Unogona Kukurira Idzi Mhinganidzo!
NDEGE huru yejet ingatakura mazana avatakurwi uye matani ezvinhu zvinotakurwa. Ndege inorema kudaro inogona sei kusimuka? Nenzira yakapfava, kupfurikidza nesimba rinosundira mudenga.
Apo ndege yacho inovhetema ichidzika nenzira inomhanyirwa, mhepo inofamba napamusoro uye napasi pemapapiro akakombama. Ikoku kunoparira kukwira kunonzi simba rinosundira mudenga. Apo simba rinosundira mudenga rakaringana rinoitwa, ndege yacho inogona kusimuka ndokubhururuka. Chokwadika, ndege yakaremerwa zvikuru haigoni kuita simba rinosundira mudenga rakaringana kuti ive inobhururuka.
Isuwo tinogona kuva vakaremerwa zvikuru. Mazana emakore akapfuura, Mambo Dhavhidhi akataura kuti ‘zvikanganiso [zvake] zvakanga zvakafanana nomutoro unomuremera zvikuru.’ (Pisarema 38:4) Nenzira yakafanana, Jesu Kristu akanyevera nezvekuremerwa nefunganyo dzoupenyu. (Ruka 21:34) Mifungo yakaipa nemirangariro zvinogona kutiremera kusvikira kutambanuko yokuti kungaratidzika kuva kwakaoma kuti ti“bhururuke.” Wakaremerwa nenzira iyoyo here? Kana kuti wakatambura mhinganidzo kune imwe fambiro mberi yako yomudzimu here? Kana zvakadaro, chii chingava chinobetsera?
Uri Kufinhwa Here?
Kufinhwa—inyunyuto inozivikanwa nhasi—kunogona kuva mhinganidzo yendangariro, kunyange nokuda kwevamwe vevanhu vaJehovha. Vaduku zvikurukuru vane chimiro chendangariro chokufuratira mimwe mibato seinofinha. Pane dzimwe nguva unombonzwa nenzira iyoyo pamusoro pemisangano yechiKristu here? Kana zvakadaro, chii chaunogona kuita kuti uite kuti kupinda kwako misangano kukurudzire?
Kuva anobatanidzwa ndicho chinokosha. Pauro akanyorera murume muduku Timotio, kuti: “Uzvirovedze kunamata Mwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:7, 8) Bhuku pamusoro pokusimba raizova rinofinha uye roukoshi hwakaganhurirwa kudai taisazopfuurira nerovedzo dzakarumbidzwa. Misangano yechiKristu yakarongedzerwa kurovedza ndangariro dzedu uye ichaita kudaro kana tikagadzirira ndokutora rutivi. Uku kubatanidzwa kuchaita misangano ive inotusa zvikuru neinofadza.
Muna ikoku, mumwe mukadzi muduku wechiKristu anonzi Mara, akati: “Kana ndikasagadzirira misangano, handiifarikanyi. Apo ndinenge ndakafanogadzirira, zvisinei, ndangariro yangu nemwoyo zvinogamuchira zvikuru. Misangano inova ine revo zvikuru, uye ndinokarira kutsinhira.”
Kudzidza kuteerera kuchabetserawo. Kuteerera kunziyo yakanaka kuri nyore uye kunofadza pakarepo. Asi hakusati kuri kugutsikana kwose kuri kunoerekana kwaitika. Tinowana gutsikano papurogiramu yemusangano bedzi apo tinosanoteerera kune zviri kutaurwa. Mumwe muKristu anonzi Rachel akati: “Apo mukurukuri anenge asina upenyu, ndinoda kupa ngwariro zvikuru. Nhungamiro yangu ndeiyi, ‘Kana hurukuro isinganakidzi zvikuru, ndinofanira kupa ngwariro zvikuru.’ . . . Ndinopa ngwariro chaiyo kumagwaro, ndichiedza kuwana zvakawanda kwaari sezvinobvira.” Tinoda kuzviranga timene, kufanana naRachel, kuitira kuti titeerere. Bhuku raZvirevo rinoti: “Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; rerekera nzeve yako inzwe njere dzangu.”—Zvirevo 5:1.
Mamwe mashoko anopiwa pamisangano angava anoita seanodzokororwa. Ikoku kwakafanira! Vabatiri vaMwari vose vanoda zviyeuchidzo. Nyama isina kukwana, nekombamiro dzayo dzokusindimara uye kuyeuka kusina kukwana, inoda betsero yose yainogona kuwana. Muapostora Petro ‘akanga ane chimiro chendangariro chokuyeuchidza vatendi biyake nezvezvimwe zvinhu, kunyange zvazvo vaizviziva uye vakanga vakanyura zvakasimba muzvokwadi.’ (2 Petro 1:12) Jesu akatsanangurawo kuti “munyori mumwe nomumwe . . . wakafanana nomunhu, mwene weimba, unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake.” (Mateo 13:52) Nokudaro, nepo misangano yedu ichibudisa mifungo yapaMagwaro yakarovedzeka, kana kuti ‘pfuma yekare,’ nguva dzose pane ‘pfuma itsva’ yokutifadza.
Kuva akatsunga kubetserwa zvakazara nemisangano kunogona kuguma nekurudziro chaiyo yomudzimu. “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu [avo vanopemha nokuda kwemudzimu],” akadaro Jesu. (Mateo 5:3, NW mashoko omuzasi) Chimiro chendangariro chakadaro kune zvokudya zvakanaka zvomudzimu zvinogoverwa pamisangano kuchadzinga kufinhwa.—Mateo 24:45-47.
Kuodzwa Mwoyo Nomuenzaniso Wakaipa?
Wakamboshatiriswa nomufambiro womumwe munhu muungano yenyu here? Zvichida wakashamisika, kuti ‘Hama ingava sei nomufambiro wakadaro ndokuramba iri muchimiro chakanaka?’ Mifungo yakadaro inogona kushanda semhinganidzo yendangariro, ichitipofumadzira kuukoshi hweushamwari hunofadza hwatinogona kuva nahwo navanhu vaMwari.—Pisarema 133:1.
Zvichida mimwe mitezo yeungano paKorose yakanga ine chinetso chakafanana. Pauro akavarayira kuti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe.” (VaKorose 3:13) Pauro akaziva kuti vamwe vaKristu veKorose vangave vakava nomufambiro wakashata uye nokudaro vangave vakapa vamwe chikonzero chechokwadi chokunyunyuta. Naizvozvo hatifaniri kunyanyoshamisika kana imwe yehama dzedu kana kuti hanzvadzi ichiperevedza panhambo nenhambo mumamwe mavara echiKristu. Jesu akapa zano rakanaka pakugadzikisa zvinetso zvakakomba. (Mateo 5:23, 24; 18:15-17) Asi nguva yakawanda zvikurusa, tinogona kungoshivira ganhuriro dzavadaviri biyedu ndokuvakanganwira. (1 Petro 4:8) Kutaura idi, chimiro chendangariro chakadaro chinogona kuva chebetsero yedu timene uye neiyo yavamwe. Neiko ikoku kwakadaro?
“Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe,” inodaro Zvirevo 19:11. Kuri nani zvikuru sei kukanganwira pane kubvumira hasha nepfundepfunde kushatisa! Salvador, mumwe mukuru anozivikanwa nokuda kwemudzimu wake werudo, akati: “Apo hama inondibata zvakaipa kana kutaura chimwe chinhu chisiri chomutsa, ndinozvibvunza ndimene, kuti: ‘Ndinogona sei kubetsera hama yangu? Ndinogona sei kudzivisa kurasikirwa neukama hwangu hunokosha naye?’ Nguva dzose ndinoziva kuti kuri nyore sei kutaura chinhu chakaipa. Kana mumwe munhu akataura zvisina mufungo, chigadzikiso chakanaka chaizova chokuti adzime zvaataura ndokutangazve. Asi izvozvi hazvibviri, naizvozvo ndinotora nzira inotevera yakanakisisa ndokukanganwa tsinhiro yacho. Ndinongoti kwaparirwa nehasha dzenyama isina kukwana panzvimbo pokuratidzirwa kwounhu hwechokwadi hwehama yangu.”
Ungarangarira kuti ikoku kunotaurwa zviri nyore zvikuru kupfuura kuitwa. Asi zvakawanda zvine chokuita nenzira iyo tinonangidzira kufunga kwedu. “Zvose zvinodikanwa, . . . fungisisai izvozvo,” Pauro akapa zano kudaro. (VaFiripi 4:8) “Zvinodikanwa” chaizvoizvo zvinoreva “zvinoparira chidakadaka.” Jehovha anoda kuti tirangarire zviri zvakanaka muvanhu, kunangidzira ngwariro pana izvozvo zvinoparira chidakadaka panzvimbo pepfundepfunde. Iye amene anotipa muenzaniso mukuru muna ikoku. Wezvamapisarema akatiyeuchidza nezvaizvozvi, achiti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?”—Pisarema 103:12; 130:3.
Chokwadi, paimwe nhambo mufambiro wehama ungava unoodza mwoyo, asi voruzhinji zvikuru vevanamati biyedu mienzaniso yakaisvonaka yokurarama kwechiKristu. Kana tikayeuka izvozvi, kufanana naDhavhidhi tichafara ‘kurumbidza Jehovha zvikuru kwazvo uye kumunamata pakati pevanhu vakawanda.’—Pisarema 109:30.
Kuva Chapupu Kunoratidzika Kuva Kwakaoma Zvikuru Here?
Nenzira inosuruvarisa, nemhaka yeimwe mhinganidzo yendangariro, vamwe vachigere kurumbidza Jehovha. Varume vakawanda vasati vari Zvapupu zvaJehovha nenzira ine mutoro vanogovera mhuri dzavo uye kunyange kutsigira vadzimai vavo muushumiri hwechiKristu. Vane ushamwari uye vangafarira ungano, asi vanorega kuva vabatiri vakazvitsaurira vaMwari. Chii chiri kuvadzivisa?
Chinetso chimwe chingava chokuti ava varume vanocherekedza mubato wakabatikana woubati ushe hwaMwari wevadzimai vavo ndokunzwa kuti kuva Chapupu kunonyanyorayira. Kana kuti sezvingabvira vanotya kuti havangagoni kutongopinda mubasa rokuparidza rapaimba neimba. Mukurangarira kwavo, mitoro inoratidzika kuva inodzikatidza zvikomborero. Neiko mhinganidzo yendangariro yakadaro? Vadzidzi veBhaibheri vakawanda zvikurusa vanodzidza nokushandisa zvokwadi zvishoma nezvishoma. Asi varume vasingatendi vanowanzoziva zvikuru nezvemitoro yose yechiKristu vasati vaumba sundo yokuigamuchira.
Manuel, uyo akanga ari mune aya mamiriro ezvinhu, anotsanangura, kuti: “Kweanenge makore gumi, ndakakumbanira mudzimai wangu kumagungano uye kumisangano. Kuva akatendeseka, ndaida songaniro yeZvapupu pane iyo yavanhu venyika, uye ndaifara kuzvibetsera apo ndaigona. Ndakaororwa nerudo rwaitekeshera pakati pazvo. Asi pfungwa yokuenda paimba neimba yakanga iri mhinganidzo huru kwandiri, uye ndaitya kuti vashandi biyangu vaizondiseka.
“Mudzimai wangu aindishivira zvikuru uye haana kumboedza kundimanikidzira kufunda Bhaibheri. Vose vari vaviri iye navana ‘vakaparidza’ zvikurukuru kupfurikidza nomuenzaniso wavo wakanaka. José, mumwe mukuru muungano, akaratidza fariro chaiyo mandiri. Ndinofunga kuti yakanga iri kurudziro yake iyo pakupedzisira yakandiita kuti ndivambe kufunda zvakakomba. Pashure pokubhapatidzwa, ndakaziva kuti mhinganidzo dzaiva mundangariro yangu ndimene kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi. Pandakangosarudza kubatira Jehovha, ndakawana betsero yake mukukurira rutyo rwangu.”
Vadzimai navarume vakuru vechiKristu vanogona sei kubetsera varume vakafanana naManuel kukurira mhinganidzo yavo yendangariro? Fundo yeBhaibheri ingaumba nzwisiso nechishuvo chokuita kuda kwaMwari. Zvirokwazvo, zivo yaMagwaro yakafara ndiyo hwaro hwokutenda nokuva nechivimbo mutariro iri mberi.—VaRoma 15:13.
Chii chichakurudzira varume vakadaro kugamuchira fundo yeBhaibheri? Kazhinji kazhinji, ushamwari nehama inonzwisisa iri muungano zvinogona kuva chitemeso. Zvichida mukuru kana kuti imwe hama ine ruzivo rwokuzviwanira ingagona kusvika pakuziva murume wacho. Ukama hwakanaka hwangotangwa, chaangada bedzi kuti mumwe munhu azvipire kufunda naye. (1 VaKorinte 9:19-23) Munguvayo, mudzimai wechiKristu akangwara anogona kugoverana zvimedu zvezvokudya zvomudzimu nomurume wake asingatendi, achiziva kuti sezvinobvira haasati achizodavidza kudzvinyiriro.—Zvirevo 19:14.
Sezvakadzidza Manuel kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira, munhu angowana simba romudzimu, mhinganidzo dzakaita samakomo dzinova dzakafanana zvikuru nemirwi yevhu. Jehovha anopa simba avo vanoshuva kumubatira. (Isaya 40:29-31) Musimba raMwari uye netsigiro yeZvapupu zvakakura mumudzimu, mhinganidzo dzingabviswa. Basa rapaimba neimba nokudaro rinogona kuva rinotyisa zvishoma uye vashandi pamwe vanotyisidzira zvishoma, nepo basa romweya wose rinova rinokwezva zvikuru.—Isaya 51:12; VaRoma 10:10.
Kuchengeta Simba
Kunobvira kukurira mhinganidzo dzakadai senhatu dzatarangarira. Apo ndege inosimuka, simba reinjini rakawanda zvikurusa rinowanzodikanwa pamwe chete nengwariro isina kutsauka yeboka ravachairi. Pakusimuka, injini dzinoshandisa mafuta akawanda zvikuru kupfuura rumwe rutivi rwupi nerwupi rwokubhururuka. Nenzira yakafanana, kusununguka pamifungo yakaipa nemirangariro kunoda simba guru nengwariro. Kutanga kungava nhambo yakaoma zvikurusa, nepo fambiro mberi inova nyore kana simba rangowanwa.—Enzanisa na 2 Petro 1:10.
Fambiro mberi inopfuurira inochengetwa kupfurikidza nokuteerera nokukurumidza kurudziro yapaMagwaro. (Pisarema 119:60) Tinogona kuva nechokwadi chokuti ungano ichada kubetsera. (VaGaratia 6:2) Chinokosha zvikurusa kupfuura zvose, zvisinei, itsigiro yaJehovha Mwari. Sezvakataura Dhavhidhi, “ishe ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe.” (Pisarema 68:19) Apo tinozvirerutsira timene mumunyengetero, mutoro wedu unova wakareruka zvikuru.
Padzimwe nguva, ndege inosimuka kunze kuchida kunaya, yopfuura nomumakore, ndokubhururuka mudenga rine zuva rakajeka. Isuwo tinogona kusiya shure mifungo yakaipa. Nebetsero youmwari, tinogona kupfuura nomumakore, sokunge zvakadaro, ndokuzambira mumhoteredzo yakajeka, inofadza yemhuri yavanamati vaJehovha vomunyika yose.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Nebetsero yaJehovha, tinogona kukurira mhinganidzo yendangariro