“Urambe Ngano”
BHAIBHERI rakazara nezvinoitika nenhau pamusoro pavanhu. Hatisati tichingofarikanya bedzi kuzvirava asi tinobetserwa nazvo. Muapostora Pauro akanyorera ungano yechiKristu yaiva muRoma, kuti: “Zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.”—VaRoma 15:4.
Pauro amene akagoverana mukurondedzera zvinoitika. Bhaibheri rinotaura nezvaPauro naBharnabhasi pamhedziso yechakairo yavo yokutanga youfundisi: “Vakati vasvika [paSiria yeAntiokia], vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo.” (Mabasa 14:27) Pasina panikiro hama dzakakurudzirwa zvikuru neizvi zvinoitika.
Hazvisati zviri zvinoitika zvose, zvisinei, zvinovaka. Achifuridzirwa, Pauro akanyevera Timotio, kuti: “Urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere.” (1 Timotio 4:7) Uye kuna Tito iye akanyora kuti vaKristu vakavimbika va“rege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira zvokwadi.”—Tito 1:14.
Chii chakanga chiri idzi nhau dzenhema, kana kuti ngano? Mashoko ose ari maviri anobva muna myʹthos wechiGiriki (“ngano”). The International Standard Bible Encylopedia inotaura kuti iri shoko rinorondedzera “nhau (yorudzidziso) isina batano nezvokwadi.”
Nyika yomuzuva raPauro yakanga yakazara nenhau dzakadaro. Muenzaniso ibhuku reapokirifa raTobit, zvimwe rakanyorwa anopfuura makore ane mazana maviri pamberi penguva yaPauro. Iyi nhau inotaura nezvaTobit, muJudha akarurama, anopofumadzwa apo matosi eshiri anowira mumaziso ake. Gare gare, anotuma mwanakomana wake, Tobias, kundotora chikwereti. Ari munzira, panhungamiro yengirozi, Tobias anowana mwoyo, chiropa, uye nduru zvehove. Tevere anosangana nechirikadzi iyo, kunyange zvazvo yakaroorwa kanomwe, inoramba iri mhandara nemhaka yokuti murume mumwe nomumwe akaurawa nomudzimu wakaipa pausiku hwomuchato. Pakurudziro yengirozi, Tobias anomuroora uye anodzinga dhemoni kupfurikidza nokupisa mwoyo nechiropa zvehove yacho. Nenduru yehove, Tobias gare gare anodzorera kuona kwababa vake.
Nenzira yakajeka, iyi ngano haisati iri yechokwadi. Kunze kwokushamisa kwayo nokufadza kwayo kutenda mashura, ine mhosho. Somuenzaniso, nhauro yacho inotaura kuti Tobit akapupurira zvose zviri zviviri kumukira kwendudzi dzokuchamhembe nokuendeswa kwavaIsraeri kuNinevhe, zvinoitika munhau yaIsraeri zvakanga zvakaparadzaniswa namakore 257. Bva, nhau yacho inotaura kuti Tobit akanga ane makore 112 okukura panguva yorufu rwake.—Tobit 1:4, 11; 14:1, The Jerusalem Bible.
Ngano dzakadaro ndedzechienzi ku“mutoo [wechokwadi] wamashoko akanaka” anoziviswa navabatiri vakatendeka vaMwari. (2 Timotio 1:13, NW) Miuyo yefungidziro, inopesana neidi renhau, rudzi rwechinhu chakarondedzerwa nechembere dzisiri dzoumwari. Idzi ndidzo dzaiva nhau dzaifanira kurambwa navaKristu.
Kuedza Mashoko Ezvokwadi
Nhau dzakafanana dzakawanda nhasi. Pauro akanyora, kuti: “Nokuti nguva ichasvika [vanhu] yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi . . . vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukira kungano.” (2 Timotio 4:3, 4) Mumativi akati apasi, ngano dzezvisiri zvomuzvarirwo dzakapararira uye dzakakurumbira. VaKristu, naizvozvo, nokuchenjera vano“edza mashoko” enhau dzorudzidziso kuti vaone kana ari mutsinhirano neBhaibheri.—Jobho 12:11, NW.
Nenzira yakajeka, dzakawanda hadzisati. Mumativi akawanda enyika, somuenzaniso, kunozivikanwa navose kunzwa nhau dzinotsigira murangariro wokuti mweya womunhu haufi. Idzi nhau dzinorondedzera kuti munhu anofa sei, kuzongoonekazve bedzi mumuviri womucheche achangobva kuberekwa, somudzimu, semhuka, kana kuti zvimwe somunhu munzvimbo yakasiana.
Shoko raMwari, zvisinei, rinoratidza kuti mweya yavanhu haisati iri isingafi; mweya inofa. (Ezekieri 18:4) Kupfuurirazve, Bhaibheri rinotaura kuti vakafa havana upenyu muguva, havakwanisi kufunga, kutaura, kana kuti kuita chinhu chipi nechipi. (Muparidzi 9:5, 10; VaRoma 6:23) Nokudaro, avo vanonyengedzwa nenhau dzenhema idzo dzinosimudzira mufungo wokuti mweya haufi, seizvo Pauro akataura, “[vanobviswa, NW]” pa“dzidziso yakanaka” yeBhaibheri.
Ngano Dzezvisiri Zvomuzvarirwo
Dzimwe nhau dzinonangidzira ngwariro pamabasa avaroyi navatakati. Mumativi eAfrica, somuenzaniso, ava vaiti vezvakaipa vanotaurwa kuva vakashongedzerwa namasimba anotyisa, vachikwanisa kuzvichinja vamene kana kuti vamwe kuva zvinokambaira, tsoko, uye shiri; vachikwanisa kubhururuka mumhepo kuti vaite mabasa avo; vachikwanisa kuoneka ndokusaoneka; vachikwanisa kupfuura nomumadziro; uye vachikwanisa kuona zvinhu zvakavigwa pasi papasi.
Kuwanda kukuru kwenhau dzakadaro, pamwe chete nechitendero chakaparira madziri, kungapesvedzera vamwe vari muungano yechiKristu kudavirawo kuti ndedzechokwadi. Vangarangarira kuti nepo vanhu vomuzvarirwo vasingagoni kuita zvinhu zvakadaro, avo vanogamuchira masimba anopfuura ohunhu anobva kuzvisikwa zvomudzimu, madhemoni, vanogona. Hunoratidzika kuva hwaro hweiyi mhedziso ndi 2 VaTesaronika 2:9, 10, iyo inoti: “Kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.”
Nepo kuri kwechokwadi kuti rugwaro urwu runoratidza kuti Satani anokwanisa kuita mabasa ane simba, runodudza kuti Satani ndiyewo muvambi we“zviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema,” pamwe chete no“kunyengera kusina kururama.” Nguva dzose, Bhaibheri rinoratidza Satani kuva munyengeri mukuru uyo ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, NW) Iye inyanzvi pakuita kuti vanhu vadavire zvinhu zvisati zviri zvechokwadi.
Nemhaka yaikoku, kunyange chipupuriro nokutaura kwaavo vakabatanidzwa mukushandisa midzimu nouroyi zvinowanzova zvisingavimbiki. Vanhu vakadaro vangadavira zvapachokwadi kuti vakaona, vakanzwa, kana kuti vakatambura zvinhu zvakati; bva, kutaura idi, havana. Somuenzaniso, kuna avo vanofunga kuti vakataura nemidzimu yavanhu vakafa. Asi ivo ndivanyajambwa vanokanganisa, vanonyengerwa, venyengedzo youSatani. Bhaibheri rinotaura kuti vakafa “vanoburukira kwakanyarara.”—Pisarema 115:17.
Nemhaka yenhau yaDhiabhorosi yenyengedzo, uzvokwadi hwengano dzisiri dzomuzvarirwo hunopanikirwa zvikuru. Dzakawanda zvikurusa kuitwa kwefungidziro dzokutenda mashura, dzakakatutsirwa nokutaurazve kwenguva dzose.
Kuparadzira ngano dzakadaro kunosimudzira fariro dzababa wenhema, Satani Dhiabhorosi. (Johane 8:44) Dzinonyandura fariro mumiitiro yamashiripiti inonyangadza kuna Jehovha. (Dheuteronomio 18:10-12) Dzinopinza vanhu mumusungo worutyo nokutenda mashura. Hakushamisi kuti Pauro akapa zano vaKristu kuti varege “kurangarira ngano.”—1 Timotio 1:3, 4.
Kuramba Chipupuriro Chamadhemoni
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana nhau dzacho dzichiratidzika kuva dzechokwadi? Pane dzimwe nguva zvinoitika zvinorondedzerwa zvemidzimu kana kuti vezvemidzimu vanobvuma ukuru hwaJehovha nouzvokwadi hweZvapupu zvake. VaKristu vanofanira here kudzokorora nhau dzakadaro?
Aiwa, havafaniri. Bhaibheri rinotaura kuti apo midzimu isina kuchena yakadanidzira kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, iye “akairaira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.” (Marko 3:12) Nenzira yakafanana, apo dhemoni rokuuka rakasunda mumwe musikana kuzivisa Pauro naBharnabhasi sa“varanda vaMwari Wokumusorosoro” uye vazivisi ve“nzira yokuponeswa nayo,” Pauro akabudisa mudzimu wacho maari. (Mabasa 16:16-18) Jesu, Pauro, kana kuti upi noupi wavanyori veBhaibheri haana kubvumira madhemoni kupupurira pamusoro pedonzo raMwari kana kuti vabatiri vake vakasarudzwa.
Kunokoshawo kuti Jesu Kristu akanga agara munzvimbo yemidzimu asati auya kupasi. Iye akanga aziva Satani somunhu oga. Bva, Jesu haana kufadza vadzidzi vake nenhau pamusoro pemibato yaSatani, uyewo haana kugovera udzame pamusoro peizvo Dhiabhorosi aigona kana kuti aisagona kuita. Satani namadhemoni ake vakanga vasiri shamwari dzaJesu. Vakanga vari vadzingwi, vapanduki, vavengi vechiri chitsvene, uye vavengi vaMwari.
Bhaibheri rinotiudza chatinofanira kuziva. Iro rinotsanangura ari madhemoni, kuti anotsausa sei vanhu, uye kuti tinogona sei kuadzivisa. Rinoratidza kuti Jehovha naJesu vane simba zvikuru kupfuura zvakaita madhemoni. Uye rinotirairidza kuti kana tikabatira Jehovha nokuvimbika, midzimu yakaipa haigoni kutiitira kuvadziko ipi neipi yechigarire.—Jakobho 4:7.
Nechikonzero chakanaka, ipapoka, vaKristu vanoramba nhau dzenhema, nhau dzinongoguma bedzi nokusimudzira fariro dzaavo vanoshora Mwari. Sezvo Jesu ‘akapupurira zvokwadi,’ ndozvinoitawo vateveri vake nhasi. (Johane 18:37) Nokuchenjera vanoteerera zano reBhaibheri, rinoti: “Zvose zvazvokwadi, . . . fungisisai izvozvo.”—VaFiripi 4:8.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kuratidzirwa kwose kwamashiripiti kunofanira kudziviswa zvikuru navaKristu vechokwadi