RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 1/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Puerto Rico

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Puerto Rico
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Munda Mutsva
  • Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuteerera Nemaziso Ako
    Mukai!—1998
  • Mawaniro Andakaita Mufaro Kubva Pakupa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • ‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 1/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Puerto Rico

PAKATI peCaribbean Sea neAtlantic Ocean pane chitsuwa chine uswa hwakasvibira, chomunzvimbo dzinopisa dzapasi chePuerto Rico. Christopher Columbus akachiti ndecheSpania muna 1493 ndokuchidana kuti San Juan Bautista mukuyeuka Johane Mubhapatidzi. Guta racho gurusa ranguve richinzi Puerto Rico, kana kuti “Chiteshi Chengarava Chakapfuma.” Pashure penguva yakati, iri zita rakasvika pakushanda kuchitsuwa chacho chose, apo guta racho rakasvika pakunzi San Juan.

Puerto Rico yakabvumikisa kuva chiteshi chengarava chakapfuma mumativi akawanda. Ndarama yakawanda yakatakurwa nengarava ichibva muno mumakore apakuvamba okutonga kweSpania. Chitsuwa chacho zvino chinoendesa kune dzimwe nyika nzimbe, kofi, maplantain, uye michero, kunyange zvazvo mabasa okugadzira zvinhu achiumba hwakawanda hwoupfumi nhasi. Zvisinei, Puerto Rico yakabvumikisa kuva chiteshi chengarava chakapfuma mupfungwa inokosha zvikuru kwazvo.

Mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari akavamba kuparidzwa muno muma 1930. Nhasi, mune vaparidzi vanopfuura 25 000 vamashoko akanaka muPuerto Rico. Muna 1993 vashandi vapabazu iri reWatch Tower Society vakawedzera kubva pa 23 kusvikira kuvanopfuura 100. Iyi wedzero yakanga iri madikanwa kuitira kuti bazu racho rigogona kutarisira kushandurwa kwamabhuku eBhaibheri muchiSpania, kuchiita kuti mabhuku akadaro awanike kuvanhu vanotaura chiSpania vanopfuura 350 000 000 munyika yose.

Munda Mutsva

Hofisi yebazu inoshumawo, kuti: “Munda mutsva wakazaruka muPuerto Rico nemhaka yokuti tave tichiita nhamburiko dzokuendesa shoko roUmambo kumatsi. Imwe hanzvadzi inorondedzera chakaitika chinotevera: ‘Ndakanga ndichishanda pakati pematsi ndokushanyira mumwe mukadzi ane vana vaduku vaviri. Apo akaziva kuti ndakanga ndiri Chapupu, akandiramba kamwe kamwe nemhaka yokuti murume wake, uyo akanga ariwo matsi, akanga asingadi Zvapupu zvaJehovha.

“‘Mwedzi yakati gare gare mukadzi mumwe cheteyu akashanyira shamwari yakanga ichifunda Bhaibheri neZvapupu. Iye akakumbanira ndokuifarikanya zvikuru kwazvo. Ndakashanyirazve mukadzi wacho, uye akadzokorora kuti murume wake akanga asingadi Zvapupu. Zvisinei, akanga achida kunzwisisa Bhaibheri uye akanga aneta nechechi yake nemhaka yokuti vaisadzidzisa chinhu. Takatanga kufunda, tichishandisa turakiti. Rimwe zuva akandiudza kudzoka paChitanhatu nemhaka yokuti murume wake aizovapo. “Asi haasati achitida, anotida here?” ndakabvunza kudaro. Iye akapindura, kuti: “Anoda kuziva kuti ichochi chii chaizvoizvo.”

“‘Zuva rakatevera racho vose vari vaviri vakanga vachigogodza pasuo rangu! Sezvo murume wacho akanga ane mibvunzo yakawanda, ndakavakoka kumisangano yedu yematsi. Iye akanga avako ini ndisati uye haasati apotsa musangano chibviro chenguva iyeyo. Iye ari kuparidza kudzimwe matsi, akapinda gungano, uye ari kukarira rubhapatidzo.’”

Mushumo webazu unopfuurira, kuti: “Pakokorodzano yedu yeruwa gore rino, purogiramu yose yakapiwa mumutauro wezviratidzo, matsi dzakawanda kwazvo dzaivapo nemhuri dzadzo. Nguva inofadza zvikuru yakasvika mukati mehurukuro yokupedzisira apo mukurukuri akadudza basa riri kuitwa pakati pematsi ndokutaura kuti dzinenge 70 dzakanga dziripo. Kwakanga kune kurova maoko kukuru, asi, sezvakacherechedza mukurukuri, matsi dzaisagona kukunzwa. Naizvozvo achikumbira matsi kutarira kuvateereri, mukurukuri akadzokorora mubvunzo wokuti, ‘Munofara here kuva nehama dzenyu matsi pano nemi?’ ndokukumbira vateereri kurova maoko kupfurikidza nokuvheyesa maoko ose ari maviri. Chakanga chiri chiono chinoshamisa kuona hama nehanzvadzi 11 000 vachirova maoko kupfurikidza nokuvheyesa maoko avo. Hama dzedu nehanzvadzi matsi dzakafadzwa ndokunzwa dziri rutivi rwouhama hukuru. Vakawanda vakaburitsa misodzi yomufaro.”

Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinogoverana mubasa rokukohwa muPuerto Rico, pasina kupokana chichapfuurira kuva chiteshi chengarava chakapfuma. “Makwai” aMwari, ayo anodana kuti “zvinodikanwa nendudzi dzose,” acharamba achipinda zvokuti imba yaJehovha inozadzwa nembiri.—Johane 10:16; Hagai 2:7.

[Bhokisi riri papeji 9]

KUKAMURANISWA KWENYIKA

Gore Rebasa ra 1994

NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 25 428

RESHIYO: Chapupu 1 ku 139

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 60 252

AVHAREJI YAVAP. MAPIYONA: 2 329

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 19 012

NHAMBA YAKABHAPATIDZWA: 919

NHAMBA YEUNGANO: 312

HOFISI YEBAZU: GUAYNABO

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe