Chikonzero Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiramba Zvichirinda
“Rindai . . . nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.”—MATEO 24:42.
1. Kuraira kwokuti “rindai” kunoshanda kunaani?
KUMUBATIRI ari wose waMwari—angave muduku kana kuti mukuru, angave achangobva kuzvitsaurira kana kuti ane chinyorwa chirefu chebasa—kuraira kweBhaibheri kunoshanda, kwokuti: “Rindai”! (Mateo 24:42) Neiko ikoku kuchikosha?
2, 3. (a) Jesu akarondedzera zvakajeka chiratidzoi, uye zadziko youporofita yakaratidzei? (b) Mugariroi unonongedzerwa kwauri pana Mateo 24:42 unoedza uchokwadi hwokutenda kwedu, uye sei?
2 Nechokumugumo woushumiri hwake pasi pano, Jesu akadeya kutaura chiratidzo chokuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo. (Mateo, maganhuro 24 ne 25) Iye akarondedzera zvakajeka nguva iyoyo yokuvapo kwake kwoumambo—uye zvinoitika mukuzadzika kwouporofita zvinoratidza kuti akagadzwa pachigaro choumambo saMambo mumatenga muna 1914. Iye akanongedzerawo kumugariro uyo panguva iyeyo waizoedza uchokwadi hwokutenda kwedu. Ikoku kwakanga kuri nongedzero kunguva apo aizoita chiito soMupondi kuti aparadze tsika yakaipa iripo mukati medambudziko guru iro Jesu akati: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” Akanga achirangarira izvozvo paakati: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.”—Mateo 24:36, 42.
3 Kusaziva kwedu zuva neawa apo dambudziko guru richavamba kunoda kuti kana tichitaura kuva vaKristu, tinofanira kurarama savaKristu vechokwadi zuva riri rose. Nzira yauri kushandisa nayo upenyu hwako ichaguma nokutendera kwaIshe here apo dambudziko guru rinosvika? Kana kuti kana rufu rukatanga kuuya, achakurangarira iwe somunhu akabatira Jehovha nokuvimbika kusvikira kumugumo woupenyu hwako hwazvino here?—Mateo 24:13; Zvakazarurwa 2:10.
Vadzidzi Vapakuvamba Vakaedza Kuva Vanorinda
4. Chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso waJesu wokurinda kwomudzimu?
4 Jesu Kristu amene akagadza muenzaniso wakanaka zvikurusa wokurinda kwomudzimu. Aigaronyengetera uye nesimba kuna Baba vake. (Ruka 6:12; 22:42-44) Paainangana nemiedzo, aivimba zvikuru nenhungamiro iri muMagwaro. (Mateo 4:3-10; 26:52-54) Haana kuzvibvumira amene kutsauswa pabasa iro Jehovha akanga amugovera. (Ruka 4:40-44; Johane 6:15) Avo vaizvirangarira vamene sevateveri vaJesu vaizova vanorinda zvakafanana here?
5. (a) Neiko vaapostora vaJesu vakava nezvinetso mukuchengeta dzikamo yomudzimu? (b) Jesu akapa vadzidzi vake betseroi pashure porumuko rwake?
5 Padzimwe nguva, kunyange vaapostora vaJesu vakazununguka. Somuuyo wokunyanyodisa nepfungwa dzakaipa, vaitofanira kugonana nokuora mwoyo. (Ruka 19:11; Mabasa 1:6) Vasati vadzidza kuvimba naJehovha zvizere, miedzo yakamwe kamwe yakavavhiringidza. Nokudaro, apo Jesu akasungwa, vaapostora vake vakatiza. Gare gare usiku ihwohwo, Petro nokutya, akaramba arambazve kunyange kuziva Kristu. Vaapostora vakanga vachigere kurangarira zvakakomba zano raJesu, rokuti: “Rindai, munyengetere.” (Mateo 26:41, 55, 56, 69-75) Pashure porumuko rwake Jesu akashandisa Magwaro kusimbisa kutenda kwavo. (Ruka 24:44-48) Uye apo kwakaratidzika kuti vamwe vavo vangaisa ushumiri hwakanga hwaronzeswa kwavari munzvimbo yechipiri, Jesu akasimbisa vavariro yavo kuti vape ngwariro pabasa rinokosha zvikuru.—Johane 21:15-17.
