Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
“Wakakomborerwa munhu . . . unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.”—PISAREMA 1:1, 2
1. (a) Chiratidzoi chakatanhamara chinooneka parutivi rumwe rwechivako chefekitari padzimbahwe reWatch Tower Society? (b) Tichabetserwa sei kana somunhu oga tikarangarira zano racho?
“RAVA SHOKO RAMWARI BHAIBHERI DZVENE ZUVA NEZUVA.” Mumavara makuru, mashoko iwayo anooneka kune rutivi rumwe rwechimwe chivako muBrooklyn, New York, uko maBhaibheri namabhuku eBhaibheri anodhindwa neWatchtower Bible and Tract Society. Kurayira ikoko hakuna kuitirwa bedzi vanhu venyika vanoona chiratidzo chacho. Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti izvowo zvinofanira kukurangarira zvakakomba. Avo vanorava Bhaibheri nguva dzose ndokurishandisa somunhu oga vanobetserwa nokudzidzisa, tsiuro, kururamisa, uye kuranga mukururamisa uko rinogovera.—2 Timotio 3:16, 17.
2. Hama Russell vakasimbisa sei ukoshi hwokurava Bhaibheri?
2 Zvapupu zvaJehovha zvinoonga zvikuru yamuro dzazvo dzokufunda Bhaibheri, kubatanidza Nharireyomurindi, uye zvinoshandisa idzodzi nguva dzose. Asi zvinoziva kuti hapana imwe yadzo inotora nzvimbo yeBhaibheri rimene. Shure muna 1909, Charles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society, akanyorera varavi vemagazini yeWatch Tower, kuti: “Musatongokanganwa kuti Bhaibheri ndiro Mupimo wedu uye zvisinei kuti betsero dzedu dzakapiwa naMwari dzingava dzakadini idzo i‘betsero’ uye kwete zvinotsiva Bhaibheri.”
3. (a) “Shoko raMwari” rine tapuroi pana avo vanopesvedzerwa naro? (b) VaBherea vairava nokufunda Magwaro kakawanda sei?
3 Magwaro akafuridzirwa ane udzame nesimba izvo zvisina rimwe bhuku. “Shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Mudzidzi Ruka akarumbidza noushamwari vanhu veBherea, achivadana kuti “vakanaka.” Havana bedzi kugamuchira shoko nokudisa serakaparidzirwa nomuapostora Pauro nomusonganiri wake Sirasi asiwo ‘vakasanonzvera Magwaro zuva nezuva’ kuti vazive hwaro hwaMagwaro nokuda kwezvakanga zviri kudzidziswa.—Mabasa 17:11.
Kurirava Zuva Nezuva
4. Magwaro anoratidzirei pamusoro pokuti tinofanira kurava Bhaibheri kakawanda sei?
4 Bhaibheri haritauri zvakananga kuti tinofanira kurirava kakawanda sei. Zvisinei, rinonyora zano raJehovha kuna Joshua ku‘rava mubhuku romutemo nenzwi rakaderera masikati nousiku’ kuitira kuti azoite nokuchenjera ndokubudirira mukuita mugove wake wakapiwa naMwari. (Joshua 1:8) Rinotiudza kuti upi noupi aitonga samambo pana Israeri wakare aifanira kurava Magwaro “mazuva ose oupenyu hwake.” (Dheuteronomio 17:19) Rinotaurazve, kuti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa . . . Asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Uyewo, Evhangeri yakanyorwa naMateo inotiudza kuti apo Jesu Kristu akaramba nhamburiko dzaSatani dzokuMuedza, Iye akanokora mashoko muMagwaro akafuridzirwa echiHebheru, achiti: “Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” (Mateo 4:4) Tinoda zvokudya zvokunyama kakawanda sei? Zuva riri rose! Kupinza zvokudya zvomudzimu zuva nezuva kunotokosha zvikuru nemhaka yokuti kunotapura kariro dzedu dzoupenyu husingagumi.—Dheuteronomio 8:3; Johane 17:3.
5. Kurava Bhaibheri kwezuva nezuva kunogona sei kutibetsera kuti ti“fambe sezvinofanira Ishe” apo muedzo wokutenda unoiswa patiri?
5 Mumwe nomumwe wedu anoda kusimbiswa zuva nezuva neShoko raMwari. Zuva riri rose—pamusha, kubasa, kuchikoro, pamigwagwa, pakutenga, muushumiri hwedu—denho kukutenda kwedu dzinokandwa patiri. Tichabata sei naidzodzi? Mirayiro yeBhaibheri nenheyo zvichakurumidza kurangarirwa here? Panzvimbo pokukurudzira murangariro wokuzvivimba, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinte 10:12) Kurava Bhaibheri kwezuva nezuva kuchatibetsera kuti ti“fambe sezvinofanira Ishe, [ti]chimufadza pazvose” panzvimbo pokubvumira nyika kutimanikidzira mukuita kwayo.—VaKorose 1:9, 10; VaRoma 12:2.
Dikanwo Yokurava Taravazve Bhaibheri
6. Neiko kuchibetsera kurava taravazve Bhaibheri?
6 Kurava Bhaibheri kwakasiyana zvikuru nokurava bhuku rengano. Ngano dzakawanda zvikurusa dzakarongedzerwa kurava kumwe chete; kana munhu angoziva nhau yacho uye kuti inoguma sei, ndizvo zvose zviripo kwairi. Mukupesana, pasinei zvapo nokuti takarava Bhaibheri kakawanda sei, tinobetserwa zvikuru nokukuita zvakare. (Zvirevo 9:9) Kumunhu anonzwisisa, Magwaro nguva dzose anova nerevo itsva. Uporofita pamusoro pamazuva okupedzisira hunova hunoorora zvikuru kwaari mukurangarira zvaakaona, kunzwa, uye kuzviwanira pachake mumwedzi ichangobva kupfuura. (Dhanieri 12:4) Sezvaanokudziridza ruzivo rwokuzviwanira rwake amene muupenyu ndokugonana nezvinetso, muravi weBhaibheri anonzwisisa zvakazara zvikuru zano raangave akamboravawo zvake bedzi. (Zvirevo 4:18) Kana akabatwa nechirwere chakakomba, zvipikirwa zveBhaibheri pamusoro pokubviswa kwokurwadziwa nokudzorerwa kwoutano zvinova nerevo huru zvikuru kwaari kupfuura nakare kose. Apo shamwari dzapedyo nemitezo yemhuri vanofa, chipikirwa chorumuko chinova chinotokosha zvikuru.
7. Chii chingatibetsera apo tinova nomutoro mutsva muupenyu, uye nemhaka yei?
7 Iwe pachako ungave wakarava Bhaibheri ndokushandisa zano raro kwenhambo yakati yamakore. Asi zvichida zvino wava nemitoro mitsva muupenyu. Uri kuronga kuroora here? Uchava mubereki here? Wakaronzeswa mutoro muungano somukuru kana kuti mubatiri anoshumira here? Wakava muevhangeri wenguva yakazara, ane mikana yakawedzerwa yokuparidza nokudzidzisa here? Kwaizova kunobetsera sei kurava Bhaibheri rose zvakare uchirangarira mitoro mitsva iyoyo!—VaEfeso 5:24, 25; 6:4; 2 Timotio 4:1, 2.
8. Mamiriro ezvinhu akachinja anogona sei kuratidza kudikanwa kwokudzidza zvakawanda pamusoro pezvinhu zvataifunga kuti taitoziva?
8 Munguva dzakapfuura ungave wakaita zvakaisvonaka mukuratidzira zvibereko zvomudzimu. (VaGaratia 5:22, 23) Bva mamiriro ezvinhu akachinja anogona kunangana newe nedikanwo yokudzidza zvakawanda zvikuru pamusoro pamavara oumwari iwayo. (Enzanisa naVaHebheru 5:8.) Aichimbova mutariri anofambira akakuwana kuri madikanwa kusiya basa rake chairo kuti atarisire vabereki vake vakwegura akati: “Ndaisifunga kuti ndakanga ndiri kuita zvakanaka zvikuru mukuratidzira zvibereko zvomudzimu. Zvino ndinonzwa sokuti ndiri kutanga zvose zvakare.” Nenzira yakafanana, varume navakadzi vane vakwanyina veroorano vanotambura kurwara kwomuviri kana kuti kwendangariro kwakakomba vangawana kuti mukugovera kutarisira kwomunhu oga, dzvinyiriro panhambo nenhambo inoparira kuita kunovaodza mwoyo. Kurava Bhaibheri kwenguva dzose manyuko enyaradzo huru nebetsero.
Apo Kurava Bhaibheri Kungaitwa
9. (a) Chii chinogona kubetsera munhu akabatikana zvikuru kuwana nguva yokurava Bhaibheri zuva nezuva? (b) Neiko kurava Shoko raMwari kuchikosha zvikurukuru nokuda kwavakuru?
9 Chokwadika, nokuda kwavanhu vakatobatikana zvikuru, kuwana nguva yokuita chimwe chinhu chokuwedzera pahwaro hwenguva dzose idenho. Zvisinei, tinogona kubetserwa nomuenzaniso waJehovha. Bhaibheri rinozivisa kuti iye anoita zvinhu pa‘nguva dzakagadzwa.’ (Genesi 21:2; Eksodho 9:5; Ruka 21:24; VaGaratia 4:4) Kunzwisisa ukoshi hwokurava Shoko raMwari nguva dzose kunogona kutibetsera kugadza nguva nokuda kwakwo murudungwe rwedu rwezuva nezuva. (VaEfeso 5:15-17) Vakuru zvikurukuru vanofanira kutsaura nguva nokuda kwokurava Bhaibheri kwenguva dzose kuitira kuti zano ravachapa rive chaizvoizvo rakavakirwa panheyo dzeBhaibheri uye kuitira kuti mudzimu wavanoratidza ucharatidzira “kuchenjera, kunobva kumusoro.”—Jakobho 3:17; Tito 1:9.
10. Ndirini apo avo vanorava Bhaibheri zuva nezuva vanowana nguva yokurava?
10 Vakawanda vanobudirira nepurogiramu yokurava Bhaibheri kwomunhu oga vanoita kurava kwavo mangwanani-ngwanani vasati vatanga mibato yezuva. Vamwe vanowana kuti vanokwanisa zviri nani kukuita nguva dzose pane imwe nguva. Makaseti okuteerera eBhaibheri (uko anowanika) anobetsera vanofamba nguva dzose kushandisa zvakanaka nguva yokufamba, uye zvimwe Zvapupu zvinoateerera pazvinenge zvichitarisira mabasa enguva dzose apamba. Purogiramu dzakashandira zvapupu zvakasiyana-siyana muEurope, Africa, North America, South America, uye Kumabvazuva dzinoratidzwa pamapeji 20 ne 21, pasi pomusoro unoti “Nguva Yavanorirava uye Kubetserwa Kwavanoita.”
11. Kurava Bhaibheri zuva nezuva kunogona kuitwa sei kunyange kana nguva inowanika yakaganhurirwa zvikuru?
11 Chinokosha zvikurusa hausi uwandu hwenguva hunotsaurirwa kukurava kwako Bhaibheri panhambo imwe ipi neipi asi kuva kwenguva dzose kwakunoitwa nakwo. Ungakuwana kuchitusa kurava kweawa kana kuti inopfuura panguva imwe chete, uchiita kunzvera kwakawedzerwa uye kuva akanyura zvikuru mumashoko acho. Asi rudungwe rwako rwunobvumira ikoko pahwaro hwenguva dzose here? Panzvimbo pokubvumira mazuva kupfuura pasina kutongoraviwa kweBhaibheri kupi nokupi, hakusati kwaizova nani here zuva riri rose kurava kwamaminiti 15 kana kuti kunyange maminiti 5? Kuite chisarudzo chako kurava Bhaibheri zuva nezuva. Ipapo wedzera kurava ikoko nokunzvera kwakadzama apo kunobvira.
Mitoo Yakasiyana-siyana Kukurava Bhaibheri
12. Ipurogiramui yokurava Bhaibheri iyo mitezo mitsva yemhuri yeBheteri navafundi veGilead vanova nayo?
12 Pane nzira dzakawanda madziri Bhaibheri rinogona kuraviwa nadzo. Kunobetsera kurirava kubva kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa. Mitezo yose yemhuri yeBheteri yomunyika yose inobatira padzimbahwe renyika kana kuti parimwe ramapazu eSosaiti inodikanirwa kurava Bhaibheri rose mukati megore rokutanga rebasa ravo rapaBheteri. (Ikoko kunowanzobatanidza kurava maganhuro matatu kusvika kumashanu, zvichitsamira paurefu hwawo, kana kuti mapeji mana kusvika kumashanu, pazuva.) Vadzidzi paWatchtower Bible School of Gilead vanofanirawo kurava Bhaibheri kubva kubutiro kusvika kubutiro vasati vapedza kufunda. Kunokarirwa kuti ikoku kuchavabetsera kuita kuraviwa kweBhaibheri zuva nezuva rutivi rwoupenyu hwavo.
13. Inharidzanoi inokurudzirwa Zvapupu zvichangobva kubhapatidzwa?
13 Kunobetsera Zvapupu zvichangobva kubhapatidzwa kuzvigadzira zvimene nharidzano yokurava Bhaibheri rose. Muna 1975, panguva yaaigadzirira nokuda kworubhapatidzo, mumwe murume muduku muFrance akabvunzwa nomumwe mukuru kana akanga ane purogiramu chaiyo yokurava Bhaibheri. Chibviro chaipapo akarava Bhaibheri rose gore rimwe nerimwe, achiwanzoita kurava kwake mangwanani asati aenda kubasa. Nezvemigumisiro yacho, anoti: “Ndakarovedzana zviri nani zvikuru naJehovha. Ndinogona kuona nzira iyo chinhu chiri chose chaanoita inotsinhirana nayo nechinangwa chake uye kuti anoita sei kana mhinganidzo dzikamuka. Ndinoona kuti Jehovha akarurama, uye panguva imwe cheteyo akanaka muzviito zvake zvose.”
14. (a) Kuti utange purogiramu yokurava Bhaibheri kwomunhu oga iyo ichapfuurira, chii chiri madikanwa? (b) Chii chingatibetsera kurangarira marongerwe ose zvawo ezvinhu ebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri sezvatinorirava?
14 Wati warava Bhaibheri rose here? Kana usati, zvino ndiyo nguva yakanaka yokutanga. Ronga purogiramu chaiyo, uye omerera kwairi. Sarudza kuti mapeji mangani kana kuti maganhuro mangani aucharava zuva rimwe nerimwe, kana kuti ingosarudza kuti uchapedza nguva yakawanda sei uye rini. Haasati ari munhu ari wose achapedza Bhaibheri mukati megore rimwe, asi chinhu chinokosha kurava Shoko raMwari nguva dzose, uchiita kudaro zuva nezuva kana kuchitongobvira. Sezvaunorava Bhaibheri rose, ungawana kushandisa mabhuku akati enongedzero kuchibetsera mukuroverera pandangariro yako marongerwe ose zvawo amashoko acho. Kana Insight on the Scriptures ichiwanikwa mumutauro wako, ipapo usati watanga kurava bhuku rakati reBhaibheri, hwirudzura ndaza pfupi yamapfundo makuru sezvakagoverwa muInsight.a Zvikurukuru cherekedza misoro yakanyorwa nezvitema iri mundaza. Kana kuti shandisa zvakafanana pfupikiso yakakura zvikuru yakagoverwa mubhuku “All Scripture Is Inspired of God and Beneficial.”b
15. (a) Zvikarakadzoi zvapiwa papeji 16 ne 17 zvingagona kubetsera kuvandudza kurava kwako Bhaibheri? (b) Panzvimbo yokuita muitiro wokurava nhamba yakati yamapeji, inhaui inokosha yatinofanira kupa ngwariro huru zvikuru?
15 Kurava Bhaibheri kunotevedzana kunobetsera, asi usangove muraviwo zvake womuitiro. Usangorave nhamba yakati yamapeji zuva rimwe nerimwe kuitira kuti ugoti unorava Bhaibheri rose gore riri rose. Sezvinoratidzwa mubhokisi “Zvikarakadzo Zvokuvandudza Kurava Kwako Bhaibheri” (mapeji 16 ne 17), pane nzira dzakawanda dzaunogona kurava nadzo Bhaibheri ndokufarikanya. Pasinei zvapo nomutoo waunoshandisa, iva nechokwadi kuti uri kudyisa zvose zviri zviviri ndangariro yako nomwoyo wako.
Wana Mufungo Wezvaunorava
16. Neiko kuchikosha kuwana nguva yokufungisisa pane zvatinorava?
16 Pakudzidzisa vadzidzi vake, Jesu akasimbisa ukoshi hwokunzwisisa kwavo izvo akataura. Chakanga chichikosha chakanga chiri, kwete kunzwisisawo zvako kwendangariro, asi kuwana kwavo “mufungo waro nomwoyo yavo” zvokuti vaizorishandisa muupenyu hwavo. (Mateo 13:14, 15, 19, 23, NW) Chinokosha kuna Mwari ndicho icho munhu ari chaizvoizvo, uye ichi ndicho chinomirirwa nomwoyo. (1 Samueri 16:7; Zvirevo 4:23) Nokudaro, mukuwedzera kukuva nechokwadi chokuti tinonzwisisa zvinotaurwa nezvikamu zveBhaibheri, tinofanira kufungisisa pazviri, tichirangarira revo yazvo muupenyu hwedu timene.—Pisarema 48:9; 1 Timotio 4:15.
17. Tingafungisisa pane zvatinorava muMagwaro muna mamwe mativi api?
17 Edza kuziva nheyo dzinotsigira munhoroondo dzeBhaibheri kuitira kuti ugogona kushandisa idzodzi kumamiriro ezvinhu aunotarisana nawo. (Enzanisa naMateo 9:13; 19:3-6.) Sezvaunorava nokufungisisa pamusoro pamavara aJehovha anoshamisa, shandisa mukana iwoyo kusimbisa ukama hwako hwomunhu oga naye, kutanga mauri umene mufungo wakasimba wokuzvipira kwoumwari. Apo unorava mashoko ezvinangwa zvaJehovha, rangarira zvaunogona kuita kuti ushande mutsinhirano naizvozvi. Apo unorava zano rakananga, panzvimbo yokungoti kwauri umene, ‘Ndinozviziva,’ bvunza, kuti ‘Ndiri kuita zvarinotaura here?’ Kana zvakadaro, zvibvunze umene, kuti ‘Munzirai mandinogona kuriita nayo “zvizere zvikuru?”’ (1 VaTesaronika 4:1, NW) Sezvaunodzidza zvinodikanwa zvaMwari, cherekedzawo mienzaniso chaiyoiyo yeBhaibheri yaavo vakararama mutsinhirano neizvi zvinodikanwa uye avo vasina. Rangarira chikonzero nei vakaronda nzira yavakaita nechakanga chiri mugumisiro. (VaRoma 15:4; 1 VaKorinte 10:11) Apo unorava pamusoro poupenyu hwaJesu Kristu, yeuka kuti Jesu ndiye munhu uyo kwaari Jehovha akaronzesa ushe pamusoro pepasi rose; shandisa mukana wacho kusimbisa mauri umene chishuvo chenyika itsva yaMwari. Uyewo, nzvera nguva dzose nzira idzo unogona kutevedzera nadzo zvizere Mwanakomana waMwari.—1 Petro 2:21.
18. Tinogona sei kudzikamisa kurava Bhaibheri nokushandisa kwedu zvokufunda zvakagoverwa kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara”?
18 Chokwadika, kurava Bhaibheri hakufaniri kutsiva kushandisa kwako zvokufunda zvakaisvonaka izvo zvakaitwa kuti zviwanikwe kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” Izvozvowo rutivi rwegadziriro yaJehovha—inokosha zvikuru. (Mateo 24:45-47) Iva nechokwadi kuti kuraviwa kwenguva dzose kweShoko raMwari rimene kune nzvimbo yakatanhamara muupenyu hwako. Kana kuchitongobvira, “RAVA SHOKO RAMWARI BHAIBHERI DZVENE ZUVA NEZUVA.”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko kuchibetsera kurava Bhaibheri zuva riri rose?
◻ Neiko tichifanira kurava taravazve Bhaibheri?
◻ Murudungwe rwako umene, ndeipi iri nguva yakanaka yokurava Bhaibheri zuva nezuva?
◻ Sezvaunorava waravazve Bhaibheri, chii chinogona kuwedzera mhatsa kupurogiramu yako?
◻ Neiko kuchikosha zvikuru kufungisisa pane zvatinorava?
[Bhokisi riri papeji 16, 17]
Zvikarakadzo zvokuvandudza kurava kwako Bhaibheri
(1) Vanhu vakawanda vanorava mabhuku eBhaibheri munhevedzano iyo iwo anowanzodhindwa nayo, kuvambira kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa. Unogonawo kuarava munhevedzano iyo iwo akanyorwa pakuvamba. Rangarira kuti Bhaibheri muunganidzwa wamabhuku 66 akafuridzirwa, raibhurari youmwari. Nokuda kwemhatsa, ungada kurava mamwe amabhuku anotanhamarisa nhau, ipapo mamwe ayo ari ouporofita zvakasimba, achiteverwa namamwe ari tsamba dzezano, panzvimbo pokungotevera nhevedzano yepeji. Ziva awarava, uye iva nechokwadi chokurava Bhaibheri rose.
(2) Pashure pokunge warava chikamu chaMagwaro, zvibvunze umene chachinozivisa pamusoro paJehovha, chinangwa chake, nzira yake yokuita nayo zvinhu; nzira yachinofanira kutapura nayo upenyu hwako; nzira yaungachishandisa nayo kubetsera mumwe munhuwo zvake.
(3) Uchishandisa senhungamiro chati inoti “Main Events of Jesus’ Earthly Life” pasi pomusoro unoti “Jesus Christ” yakabudiswa muInsight on the Scriptures (uyewo muna “All Scripture Is Inspired of God and Beneficial”), rava nhoroondo dzinovambirana dzechikamu chimwe nechimwe dzeEvhangeri, imwe pashure peimwe. Wedzera ikoku nokunzvera zvikamu zvinowirirana mubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.
(4) Paunorava muna Mabasa Avaapostora nhoroondo youpenyu noushumiri hwomuapostora Pauro, ravawo tsamba dzinowirirana dzakafuridzirwa. Nokudaro, apo kududzwa kwamaguta akasiyana-siyana kunoitwa kana kuti nzvimbo uko Pauro akaparidza, mira ndokurava tsamba dzacho idzo akanyora gare gare kuvaKristu biyake vaiva munzvimbo idzodzo. Kunobetserawo kutevera nzendo dzake pamepu, yakadai seimwe iri papepa rokupedzisira reNew World Translation.
(5) Pamwe chete nokurava kwako Eksodho kusvikira kuna Dheuteronomio, rava tsamba kuvaHebheru kuti uwane tsananguro yeyakawanda yemitoo youporofita. Pasi pe“Law” muna Insight on the Scriptures, nzvera chati inoti “Some Features of the Law Covenant.”
(6) Pakurava mabhuku ouporofita, wana nguva yokuhwirudzura ruzivo rwapashure rwenhau muBhaibheri. Somuenzaniso, pakurava bhuku raIsaya, hwirudzura zvinotaurwa kune imwewo nzvimbo pamusoro pamadzimambo Uziya, Jotami, Ahazi, uye Hezekiya, avo vanodudzwa pana Isaya 1:1. (2 Madzimambo, maganhuro 15-20; 2 Makoronike, maganhuro 26-32) Kana kuti pakurava Hagai naZekaria, wana nguva yokuhwirudzura zvinowanwa mubhuku raEzra.
(7) Sarudza bhuku reBhaibheri, rava chikamu charo (zvichida ganhuro), ipapo ita nzvero, uchishandisa Watch Tower Publications Index kana kuti Watchtower Library yakaiswa mukomupiyuta kana ichiwanika mumutauro wako. Shandisa mashoko acho muupenyu hwako umene. Ashandise muhurukuro uye muushumiri hwomumunda. Ipapo enda kune chimwe chikamu.
(8) Kana pane chinyorwa cheWatch Tower chinogovera tsinhiro pabhuku reBhaibheri kana kuti chikamu charo, chinzvere nguva nenguva paunenge uchirava chikamu ichocho cheBhaibheri. (Somuenzaniso: paRwiyo rwaSoromoni, Nharireyomurindi, yechiNgezi yaDecember 1, 1957, mapeji 720-34; pana Ezekieri, “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How?; pana Dhanieri, “Your Will Be Done on Earth” kana kuti Our Incoming World Government—God’s Kingdom; pana Hagai naZekaria, Paradise Restored to Mankind—By Theocracy!; pana Zvakazarurwa, Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!)
(9) Sezvaunorava, nzvera dzimwe dzenongedzero. Cherekedza zvikamu 320 zvinobva muMagwaro echiHebheru zvakanokorwa mashoko zvakananga muMagwaro echiKristu echiGiriki uye mazana ezvimwe zvikamu kwazviri nongedzero dzinoitwa, pamwe chete nokushandiswa kwakapiwa. Nongedzero dzinonongedzera kukuzadzika kwouporofita hwakanyorwa muBhaibheri, kuudzame hwoupenyu nenzvimbo, uye kumifungo yakafanana ingajekesa mashoko ayo iwe zvichida unowana akaoma kunzwisisa.
(10) Uchishandisa Chinyorwa Chine Nongedzero cheNew World Translation, kana chichiwanika mumutauro wako, nzvera mashoko omuzasi nenyaya dzewedzero dzine chokuita nezvauri kurava. Idzodzi dzinoratidza hwaro hwokushandura kwakashandiswa nedzimwe nzira madziri mashoko anokosha anogona kushandurwa nadzo. Ungadawo kuenzanisa kushandurwa kwendima dzakati mushanduro yamamwe maBhaibheri.
(11) Pashure pokunge warava ganhuro rimwe nerimwe, nyora pfupikiso duku yomufungo mukuru uri muganhuro iroro. Ishandise sehwaro hwekuhwirudzura gare gare nokufungisisa.
(12) Sezvaunorava Bhaibheri, tara magwaro akasarudzwa ayo unoda zvikurukuru kuyeuka, kana kuti anyore pamakadhi uye isa iwaya paunoaona zuva riri rose. Adzidze nomusoro; fungisisa paari; ashandise. Usaedze kudzidza nomusoro akawanda zvikuru panguva imwe chete, zvichida rimwe bedzi kana kuti maviri vhiki imwe neimwe; ipapo sarudza mamwe nguva inotevera yaunorava Bhaibheri rose.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Uri kurava Bhaibheri kana kuti kuteerera kurekodhwa kwaro zuva riri rose here?