Rudzi Runochengeta Kuperera
“Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi, rupinde.”—ISAYA 26:2.
1. Neiko kutaura kwaIsaya pamusoro po“rudzi rwakarurama” kungakatyamadza?
NHASI, kuna marudzi ose amarudzi. Mamwe ihurumende dzinosarudzwa navanhu, mamwe anodzvinyirira. Mamwe akapfuma, mamwe ane urombo. Chinhu chimwe chaanacho ose, ndeichi: Ose rutivi rwenyika iyo Satani ari mwari wayo. (2 VaKorinte 4:4) Mukurangarira ikoku, mashoko aIsaya angauya sechikatyamadzo kuna vamwe apo anoti: “Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi, rupinde.” (Isaya 26:2) Rudzi rwakarurama? Hungu, pane rudzi rwakarurama, sezvo uporofita hwacho huchinongedzera kukuvapo kwarwo muzuva redu. Rudzi urwu rwechienzi runogona sei kuzivikanwa?
2. “Rudzi rwakarurama” chii? Tinoziva sei?
2 Mukushandurwa kwaIsaya 26:2 muNew World Translation, rudzi rwacho runotaurwa kuva “runochengeta mufambiro wokutendeka.” King James Version (mashoko omumucheto) inoshandura ndima yacho, kuti “rudzi rwakarurama runochengeta zvokwadi.” Dzose irondedzero dzakakodzera. Kutaura idi, rudzi rwakarurama ruri nyore kuziva nemhaka yokuti ndirwo rudzi bedzi pasi pano urwo ruri pasi paKristu Mambo, nokudaro rusiri rutivi rwenyika yaSatani. (Johane 17:16) Serwakadaro, mitezo yarwo inozivikanwa nokuda kwo‘kuchengeta mufambiro wayo wakaisvonaka pakati pamarudzi.’ Inochengeta muraramire uyo unorumbidza Mwari. (1 Petro 2:12) Uyezve, kunzvimbo iri yose yairi munyika, rutivi rwe“kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chezvokwadi.” (1 Timotio 3:15) Ichitsigira zvokwadi, inoramba uzivi hwechihedheni hunodzidziswa nechiKristudhomu, uye inotsigira “mukaka womweya, usina kushatiswa”—Shoko raMwari, Bhaibheri. (1 Petro 2:2) Uyezve, inoparidza nokushingaira mashoko akanaka oUmambo mu“zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Panogona kuva nokupokana kupi nokupi kuti urwu rudzi rwakaumbwa navakasarira va“vaIsraeri vaMwari,” ungano yavaKristu vakazodzwa here? Nyangwe!—VaGaratia 6:16.
Rudzi Runoberekwa
3. Rondedzera kuti “rudzi rwakarurama” rwakasvika sei pakuberekwa.
3 Ndirini apo “rudzi rwakarurama” rwakaberekwa? Mavambo arwo akaporofitwa mubhuku raIsaya. Pana Isaya 66:7, 8, tinorava, kuti: “Wakapona [Zioni] asati arwadziwa, wakabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika. . . . Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.” Nenzira inoshamisa zvikurusa, Zioni, sangano raMwari rokudenga, raifanira kubereka “mwanakomana” risati ratambura marwadzo okubereka. Muna 1914 Umambo hwoUmesiya hwakaberekwa mumatenga. (Zvakazarurwa 12:5) Pashure paikoko, hondo yenyika yokutanga yakabatanidza marudzi akawanda zvikuru, uye vaKristu vakazodzwa vakatambura nhamo yakakomba nechitambudzo. Pakupedzisira, mugore ra 1919, rudzi rwomudzimu, “mwanakomana,” rwakaberekwa pasi pano. Nokudaro Zioni ‘rakabereka vanakomana varo’—mitezo yakazodzwa yo“rudzi rwakarurama”—uye ivava vakarongwa nokuda kwebasa rinoramba richifutunuka rokupupura.—Mateo 24:3, 7, 8, 14; 1 Petro 2:9.
4. Neiko rudzi rwakarurama rwaMwari rwaifanira kurwisa kuti ruchengete kuperera?
4 Kubva pamavambo arwo, rudzi urwu rwakasangana nemiedzo yakakomba yokuperera kwarwo. Nemhaka yeiko? Apo Umambo hwokudenga hwakaberekwa, Satani namadhemoni ake vakadzingwa kudenga kuuya pasi. Inzwi guru rakazivisa, kuti: “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku. Ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.” Satani akaita chiito kuaya mamiriro ezvinhu nokutsamwa kukuru a“kaenda kundorwa navamwe vana [vomukadzi], vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.” Vatarisana nokudenha kwakakomba kwaSatani, vaKristu vakazodzwa vakamira vakasimba. Kusvikira kuzuva rino, mitezo inoshingaira yorudzi rwaMwari rwakarurama inoshandisa kutenda muropa raJesu rinodzikinura uye inopfuurira kupa Jehovha mhinduro nokuda kwomushori mukuru kupfurikidza nokuchengeta kuperera “kusvikira parufu.”—Zvakazarurwa 12:1, 5, 9-12, 17; Zvirevo 27:11.
5. Chimiroi chendangariro chakaisvonaka cheZvapupu zvomuzuva razvino uno chakazvibetsera kuchengeta kuperera?
5 Muna 1919, apo kupupurira Umambo hwaMwari kwomuzuva razvino uno kwakatanga, Vadzidzi veBhaibheri, sezvaidanwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyeyo, vaiva vashoma munhamba asi vakasimba mukutenda. Vakava hwaro hwemitezo ye‘guta rakasimba, namasvingo nenhare zvakaitirwa ruponeso.’ Chivimbo chavo chakanga chiri muna “Jehovha, iye Jehovha, [uyo ari] dombo risingaperi.” (Isaya 26:1, 3, 4) SaMosesi wekare, ivo vakazivisa, kuti: “Ndichaparidza zita raJehovha; rumbidzai ukuru hwaMwari wedu. Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.”—Dheuteronomio 32:3, 4.
6. Jehovha akakomberera vanhu vake munzirai muano mazuva okupedzisira?
6 Kubvira ipapo, masuo egadziriro youUmambo hwaMwari akaramba akazaruka zvikuru sezvo kutanga vakasarira ve 144 000 vaKristu vakazodzwa vakaunganidzwa uye zvino boka guru ra“mamwe makwai” riri kukumbanira mukuzivisa zvinangwa zvoUmambo hwaJehovha. (Johane 10:16) Nokudaro, kunogona kuziviswa nomufaro, kuti: “Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.” (Isaya 26:15) Sezvatinonzvera munda wenyika nhasi, tinoona kuti mashoko iwayo ndeechokwadi sei! Nesimba romudzimu mutsvene, kupupurira Umambo hwaKristu hunouya kwakapiwa “kusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:8) Ukuru hwefutunuko iyeyo hungayerwa muMushumo weGore reBasa wa 1994 weZvapupu zvaJehovha muNyika Yose, unooneka pamapeji 12 kusvikira ku 15.
Nhamba Itsva Yapamusoro yaVaparidzi
7, 8. (a) Ufakazii huripo hwokuti vanhu vaMwari vaka‘tatanura hoko dzetende ravo’? (b) Tichitarira paMushumo weGore reBasa wa 1994, inharaundai dzaunoona kuti dziri ‘kukudza miganhu yadzo’ nenzira yakatanhamara?
7 Rangarira mamwe mapfundo makuru ouyu mushumo. Nhamba itsva yapamusoro yavaparidzi voUmambo mumunda yakasvika 4 914 094! Kunofadza sei kucherekedza kuunganidzwa kwenguva dzose kwa“vazhinji-zhinji . . . vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena”! Hungu, ivavawo vakabvumikisa kuva vachengeti vokuperera. “Vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana,” vachirangarirwa kuti vakarurama nemhaka yokushandisa kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu.—Zvakazarurwa 7:9, 14.
8 Zvikurukuru kubvira muna 1919, danidzo yakapiwa kusangano raJehovha, yokuti: “Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.” (Isaya 54:2) Mukupindura, basa rokuparidza rinopfuurira risina kuderedzwa, kunyange muYukon inotonhora zvikurusa, yakaganhurana neAlaska, umo boka ramapiyona rine ushingi rinotsungirira tembiricha dzinogona kudzika kusvika ku -45° kana kuti ku -50° C. kwamavhiki panguva imwe. Mumakore achangobva kupfuura mapoka ari kudirana nguva dzose nokukurumidza zvikuru kurudzi rwaJehovha runochengeta kuperera. Masuo akazaruka zvakafara zvikuru kuti agamuchire ava vanobva kunyika dzeAsia dziri kunze kwechiKristudhomu, vanobva mudzaichimbova nhare dzechiKomonisiti, vanobva munyika dzakawanda dzeAfrica, uye vanobva munzvimbo dzeKaturike, dzakadai seItaly, Spain, Portugal, uye South America. Vanhu vakabviswa mumisha yavo vakazarura mumwe munda. MuEngland, somuenzaniso, Zvapupu zviri kutarisira zvinodikanwa zvamapoka amadzinza 13 omutauro wokumwe.
“Itai Izvi Muchindirangarira”
9. (a) Vakapinda Chirangaridzo cha 1994 vanoratidzirei? (b) Ndedzipi dzimwe dzenyika dzine vapindi veChirangaridzo vakakwirira zvisiri zvenguva dzose?
9 Rimwe pfundo guru romushumo wegore negore vapindi veChirangaridzo. Chinguvana asati afa, Jesu akavamba Chirangaridzo chokurangarira rufu rwake uye akaudza vateveri vake, kuti: “Itai izvi muchindirangarira.” (1 VaKorinte 11:24) Kwakanga kuchifadza muna 1994 kuona 12 288 917—vakawanda zvikuru kupfuura nakaviri nhamba yavaparidzi vanoshingaira—vachiungana pamwe chete kuti vateerere murayiro iwoyo, zvimwe savadyi kana kuti savacherekedzi. Mune dzimwe nyika reshiyo yavapindi veChirangaridzo kune yavaparidzi yakanga yakatokwirira zvikuru. Vaparidzi 4 049 muEstonia, Latvia, uye Lithuania vakafadzwa kuva navapindi veChirangaridzo 12 876, vakawanda zvikuru nakatatu nhamba yavaparidzi. Uye muBenin, vapindi veChirangaridzo 16 786 vakamirira inodokusvika nhamba yakapetwa kashanu yavaparidzi. Ungano imwe yavaparidzi 45 yakanga ine 831 vaivapo!
10. (a) Vapindi veChirangaridzo vakakwirira vanoisa mutoroi patiri? (b) Rondedzera chinogona kuitika apo uyo akapinda Chirangaridzo anogamuchira imwe betsero.
10 Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuti vanhu vanofarira vakawanda kwazvo vakazvikumbanira panhambo iyoyo yakanaka. Zvino zvinoda kubetsera vanhu ivava kuita imwe fambiro mberi mukunzwisisa kwavo norudo rwezvokwadi. Vamwe vangagamuchira nenzira iyo Alla ari kuRussia akaita nayo. Alla akanga achifunda nehanzvadzi piyona chaiye asi akaita fambiro mberi duku, naizvozvo fundo yakaregwa. Kunyanguvezvo, Alla akagamuchira kukokwa kuti apinde Chirangaridzo. Musangano iwoyo, une revo huru kwazvo, wakamuorora zvikuru. Pakudzokera kumusha, akarasa zvifananidzo zvake zvose ndokunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Mazuva maviri gare gare hanzvadzi yacho piyona yakashanyira Alla kuti ione kuti akanga afarikanya sei Chirangaridzo. Kurukurirano inobudirira yakatevera. Fundo yaAlla yakatangwazve. Nokukurumidza akanga ogoverana mubasa rokupupura. Ichi chiitiko chinoratidza ukoshi hweshanyo dzokudzokera pana avo vanopinda Chirangaridzo. Vakawanda sezvingabvira vachagamuchira sezvakaita Alla.
“Tisarega Kuungana Kwedu”
11-13. (a) Chii chiri rutivi rwomufambiro wokutendeka worudzi rwakarurama? (b) Neiko vaKristu vechokwadi vachifanira kupinda misangano?
11 Chirangaridzo ndiwo musangano unokosha zvikurusa pakarenda reZvapupu zvaJehovha, asi hausati uchitongova mumwe bedzi. Vhiki imwe neimwe Zvapupu zvaJehovha zvinoungana pamwe chete mukuteerera mashoko omuapostora Pauro, okuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Izvo zvakabatana norudzi rutsvene rwaJehovha urwo runozivikanwa nomufambiro warwo wokutendeka. Mufambiro wokutendeka unobatanidza kupinda misangano nenzira yokutendeka.
