Ndiri Ndoga Asi Handina Kutongosiyiwa
YAKATAURWA NAADA LEWIS
Ndave ndine chimiro chendangariro chokuda kuva ndoga. Ndiriwo akatsunga zvikuru—vamwe pane dzimwe nguva vanokuidza kuti chisimbwa—muchinhu chiri chose chandinoita. Ndinozivawo, kuti kuri nyore sei kuva akasununguka pakutaura, uye iri vara rakandiparira zvinetso mumakore ose apfuura.
BVA, ndinoonga kuti Jehovha Mwari haana kundisiya nemhaka yeutera hwounhu hwangu. Kupfurikidza nokufunda Shoko rake, ndave ndichikwanisa kuchinja unhu hwangu uye nokudaro ndakabatira fariro dzake dzoUmambo kwaanenge makore 60. Chibviro chouduku, ndave ndiri mudi wamabhiza, uye betsero yaJehovha mukudzora unhu hwangu hwechisimbwa kazhinji kazhinji yakandiyeuchidza nezvenzira iyo tomu rinogona kushandiswa nayo kudzora bhiza.
Ndakaberekerwa pedyo nenyanza yebhuruu yakaisvonaka paMount Gambier muSouth Australia muna 1908. Vabereki vangu vaiva nepurazi rinochengeterwa mombe dzemukaka, uye ndakanga ndiri mwanasikana mukuru wevana vasere. Baba vedu vakafa apo tose takanga tiri vaduku zvikuru. Ikoko kwakandisiyira rakawanda zvikurusa rebasa rokutarisira purazi, sezvo hanzvadzi dzangu mbiri dzinondikurira dzaifanira kushanda kure nomusha kuti dziunzire mhuri mari. Upenyu hwapapurazi hwakanga huchirayira zvakawanda, basa rakaoma.
Kutanga Kuwana Zvokwadi yeBhaibheri
Mhuri yedu yaipinda Chechi yePresbyterian, uye takanga tiri mitezo yenguva dzose, inoshingaira. Ndakava mudzidzisi weSandesikuru uye ndairangarira zvakakomba basa rokudzidzisa vana izvo ndaidavira kuva zvakarurama mumudzimu nomutsika.
Muna 1931 sekuru vangu vakafa, uye pakati pezvinhu zvavo pakanga pane mabhuku anoverengeka akanyorwa neaichimbova purezidhendi weWatch Tower Society J. F. Rutherford. Ndakavamba kurava The Harp of God uye Creation, uye apo ndairava zvikuru, ndaikatyamadzwa zvikuru kudzidza kuti zvinhu zvakawanda izvo ndaidavira uye zvandakanga ndava ndichidzidzisa vana zvakanga zvisingatsigirwi neBhaibheri.
Chakanga chiri chishamiso kudzidza kuti mweya womunhu hausati uri usingafi, kuti vanhu vakawanda zvikurusa havasati vachizoenda kudenga apo vanofa, uye kuti hakuna kutambura kusingagumi mumwoto wehero nokuda kwavakaipa. Ndakavhiringidzikawo kuwana kuti kuchengeta sabata reSvondo revhiki nevhiki hakusati kuri chinodikanwa chavaKristu. Naizvozvo ndakatarisana nechisarudzo chakakomba: kuomerera kudzidziso dzamagamuchidzanwa dzechiKristudhomu kana kuti kuvamba kudzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri. Hakuna kunditorera nguva refu kuti ndisarudze kurega songaniro yangu yose neChechi yePresbyterian.
Zvino Ndakanga Ndava Ndoga Chaizvoizvo
Mhuri yangu, shamwari, uye vaichimbova vazivikanwi vokuchechi havana kufadzwa apo ndakazivisa vavariro yangu yokusiya chechi yacho uye kusadzidzisazve Sandesikuru. Uye apo vakaziva kuti ndakanga ndichibatanidzwa navainzi vanhu vaJudge Rutherford, ikoko kwakanyandura bedzi guhwa rakaipa. Ndakanga ndisina chaizvoizvo kurambwa, asi vakawanda zvikurusa vemhuri yangu nedzaichimbova shamwari vakanga vasingandifariri, kutaura zvishoma.
