RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 12/15 pp. 19-21
  • Muedzo Woutano nokuda Kwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muedzo Woutano nokuda Kwako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Utano—Pasinei Zvapo Nechingaitika Here?
  • Masimbai Anobatanidzwa?
  • Una Ngwarira!
  • Gara Uchishandisa Magwaro Pakuronga Nezvoutano Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • MuKristu Anogona Here Kuenda Kuchipatara Kuti Anorapwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
    Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
  • “Rambai Muchiedza Zvamuri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 12/15 pp. 19-21

Muedzo Woutano nokuda Kwako Here?

Watch Tower Society haisati ichiita rumbidzo kana kuti zvisarudzo zvavanhu vamwe navamwe pamiitiro yokurapa neyenzvero. Kana miitiro yakati ine mativi anopokanika nemhaka yenheyo dzeBhaibheri, zvisinei, ngwariro inganangidzirwa kuna idzodzi. Ipapo munhu mumwe nomumwe anogona kuyera chinobatanidzwa ndokusarudza chokuita.

Hama Dzinodiwa: Ndingada murangariro wenyu. [Murapi akati] anoratidzika kuva nebudiriro yakanaka, asi mutoo waanoshandisa unoita kuti ndive anonyumwa. . . . Kupfurikidza nenzvero iye anoziva chakaipa. Ipapo kuti awane kuti rudzii rwomushonga kana kuti ndiwakawanda sei wawo wokushandisa, anoisa bhotoro remushonga parutivi peganda pedyo negland kana kuti pedyo nomutezo. Iye anoedza kudzikisa ruoko rwakasimudzwa rwomurwere. Rudzi rwomushonga kana kuti chitsama chawo chinozivikanwa nesimba raanoda kudzikisa ruoko rwacho. Rondedzero ndeyokuti maelectron, kufanana negetsi, anofamba achibva mumushonga achipfuura nomumuvharo wesimbi webhotoro achienda kurutivi rwomuviri, achiusimbisa. Ikoku kwakafanana here nokutsvaka pane mvura kupfurikidza nomuti?

IYI tsamba yakabva Oregon, U.S.A., ine chokuita nomuitiro uyo vamwe vanoshandisa kuziva zvinodikanwa zvezvokudya zvinovaka muviri, kurangarira nhau dzemirangariro, kuyera yeuko, uye kupedza mibvunzo pamusoro poupenyu hwezuva nezuva. Hazvinei hazvo nokuti muitiro wacho unozivikanwa navose sei, nyumwiro dzomunyori dzinoruramiswa here?

Utano—Pasinei Zvapo Nechingaitika Here?

Kubvira munguva dzakare, vanhu vakaedza kunzwisisa chikonzero nei vachirwara uye nzira yokunaya nayo. VaIsraeri vaiva nebetsero nemhaka yokuti vaiziva kuti vakanga vari vatadzi, uye vaiva nemitemo yakabva kuna Mwari yakavabetsera kudzivisa kubata kana kuti kuparadzira hosha dzakawanda. (Revhitiko 5:2; 11:39, 40; 13:1-4; 15:4-12; Dheuteronomio 23:12-14) Zvisinei, vanhu vaMwari vaitsvakawo betsero kuvanachiremba vakakwaniriswa vezuva ravo.—Isaya 1:6; 38:21; Marko 2:17; 5:25, 26; Ruka 10:34; VaKorose 4:14.

Musiyano wakadini navanhu vomuBhabhironi rakare neEgipita! “Vanachiremba” vavo vaiva nemishonga yakavakirwa pazvinhu zvomusikirwo, bva kwakawanda kwo“kurapa” kwavo zvino kwaizorondedzerwa sokwenhema. Rumwe rugwaro rwehieroglyphic rweEgipita rwunotaura nezvomumwe chiremba airapa upofu nechikamu chakaipa chameso enguruve, antimony, red ocher, uye uchi. Uyu muvhenganiswa waidururirwa munzeve dzomunhu anorwara! Chipupuriro chakare chinotaura kuti uku kurapa kwakanga “kwakaisvonaka chaizvoizvo.” Kuva kwako kwechienzi kana kuti kushamisa kungatove kwakawedzera kufadza kwako.

VaBhabhironi navaEgipita vaiwanzokumbira masimba amashiripiti.a Muprista/chiremba angakumbira murwere kufemera mumhino dzehwai, achidavira kuti simba rakati, kana kuti umhare, ringayerera richibva mumurwere ndokupinda muchimwe chisikwa ndokuparira mugumisiro. Hwai yaiurawa, uye chiropa chayo sezvinofungidzirwa chaigona kuzivisa chirwere chomurwere kana kuti nguva yake yemberi.—Isaya 47:1, 9-13; Ezekieri 21:21.

Chokwadika, chiremba anotya Mwari muna Israeri wakare angadai asina kushandisa miitiro yokudavira midzimu. Mwari akarayira nenzira yokuchenjera, kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi . . . nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12; Revhitiko 19:26; 20:27) Zvimwe chetezvo zvinoshanda kuvabatiri vechiKristu vaMwari nhasi. Ngwariro yakafanira.

Mumakore achangobva kupfuura vanhu vakawanda vakatendeukira ku“humwe” unyanzvi hwokuongorora nohwokurapa. Iyi zvikurukuru inzvimbo yechisarudzo chomunhu oga. (Mateo 7:1; enzanisa naVaRoma 14:3, 4.) Kwaizova, chokwadika, kunosuruvarisa kana muKristu upi noupi akaitira hanya kwazvo nhau dzoutano dzinomutsa nharo zvokuti idzodzi dzinodzikatidza ushumiri, uhwo huri nzira imwe yechokwadi yokuponesa nayo upenyu. (1 Timotio 4:16) Bhaibheri haritauri kuti munyika itsva chirwere chicharapwa uye utano hwakakwana huchiwanwa nokurapa, mishonga, zvokudya, kana kuti zvinhu zvakakwana. Chaizvoizvo, kuporesa kwakazara kuchaparirwa bedzi kupfurikidza nekanganwirwo yechivi pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu.—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 22:1, 2.

Masimbai Anobatanidzwa?

Chii icho muKristu angada kurangarira mukuita chisarudzo chake amene pamusoro pomuitiro wokuedza tsandanyama wadudzwa mutsamba yokuzarura?

Mitoo yakati yokuedza simba kana kuti kuita kwetsandanyama rutivi rwokurapa kunogamuchirwa, uye vashomanene vangapokana kunaka kwayo. Somuenzaniso, poriyo inogona kunetesa tsandanyama, uye kurapwa kwaikoku kungabatanidza inonzi kinesiology—“kufundwa kwetsandanyama nokufamba kwetsandanyama.” Kinesiology yakadaro inoshandiswawo mukurapwa kunodzorera kumugariro wakanaka kwavanyajambwa vesitiroko. Vanhu vakawanda zvikurusa vanganzwisisa kurapa kwakadaro.

Asi zvakadiniko nezvokuedza tsandanyama kunorondedzerwa mutsamba iri pakutanga penyaya ino? Rudzi urwu rwe“kinesiology” rwakashandiswa mukuedza kuwana kana zvokudya zvakati, mishonga, kana kuti mavhitamini zvingabetsera kana kuti kukuvadza mumwe munhu. Sezvinowanzoshandiswa, munhu anotambanudza ruoko rwake, uye murapi anodzikisa kuti aedze simba retsandanyama. Tevere murapwi anoisa chokudya kana kuti chimwe chinhu mumuromo make, padumbu rake, kana kuti muruoko rwake. Ipapo tsandanyama dzoruoko dzinoedzwazve. Kunotaurwa kuti kana achida chokudya ichocho, ruoko rwake ruchabvumikisa kuva rwakasimba zvikuru; kana chakamuipira, tsandanyama dzichava dzakaneta zvikuru.b

Vamwe vakaedza ikoku vanodavira kuti kunoshanda uye kuti mugumisiro wacho wakavakirwa pamasimba ari mukati momuviri. Vanorangarira kuti kune zvinhu zvakawanda izvo sayenzi yazvino uno isingagoni kutsanangura asi izvo zvinoitika kana kuti zvinogona kucherechedzwa. Nokudaro, vanotaura kuti kungava nenzira dzesimba kana kuti mushandirapamwe pakati pamasimba nezvinhu, kunyange kana vanachiremba vachigere kuwanwa kana kuti kugamuchira izvozvi.

Pane rumwe rutivi, bhuku rinonzi Applied Kinesiology rinoti: “Pane dzimwe nguva [mabhuku] anodzidzisa kuti zvinhu zvemakemikoro, zvakadai sezvokudya, zvinoyerwa kupfurikidza nokubata chinhu chacho muruoko nokuedza tsandanyama. Hakuna ufakazi hunokarakadza kuvimbika kupi nokupi murudzi urwu rwokuedza. . . . Chimiro chendangariro chouzivi chinogona kuva chakasimba kwazvo zvokuti kufungira mano akaipa kwomuiti kunodzongonyedza kuwana mashoko akarurama mukuedza.” “Muongorori ane ruzivo rwokuzviwanira mukuidza tsandanyama namaoko anogona kuita nenyore kuti tsandanyama dzomurapwi dziratidzike kuva dzakaneta kana kuti dzakasimba pachisarudzo chake kupfurikidza nokungochinja chete . . . muedzo wacho zvishomanene zvikuru.”