6. Jesu pakuvamba akanga anyevera vadzidzi vake pamusoro pemisungoi miviri?
6 Pakuvamba zvikuru, Jesu akanga anyevera vadzidzi vake kuti vaisafanira kuva rutivi rwenyika. (Johane 15:19) Iye akanga avapawo zano kuti vasaremedzane asi kubatira pamwe chete sehama. (Mateo 20:25-27; 23:8-12) Vakateerera zano rake here? Vakachengeta riri pamberi basa raakanga avapa here?
7, 8. (a) Chinyorwa chakaitwa navaKristu vomuzana ramakore rokutanga chinoratidza sei kuti vakarangarira zvakakomba kuraira kwaJesu? (b) Neiko kurinda kwomudzimu kunopfuuridzirwa kwaikosha?
7 Chero bedzi vaapostora vakanga vachiri vapenyu, vakataviridza ungano. Nhau inopupurira kuti vaKristu vapakuvamba vakanga vasingabatanidzwi muzvinhu zvamatongerwe enyika zvoUmambo hweRoma uye kuti vakanga vasina boka ravafundisi rakakwirira. Pano rumwe rutivi, vakanga vari vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari. Pakasvika mugumo wezana ramakore rokutanga, vakanga vapupurira muUmambo hwose hweRoma, vachiita vadzidzi muAsia, Europe, uye North Africa.—VaKorose 1:23.
8 Zvisinei, mabasa iwayo mukuparidzira haana kureva kuti kwakanga kusichina dikanwo ipi neipi yokuramba vakarinda mumudzimu. Kuuya kwaJesu kwakadeya kutaurwa kwakanga kuchiri kure. Uye sezvo ungano yakapinda muzana ramakore rechipiri N.V., migariro yakamuka yakaisa mungozi umudzimu hwavaKristu. Seiko?
Avo Vakarega Kuva Vanorinda
9, 10. (a) Pashure porufu rwavaapostora, ndizvinoitikai zvakaratidza kuti vaiti vaKristu vakawanda vakanga vasiri kuramba vakarinda? (b) Magwaroi adudzwa muiyi ndima aigona kuva akabetsera vanotaura kuva vaKristu kuramba vakasimba mumudzimu?
9 Vamwe vakapinda muungano vakavamba kutaura zvitendero zvavo mumashoko ouzivi hwechiGiriki, kuti vagoita kuti izvo vakaparidzira zvigamuchirike zvikuru kuvanhu venyika. Pashoma napashoma, dzidziso dzechihedheni, dzakadai seUtatu nokusafa kwomuzvarirwo kwomweya, dzakava rutivi rwechimiro chakashatiswa chechiKristu. Ikoku kwakatungamirira kukurega tariro yemireniyumu. Neiko? Avo vakagamuchira chitendero mukusafa kwomweya vakagumisa kuti zvikomborero zvokutonga kwaKristu zvose zvaizowanwa munzvimbo yemidzimu nemweya uyo waizopukunyuka muviri wohunhu. Naizvozvo havana kuona dikanwo yokurindira kuvapo kwaKristu musimba roUmambo.—Enzanisa naVaGaratia 5:7-9; VaKorose 2:8; 1 VaTesaronika 5:21.
10 Uyu mugariro wakasimbiswa nezvimwe zvinoitika. Vamwe vaitaura kuva vatariri vechiKristu vakavamba kushandisa ungano dzavo somutoo wokuzviwanira vamene nawo utanhamari. Vakapa nenzira yamanomano kumifungo yavo vamene nedzidziso ukoshi hwakaenzana naMagwaro kana kuti kunyange hukuru kuna iwawa. Apo banza rakazvipa rimene, iyi chechi yakawa pakutenda yakatozviita imene inowanika kuti ibatire fariro dzehurumende yezvamatongerwe enyika.—Mabasa 20:30; 2 Petro 2:1, 3.
Miuyo Yokurinda Kwakawedzerwa
11, 12. Neiko Kumutsidzira kwePurotesitendi kusina kuratidzira kudzokera kukunamata kwechokwadi?
11 Pashure pamazana amakore okushatisa kweChechi yeRoma Katurike, vamwe Vamutsidziri vakataura noushingi muzana ramakore rechi 16. Asi ikoku hakuna kuratidzira kudzokera kukunamata kwechokwadi. Nemhaka yeiko?
12 Kunyange zvazvo mapoka akasiyana-siyana ePurotesitendi akasununguka pasimba reRoma, akaenda nedzakawanda dzedzidziso huru nemiitiro zvokuwa pakutenda—pfungwa yavafundisi navanhuwo zvavo, uyewo chitendero muUtatu, kusafa kwomweya, uye kutambudzwa kusingagumi pashure porufu. Uye, kufanana neChechi yeRoma Katurike, akapfuurira kuva rutivi rwenyika, achiva akasanobatanidzwa namasangano ezvamatongerwe enyika. Naizvozvo akaramba kariro dzipi nedzipi dzokuuya kwaKristu saMambo.
13. (a) Chii chinoratidza kuti vamwe varume zvirokwazvo vakakoshesa Shoko raMwari? (b) Mukati mezana ramakore rechi 19, ndichinoitikai chakasvika pakuva chefariro chaiyo kuvamwe vaitaura kuva vaKristu? (c) Neiko vakawanda vakaora mwoyo?
13 Bva, Jesu akanga adeya kutaura kuti pashure porufu rwevaapostora, vadyi venhaka vapachokwadi voUmambo (avo akafananidza negorosi) vaizopfuurira kukura pamwe chete navaKristu venhema (kana kuti, mashawi) kusvikira nguva yokucheka. (Mateo 13:29, 30) Hatigoni nhasi kuronga nouchokwadi hupi nohupi vose vaavo Tenzi akarangarira segorosi. Asi kunokosha kuti mukati memazana amakore rechi 14, rechi 15, uye rechi 16, maiva navarume vakaisa upenyu hwavo vamene nerusununguko mungozi kuti vaise Bhaibheri mumutauro womunhuwo zvake. Vamwe havana kungogamuchira bedzi Bhaibheri seShoko raMwari bedzi asiwo vakaramba Utatu sohusati huri hwapamagwaro. Vamwe vakaramba chitendero mukusafa kwomweya nokutambudzwa muhero yomwoto sezvisingatsinhirani chose chose neShoko raMwari. Uyewo, mukati mezana ramakore rechi 19, somuuyo wefundo yakawedzerwa yeBhaibheri, mapoka muUnited States, Germany, England, uye Russia akavamba kutaura kupwiswa kwokuti nguva yokudzoka kwaKristu yakanga yava pedyo. Asi dzakawanda zvikurusa dzekariro dzavo dzakatungamirira kukuora mwoyo. Neiko? Kusvikira patambanuko yakati, yakanga iri mhaka yokuti vainyanyovimba navanhu uye kwete zvakakwana naMagwaro.
Kubvumikisa Kwakaita Ava Kuva Vanorinda
14. Rondedzera mutoo wokufunda Bhaibheri wakashandiswa naC. T. Russell navasonganiri vake.
14 Ipapo, muna 1870, Charles Taze Russell navamwe vavasonganiri vake vakaumba boka refundo yeBhaibheri muAllegheny, Pennsylvania. Vaisava vokutanga kunzwisisa dzakawanda dzezvokwadi dzeBhaibheri idzo vakagamuchira, asi pakufunda, vakakuita muitiro kusanonzvera magwaro ose pamubvunzo unopiwa.a Vavariro yavo yakanga iri, kwete kuwana magwaro anobvumikisa pfungwa yakadeya kufungwa, asi kuva nechokwadi chokuti vaiita mhedziso dzaiva mutsinhirano nechinhu chiri chose icho Bhaibheri raitaura panhau yacho.
15. (a) Vamwe kunze kwaHama Russell vakanga vasvika pakuzivei? (b) Chii chakaratidzira Vadzidzi veBhaibheri sevakasiyana naava?
15 Vamwe vashomanene pamberi pavo vakanga vaziva kuti Kristu aizodzoka asingaoneki somudzimu. Vamwe vakanga vaona kuti vavariro yokudzoka kwaKristu yakanga iri, kwete kuzopisa pasi ndokuparadza upenyu hwose hwavanhu, asi, panzvimbo pezvo, kuzokomborera mhuri dzose dzapasi. Kwaitova navashomanene vakanga vaziva kuti gore ra 1914 raizoratidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi. Asi kuVadzidzi veBhaibheri vakabatanidzwa naHama Russell, aya aipfuura zvikuru mapfundo ekurukurirano yorudzidziso. Vakavakira upenyu hwavo paidzi zvokwadi ndokudzipa ndokudzizivisa mumarudzi ose pamwero waisava nomuenzaniso munhambo iyoyo.
16. Mugore ra 1914, neiko Hama Russell vakanyora, kuti: “Tiri mumwaka wokuedza?”
16 Zvisinei, vaifanira kuramba vakarinda. Nemhaka yei? Somuenzaniso, kunyange zvazvo vaiziva kuti 1914 akanga akaratidzirwa nouporofita hweBhaibheri, vaisaziva zvechokwadi chaizoitika chaizvo mugore iroro. Ikoku kwakavapa muedzo. MuThe Watch Tower yaNovember 1, 1914, Hama Russell vakanyora, kuti: “Ngatiyeuke kuti tiri mumwaka wokuedza. . . . Kana pane chikonzero chipi nechipi chingatungamirira vapi navapi kurega Ishe neZvokwadi Yake ndokurega kubayira nokuda kweDonzo raShe, ipapo harusati rwuri rudo zvarwo rwaMwari rwuri mumwoyo rwakasunda fariro munaShe, asi chimwe chinhuwo zvacho; zvimwe kariro yokuti nguva yakanga iri pfupi; kuzvitsaurira kwakanga kuri kwenguva yakati bedzi.”
17. A. H. Macmillan, uye vamwe vakafanana naye, vakachengeta sei dzikamo yomudzimu?
17 Vamwe vakarega basa raJehovha shure panguva iyeyo. Asi A. H. Macmillan akanga ari mumwe asina. Makore gare gare, iye akabvuma pachena, kuti: “Pane dzimwe nguva kariro dzedu dzomusi wakati dzaipfuura izvo Magwaro aitendera.” Chii chakamubetsera kuchengeta dzikamo yomudzimu? Iye akaziva, sezvaakataura, kuti “apo kariro idzodzo dzisina kuzadzikwa, ikoko hakuna kuchinja madonzo aMwari.” Iye akawedzera, kuti: “Ndakadzidza kuti tinofanira kubvuma zvikanganiso zvedu ndokupfuurira kunzvera Shoko raMwari nokuda kwevhenekero yakawanda.”b Nokuzvininipisa, Vadzidzi veBhaibheri ivavo vapakuvamba vakarega Shoko raMwari richigadziridzazve murangariro wavo.—2 Timotio 3:16, 17.
18. Kurinda kwechiKristu kwakabereka sei betsero dzinofambira mberi munhau yokusava rutivi rwenyika?
18 Mukati memakore akatevera, dikanwo yavo yokuramba vakarinda haina kuderera. Vaiziva, chokwadika, kuti vaKristu vaisafanira kuva rutivi rwenyika. (Johane 17:14; Jakobho 4:4) Mutsinhirano naikoko, havana kukumbanira chiKristudhomu mukutsigira Chinzwano chaMarudzi seratidzirwo yezvamatongerwe enyika yoUmambo hwaMwari. Asi kwakanga kusati kuri kutozosvikira muna 1939 apo vakaona zvakajeka nhau yokusatora rutivi kwechiKristu.—Ona The Watchtower, November 1, 1939.
19. Ibetseroi mukutarisirwa kweungano dzakavapo nemhaka yokuti sangano rakaramba richirinda?
19 Havana kutongova neboka ravafundisi, kunyange zvazvo vamwe vakuru vaisarudzwa vakarangarira kuti kuparidzira muungano ndiko bedzi kwaifanira kukarirwa kwavari. Zvisinei, nechishuvo chikuru chokuwirirana naMagwaro, sangano rakahwirudzura basa ravakuru richibetserwa naMagwaro, richiita raitazve saizvozvo mumapeji eNharireyomurindi. Chinjo dzesangano dzakaitwa mutsinhirano neicho Magwaro airatidzira.
20-22. Sangano rose rakava rakagadzirirwa sei nenzira inofambira mberi kuti riite basa rakadeya kutaurwa rokuzivisa Umambo munyika yose?
20 Sangano rose rakanga richigadzirirwa kuti riite zvizere basa iro Shoko raMwari rakanga raonesa nokuda kwezuva redu. (Isaya 61:1, 2) Mashoko akanaka aifanira kuziviswa kusvikira kutambanukoi muzuva redu? Jesu akati: “Neevhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.” (Marko 13:10) Mumurangariro wavanhu, basa iroro rakawanzoratidzika serisingabviri.
21 Bva, nechivimbo muna Kristu soMusoro weungano, boka romuranda akatendeka naakachenjera rakafambira mberi. (Mateo 24:45) Nokutenda uye nesimba vakaonesa kuvanhu vaJehovha basa rinofanira kuitwa. Kuvambira muna 1919 zvichienda mberi, simbiso yakawedzerwa yakapiwa kuushumiri hwomumunda. Nokuda kwavakawanda, kwaisava nyore kuenda paimba neimba ndokutaura kuvaenzi. (Mabasa 20:20) Asi nyaya dzefundo dzakadai se“Vakakomborerwa Vasingatyi” (muna 1919) uye “Shingai” dzakabetsera vamwe kutanga mubasa, nechivimbo muna Jehovha.
22 Kukumbira, muna 1922, kuti “zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake” kwakagovera simba raidikanwa kupa iri basa utanhamari hwakafanirwa. Kuvambira muna 1927 zvichienda mberi, vakuru vasina kugamuchira mutoro iwoyo wapaMagwaro vakabviswa. Panenge panguva iyoyo, vamiriri vanofambira veSosaiti, vapilgrim, vakagoverwa kuva vatungamiriri vebasa vomunharaunda, vachipa murairidzo womunhu oga kuvaparidzi mubasa romumunda. Haasi munhu ari wose aigona kupayona, asi pakupera kwamavhiki vakawanda vaipa mazuva akazara kubasa, vachitanga mangwanani-ngwanani, vachingomira kwechinguvana kuti vadye sangweji, uye ipapo kupfuurira mubasa kusvikira pakupera kwamasikati. Idzodzo dzaiva nguva dzinokosha dzokukura kwoubati ushe hwaMwari, uye tinobetserwa zvikuru nokuhwirudzura nzira iyo Jehovha akanga ari kutungamirira nayo vanhu vake. Anopfuurira kuita saizvozvo. Nechikomborero chake, basa rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa richasvitswa kumugumo unobudirira.
Uri Kuramba Uchirinda Here?
23. Nezverudo rwechiKristu nokuparadzana nenyika, isu somunhu mumwe nomumwe tinogona sei kuratidzira kuti tiri kuramba tichirinda?
23 Richigamuchira nhungamiro yaJehovha, sangano rake rinopfuurira kutisvinudzira kumiitiro nezvimiro zvendangariro zvingatizivisa sorutivi rwenyika, nokudaro tichiva mungozi yokupfuura nayo. (1 Johane 2:17) Uyewo, isu somunhu mumwe nomumwe tinofanira kurinda kupfurikidza nokugamuchira nhungamiro yaJehovha. Jehovha anotipawo murairidzo pamusoro pokugara nokushanda pamwe chete. Sangano rake rakatibetsera kukura mukunzwisisa chinoreva chaizvoizvo rudo rwechiKristu. (1 Petro 4:7, 8) Kuramba kwedu tichirinda kunoda kuti tiedze zvapachokwadi kushandisa iri zano, pasinei zvapo nokusakwana kwohunhu.
24, 25. Mumativii anokosha atinofanira kuramba tichirinda, tichirangarira kariroi?
24 Nguva dzose, muranda akatendeka naakachenjera akatiyeuchidza, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.” (Zvirevo 3:5) “Rambai muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17) Takapiwa zano rokudzidza kuvakira zvisarudzo zvedu paShoko raMwari, kurega iri shoko richiva ‘mwenje kutsoka yedu nechiedza kunzira yedu.’ (Pisarema 119:105) Nenzira yorudo, takakurudzirwa kuchengeta pamberi muupenyu hwedu kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, basa iro Jesu akadeya kutaura nokuda kwezuva redu.—Mateo 24:14.
25 Hungu, muranda akatendeka naakachenjera zvamazvirokwazvo akarinda. Somunhu mumwe nomumwe tinofanirawo kuramba tachirinda. Somuuyo wokuita saizvozvo, isu somunhu mumwe nomumwe ngatiwanikwe tiri pakati paavo vanomira vakatenderwa pamberi poMwanakomana womunhu apo anouya kuzoita rutongeso.—Mateo 24:30; Ruka 21:34-36.
[Mashoko Omuzasi]
a Faith on the March, rakanyorwa naA. H. Macmillan, Prentice-Hall, Inc., 1957, mapeji 19-22.
b Onawo Nharireyomurindi yechiNgezi August 15, 1966, mapeji 504-10.
Muhwirudzuro
◻ Sezvinoratidzwa pana Mateo 24:42, neiko tichifanira kuramba tichirinda?
◻ Jesu navateveri vake vomuzana ramakore rokutanga vakachengeta sei kurinda kwomudzimu?
◻ Chifo cha 1870, ndizvinoitikai zvakavapo nemhaka yokuti vabatiri vaJehovha vakaramba vachirinda?
◻ Chii chichapa ufakazi hwokuti isu somunhu mumwe nomumwe tiri kuramba tichirinda?
[Mifananidzo iri papeji 23]
Jesu akaramba akabatikana mubasa rakagoverwa naBaba vake. Akanyengeterawo nesimba
[Mufananidzo uri papeji 24]
Charles Taze Russell mumakore ake apashure
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vanopfuura vazivisi voUmambo 4 700 000 vanoshingaira mupasi rose