Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Havana Kurega”
KUBVIRA mumazuva aJesu Kristu navaapostora vake, vatungamiriri vorudzidziso vakashandisa mutoo upi noupi unobvira munhamburiko dzavo dzokudzivisa kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vaapostora vaka“rayirwa” varayirwazve nezviremera zvomunzvimbomo muJerusarema ku“rega kutaura nezita raJesu.” (Mabasa 5:27, 28, 40) Kunyange zvazvo zvakadaro, nhauro yeBhaibheri inotaura kuti “shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema.”—Mabasa 6:7.
Makore ane zviuru zviviri gare gare tichiri kuwana vatungamiriri vorudzidziso muIsrael avo vanopesvedzera zviremera zvomunzvimbomo kudzivisa basa ravaKristu vechokwadi munyika iyoyo. Zvichidzvinyirirwa navezvorudzidziso vanonyanyisa, muna November 1987, zviremera zvomunzvimbomo muTel Aviv, Israel, zvakarayira Zvapupu kurega kuva nemisangano yechiKristu paHoro yoUmambo yaiva muhofisi yebazu reWatch Tower Society. Murayiro wacho wakatanga kushanda muna October 1989. Mukubvuma, Zvapupu zvakasangana muzvivako zvakarendwa munharaunda yacho kwamakore matatu apo Horo yazvo yoUmambo yaidokuva isingashandiswi.
Munguvayo, nhau yacho yakaiswa kungwariro yeDare rapaMusoro reRuramisiro reIsrael. Hofisi yegweta rehurumende yakahwirudzura chibvumikiso chakapiwa neZvapupu uye yakazivisa kuti kukwirira kwazvo kwaizobudirira nemhaka yefungira mano yorudzidziso yaibatanidzwa. Nokudaro, zviremera zvomunzvimbomo zvakasiyiwa zvisina chisarudzo kunze kwokuchinja chisarudzo chavo, uye Zvapupu zvaJehovha zvakadzokera kuHoro yazvo yoUmambo nomufaro.
Basa rokuparidza zvokwadi dzeBhaibheri rakadzokera shure mukati mamakore iwayo here? Kwete zvamazvirokwazvo! Panguva yokuvharwa kweHoro yoUmambo, makanga mune ungano mbiri muTel Aviv neboka refundo yeBhaibheri rakaparadzana mutaundi rapedyo reLod. Makore matatu gare gare, apo Horo yoUmambo yakanga yavhurwazve, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvawedzera kuva ungano ina, uye boka idzva refundo yeBhaibheri rakanga richisangana paBeersheba.
Kukura muIsrael hakuna kuganhurirwa kumapoka makuru omutauro, chiArabhu nechiHebheru. Kwave kune kupinda kwavakawanda vachibva kuyaichimbova Soviet Union, naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinotaura chiRussia zvino zvakabatikana kugoverana mashoko akanaka navo. Mimwe misangano yomutauro wechiRussia iri kuitwa muungano nhatu; vanhu vanopfuura zana vakaungana misi ichangobva kupfuura iyi nokuda kwegungano rechiRussia.
Pasina kupokana, vezvorudzidziso vanofungira mano vachapfuuridzira nhimbe yavo yokurwisana nokunamata kwechokwadi. Asi vazivisi voUmambo vanopfuurira kutevedzera vaKristu vomuzana rokutanga ramakore avo, pasinei zvapo nechishoro, “havana kurega.”—Mabasa 5:42.