidza kuti uku kuchengeta kwakagamuchirwa mazana amakore pashure pokuberekwa kwaJesu: “Mukati mezana ramakore rechina kuchengetwa kwokuberekwa kwaKristu pana December 25 kwakagamuchirwa pashoma napashoma nechechi zhinjisa dzokuMabvazuva. MuJerusarema, kushora Krisimisi kwakagara kwenguva refu zvikuru, asi kwakagamuchirwa pakupedzisira.”
Neiko tsika yacho yakagamuchirwa nenzira iri nyore kwazvo neavo vaizvidana vamene kuti maKristu mazana amakore akawanda pashure paKristu? The New Encyclopædia Britannica inojekesazve nhau yacho: “Tsika dzamagamuchidzanwa dzakabatanidzwa neKrisimisi dzakakura dzichibva mumanyuko anoverengeka somuuyo wewirirano yokuchengeta kuberekwa kwaKristu nokuchengeta kwechihedheni kurima nomwedzi pakati penguva yechando. Munyika yeRoma Saturnalia (December 17) yakanga iri nguva yokufara nokutsinhana zvipo. December 25 airangarirwawo somusi wokuberekwa kwamwari wechienzi weIran Mithra, Zuva Rokururama.”
Ko kwose ikoku kwakanga kuri chaizvoizvo “kuwirirana” here? Nyangwe! Iidi renhau kuti muzana ramakore rechina N.V., pasi paMambo Constantine, Umambo hweRoma hwakachinja kubva pakuva mutambudzi wechiKristu kukuva mutsigiri we“chiKristu” sorudzidziso runogamuchirwa. Sezvo vakawanda vavanhuwo zvavo, avo vaishaiwa ruzivo rwokuzviwanira murevo yechokwadi yechiKristu, vakagamuchira uku kutenda kutsva, vakavamba kuchengeta mitambo yavo yechihedheni yakarovedzeka namazita okuremekedza “echiKristu” chakanga chichangobva kuwanwa. Musii waigona kuva wakakodzera zvikuru kukuchengetwa kwokuberekwa kwaKristu kupfuura December 25, uyo wakanga watoratidzirwa somusi wokuberekwa we“Zuva Rokururama”?
Kunokosha Here?
Pane panikiro shomanene yokuti vateveri vokutanga vaJesu, avo vakanga vari vechiJudha, havana kuchengeta zuva rake rokuberekwa. Mukuwirirana neEncylopaedia Judaica, “kuchengetwa kwamazuva okuberekwa hakuzivikanwi mumuitiro wechiJudha wegamuchidzanwa.” MaKristu apakuvamba zvamazvirokwazvo haasati aizova akagamuchira kuchengeta kwakadaro. Panzvimbo pokuchengeta kuberekwa kwake, aizoremekedza murairo waJesu wokurangarira rufu rwake, urwo aiva nomusi warwo usingapikiswi, ndiko kuti, Nisani 14.—Ruka 22:7, 15, 19, 20; 1 VaKorinte 11:23-26.
Mazana amakore pamberi paKristu, vanhu vechiJudha, avo panguva iyeyo vakanga vari rudzi rwakasarudzwa rwaMwari, vakanyeverwa nenzira youporofita pamusoro pomugumo woutapwa hwavo hwakanga huchiuya muBhabhironi, kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.” (Isaya 52:11) Vaifanira kudzokera kunyika yokumusha kwavo kundotangazve kunamatwa kwakachena kwaJehovha. Kwaizova kusingafungiki kuti vagamuchire tsika nezvimiro zvisina kuchena zvechihedheni zvokunamata izvo vakanga vachengeta muBhabhironi.
Nenzira isingashamisi, murairo mumwe chetewu unodzokororwa nokuda kwamaKristu pana 2 VaKorinte 6:14-18. Munzvimbo yorudzi rwechiJudha urwo rwakaramba Kristu, vateveri vake vakava vamiriri vokunamata kwakachena. Vaiva nomutoro wokubetsera vamwe kubuda murima romudzimu ndokupinda muchiedza chezvokwadi. (1 Petro 2:9, 10) Vaigona kuita sei ikoku nenzira inobvira kudai vaivhenganisa dzidziso dzaKristu netsika namazororo zvamavambo echihedheni?
Sezvo kungafadza zvikuru kuzvishuvo zvakakurumbira, kuchengeta “Krisimisi Ine Sinou” kunoguma noku“bata chinhu chine tsvina.” (2 VaKorinte 6:17) Munhu anoda zvirokwazvo Mwari naKristu anofanira kukudzivisa.
Kunze kweidi rokuti mavambo ayo ari mukuchengeta kwechihedheni, taonawo kuti Krisimisi haisati ichimirira zvokwadi, sezvo Jesu akaberekwa muna October. Hungu, pasinei zvapo nokuti chionoi chingauya mufungidziro yomunhu, Jesu haana kumboberekwa zvake musinou.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekurukurirano yakazara zvikuru youhwu uporofita, ona bhurocha Will There Ever Be a World Without War? peji 26, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Jerusarema rakafukidzwa nesinou, sezvo rinoonwa nokumabvazuva
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian
[Mufananidzo uri papeji 6]
Sinou mumasvingoeJerusarema
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vafudzi vanogona kugara namapoka avo usiku mumajinga ane mabwe bedzi mumwaka unodziya, sezvinoonwa pasi apa
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian