Jehovha—Mwari Anodzidzisa
“Vachadzidziswa vose naMwari.”—JOHANE 6:45.
1. Jesu zvino ari kuitei muKapernaume?
JESU KRISTU nguva pfupi yapfuura akanga aita zvishamiso uye zvino anoonekwa achidzidzisa musinagoge riri muKapernaume, pedyo neGungwa reGarirea. (Johane 6:1-21, 59) Vakawanda vanoratidza kusadavira apo anoti: “[Ndaka]buruka kudenga.” Vanonyunyuta, vachiti: “Uyu haazi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kudenga?” (Johane 6:38, 42) Achivatsiura, Jesu anozivisa, kuti: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”—Johane 6:44.
2. Hwaroi huripo hwokudavira chipikirwa chaJesu pamusoro porumuko?
2 Chipikirwa chinoshamisa zvakadini—kumutswa muzuva rokupedzisira, apo Umambo hwaMwari hunotonga! Tinogona kudavira ichi chipikirwa nemhaka yokuti chinotsigirwa naBaba, Jehovha Mwari. (Jobho 14:13-15; Isaya 26:19) Zvirokwazvo, Jehovha, uyo anodzidzisa kuti vakafa vachamuka, ndiye “mudzidzisi mukurusa wavose.” (Jobho 36:22, Today’s English Version) Achinangidzira ngwariro pakudzidzisa kwaBaba, Jesu anotevera kuti: “Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari.”—Johane 6:45.
3. Mibvunzoi yaticharangarira?
3 Zvirokwazvo, yaizova ropafadzo kuva pakati paavo nezvavo muporofita Isaya akanyora, kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13) Tinogona here? Ndivanaani vave vakafanana navana kwaari uye vakagamuchira dzidziso dzake? Idzidziso dzipi dzinokosha dzaJehovha idzo tinofanira kuziva ndokushandira padziri kuti tigamuchire chikomborero chake? Jehovha akadzidzisa sei munguva yakapfuura, uye anodzidzisa nenzira imwe cheteyo here nhasi? Iyi mibvunzo yaticharangarira.
Baba, Mudzidzisi, Murume
4. Ndivanaani vakanga vari vokutanga vevana vaJehovha kugamuchira kudzidzisa kwake?
4 Jehovha kutanga akava zvose zviri zviviri Baba noMudzidzisi apo akasika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu asati ava munhu. Iyeyu anodanwa kuti “Shoko” nemhaka yokuti ndiye Mutauriri Mukuru waJehovha. (Johane 1:1, 14; 3:16) Shoko akabata “naye, [Baba se]mhizha,” uye akadzidza zvakanaka mukudzidzisa kwaBaba vake. (Zvirevo 8:22, 30) Kutaura idi, akava Mumiriri, kana kuti chishandiso, kupfurikidza naye Baba vakasika zvimwe zvinhu zvose, kubatanidza “vanakomana vaMwari” vomudzimu. Vanofanira kuve vakafara sei kudzidziswa naMwari! (Jobho 1:6; 2:1; 38:7; VaKorose 1:15-17) Gare gare, munhu wokutanga, Adhama, akasikwa. Iyewo akanga ari “mwanakomana waMwari,” uye Bhaibheri rinozivisa kuti Jehovha akamurayiridza.—Ruka 3:38; Genesi 2:7, 16, 17.
5. Iropafadzoi inokosha yakaraswa naAdhama, bva Jehovha akadzidzisa ani, uye nemhaka yei?
5 Nenzira inosuruvarisa, Adhama, nokusateerera kwake kwoune, akarasikirwa neropafadzo yokupfuurira kuva mwanakomana waMwari. Vazukuru vake, naizvozvo, vaisagona kutaura ukama hwokuva vanakomana vaMwari pahwaro bedzi hwokuberekwa. Bva, Jehovha akadzidzisa vanhu vasina kukwana vaitarira kwaari nokuda kwenhungamiro. Noa, somuenzaniso, akabvumikisa kuva “munhu wakarurama” uyo “wakafamba naMwari,” naizvozvo Jehovha akarayiridza Noa. (Genesi 6:9, 13–Ge 6:13 kusvika ku 7:5) Kupfurikidza nokuteerera kwake, Abrahama akazvibvumikisa amene kuva “hama yaMwari,” uye naizvozvo iyewo akadzidziswa naJehovha.—Jakobho 2:23; Genesi 12:1-4; 15:1-8; 22:1, 2.
6. Ndiani uyo Jehovha akasvika pakurangarira se“mwana,” wake uye akanga ari rudzii rwomudzidzisi kwavari?
6 Nguva huru gare gare, muzuva raMosesi, Jehovha akapinda muukama hwesungano norudzi rwaIsraeri. Somugumisiro, rudzi irworwo rwakava vanhu vake vakasarudzwa uye rwairangarirwa so“mwanakomana” wake. Mwari akati: “Israeri, mwanakomana wangu.” (Eksodho 4:22, 23; 19:3-6; Dheuteronomio 14:1, 2) Kwakavakirwa paukama hwesungano iyoyo, vaIsraeri vaigona kuti, sezvakanyorwa nomuporofita Isaya: “Imi Jehovha muri Baba vedu.” (Isaya 63:16) Jehovha akatora mutoro wake woubaba ndokudzidzisa vana vake norudo, Israeri. (Pisarema 71:17; Isaya 48:17, 18) Kutaura idi, apo vakava vasina kutendeka, akateterera navo nenzira yengoni, achiti: “Dzokai imi vana vokudzokera shure.”—Jeremia 3:14.
7. Israeri aiva noukamai naJehovha?
7 Somugumisiro weukama hwesungano naIsraeri, Jehovha nenzira yokufananidzira akavawo Murume werudzi rwacho, uye rwakava mudzimai wake wokufananidzira. Nezvake muporofita Isaya akanyora, kuti: “Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake.” (Isaya 54:5; Jeremia 31:32) Kunyange zvazvo Jehovha nenzira inokudzwa akaita basa rake soMurume, rudzi rwaIsraeri rwakava mudzimai asina kutendeka. “Mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera,” Jehovha akadaro, “saizvozvo imi makandinyengera, imi imba yaIsraeri.” (Jeremia 3:20) Jehovha akaramba achiteterera kuvanakomana vomudzimai wake asina kutenda; akapfuurira kuva “Murayiridzi [wavo] Mukuru.”—Isaya 30:20, NW; 2 Makoronike 36:15.
8. Kunyange zvazvo Israeri serudzi akarambwa naJehovha, mudzimai upi womuenzanisiro wokufananidzira waachinaye?
8 Apo Israeri akaramba uye akauraya Mwanakomana Wake, Jesu Kristu, Mwari pakupedzisira akamuramba. Naizvozvo rudzi irworwo rwechiJudha rwakanga rwusati rwuchirizve mudzimai wokufananidzira kwaari, uyewo akanga asati achiri Baba noMudzidzisi wevanakomana vake vakarasika. (Mateo 23:37, 38) Zvisinei, Israeri akanga ari bedzi mudzimai, wokuenzanisira, kana kuti wokufananidzira. Muapostora Pauro akanokora Isaya 54:1, iyo inotaura nezve“[mukadzi] usina kubereka” uyo akasiyana neakaparadzana ne“mukadzi wakawanikwa,” rudzi rwaIsraeri wokunyama. Pauro anozivisa kuti vaKristu vakazodzwa vana ve“usingabereki” uyo anodana kuti “Jerusarema riri kumusoro.” Uyu mukadzi womuenzanisiro wokufananidzira anoumbwa nesangano raMwari rokudenga rezvisikwa zvomudzimu.—VaGaratia 4:26, 27.
9. (a) Jesu akanga achinongedzera kuna ani paakataura nezve‘vanakomana venyu vachidzidziswa naJehovha’? (b) Vanhu vanova vanakomana vomudzimu vaMwari pahwaroi?
9 Nokudaro, musinagoge yemuKapernaume, apo Jesu akanokora mashoko ouporofita hwaIsaya, kuti “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha,” akanga achitaura pamusoro peavo vaizova “vanakomana” ve“Jerusarema riri kumusoro,” sangano raMwari rokudenga rakafanana nomudzimai. Kupfurikidza nokugamuchira dzidziso dzomumiriri waMwari akabva kudenga, Jesu Kristu, vateereri ivavo vechiJudha vaigona kuva vanakomana veaichimbova mukadzi wokudenga akanga asingabereki waMwari ndokuumba “rudzi rutsvene,” “Israeri waMwari” womudzimu. (1 Petro 2:9, 10; VaGaratia 6:16) Achirondedzera mukana mukuru uyo Jesu akaita kuti uwanike wokuva vanakomana vomudzimu vaMwari, muapostora Johane akanyora, kuti: “Wakauya kune zvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake.”—Johane 1:11, 12.