12 Ikoku kunosanonzwisiswa zviri pachena muPhilippines, umo avhareji yavapindi munyika yose pamisangano yeSvondo iri 125 muzana yenhamba yavaparidzi. Kunosanonzwisiswawo nerimwe boka reZvapupu navanhu vanofarira muArgentina. Ivo vanogara anenge makiromita 20 kure neHoro yoUmambo. Kunyanguvezvo, mutariri wedunhu anoshuma kuti kunze kwemuzvinoitika zvokurwara, hapana kana mumwe wavo anombopotsa misangano. Vanofamba kwamaawa mana nengoro kana kuti vakatasva mabhiza, uye mukati mechando vanoita rwendo rwokumba nomurima rousiku.
13 Sezvo mugumo wetsika ino unoswedera pedyo zvikuru, upenyu hunooma zvikuru, zvinetso zvinowedzera, uye kupinda misangano nguva dzose kungava denho huru. Asi mumamiriro ezvinhu akadaro, tinoda zvikuru kupfuura nakare kose zvokudya zvomudzimu nesonganiro youshamwari iyo inogona kuwanwa bedzi pakuungana kwakadaro.
“Ramba Uchidaro”
14. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvine mufungo wekurumidziro pamusoro poushumiri hwazvo, uye migumisiroi inoratidzira ikoku?
14 Gore rakapera, Chechi yeKaturike muItaly yakanongedzera kubasa reZvapupu zvaJehovha so“kutendeutsa kwoupengo.” Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, hapana chinhu choupengo pamusoro peizvo Zvapupu zvinoita. Panzvimbo pezvo, ushumiri hwazvo iratidzirwo yorudo rukuru rwavavakidzani vazvo. Ihwo hufakaziwo hwokuteerera mashoko aPauro, okuti: “Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira.” (2 Timotio 4:2) Pfungwa yekurumidziro inosunda Zvapupu zvaJehovha kuva zvinoshingaira muushumiri hwazvo, sezvinooneka mukupedzera kwazvo hwerengedzo yamaawa 1 096 065 354 muna 1994 zvichiparidzira vavakidzani vazvo, zvichiita shanyo dzedzokerero, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri 4 701 357. Zvakawanda zvakakwanisa kugoverana mubasa roupiyona, uko kunoratidza kuti mudzimu woupiyona mupenyu uye unoshingaira. Avhareji yamapiyona 636 202 munyika yose inobvumikisa ikoku.
15, 16. (a) Vose vari vaviri vaduku navakuru vakaratidzira sei mudzimu woupiyona? (b) Tichitarira nyika imwe neimwe muMushumo weGore reBasa wa 1994, ndokupi kwaunoona nhamba dzamapiyona dzakatanhamara?
15 Pakati pamapiyona iwayo pane vaduku vakawanda. Vamwe muUnited States zvino vanobatira samapiyona enguva dzose mukati mechikoro chapamusoro, novomukirasi biyavo vachiva ndima yavo huru. Idzi pwere dzakawana kuti kupayona ndiyo nzira yakanakisisa zvikuru yokuzvidzivirira dzimene pamirimo, unzenza, uye masimba masimba izvo zvakatekeshera muzvikoro zvakawanda munyika iyoyo. Vamwe vaduku vakawanda vane upiyona senharidzano yavo apo vanorega chikoro. Irina, muUkraine, akaita upiyona hwebetsero mukati mechikoro chapamusoro chose kuitira kuti azvigadzirire amene nokuda kwokupayona pashure pokupedza kufunda. Apo akapedza chikoro, mhuri yake yakazvipira kubatira pamwe kana toreva nezvebasa rokunyika kuitira kuti agone kuvamirira mubasa roupiyona hwenguva dzose. Mune zvoupfumi, zvinhu hazvisi nyore muUkraine. Asi Irina anoti: “Ndinoziva kuti ndiri kuita basa iro rinoreva upenyu kwete chete nokuda kwangu asiwo nokuda kwaavo vandinoparidzira.” Zvirokwazvo mufaro kuona vanhu vaduku vakawanda kwazvo nhasi vachifunga saIrina. Ndeipi nzira iri nani iripo nokuda kwavo kuti ‘vayeuke Musiki wavo Mukuru mumazuva oujaya noumhandara hwavo’?—Muparidzi 12:1.
16 Nhamba huru yamapiyona yakwegura. Mumwe anoshuma kuti mukati mehondo yenyika yechipiri, baba uye mukoma wake vakaurawa sezvavairwa muhondo, uye amai nomunin’ina wake vakapfurwa munzvimbo munogara varombo. Gare gare mwanakomana wake akafa. Zvino, mumakore ake okukwegura uye achitambura utano husina kunaka, Jehovha akamupa, muungano yechiKristu, mhuri huru zvikuru kupfuura iyo akarasikirwa nayo. Uye anowana mufaro wake mukubetsera vamwe sapiyona wenguva dzose.
17, 18. Mumwe nomumwe wedu anogona sei, angava piyona kana kuti kwete, kuratidza mudzimu woupiyona?
17 Chokwadika, haasi munhu ari wose anogona kuva piyona. Jehovha anofara kugamuchira chegumi chedu chose, chakanakisisa icho tinogona kupa, ichochi chingava chipi kana chipi muchinoitika chedu chaicho. (Maraki 3:10) Zvirokwazvo, tose zvedu tinogona kusakurira mudzimu waaya mapiyona anoshingaira ndokuita chipi kana chipi mamiriro edu ezvinhu anobvumira kupfuuridzira kuparidzwa kwamashoko akanaka.
18 Somuenzaniso, muAustralia, April 16 akatsaurwa sezuva chairo rokupupura mumugwagwa. Rakasanotsigirwa navaparidzi namapiyona zvakafanana, sezvakaoneka munhamba itsva yapamusoro yavaparidzi ye 58 780 nokuda kwomwedzi iwoyo. Uyezve, magazini akawanda ne 90 000 akaparadzirwa kupfuura mumwedzi mumwe chetewo gore rakapera. Mukati mezuva chairo racho, imwe hanzvadzi yakagovera magazini mumwe murume, uye apo yainyora zita rake nekero kuti itevere fariro yacho, yakawana kuti vaiva noukama! Kwakaitika kuti vaiva mukoma nomunun’una avo vakanga vasina kuonana kwamakore 30. Ikoko zvirokwazvo kwakaita nhambo yeshanyo dzedzokerero dzinofadza zvikuru!
Chengeta Kuperera Kusvikira Kumugumo
19. Neiko kuri kwokukurumidzira kuti rudzi rwakarurama rwaJehovha ruchengete kuperera kusvikira kumugumo chaiko?
19 Ndokwekukurumidzira kuti vose vari murudzi rwaMwari rwakarurama vachengete kuperera sezvo nyika yaSatani iri kutandadza. Nokukurumidza, rudzi rutsvene rwaJehovha ruchanzwa kudana, kwokuti: “Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.” Nyika ino ine mhaka yeropa nenzira isingadzivisiki ichatarisana norutongeso rwoumwari. “Nokuti tarira, Jehovha unobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.” (Isaya 26:20, 21) Mumwe nomumwe wedu ngaamire akasimba somuKristu anochengeta kuperera akabatana norudzi rwakarurama rwaJehovha. Ipapo tichafara kuwana upenyu husingaperi munzvimbo yapasi kana kuti yokudenga yoUmambo hwaKristu.
Unoyeuka Here?
◻ “Rudzi rwakarurama” rwakaberekwa rini?
◻ Neiko vanhu vaMwari vakada kutsungirira mukati meano mazuva okupedzisira?
◻ Chii chinoratidzirwa nenhamba yakakwirira yavaparidzi namaawa akapedzerwa muushumiri zvinoonekwa muMushumo weBasa weGore wa 1994?
◻ Neiko kupinda misangano kuchikosha kwazvo sezvo nyika ino inosvika pedyo zvikuru nomugumo wayo?
◻ Neiko vose vanosonganira norudzi rwakarurama rwaMwari vachifanira kuchengeta kuperera?
[Chati iri papeji 12-15]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1994 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhaundi vhoriyamu)
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vachengeti vokuperera murudzi rwakarurama rwaJehovha vachawana upenyu husingaperi mukukwana