Nzira Iyo Vamwe Vanoita Nayo Mipiro Kubasa Rokuparidza Umambo
◻ MIPIRO KUBASA RENYIKA YOSE: Vazhinji vanotsaura kana kuti vanoronga chitsama icho vanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa, kuti: “Mipiro Yebasa Renyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira izvi zvitsama kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu iri pedyosa.
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazu yeSosaiti inobatira nyika yenyu. Zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMAMIRIRO EZVINHU: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka kutozosvikira parufu rwomupi, negadziriro yokuti muchinoitika chokushayiwa kwomunhu wacho, ichadzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro ipi neipi yakadaro.
◻ AKAUNZI DZEBHANGI: Akaunzi dzebhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti mudyandigere womunhu angachengeteswa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, maererano nezvinodikanwa zvomunzvimbomo zvebhangi. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MASTOCK NAMABOND: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti zvimwe mugadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kubhadharwa kumupi.
◻ REAL ESTATE: Real estate inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kupfurikidza nokuchengeta estate youpenyu kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati menduramo yake. Munhu anofanira kunyorera Sosaiti asati apa huridzi hwereal estate ipi neipi kuSosaiti.
◻ ZVIDO ZVENHAKA NAMATRUST: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa somugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzomutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano yetrust inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pezvinhu zvakadaro, nyorerai Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yeSosaiti inobatira nyika yenyu.