Dzidziso Dzinokosha dzaJehovha
10. Nokukurumidza pashure porupanduko muEdheni, Jehovha akadzidzisei pamusoro pe“mbeu,” uye iyi Mbeu yakabvumikisa kuva ani?
10 Jehovha, saBaba vane rudo, anozivisa vana vake nezvezvinangwa zvake. Nokudaro, apo ngirozi inopandukira yakapesvedzera vanhu vaviri vokutanga kusateerera, Jehovha nokukurumidza akapa chiziviso chezvaaizoita kuti azadzike chinangwa chake chokuita pasi paradhiso. Akataura kuti aizoisa ruvengo pakati pe“nyoka yekare,” ari Satani Dhiyabhorosi, “nomukadzi.” Ipapo akatsanangura kuti “mbeu” yomukadzi yaizokuvadza Satani zvinouraya, mu“musoro.” (Genesi 3:1-6, 15, NW; Zvakazarurwa 12:9; 20:9, 10) Sezvatacherekedza, mukadzi—anoziviswa gare gare se“Jerusarema riri kumusoro”—isangano raMwari rokudenga rezvisikwa zvomudzimu. Asi “mbeu” yake ndiani? Ndiye Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akatumwa kubva kudenga uye uyo pakupedzisira achaparadza Satani.—VaGaratia 4:4; VaHebheru 2:14; 1 Johane 3:8.
11, 12. Jehovha akatsanangura sei muudzame kudzidzisa kwake kunokosha pamusoro pe“mbeu”?
11 Jehovha akatsanangura muudzame uku kudzidzisa kunokosha pamusoro pe“mbeu” apo akavimbisa Abrahama, kuti: “Ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga . . . Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:17, 18) Jehovha akashandisa muapostora Pauro kutsanangura kuti Jesu Kristu ndiye Mbeu yakapikirwa yaAbrahama asiwo kuti vamwe vaizova rutivi rwe“mbeu.” “Kana muri vaKristu,” Pauro akanyora kudaro, “muri vana vaAbrahama, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.”—VaGaratia 3:16, 29.
12 Jehovha akazivisawo kuti Kristu, Mbeu, aizobva mumutsara woumambo waJudha uye kuti kwaari “ndudzi dzose dzavanhu dzichamu[te]erera iye.” (Genesi 49:10) Pamusoro paMambo Dhavhidhi wedzinza raJudha, Jehovha akapikira, kuti: “Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga. Vana vake vachavapo nokusingaperi, chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.” (Pisarema 89:3, 4, 29, 36) Apo ngirozi Gabrieri yakazivisa kuberekwa kwaJesu, yakatsanangura kuti mwana akanga ari Mutongi akagadzwa waMwari, Mbeu yaDhavhidhi. “Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro,” Gabrieri akadaro, “Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. . . . noushe hwake haungavi nomugumo.”—Ruka 1:32, 33; Isaya 9:6, 7; Dhanieri 7:13, 14.
13. Kuti tigamuchire chikomborero chaJehovha, tinofanira kudavidza sei kukudzidzisa kwake?
13 Kuti tigamuchire chikomborero chaJehovha, tinofanira kuziva ndokushandisa iyi dzidziso inokosha pamusoro poUmambo hwaMwari. Tinofanira kudavira kuti Jesu akaburuka kubva kudenga, kuti ndiye Mambo akagadzwa waMwari—Mbeu youmambo achatarisira kudzorerwa kweParadhiso pasi pano—uye kuti achamutsa vakafa. (Ruka 23:42, 43; Johane 18:33-37) MuKapernaume apo Jesu akataura pamusoro pokumutsa vakafa, kunofanira kuve kwakajeka kuvaJudha kuti akataura zvokwadi. Chokwadika, vhiki shomanene bedzi nguva iyi isati yasvika, zvimwe imomo chaimo muKapernaume, akanga amutsa mwanasikana ane makore 12 okukura wemukuru-mukuru anotungamirira wesinagoge! (Ruka 8:49-56) Zvirokwazvo isuwo tine chikonzero chiri chose chokudavira ndokuita mukuwirirana nedzidziso yaJehovha inopa tariro pamusoro poUmambo hwake!
14, 15. (a) Umambo hwaJehovha hunokosha sei kuna Jesu? (b) Chii chatinofanira kunzwisisa ndokukwanisa kutsanangura pamusoro poUmambo hwaJehovha?
