Mararamire Ane Chinangwa
YAKATAURWA NAMELVA A. WIELAND
Muna March 1940, mwedzi mishomanene pashure pokunge ndabhapatidzwa, munun’una wangu Phyllis akauya kwandiri ndokubvunza, kuti: “Neiko musingaendi kundopayona?” “Kupayona?” ndakabvunza kudaro. “Unoreva kuparidza kwenguva yakazara, rinodokuva zuva riri rose here?”
‘NDINOGONA sei kuva piyona,’ ndakafunga kudaro, ‘nezivo yangu yeBhaibheri yakaganhurirwa uye kunyange mari iri mubhangi yakaganhurirwa zvikuru?’ Kunyanguvezvo, mubvunzo waPhyllis wakandiita kuti nditange kufunga. Ndakanyengeterawo zvikuru pamusoro pakwo.
Pakupedzisira ndakarangarira kuti, ‘Nei ndisingagoni kuvimba naMwari apo iye anopikira kutitarisira kana tikatanga kutsvaka Umambo hwake?’ (Mateo 6:33) Naizvozvo muna June 1940, ndakapa chiziviso chokusiya basa rangu rokusona. Ipapo ndakanyorera hofisi yebazu reWatch Tower Society muAustralia, ndichikumbira mugove woupiyona.
Mugove Wangu Woupenyu Hwose
Vhiki shomanene gare gare, ndakagamuchira mhinduro, ichizivisa kuti ndaizopiwa mugove pashure pokunge ndapinda kokorodzano iyo yakanga ichizoitwa panhandare dzedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muStrathfield, musha weguta gurusa reAustralia, Sydney. Mangwanani apashure pekokorodzano, ndakashuma kuhofisi kuti ndiwane mugove wangu.
Munhu aiva muhofisi akatsanangura, kuti: “Takabatikana zvikuru muimba yokugezera mbatya pari zvino. Ungakwanisa kugara ndokubetsera kwevhiki shomanene here?” Makanga muri muna August 1940—uye ndichiri kushanda muimba yokugezera mbatya! Panguva iyoyo kwakanga kune vanhu 35 bedzi mumhuri yedzimbahwe; zvino kune 276.
Asi ungashamisika kuti chikonzero nei ndichirangarira kushanda muimba yokugezera mbatya kuva “mararamiro ane chinangwa,” zvikurukuru sezvo iri rave riri basa rangu kwaanopfuura makore 50 zvino. Ndisati ndatsanangura, regai nditaure pamusoro pezvirondwa zvangu zvapakuvamba.
Mitambo Yakava Mararamiro
Ndakaberekerwa muMelbourne pana January 1, 1914, dangwe ravana vashanu. Taiva navabereki vane rudo avo vairarama maererano nenheyo dzakakwirira uye vaipa chirango apo chaidikanwa. Taivawo nechingadaidzwa kuti rovedzo yorudzidziso isiri yenguva dzose, nokuti vabereki vedu vakanga vasingaendi kuchechi. Kunyanguvezvo, vaiomerera kuti isu vana tipinde makirasi eSandisikuru eChurch of England.
Apo ndakabva pachikoro muna 1928 ndokutanga kushanda somusoni, ndakasarudza kupedza yakawanda zvikurusa yenguva yangu yokusununguka ndichitamba mitambo, ndichidavira kuti ikoku kungandibetsera kukunda kunyara kwangu. Ndakakumbanira bandiko retenisi ndokutamba kwegore rose. Mukati mechando ndakatambawo basketball nebaseball, uye mukati mezhizha ndaitamba mutimu yavakadzi yekriketi. Kriketi yakava chinhu chaicho icho chandakazvipira kwachiri, uye ndakaedza zvakaoma kukwanisa unyanzvi hwangu somukandi webhora anokurumidza kuitira kuti ndigokwanirisa nokuda kwemitambo yapakati pamaruwa.