Una Ngwarira!

Zvisinei, kumwe kuedza tsandanyama kunopfuura ikoku. Rangarira kunonzi “kuedza kunotsiva.” Ikoku kungashandiswa muchinoitika chomunhu akwegura kana kuti mwana asina simba zvikuru zvokusagona kuedzwa. Apo anotsiva anobata mwana, murapi anoedza ruoko rwomutsivi wacho. Ikoku kwakatoshandiswa kuzvipfuwo zvinotambwa nazvo; ruoko rwomutsivi rwunoedzwa akaisa ruoko parudzi rwembwa runonzi collie, mufudzi weGermany, kana kuti chimwe chipfuwo chinotambwa nacho chinorwara.

Hakusati kuri kwedu kusarudza zviito zvakadaro, asi ungabvunza kuti, ‘Ko masimba omuviri anotsigira iyi migumisiro here?’ Vasayendisiti vakabvumikisa kuvapo kwemacosmic ray, mamicrowave, uye marudzi akasiyana-siyana eelectromagnetic radiation. Bva, ko zvisikwa zvose, kunyange vacheche nezvipfuwo zvinotambwa nazvo zvomumba, zvine here mukati mazvo masimba anogona kuyerera achibuda ndokuparira mugumisiro unokwanisa kuedzwa pamunhu wechipiri? VaBhabhironi vaifunga kuti masimba aigona kuyerera achibuda achienda ndokutapura hwai. Ungazvibvunza umene kuti, ‘Ndinodavira here kuti chimwe chinhu chakafanana chinogona kuitika navanhu kana kuti nemhuka nhasi? Kana kuti migumisiro yacho ingava neimwe tsananguro here?’

Vamwe vaporesi vanoti vanoyera “masimba” omumwe munhu nezvinhu zvakadai sesimbi yakamonereka kana kuti mapendulum. Izvozvi sezvinofungidzirwa zvinofamba sezvo “nzvimbo yesimba” yomuporesi inoshanda pamwe chete neiyo yomurwere. Mumwe murapi nomunyori muiyi nharaunda, uyo pane imwe nguva akanga ave ari musayendisiti anonzvera, pane dzimwe nguva anoongorora achishandisa pendulum. Iye anotaurawo kuti anogona kuisa muchiono “nzvimbo yesimba romunhu” kana kuti mamirire ezvinhu ane mavara anotaurwa kuva anokomba vanhu vamwe navamwe. Iye anoti anoshandisa “kuona mukati” kuti atarire mumuviri kuti aone mota, masero eropa, kana kuti zvisingaonekwi nameso, uye kuona nguva yakapfuura.c

Sezvacherechedzwa pakuvamba, kuyera masimba kupfurikidza nesimba roruoko kwakashandiswa kuedza mirangariro. Bhuku rakaparadzirwa zvakafara rakati: “Kana uchishuva kubatanidza muedzo muduku wemirangariro panguva imwe cheteyo, bvunza zvinonzwika kuti ‘Une chinetso here?’ uye edzazve. Ikoku panhambo nenhambo kuchanetesa ruoko kana zvokudya zvakashata.” Vamwe vanoshandisa muedzo wakadaro “kuti vazive zera apo kuvadziko chaiyo yomuviri, yemirangariro kana kuti yomudzimu” yakaitika. Kunoshandiswawo kuita zvisarudzo zva‘hungu kana kuti aiwa’ pazvinhu zvezuva nezuva.

Sezvingabvira, vakawanda vanoita kuedza tsandanyama kwakadaro (kinesiology) vangataura kuti muitiro wavo unosiyana nouchangobva kurondedzerwa, kuti hapana kudavira midzimu kunobatanidzwa, kana kuti havaedzi mirangariro. Kunyanguvezvo, zvavanoita zvichiri zvakavakirwa pachitendero mumasimba ari mukati momunhu mumwe nomumwe ayo anogona kuedzwa kana kuti kuonwa bedzi navanhu vakati vanoti vane masimba chaiwo here?

VaKristu havarerutsi nhau dzakadaro. Mwari akapa zano Israeri, kuti: “Nguva dzokugara kwomwedzi nedzamasabata, nedzokukokera ungano, handizvidi.” (Isaya 1:13) Apo rudzi irworwo rwakaramba kutenda, vakanga vachi‘shandisa kuuka nokutsvaka mashura.’ (2 Madzimambo 17:17; 2 Makoronike 33:1-6) Sezviri pachena vakatsvaka mashoko kupfurikidza nemiitiro chaiyo, uye ipapo vaitaura “zvisina maturo.”—Zekaria 10:2.