Apo ndakafunda zvikuru uye kunzvera magwaro akarongwa mumabhuku andakanga ndichirava, ndakavamba kuona zvikuru dikanwo yokuparidza pachena. Ndakadzidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvaienda paimba neimba sorutivi rwoushumiri hwazvo hwapachena. Asi panguva iyoyo kwakanga kusina Zvapupu mudunhu redu. Naizvozvo, hapana munhu akandikurudzira kana kuti kundiratidza nzira yokuparidza nayo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) Ndakanzwa ndiri ndoga zvikuru.
Kunyange zvakadaro, murayiro weBhaibheri wokuparidzira vamwe wakaramba uchirira munzeve dzangu, uye ndakasarudza kuti ndaifanira kuvamba kuparidza munzira yakati. Mushure mokunyengetera kukuru, ndakasarudza kutanga kushanyira misha yavavakidzani kungovaudza bedzi zvandakanga ndadzidza mukufunda kwangu uye kuedza kuvaratidza zvinhu izvi kubva mumaBhaibheri avo vamene. Musha wangu wokutanga wakanga uri womutarisiri wangu wekare weSandesikuru. Davidzo yake yokusafarira netsinhiro dzakashata pamusoro pokusiya kwangu chechi zvirokwazvo zvakanga zvisati zviri kutanga kunokurudzira. Asi ndakanzwa murangariro unodziya uye simba romukati rechienzi sezvandakabva pamusha wake ndokupfuurira kushanyira mimwe misha.
Kwakanga kusina chaizvoizvo chishoro chakananga, asi ndakakatyamadzwa nekusaitira hanya kwavose vevasonganiri vechechi vekare apo ndakavashanyira. Kukushamiswa nokuodzwa mwoyo kwangu, ndakatambura chishoro chakaoma zvikurusa kubva kuhanzvadzi yangu huru, kuchindiyeuchidza nezvemashoko aJesu, anoti: “Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun’una, nehama, neshamwari, . . . muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.”—Ruka 21:16, 17.
Ndakanga ndava mukwiri ane ruzivo rwokuzviwanira ndichiri muduku zvikuru, naizvozvo ndakasarudza kuti nzira yokukurumidza zvikurusa kusvika dzimba dzavanhu yaizova kutasva bhiza. Ikoku kwakandigonesa kuenda kunzvimbo dziri kure mundima yomumaruwa yaiva pedyopo. Zvisinei, mamwe masikati bhiza rangu rakagumburwa ndokudonha mumugwagwa unotsvedza, uye ndakakuvadzwa zvikuru dehenya. Kwenguva yakati, kwakanga kune kutya kwokuti ndaisazopona. Mushure mokudonha ikoko, kana migwagwa yakanga yakatota kana kuti ichitsvedza, ndaifamba nebhiza nengoro panzvimbo pokukwira bhiza.a
Kurukurirano Nesangano
Nguva yakati mushure metsaona yangu, boka ravaparidzi venguva yakazara, zvino vonzi mapiyona, rakashanyira dunhu reMount Gambier. Nokudaro, kwenguva yokutanga, ndakakwanisa kutaura zvakananga navadaviri biyangu. Vasati vaenda, vakandikurudzira kunyorera hofisi yebazu yeWatch Tower Society ndokubvunza pamusoro pokuti ndaigona kugoverana sei mubasa rokuparidza pachena munzira yakarongeka zvikuru.
Mushure mokunyorera Sosaiti, ndakagamuchira mabhuku, mabhukwana, uye kadhi rechipupuriro rakadhindwa nokuda kwokushandisa mukuzvisuma ndimene pamasuo. Ndakati inzwei ndiri pedyo zvikuru nehama nehanzvadzi dzangu dzomudzimu nemhaka yekurukurirano netsamba nehofisi yebazu. Asi apo boka ramapiyona racho rakaenda ndokutamira kutaundi rinotevera, ndakanzwa ndiri ndoga zvikuru kupfuura nakare kose.
Somugumisiro weshanyo dzangu dzokupupurira dzenguva dzose zuva rimwe nerimwe—zvikurukuru nebhiza nengoro—ndakava anosanozivikanwa mudunhu racho. Panguva imwe cheteyo, ndakakwanisa kutarisira mabasa angu epapurazi. Kusvika panguva iyoyo mhuri yangu yakanga yarega uyu muitiro ndokusaita nhamburiko yokudzongonyedza. Kwamakore mana ndakabatira muiyi nzira somuzivisi wamashoko akanaka ari oga, asina kubhapatidzwa.
Kokorodzano uye, Pakupedzisira, Rubhapatidzo
Muna April 1938, Hama Rutherford vakashanyira Australia. Chishoro chakasimba chavafundisi chakaguma nokurambidzwa kwechibvumirano nokuda kweSydney Town Hall. Zvisinei, paminiti yokupedzisira, mvumo yokushandisa Sports Grounds yakawanika. Chinjo yokumanikidzira yerongedzero chaizvoizvo yakabvumikisa kuva inobetsera, sezvo zvimwe zviuru zvakawanda zvaigona kukwana muSports Grounds huru zvikuru. Vanenge 12 000 vakauya, fariro yavakawanda sezviri pachena ichiva yakamutswa nechishoro kumisangano yedu chainyandurwa navafundisi.
Pamwe chete neshanyo yaHama Rutherford, kokorodzano yemazuva anoverengeka yakaitwawo mune mumwe musha weSydney waiva pedyo. Kwakanga kuri ikoko uko pakupedzisira ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha Mwari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Unogona here kufungidzira mufaro wandakawana pakupedzisira wokuungana namazana ehama nehanzvadzi dzaibva munyika yose yakakura yeAustralia?
Kudzokera kuMount Gambier
Pakudzokera kumusha, ndakanzwa ndiri ndoga zvikuru, bva ndakanga ndakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuita zvandaigona mubasa roUmambo. Nokukurumidza ndakarovedzana nemhuri yekwaAgnew—Hugh, mudzimai wake, uye vana vavo vana. Vaigara mutaundi reMillicent, makiromita 50 chete kubva kuMount Gambier, uye ndaifamba makiromita 50 kuenda nokudzoka nebhiza nengoro kundovaitisa fundo yeBhaibheri. Apo vakagamuchira zvokwadi, ushoma hwangu hwakaderera.
Munguva pfupi, takaumbwa kuva boka nokuda kwokupupura kwakarongwa. Ipapo, nomufaro, amai vangu vakavamba kuva nefariro ndokundikumbanira murwendo rwamakiromita 100 kuenda nokudzoka kufundo neboka rakanga richangobva kuumbwa. Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, Amai vakanga vachikurudzira nguva dzose uye vachibetsera, kunyange zvazvo akanga ari makore mashomanene vasati vabhapatidzwa. Ndakanga ndisisinazve ushoma!
Kapoka kedu kakabudisa mapiyona mana, vasikana vatatu vekwaAgnew—Crystal, Estelle, naBetty—uye ini. Gare gare, mukuvamba kwama 1950, vasikana vose vari vatatu vakapinda Watchtower Bible School of Gilead. Vakagoverwa savafundisi kuIndia neSri Lanka, uko vose vachiri kubatira nokutendeka.
Muna January 1941 mubato weZvapupu zvaJehovha wakarambidzwa muAustralia, naizvozvo takakurumidza kuita chiito. Takaisa chinhu chiri chose chataishandisa muushumiri—mabhuku, magiramufomu anotakurika, hurukuro dzeBhaibheri dzakatepwa, uye zvichingodaro—mutirangi hombe. Ipapo takaisa tirangi yacho mushedhi ndokuunza ngoro dzakazara nouswa hwezvipfuwo kuti tiifukidze.
Pasinei zvapo nechirambidzo, takapfuurira nebasa redu rokuparidza paimba neimba, asi nokungwarira, tichishandisa Bhaibheri bedzi pakutaura kuna vanasaimba. Ndaiviga magazini namabhukwana pasi pechisharo chebhiza rangu ndokuabudisa bedzi apo fariro yechokwadi mushoko roUmambo yaiwanika. Pakupedzisira, muna June 1943, chirambidzo chakabviswa, uye zvakare takakwanisa kugovera mabhuku pachena.
Migove Mitsva
Muna 1943, ndakazviita ndimene anowanika sapiyona, uye gore rakatevera ndakasiya Mount Gambier nokuda kwomumwe mugove. Kutanga, ndakakokwa kuzobatira kwenguva pfupi pahofisi yebazu reSosaiti muStrathfield. Zvichitevera izvi ndakagamuchirawo, migove mumataundi maduku ari kumaodzanyemba kweNew South Wales uye kumadokera kweVictoria. Zvisinei, mumwe wemigove yangu inotusa zvikurusa mumudzimu wakanga uri neungano huru iri muguta reMelbourne. Ndichive ndabva muungano duku yokumaruwa, ndakadzidza zvakawanda kupfurikidza nokubatira ikoko.
Mumugove wangu mudunhu reGippsland reVictoria, shamwari yangu youpiyona, Helen Crawford, neni takaitisa fundo dzeBhaibheri dzakawanda uye, munguva pfupi, takaona kuumbwa kweungano. Dunhu iroro rakanga rine ndima yomumaruwa yakakura, uye nokuda kwechokufambisa taiva nemotokari yekare, isingavimbiki. Pane dzimwe nguva taikwira, asi kakawanda taisunda. Ndaishuva sei bhiza! Padzimwe nguva, ndaigona kuti nenzira yechokwadi: “Ndingapa chinhu chipi nechipi (kunze kwoUmambo) nokuda kwebhiza!” Mumataundi akawanda eruwa iroro nhasi, kune ungano dzakasimba neHoro dzoUmambo dzakaisvonaka.
Muna 1969, ndakagamuchira mugove wokuCanberra, dzimbahwe reAustralia. Iyi yakanga iri nzvimbo inodenha yakaisvonaka yokupupurira mairi, sezvo taiwanzoona vashandi pamahofisi akawanda avamiriri vedzimwe nyika. Ndichiri kubatira kuno, asi mumakore mashomanene apfuura ndakanangidzira kupupura kwangu munharaunda inogadzirirwa zvinhu yeguta.
Muna 1973, ndakava neropafadzo yokupinda kokorodzano dzakakura muUnited States. Chimwe chinhu chinokosha choupenyu hwangu chakanga chiri kuva nhume yekokorodzano muna 1979 nokushanyira Israel neJordan. Kushanyira nzvimbo chaidzo dzinodudzwa muBhaibheri uye kurangarira pamusoro pezviitiko zvakaitika imomo zvirokwazvo chakanga chiri chiitiko chinonyandura. Ndakakwanisa kuwana kunzwa kwaunoita kufamba muDead Sea, nemvura dzaro dzine munyu dzakasvibira, uye mukati mokushanyira kwedu Petra iri muJordan, ndakava neropafadzo zvakare yokukwira bhiza. Ikoku kwakandiyeuchidza mazuva iwayo apakuvamba apo mabhiza akanga andigonesa kusvika mumaruwa akaparadzana neshoko roUmambo.
Basa Renguva Yakazara Rinopfuuridzirwa
Chishuvo changu chokupfuurira ndiri mubasa renguva yakazara pasinei zvapo noukweguru chakachengetwa chiri chipenyu kupfurikidza negadziriro chaidzo dzakadai seChikoro Chebasa Roupiyona nemisangano yamapiyona inoitwa pamwe chete nemagungano edunhu, uyewo kurudziro inopfuurira yandinogamuchira kubva kuvatariri vanofambira. Zvirokwazvo ndinogona kutaura kuti nenzira yomutsa Jehovha akava nechokwadi chokuti mazuva angu okuva ndoga akava chinhu chomunguva yakapfuura.
Zvino ndava namakore 87 okukura, uye mushure meanenge makore 60 okubatira Jehovha, ndine shoko rekurudziro nokuda kwavamwe avo vangavawo vakasununguka pakutaura uye vakazvimirira zvakasimba: Zviisei pasi penhungamiro yaJehovha nguva dzose. Jehovha ngaatibetsere kudzora kusununguka pakutaura kwedu, uye ngaatiyeuchidze nguva dzose kuti kunyange zvazvo tinganzwa tiri toga, haasati achizotongotisiya.
[Mashoko Omuzasi]
a Ngoro ndichokufambisa chakareruka, chine mavhiri maviri.