Chinangwa Chakasiyana Nemitambo
Pakuvamba muupenyu ndakanetswa nedzidziso yokuti Mwari worudo akanga ane nzvimbo inonzi hero umo avo vaiita zvinhu zvakaipa vaizotambudzwa nokusingagumi. Ikoku hakuna chaizvo kuva nomufungo kwandiri. Naizvozvo fungidzira mufaro wangu apo nenzira isingakarirwi ndakadzidza muBhaibheri revo yechokwadi ye“hero.” Kwakaitika neiyi nzira:
Munun’una wangu Phyllis, uyo ari muduku kwandiri namakore mashanu, aifarikanyawo kutamba mitambo, uye takanga tiri mutimu yavakadzi yekriketi imwe cheteyo. Muna 1936 shamwari yangu yomutimu yakasuma Phyllis kune rimwe jaya rainzi Jim iro raizivikanwa kuva rorudzidziso zvikuru. Nokukurumidza Jim akavamba kutaura kuna Phyllis pamusoro pedzidziso dzeBhaibheri. Akafadzwa. “Zvakanaka kwazvo uye zvine mufungo,” aindiudza kudaro.
Panguva yacho Phyllis neni taigoverana kamuri pamusha, uye aiedza kunyandura fariro yangu muizvo Jim akanga achimuudza pamusoro poUmambo hwaMwari. “Huchaita izvo hurumende dzomunhu dzakundikana kuita,” akandiudza kudaro nomufaro. Zvisinei, ndakaita nharo naye, ndichitaura kuti urwu rwakanga rungori rumwe rudzidziso rwokutivhiringidza uye kuti hapana munhu chaizvoizvo aiziva pamusoro penguva yemberi. Asi Phyllis akanga akaoma uye akasiya mabhuku munzvimbo dzakasiyana-siyana mukamuri, achikarira kuti ndingaarava.
Ndakanga ndichida kuziva chikonzero nei Phyllis akanga ane mbavarira kwazvo pamusoro peichi chitendero chitsva, naizvozvo rimwe zuva ndakanhonga rimwe bhukwana. Raiva nomusoro unofadza unoti Hereafter. ‘Ngwariro yangu yakanyandurwa’ apo ndakavhura mapeji aro ndokuona shoko rokuti “hero.” Kukushamiswa kwangu, ndakadzidza kuti shoko reBhaibheri rokuti “hero” chaizvoizvo rinonongedzera kuguva ravose rorudzi rwomunhu uye kuti vose vari vaviri vakanaka navakaipa vanoenda ikoko. Ndakadzidzawo kuti hero haisi nzvimbo yokutambudzwa; vakafa havana chavanoziva uye hapana chavanogona kunzwa.—Muparidzi 9:5, 10; Pisarema 146:3, 4.
Izvozvi zvakava nomufungo kwandiri, zvikurukuru apo bhukwana racho rakatsanangura kuti Mwari ane rudo naane simba akapikira kudzorera vakafa kupfurikidza nechishamiso chinonzi rumuko. (Johane 5:28, 29) Zvino ndaidawo kuwana zvakawanda zvezvinhu izvo Jim akanga ave achiudza Phyllis. Ndakawana King James Version duku iyo baba vangu vakanga vandipa apo ndakanga ndiri mwana ndokunzvera magwaro akarongwa mubhukwana racho. Ikoku kwakasimbisa chakanga chichitaurwa pamusoro pehero nomugariro wavakafa.
Chimwe chishamiso chakandifadza chakanga chiri kudzidza kuti Mwari ane zita rake pachake, Jehovha. (Pisarema 83:18) Ndaigonawo kuona kuti Mwari akanga ane chinangwa, kana kuti chikonzero, chechinhu chiri chose chaaiita kana kuti chaaibvumira kuitika. Ikoku kwakandiparira kuti ndizvibvunze ndimene kuti, ‘Chii chaizvoizvo chiri chinangwa changu muupenyu?’ Kubvira ipapo zvichienda mberi ndakavamba kushamisika kana kwakanga kuchizondibetsera zvikuru kuti ndirangarire mitambo zvakakomba kwazvo—kukunodokuva kutambanuko yokuti chinhu chiri chose zvacho chinoregeredzwa.