Kumwe kuedza tsandanyama kungava kusina mhaka, kuchiitwa pasina kuvadziko kumurwere kana kuti murapi. Nenzira yakajeka, kunyanguvezvo, kumwe kungava namativi echienzi kana kuti anopfuura omunhu, zvakadai sokuona mukati, mamirire echienzi, uye kushandiswa kwependulum. VaKristu havafaniri kushandisa masimba echienzi. Havafaniri kumboedza zvakadaro, nokuti havadi kuziva zvinhu zvakadzama zvaSatani. (Zvakazarurwa 2:24) Panzvimbo pezvo, pane chikonzero chakanaka chokushandisa ngwariro pamusoro pechinhu chipi nechipi chingaratidzika kuva chine chokuita nomuitiro wokudavira midzimu, uyo Shoko raMwari rinoshurikidza.—VaGaratia 5:19-21.

Icho murapi anoita mutoro wake, uye haisi vavariro yedu kuhwirudzura ndokuita chisarudzo pakutaura kwomunhu nomumwe kana kuti miitiro. Kunyange kana uchirangarira kuti mimwe yeiyi miitiro inobatanidza simba rechienzi, kuri pachena kuti vakawanda vakaiedza vakaita saizvozvo vasingazivi chose, vasina mufungo wokubatanidzwa mukudavira midzimu. Ingave yaiva chete ratidzirwo yechishuvo chavo chokupererwa nezano choutano hwakanaka. Zvisinei, vamwe vakabatanidzwa mumiitiro yakadaro vakasarudza gare gare kuti betsero ipi neipi inobvira yomuviri yakanga isina kufanira njodzi yomudzimu.

Zvakare, munhu mumwe nomumwe anofanira kusarudza chokuita pamusoro penhau dzakadaro dzomunhu oga. Bva, vaKristu vanofanira kuyeuka zano raMwari, rinoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Ikoko kunoshandawo kudzinonzi betsero dzoutano.

Satani anodisa kutsausa vabatiri vaMwari mukunamata kwechokwadi. Dhiyabhorosi angafara kana akagona kuita saizvozvo kupfurikidza nokuita kuti vaKristu vakwezviwe nedzimwe fariro. Angava anotofara zvikuru kana vakakwezviwa nezvinhu izvo, kana kuti zvinoratidzika kuva, miitiro yechienzi iyo ingavakwevera mukudavira midzimu.—1 Petro 5:8.

Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, chimiro chendangariro chaJehovha Mwari kumiitiro yamashiripiti hachina kuchinja. Sezvacherechedzwa pakuvamba, Mwari akaraira vaIsraeri kuti “unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga” aisafanira kuwanikwa pakati pavo. “Vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha. . . . Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha.”—Dheuteronomio 18:10-13.

Kuchenjera sei, ipapoka, kuti vaKristu nhasi varambe vakapfeka “nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, . . . nokuti [tinorwa,] nemweya yakaipa yedenga”!—VaEfeso 6:11, 12.

[Mashoko Omuzasi]

a Vanhu vakawanda vachiri kubvunza mashaman, varoyi, kana kuti vaporesi vakafanana. Shaman “muprista anoshandisa mashiripiti nokuda kwechinangwa chokurapa vanorwara, kuwana zvakavanzika, uye kudzora zviitiko.” Muroyi, kana kuti shaman, angabatanidza mishonga nemiitiro yokudavira midzimu (achikumbira masimba akavanzika). MuKristu anongwarira, akavimbika angadzivisa kubatanidzwa kwakadaro mukadavira midzimu, kunyange kana kukaratidzika kuva kunorapa.—2 VaKorinte 2:11; Zvakazarurwa 2:24; 21:8; 22:15.

b Iyi inongova rondedzerowo zvayo, asi kuedza kwacho kungasiyana. Somuenzaniso, murapwi angakumbirwa kudzvinyira chigunwe chake nomunongedzo pamwe chete, uye murapi anoedza kuzviparadzanisa.

c Iye anonyora, kuti: “Izvi zviitiko zvinoratidzika kuva zvinoshamisa zvinoitika sei? . . . Muitiro wandinoshandisa unonzi kuiswa kwamaoko, kuporesa nokutenda kana kuti kuporesa kwomudzimu. Hausati uchitongova muitiro wakavanzika, asi wakananga zvikuru . . . Munhu ari wose ane nzvimbo yesimba kana kuti mamirire ezvinhu ayo anopoteredza uye anopindana nomuviri wenyama. Iyi nzvimbo yesimba yakabatanidzwa zvikuru noutano. . . . High Sense Perception rudzi rwakati rwo‘kuona’ umo unoona mufanikiso mundangariro mako pasina kushandiswa kwechiono chako chenguva dzose. Hakusati kuri kufungidzira. Pane dzimwe nguva kunonongedzerwa kwakuri sesimba rokunzwisisa zvisingagoni kunzwisiswa nomwero wenguva dzose.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe