Kuchengeta Ziso Redu “Rakapfava” Mubasa roUmambo
GERMAN Democratic Republic (G.D.R.), kana kuti yaizivikanwa seEast Germany, haina kutongosvitsa zera rapakati napakati. Makore makumi mana nerimwe okuvapo akaguma pana October 3, 1990, apo ndima yayo, ine ukuru hunenge hweLiberia kana kuti nyika yeTennessee muUnited States, yakabatanidzwa kuti ive Federal Republic of Germany, iyo yakanga yadanwa kuti West Germany.
Kubatanidzwazve kwamaGermany maviri kwakareva chinjo huru dzakawanda. Chakanga chaparadzanisa ndima mbiri chakanga chiri, kwete chete muganhu unooneka, asi muganhu wouzivi. Ikoku kwose kwakarevei nokuda kwavanhu imomo, uye upenyu hwachinja sei nokuda kweZvapupu zvaJehovha?
Wende, kupandukira muna November 1989 uko kwakaita kuti kubatanidzazve kubvire, kwakavapo nokukurumidza pashure pamakumi mana amakore echisosharizimu chakaoma. Mukati menhambo iyoyo, mibato yeZvapupu zvaJehovha yakarambidzwa, uye kutambudzwa kwazvo padzimwe nguva kwakanga kwakakomba.a Apo rusununguko rwakasvika kuG.D.R., mufaro wakazadza vanhu vose. Asi sezvo mufaro wakapera, vakawanda vakavhiringidzwa, vakakangaidzwa, kunyange kuodzwa mwoyo. Basa rokubatanidza maGermany maviri kuva chinhu chimwe chenzanga, chezvamatongerwe enyika, uye chepfuma riri kubvumikisa kuva guru.
Mukuwirirana nenhevedzano ye“162 Tage Deutsche Geschichte” (162 Days of German History) muDer Spiegel, pashure pokubatanidzazve kwakanga kune kutya kwakapararira kwokushaikwa kwamabasa, kukwira kwemitengo, uye rendi dzinowedzera. “Ndichava nomudyandigere wakakwana here?” vakawanda vakabvunza kudaro mune yaichimbova G.D.R. Zvakadiniko nedzimba? “MuG.D.R. mose, zvivako zvekare zviri kukoromoka, migwagwa yose ichiva isingagariki.” Shatiso yakasvika mwero inokatyamadza.
Zvatarisana nenyongano yenzanga neyezvemari yakadaro, Zvapupu zvaJehovha mune yaichimbova G.D.R. zvakararama sei?
Kuchengeta Ziso Richiona Zvakanaka
Zvapupu zvaJehovha hazvina miganhu youzivi. Kutenda kwazvo kwakavakirwa paBhaibheri ndikumwe cheteko, mungave muMabvazuva kana kuti muMadokero. Nemhoteredzo yazvo yenzanga inochinja, Zvapupu zvizhinjisa zvinochengeta dzikamo yomudzimu kupfurikidza nokuchengeta maziso azvo akanangidzirwa panharidzano hurusa yokubatira Jehovha. Neiko ikoku kuchikosha?
Nemhaka yokuti “chiono chenyika ino chiri kuchinja.” (1 VaKorinte 7:31, NW) Mumwe mukuru wechiKristu anotsinhira kuti kuparidzira muchirambidzo pamberi peWende kwaida ushingi; kwakadzidzisa Zvapupu kuvimba naJehovha ndokuzvirovedza mukubata Bhaibheri. Zvino, zvisinei, “tinofanira kuva vanongwarira zvikuru kusatsauswa nokudisa zvenyika nefunganyo dzoupenyu.”
Rusununguko nefambiro mberi kazhinji kazhinji zvinoyerwa mumashoko ezvokunyama. Vanhu vakawanda munharaunda ino vanonzwa kudikanwa kwokutsiva nguva yavakarasikirwa nayo kana kuti zvimwe mifarwa yavakarasikirwa nayo. Ikoku kunova kwakajeka apo munhu anenge ari kuchaira mumigwagwa inogadzirwa namabwe mumataundi nemisha zveThuringia neSaxony iri mumaodzanyemba. Migwagwa yacho ingave ichida kugadzirwa, dzimba dzacho iduku, asi mune masatellite dish eterevhizheni akawanda zvakadini! Kuri nyore kuti munhu anyengerwe kudavira kuti chengeteko nomufarwa zvinobva mukuva nechinhu chiri chose icho ziso rinoona. Iwoyo musungo une ngozi zvakadini!
MuMharidzo yapaGomo, Jesu akataura pamusoro pengozi dzokupa ngwariro isina kufanira kuzvinhu zvokunyama nokufunganyo dzoupenyu. “Regai kuzviunganidzira fuma panyika,” akanyevera kudaro. Akawedzera, kuti: “Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.” (Mateo 6:19, 22) Akareveiko? Ziso rakapfava ndiriya rinoona zvakanaka uye rinoendesa mifananidzo yakajeka kundangariro. Ziso romudzimu iro rakapfava rinochengeta mufananidzo woUmambo hwaMwari wakajeka. Naizvozvo kutsunga kwomuKristu kuchengeta ziso rake rakapfava, rakanangidzirwa zvakajeka paUmambo hwaMwari, uye kuisa funganyo shure kunobetsera kumuchengeta akadzikama mumudzimu.
Ikoku kunogona kuenzanisirwa nechinoitika chavaviri vakaroorana vokuZwickau, Saxony, avo vakaratidza kufarira Bhaibheri panguva yeWende. Bhizimisi ravo rakanga richipedza nguva zvikuru, bva vaiisa fariro dzomudzimu pakutanga, vachipinda misangano yose yechiKristu. “Mumurangariro webhizimisi redu, hatigoni kuwana nguva yacho,” vakabvuma kudaro, “asi mumudzimu tinoida.” Chisarudzo chokuchenjera zvakadini!
Rangarirawo imwe mhuri iriwo muPlauen, iri muSaxony. Murume wacho akanga ari mugadziri wewachi, mhizha huru nebhizimisi rake amene. Pashure peWende, rendi yenzvimbo yake yakawedzera zvikuru. Chii chaanofanira kuita? “Kwaizodya mari yakawanda, uye ndakadzidza zvokwadi kuti ndiraramire zvokwadi.” Naizvozvo akatamira munzvimbo yakanga iri munzvimbo yakakodzera zvishomanene asi ine rendi yakaderera zvikuru. Hungu, mugadziri wewachi akadzidza nokukurumidza zvikuru pamusoro pokuchengeta ziso rake rakapfava.
Vashomanene, kunyanguvezvo, vakaziva kwave kunyanyononoka. Mumwe mukuru wechiKristu, achirangarira kuti kutengesa kwamakwikwi kwakanga kuchangobva kutangwa kwakanga kwakazara nevimbiso, akapinda mubhizimisi. Mutariri anofambira akamukurudzira nomutsa kusarega misengwa yebhizimisi ichitsvikinyidzira kunze umudzimu. Bva, nenzira inosuruvarisa, izvozvo ndizvo zvakaitika. Mwedzi yakati gare gare hama yacho yakarega kuva mukuru. Yakanyora gare gare, kuti: “Kuchivakirwa pachinoitika changu ndimene, ndingapa zano hama ipi neipi iri kusvasvavirira ropafadzo dzebasa kusazvishandira imene.” Ikoku hakusati kuchireva kuti kuzvishandira kwakaipa nokuda kwomuKristu. Asi kana tine bhizimisi redu timene kana kuti kwete, kupa ngwariro yakanyanyowanda kufunganyo dzezvemari kunogona kutiita varanda vasingadi vepfuma. Jesu akaratidza muuyo wacho: “Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe.” (Mateo 6:24) Mudetembedzi weGermany Goethe akati: “Hapana vanoiswa muuranda nenzira isina tariro zvikuru kupfuura avo vanodavira zvenhema kuti vakasununguka.”
Kubatwa mudutu chairoiro kungada kuti tivhare maziso zvishomanene kana kuti kuisa maoko edu pamaziso kuti tichengete nharidzano yedu ichioneka. Apo tinokombwa nenyongano yezvamatongerwe enyika, yezvemari, kana kuti yomunzanga, kufungisisa ndangariro kuri madikanwa kuti tichengete nharidzano yedu yomudzimu muchiono. Mamwe maKristu ari kuitei kuti achengete ziso rawo rakapfava mubasa roUmambo?
Mubato woUmambo Wakawedzerwa
Mune yaichimbova G.D.R. yose, Zvapupu zviri kupa nguva yakawanda zvikuru kukuparidzira kupfuura nakare kose. Mumakore maviri apfuura, avhareji yenguva yakapedzerwa mubasa romumunda yakawedzera ne 21 muzana. Muuyo wacho iwedzero inoshamisa ye 34 muzana mufundo dzeBhaibheri dzapamusha. Kupfuurirazve, chiverengero chamapiona enguva dzose pari zvino chakakwirira nekana kupfuura zvachakanga chakaita makore maviri chete apfuura! Nepo vamwe vachinetseka nokunyunyuta, maKristu anopfuura 23 000 mune yaiva panguva iyoyo G.D.R. ari kugonana nomugariro wacho kupfurikidza nokuchengeta ziso rawo rakapfava. Ikoku kwakabetsera kuwedzero inokatyamadza mumubato woUmambo.—Enzanisa naJoshua 6:15.
Mubato wakafutunurwa unoreva kuti ndima yacho iri kusanotarisirwa mumaodzanyemba, umo voruzhinji veZvapupu vanogara. Akawanda amazita enzvimbo ane revo yenhau. Kana uchida ndiro dzevhu dzakaisvonaka, uchaziva taundi reMeissen, riri pedyo neDresden, samavambo emimwe yemidziyo yevhu yenyika inopwanyika zvikurusa. Meissen zvino musha wavaparidzi voUmambo 130. Kana kuti rangarira Weimar, “dzimbahwe rekare reGermany.” Chirangaridzo chaGoethe naSchiller pakati petaundi chinopupurira batano dzinokudzwa dzaWeimar navanyori vaviri ivavo uye manyuko orudado nokuda kwavakawanda ikoko. Nhasi Weimar inogona kudada navaparidzi vayo vanopfuura 150 vamashoko akanaka.
Kuchamhembe, zvisinei, zvinhu zvakasiana zvikuru, navaparidzi vashomanene zvikuru namadaro makuru zvikuru pakati peungano. Zvikurukuru mabasa mashoma. Vakawanda vanoshanda vari mudzvinyiriro yokushanda ovhataimi kuti vachengete basa ravo. Imwe hama iri kubatira somuparidziri wenguva yakazara kuchamhembe inotsanangura, kuti: “Muchirambidzo hama imwe neimwe yaida dziviriro yaJehovha mubasa romumunda, asi kuwana basa kwakanga kusina kuoma. Zvino mugariro wacho wachinja. Tine rusununguko rwokuparidzira, asi tinoda nhungamiro yake pamusoro pebasa. Chinjo yakadaro inoda kujaira zvikuru.”
Vaparidzi vanofadzwa nokukwanisa kuparidzira kazhinji kazhinji zvikuru here? Murangariro waWolfgang ndewokuti: “Zviri nani zvikuru kuti muparidzi mumwe cheteyo ashande ashandazve ndima imwe cheteyo. Vanhu vanosvika pakumuvimba uye vanokurukura zvikuru.” Kunze kwaikoko, vanasaimba “havachisiri vanokwenudzwa kutaura pamusoro porudzidziso pasuo, kunyange apo vadariki vanenge vari mudaro ravanokwanisa kunzwa. Rudzidziso haruchisiri nhau inorambidzwa.” Ralf naMartina vanobvuma. “Tinofarikanya kushanda ndima yedu kazhinji kazhinji zvikuru. Tinogona kusvika pakuziva vanhu somunhu oga uye tinofadzwawo pamusoro pemhatsa huru yamabhuku anowanika.”
Kuonga Mabhuku Edu
Ralf naMartina vanoonga zvikuru bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Nokuda kwavakawanda vakagamuchira kusadavira kuvapo kwaMwari mune yaichimbova G.D.R., iri bhuku riri kubvumikisa kuva yamuro inoshamisa yefundo yeBhaibheri. Vaishuvawo chinyorwa chipfupi zvikuru chine mashoko akafanana. “Takafadzwa sei pakubudiswa kwebhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? pa 1992 ‘Vatakuri Vechiedza’ Kokorodzano Yoruwa muDresden. Yakanga iri mhinduro kuminyengetero yedu.”
Vasiri Zvapupu vakawanda vakasvika pakuyemura zvinyorwa zveWatch Tower. Muna July 1992 mudzidzisi mudzidzo yamagariro avanhu akanyora kuti aratidzire “ruremekedzo [rwake] rukurusa nokuonga kwoushamwari zvikurusa” nokuda kwezvinyorwa, izvo anoshandisa kugadzirira zvifundo. Muna January 1992 mumwe mukadzi muRostock akagamuchira kopi yebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano kuZvapupu zviviri zvakauya kusuo rake. Akanyorera hofisi yebazu yeGermany, kuti: “Ndiri weChechi yeLutheran. Ndine ruremekedzo rukurusa nokuda kwemibato yesangano reZvapupu zvaJehovha. Zvinotaura zvakasimba kuti munhu haachagoni kurarama asina nhungamiro yaMwari.”
Inhungamiro yomudzimu yakawanda sei iyo chechi dzechiKristudhomu dzakapa mitezo yadzo? Pepanhau rakakurumbira Die Zeit rakatsinhira muna December 1991 kuti nepo Chechi yeLutheran yakanga ya“farikanya mbiri kwenguva pfupi saamai wokupandukira kune rugare, mukurumbira wayo unoratidzika kuva uri kuderera nokukurumidza.” Zvamazvirokwazvo, mumwe mumiriri weChechi yeLutheran akachema, kuti: “Vanhu vakavhiringidza upenyu mumuitiro wokutengesa kwamakwikwi neparadhiso.” Mumwe mutezo wechechi muMagdeburg wakanyora uchikumbira mashoko. Neiko? “Pashure pamakore okunyemwerera mukusadavira,” akanyora kudaro murume wacho, “zvino ndinopwiswa zvakasimba kuti nyika ino yava pamugumo wayo uye kuti tichanangana nenhamo huru munguva yemberi iri pedyo.”—2 Timotio 3:1-5.
Kuvaka Nokuda Kwefutunuko
Pamberi peWende, Horo dzoUmambo dzakanga dzisingatenderwi muG.D.R. Zvino dzinodikanwa nokukurumidza; kudzivaka kuri kupiwa nzvimbo yokutanga. Urwu rumwe rutivi rwokunamata kwechokwadi urwo rwakava nechinjo inoshamisa. Chinoitika chehama imwe chinoratidzira kuti iyi chinjo yave iri yokukurumidza sei chaizvo.
Muna March 1990, maawa akati chete pashure pokunge Zvapupu zvaJehovha zvagamuchira zivikanwo yapamutemo muG.D.R., imwe hama yakakokwa kuti itaure kuboka reZvapupu, ichishandisa maikurofoni kwenguva yokutanga muupenyu hwayo. Makore maviri nehafu gare gare, ungano yainosonganirana nayo yakatsaurira Horo yoUmambo itsva itsva. Pakasvika kupera kwa 1992, Horo dzoUmambo nomwe dzakanga dzavakwa nokuda kweungano 16. Dzimwe dzinopfuura 30, pamwe chete neHoro yeGungano inokwezva, zviri mudanho rokurongwa.
Ziso Rakanangidzirwa paUmambo hwaMwari
“Chinguvana pashure peWende,” anotsinhira kudaro mumwe mukuru wechiKristu, “vanhu vakawanda vakaramba Bhaibheri. Vakaisa tariro yavo muhurumende itsva, iyo yakapa vimbiso yemigariro iri nani pakupedzisira.” Tariro yavo yakazadzikwa here? “Mukati mamakore maviri vakachinja ndangariro dzavo. Vanhu zvino vanobvumirana nesu kuti hurumende dzavanhu hadzitongogoni kuparira rugare nokururama.”
Vazhinji zhinji vakafarira kuparara kwechisosharizimu chakaoma muG.D.R., vachizivisa ayo vairangarira kuva mavambo akaisvonaka ouzivi hwokuMadokero. Asi vakaodzwa mwoyo. Pasinei zvapo nokuti ihurumende ipi iri inotonga, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta ziso razvo rakapfava uye rakanangidzirwa zvakasimba paUmambo hwaMwari, uhwo hunopenya senyeredzi mumatenga. Tariro yakadaro haisati ichizotongotungamirira kukuora mwoyo.—VaRoma 5:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Jehovha Akatitarisira Murambidzo,” Mativi 1-3, muzvinyorwa zveNharireyomurindi zvaApril 15, May 1, uye May 15, 1992.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Zvapupu muGermany zviri kushandisa rusununguko rwazvo kuti zvibatanidzwe zvikuru mumubato woUmambo