Kuita Maererano Nezvisarudzo
Jim naPhyllis vakanga vasingazivi kuti chimiro changu pamusoro poupenyu chakanga chachinja, asi vakaziva apo mhuri yedu yakakokwa kupati yeshamwari. Mumazuva iwayo, panhambo dzakadaro vose vaivapo vaisimuka, uye kunwa mukukudzwa kwaMambo weEngland kwaiitwa, uye vose vaisimudza magirazi avo kuti vanwe mukukudzwa kwamambo. Zvisinei, ndakasarudza kuramba ndakagara naJim naPhyllis. Vaisagona kudavira zvavaiona apo vakandiona ndichakangogara! Isu, chokwadika, takanga tisingarevi kusaremekedza kupi nokupi, asi savaKristu takafunga kuti taifanira kusatora rutivi mumiitiro yourudzi yakadaro.—Johane 17:16.
Kunyanguvezvo, vabereki vangu navasara vemhuri vakakatyamadzwa. Vakati takanga tisina kuvimbika, kana kuti kupenga—kana kuti zvose zviri zviviri! Ipapo, apo Phyllis neni takapinda mutambo wokupiwa kwezvipo wegore negore wetimu yavakadzi yekriketi, chinhu chakafanana chakaitika mukati momuitiro wourudzi. Mugumisiro wacho wakanga uri wokuti tose tiri vaviri takabuda mutimu yacho. Ikoku kwakanga kusina kuoma sezvandaifunga kuti kwaizova, nokuti ndakanga ndasvika pakuziva kuti kutenda noruvimbiko rwangu zvakanga zviri kuna Kristu Jesu, Mambo woUmambo hwaMwari hwokudenga.
Phyllis zvino akaonesa kuti ndaifanira kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha nguva dzose kuti ndivake kutenda kwangu nezivo yakawanda yeBhaibheri. Panguva iyoyo kwakanga kune ungano imwe bedzi muMelbourne, naizvozvo ndakavamba kupinda misangano ikoko masikati eSvondo mamwe namamwe. Nokukurumidza ndakapwiswa kuti iri rakanga riri sangano rapasi rechokwadi raMwari.
Nguva pfupi isati yapera ndakakokwa kugoverana mumubato weungano wokuparidza paimba neimba. Pakutanga ndakanga ndichizengurira, asi mamwe mangwanani eSvondo ndakasarudza kuendawo kuti ndinoona chete nzira yakwaiitwa nayo. Ndakafara apo ndakagoverwa kuperekedza chimwe Chapupu chaiva noruzivo rwokuzviwanira icho chakataura nechivimbo pasuo rokutanga ndokugamuchira mhinduro inofadza yakabva kuna saimba. Ndakafunga ini ndimene kuti, ‘Eya, ikoko kwanga kusina kunyanyooma, asi ndichada rovedzo yakawanda ndisati ndagona kuita zvakanaka saizvozvo.’ Naizvozvo fungidzira kushamiswa kwangu apo, pashure pesuo iroro rokutanga, Chapupu chacho chakati kwandiri, “Uchakwanisa zvino kuenda uri woga.”
“Ndiri ndoga?” ndakabvunza kudaro, ndakatyamadzwa! “Hamusi kurevesa! Chii chandichataura kana mumwe munhu akabvunza mubvunzo uye ndisingazivi mhinduro yacho?” Asi shamwari yangu yakaomerera. Naizvozvo, ndichidedera chaizvoizvo, ndakaenda ndiri ndoga apo iye akapfuurira kupupura kuvanhu vaiva kurumwe rutivi rwomugwagwa. Nenzira yakati ndakapona mangwanani okutanga iwayo.
Kubvira ipapo zvichienda mberi ndakavamba kugoverana mubasa rokuparidza mangwanani mamwe namamwe eSvondo. Apo mumwe munhu aindibvunza mubvunzo pamasuo uyo ndaisagona kupindura, ndaiti, “Ndichaunzvera ndokudzoka kuzokuonai.” Nenzira yomufaro, Jehovha akaramba achindipa simba noushingi kuti ndipfuudzire mararamiro angu matsva oupenyu ane chinangwa. Ndakaita tsauriro youpenyu hwangu kwaari, uye muna October 1939, ndakabhapatidzwa pamadziva eguta reMelbourne. Nokukurumidza pashure pezvi Phyllis, uyo pakasvika nguva iyoyo akanga achata naJim, akandibvunza chikonzero nei ndakanga ndisina kutanga kupayona.
Basa Pabazu
Muna January 1941, nokukurumidza pashure pokunge ndavamba kushanda paBheteri, sezvataidaidza hofisi yebazu, chirambidzo chakaiswa pabasa reZvapupu zvaJehovha muAustralia. Pashure pacho mauto akatora Musha wedu weBheteri muStrathfield, uye ndakatumwa kupurazi reSosaiti paIngleburn, anenge makiromita 48 kunze kweguta. Muna June 1943 matare akasunungura Watch Tower Society ndokubvisa chirambidzo. Pakasvika mugumo wegore iroro, 25 vedu vakakokwa kudzokera kuBheteri reStrathfield. Ikoko ndakapfuurira kushanda muimba yokugezera mbatya, pamwe chete nokugoverana mamwe mabasa pamusha wacho.
Makore gumi akatevera akaratidzika kuva anopfuura nokukurumidza. Ipapo muna 1956, ndakachata nomushandi biyangu wapaBheteri, Ted Wieland. Ted akanga ari murume akadzikama zvikuru, anoshivira, uye takafara apo takagamuchira tendero yokupfuurira kugara muBheteri somurume nomudzimai. Tose tiri vaviri takakoshesa mararamiro edu ane chinangwa, tichifarira ropafadzo yokubatira pabazu reAustralia. Chokwadika, mukuwedzera kubasa redu reBheteri, takava nomufaro wokushanda pamwe chete kubetsera vamwe kuva vadzidzi vaKristu. Somuenzaniso mumwe, unogona kurava pamusoro pemhuri yekwaWeekes muchinyorwa chaOctober 22, 1993, cheMukai! yechiNgezi.
Kukura kwakatsiga kwokuparidza Umambo kwakada wedzero yavanhu 10 kana kuti 12 bedzi kuvashandi vedu mukati memakore angu 30 okutanga paBheteri. Asi mamiriro ezvinhu akachinja nokukurumidza muma 1970 apo takavamba kudhinda magazini eNharireyomurindi neMukai! pano. Kuvaka kwakatanga muna January 1972 panzvimbo yokudhinda itsva. Nokukurumidza muchina wokudhinda wamatani 40 wakasvika uchibva kuJapan, uye pakasvika 1973 takanga todhinda anodokusvika magazini 700 000 pamwedzi. Mhuri yedu yeBheteri zvino yakatanga chaizvoizvo kukura.
Ma 1970 akandiunzira rusuruvaro rwomunhu oga. Kutanga, murume wangu anodiwa, Ted, akafa muna 1975 pazera ramakore 80. Ipapo, risingasviki gore gare gare, baba vangu vaiva vakwegura vakavatawo murufu. Ndakawana nyaradzo huru kuna Jehovha neShoko rake, Bhaibheri, uye kuhama nehanzvadzi dzangu dzomudzimu. Kwakabetserawo zvikuru kuti ndakaramba ndakabatikana paBheteri nomubato wangu une chinangwa mukati meiyi nguva yokusuruvara zvikuru muupenyu hwangu.
Kunyanguvezvo, upenyu hunopfuurira, uye ndakavamba zvakare kuwana gutsikano nezvikomborero, zvino sechirikadzi. Muna 1978, ndakapinda kokorodzano muLondon, England, uye pashure pacho ndakashanyira dzimbahwe renyika yose reWatch Tower Society muBrooklyn, New York. Kuona mazana ehama nehanzvadzi dzangu achishanda nenzira yomufaro ipapo paBheteri reBrooklyn kwakaramba kuri kurudziro kwandiri kusvikira nanhasi.
Sezvo ma 1970 akasvika kumugumo, takaziva kuti imwe futunuko yakanga ichirongwa nokuda kwezvivako zveBheteri reAustralia. Zvisinei, futunuko yacho yaisafanira kuitika muStrathfield, uko takanga tava kushaya nzvimbo. Panzvimbo pezvo, zvivako zvitsva, zvakakura zvikuru zvaifanira kuvakwa panzvimbo yedu paIngleburn, apo ndakanga ndashanda mukati mechirambidzo mukuvamba kwama 1940.
Mararamiro Ane Chinangwa Anopfuuridzirwa
Wakanga uri mufaro wakadini muna January 1982 apo takatamira kuzvivako zvedu zvitsva! Chokwadi, pakutanga kwakanga kune kusuruvara kuduku pakusiya mhoteredzo dzakarovedzeka, asi nokukurumidza takafadzwa nomusha wedu mutsva wekamuri dzokurara dzakaisvonaka 73. Zvino panzvimbo pokutarira madziro ezvidhina uye migwagwa yomusha, tinoona minda nemiti yakasvibira, mombe dziri kufura, uye kubuda nokunyura kwezuva kune mbiri—nzvimbo inofarikanywa zvikurusa.
Pana March 19, 1983, takava netsauriro inofadza yezvivako zvitsva mumushana wakanaka wamatsutso. Lloyd Barry woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha akapa hurukuro yetsauriro inosunda. Ini pachangu ndakaonga kuva naye nomudzimai wake nokuda kwepurogiramu yetsauriro, sezvo ndakanga ndashanda navo paBheteri reStrathfield apo tose zvedu takanga tiri vaduku zvikuru.
Kukura kunopfuuridzirwa kwomubato wokuparidza Umambo kwakaparira imwe futunuko iri madikanwa yezvivako zvedu muno muIngleburn. Muna 1987 hofisi yacho yakakudzwa. Ipapo, pana November 25, 1989, chivako chitsva chokugara chine nhurikidzwa shanu newedzero itsva yefekitari ine nhurikidzwa nhatu zvakatsaurirwa. Takura sei—kubva pavashumiri vaiva pasi pe 4 000 muAustralia apo ndakavamba ushumiri hwangu kusvikira kuvane 59 000!
Nguva pfupi zvikuru yapfuura bazu reAustralia rakaitwa imwe yeRegional Engineering Offices nhatu dzeSosaiti, pamwe chete neJapan neGermany. Ikoku kwakaita kuti kunyange imwe futunuko yezvivako zveBheteri ive madikanwa. Chimwe chivako chehofisi chine nhurikidzwa nhatu zvino chakapedzwa, uye basa rava pedyo nokupera pachivako chokugara chine nhurikidzwa shanu, icho chichava nedzimwe kamuri 80 dzokugara mhuri yedu iri kukura nguva dzose.
Muimba yokugezera mbatya, tine boka guru rokuita basa rinofanira kuitwa, asi ndinowanzoyeuka zuva riya raAugust muna 1940 apo ndakakokwa kuzobetsera muiri bato kwevhiki mbiri. Ndinotenda kwazvo kuti vhiki mbiri idzodzo dzakatambanuka kusvikira kuanopfuura makore 50 uye kuti Jehovha Mwari akatungamirira nhanho dzangu kumararamiro ane chinangwa akadaro.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Apo ndakanga ndine makore 25 okukura
[Mufananidzo uri papeji 23]
Zuva romuchato wedu muna 1956
[Mifananidzo iri papeji 24]
Muna 1938 munun’una wangu neni takanga takabatanidzwa zvikuru mumitambo, asi upenyu hwangu zvino huri kubudirira zvikuru kwazvo