Gomo Rino“famba”
KUMADOKERO kweIreland, chimiro chakatetepa chechienzi cheCroagh Patrick chakatanhamara pamakomo akapoteredza. Gore rimwe nerimwe, paSvondo yokupedzisira yaJuly, pamusoro pegomo panoratidzika kuva pari kufamba apo vanhu vakawanda se 30 000, vakuru navaduku zvakafanana, vanokwira pamusoro (mamita 765) parwendo rwokunzvimbo tsvene rwegore negore.
Pazuva iri, vanoenda kunzvimbo tsvene vanokwira nokudzika panzira nhete, yakashata, uye, mune dzimwe nzvimbo, ine ngozi. Kutaura idi, mukwidza wokupedzisira (anenge mamita mazana matatu) wakakwirira zvikuru uye une anodokuva chose chose mabwe anotsuduguka, nokudaro kuchiita kuti kukwira kwacho kuve kune ngozi uyewo kunonetesa.
Vamwe vanoita uku kukwira vasina shangu, uye vashomanene vanotopedza mamwe mativi namabvi avo. Munguva dzakapfuura, rwendo rwokunzvimbo tsvene rwaivambwa murima rousiku.
Neiko Croagh Patrick riri chinoitika chinokosha nokuda kwavakawanda kwazvo?
Rakatanga Kare Senzvimbo Tsvene
Murutivi rwokuvamba rwezana ramakore rechishanu C.E., Chechi yeRoma Katurike yakatuma Patrick sabhishopi woufundisi kuIreland. Vavariro yake huru yakanga iri kutendeutsira vaIreland kuchiKristu, uye mukati memakore ake okuparidza nokushanda pakati pavanhu vacho, Patrick anopiwa mbiri yokuve akavanzarika hwaro nokuda kweChechi yeKaturike imomo.
Basa rake rakamusvitsa kunzvimbo dzakati kuti munyika yacho yose. Imwe yakanga iri madokero eIreland uko, maererano namamwe manyuko, akapedza mazuva nousiku 40 ari pamusoro pegomo iro rakasvika pakutumidzwa zita rake—Croagh Patrick (kureva kuti “Gomo raPatrick”). Ipapo akazvinyima ndokunyengeterera rubudiriro rwebasa rake.
Mumakore akapfuura ngano dzakawanda dzakatanga pamusoro pezviito zvake. Imwe yedzakakurumbira zvikurusa ndeyokuti ari pagomo iroro, Patrick akadzinga nyoka dzose muIreland.
Gamuchidzanwa rinotaura kuti akavaka kachechi pamusoro pacho. Kunyange zvazvo chivako ichocho changuve chisipo, hwaro hwapakuvamba huchiripo, uye nzvimbo yacho pamwe chete negomo racho zvave zviri nzvimbo tsvene mumakore ose.
Mativi Erwendo Rwokunzvimbo Tsvene
Nokuda kwomumwe munhu akwegura kana kuti asina kurovedzana nokukwira makomo, kungopedza rwendo rwomukwidza wamakiromita mashanu uye kudzika zvakakotsekana chiitwa makuri kumene.
Panzvimbo dzinokosha munzira, mapoka emugariro une ngozi anomira akagadzirira kubata nemhatsa yokukuvara.
Pane nzvimbo nhatu, kana kuti zviteshi, munzira apo vanoenda kunzvimbo tsvene vanoita zvirongwa zvakasiyana-siyana zvokuzvidemba kunosuruvarisa. Izvozvi zvinotsanangurwa zvizere pachikwangwani chezviziviso panotangira kukwira kwacho.—Ona bhokisi.
Neiko Vachikwira?
Neiko vakawanda kwazvo vachiita urwu rwendo rwakaoma rwokunzvimbo tsvene? Neiko vamwe vachisvika kukunyanyisa kwakadaro apo vanokwira?
Eya, vamwe vanodavira kuti kupfurikidza nokunyengetera mukati merwendo rwokunzvimbo tsvene, mikumbiro yavo nokuda kwebetsero yomunhu oga sezvingabvira zvikuru ichanzwiwa. Vamwe vanokuita mukurondwa kwokukanganwirwa chakaipa chakati. Nokuda kwavamwe, iyi inzira yokuratidzira kuonga. Zvirokwazvo, vakawanda vanoenda nokuda kworutivi rwoushamwaridzani. Chimwe chiremera chakatsinhira kuti kwakanga kuri ‘ratidzirwo yomudzimu wenzanga norudo rwenzanga.’ Chakataurawo kuti kukwira Croagh Patrick “kwakanga kuri nzira yavo yokutevera mumakwara aSt. Patrick uye yokuziva mungava wavaiva nawo kwaari mukutenda.” Chakawedzera kuti, chinokosha zvikurusa, kukwira kwacho “chimiro chechirango nemhaka yokuti kurwadziwa kwomuviri kunobatanidza chiito chaichoicho chokuranga. Kukwira pamusoro kwokunonokera chiito chakarebeswa chorupfidzo.”
Mumwe murume akataura nenzira yokudada kuti akanga akwira ka 25! Akakuita, akadaro, “kuita chirango chiduku!” Mumwe murume akatsanangura nenzira iri nyore, “Pasina marwadzo, hapana betsero!”
Kunyange zvazvo kusingakoshi, vakawanda vanokwira gomo racho vasina shangu. Neiko vachiita ikoko? Chokutanga, vanorangarira ivhu racho kuva “dzvene” uye naizvozvo vanobvisa shangu dzavo. Chechipiri, kuri mutsinhirano nevavariro yavo yo‘kuita chirango chiduku.’ Ikokuwo kunotsanangura chikonzero nei vamwe vachitoita zviito zvokuzviranga namabvi avo.
Kusundwa Kunzwisisa Musiki
Asi zvakadini kana mumwe munhu aisagoverana mirangariro yorudzidziso yavanoenda kunzvimbo tsvene avo vanokwira pazuva chairo? Namamirire okunze akanaka uye shangu dzakasimba, gomo racho rinogona kukwirwa panguva ipi neipi. Hatina kukwira pazuva apo mhomho inofamba yavanoenda kunzvimbo tsvene yakanga ichikwira. Mukati mokumira kwedu kwenguva nenguva kuti tizorore, takakwanisa kurangarira pamusoro pokukwira kumene uye tapuro yakwakava nayo pavakawanda kwazvo. Tichifungidzira zviuru zvavanoenda kunzvimbo tsvene zvichiita uku kukwira kunorwadza uye zvichiita zvirongwa zvakasiyana-siyana zvokuzviranga, takanzwa tasundwa kushamisika kuti, ‘Izvi ndizvo Mwari anoda here? Muitiro wokukwira kana kuti wokupoterera mifananidzo yakati uchitaura minyengetero nomusoro nenzira yokudzokorora chaizvoizvo kunoswededza zvikuru munhu upi noupi kuna Mwari here?’ Zvakadiniko nezano raJesu pamusoro peminyengetero inodzokororwa pana Mateo 6:6, 7?
Zvirokwazvo, hatina kukwira gomo racho kuti tive nechinoitika chorudzidziso. Zvisinei, takanzwa tiri pedyo zvikuru noMusiki wedu nemhaka yokuti taigona kunzwisisa chisiko chake, makomo kunzvimbo iri yose achiva rutivi rwezvishamiso zvapasi. Tiri pamusoro takakwanisa kufarikanya chiono chisina kudzongonyedzwa chenyika yakaisvonaka, kunyange kuona apo nyika yaisangana neAtlantic Ocean. Zvitsuwa zviduku zvaipenya mubay pasi pedu kune rumwe rutivi nenharaunda yaiva namakomo yakashata uye yaisava nechinhu kune rumwe zvakapesana zvakajeka.
Takafunga nezvezviteshi zvitatu. Mashoko aJesu amene akauya mundangariro, apo akaudza vateveri vake vechokwadi, kuti: “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji.”—Mateo 6:7.
Takaziva kuti gomo racho rakanga rava rutivi rwegamuchidzanwa iro rakasunga zviuru zvavanhu mumuitiro wakaoma. Takarangarira nzira iyo ikoko kwakapesana nayo norusununguko rwakataurwa nezvarwo nomuapostora Johane apo akati: “Tichengete mirayiro yake [Mwari]; mirayiro yake hairemi.”—1 Johane 5:3.
Takafarikanya rwendo rwedu rwomufaro, kubatanidza kukwira Croagh Patrick. Zvakatisunda kukarira nguva apo rudzi rwose rwomunhu ruchasunungurwa pamagamuchidzanwa asiri eBhaibheri ndokukwanisa kunamata Musiki wapasi ane rudo “mumweya nezvokwadi.”—Johane 4:24.
[Bhokisi riri papeji 27]
Mativi Makuru Erwendo Rwokunzvimbo Tsvene
Anoenda kunzvimbo tsvene ari wose uyo anokwira gomo racho paSt. Patrick’s Day kana kuti mukati mokuchengeta kwamazuva masere, kana kuti nguva ipi neipi mukati momwedzi yaJune, July, August naSeptember, uye ANONYENGETERA ARI MUKATI KANA KUTI ARI PEDYO NEKAMURI ROMUNYENGETERO nokuda kwezvinonyengetererwa naPapa angawana rusununguko pachirango kana akaenda kuReururo neKomuniyoni Tsvene Pamusoro kana kuti mukati mevhiki.
ZVITESHI ZVEGAMUCHIDZANWA
Kune “zviteshi” zvitatu (1) Pasi pechimiro chakatetepa kana kuti Leacht Benain, (2) Pamusoro, (3) Roilig Muire, daro rakati muLecanvey [guta] riri kurutivi rwegomo.
Chiteshi Chokutanga - LEACHT BENAIN
Anoenda kunzvimbo tsvene anopoterera murwi wamatombo kanomwe achitaura vanaBaba Wedu 7, vanaKaziwai Maria 7 uye Chitendero chimwe
Chiteshi Chechipiri - PAMUSORO
(a) Anoenda kunzvimbo tsvene anopfugama ndokutaura vanaBaba Vedu 7, vanaKaziwai Maria 7 uye Chitendero chimwe
(b) Anoenda kunzvimbo tsvene anonyengetera ari pedyo neKamuri romunyengetero nokuda kwezvinonyengetererwa naPapa
(c) Anoenda kunzvimbo tsvene anopoterera Kamuri romunyengetero ka 15 achitaura vanaBaba Wedu 15, vanaKaziwai Maria 15 uye Chitendero chimwe
(d) Anoenda kunzvimbo tsvene anopoterera Leaba Phadraig [Mubhedha waPatrick] ka 7 achitaura vanaBaba Wedu 7, vanaKaziwai Maria 7 uye Chitendero chimwe
Chiteshi Chechitatu - ROILIG MUIRE
Anoenda kunzvimbo tsvene anopoterera murwi wamatombo mumwe nomumwe ka 7 achitaura vanaBaba Wedu, vanaKaziwai Maria 7 uye Chitendero chimwe pamumwe nomumwe [pane mirwi mitatu] uye pakupedzisira anopoterera musasa wose weRoilig Muire ka 7 achinyengetera.