14 Jesu akatsaurira upenyu hwake hwapasi kukudzidzisa pamusoro poUmambo hwaJehovha. Akahuita musoro weushumiri hwake, uye akatorayiridza vateveri vake kuhunyengeterera. (Mateo 6:9, 10; Ruka 4:43) VaJudha vokunyama vakanga vari mumutsara wokuva “vanakomana voushe,” asi nemhaka yokushayiwa kutenda, vakawanda zvikurusa vavo vakakundikana kuwana ropafadzo iyoyo. (Mateo 8:12; 21:43) Jesu akazivisa kuti “kapoka kaduku” bedzi kanogamuchira ropafadzo yokuva “vanakomana voushe.” Ava “vanakomana” vanova “vadyi venhaka pamwe chete naKristu” muUmambo hwake hwokudenga.—Ruka 12:32; Mateo 13:38; VaRoma 8:14-17; Jakobho 2:5.
15 Kristu achaenda kudenga navadyi nhaka voumambo vangani kuti vatonge naye pamusoro papasi? Vane 144 000 bedzi, mukuwirirana neBhaibheri. (Johane 14:2, 3; 2 Timotio 2:12; Zvakazarurwa 5:10; 14:1-3; 20:4) Asi Jesu akati akanga ane “mamwe makwai,” ayo achava vadzorwi vapasi vokutonga kwoUmambo ihwohwo. Ivava vachafarikanya utano hwakakwana norugare nokusingaperi paparadhiso yapasi. (Johane 10:16; Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Tinofanira kunzwisisa ndokukwanisa kutsanangura kudzidzisa kwaJehovha pamusoro poUmambo.
16. Idzidzisoi inokosha yaJehovha yatinofanira kudzidza ndokushandisa?
16 Muapostora Pauro akazivisa imwe dzidziso inokosha yaJehovha. Akati: “Imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane.” (1 VaTesaronika 4:9) Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kuratidzira rudo rwakadaro. “Mwari rudo,” Bhaibheri rinodaro, uye tinofanira kutevedzera muenzaniso wake wokuratidzira rudo. (1 Johane 4:8; VaEfeso 5:1, 2) Nenzira inosuruvarisa, vanhu vakawanda zvikurusa vakakundikana zvinonzwisa urombo kudzidza kuda vanhu biyavo sezvatinodzidziswa naMwari kuita. Zvakadiniko nesu? Takabvuma here uku kudzidzisa kwaJehovha?
17. Chimiro chendangariro chaani chatinofanira kutevedzera?
17 Kunokosha kuti tive vanogamuchira dzidziso dzose dzaJehovha. Chimiro chedu chendangariro ngachive chewezvamapisarema wemuBhaibheri uyo akanyora, kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise.” “Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere . . . Mundidzidzise zvamakatonga.” (Pisarema 25:4, 5; 119:12, 66, 108) Kana mifungo yako iri mimwe cheteyo seiyo yowezvamapisarema, unogona kuva pakati peboka guru ravanodzidziswa naJehovha.
Boka Guru Ravakadzidziswa
18. Muporofita Isaya akafanotaura kuti chii chaizoitika munguva yedu?
18 Muporofita Isaya akafanotaura chaizoitika munguva yedu: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, . . . Vanhu vazhinji vachaenda ikoko vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJokobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) (Isaya 2:2, 3; Mika 4:2) Ndivanaani vanhu ava vanodzidziswa naJehovha?
19. Ndivanaani nhasi vanobatanidzwa pakati peavo vakadzidziswa naJehovha?
19 Vanobatanidza vamwe kunze kweavo vachatonga mudenga naKristu. Sezvataurwa pakuvamba, Jesu akati aiva ne“mamwe makwai”—vadzorwi vapasi voUmambo—mukuwedzera ku“kapoka kaduku” kavadyi nhaka voUmambo. (Johane 10:16; Ruka 12:32) “Vazhinji-zhinji,” vanopukunyuka “kutambudzika kukuru,” ndeveboka ramamwe makwai, uye vanofarikanya kumira kwakatenderwa pamberi paJehovha pahwaro hwokutenda kwavo muropa raJesu rakadeurwa. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Kunyange zvazvo mamwe makwai asingabatanidzwi zvakananga pakati pe“vana” vakataurwa nezvavo pana Isaya 54:13, vanokomborerwa nokudzidziswa naJehovha. Naizvozvo, nenzira yakakodzera vanodana Mwari sa“Baba” nemhaka yokuti iye, chaizvoizvo, achava Baba wavo mukuru kupfurikidza na“Baba vokusingaperi,” Jesu Kristu.—Mateo 6:9; Isaya 9:6.
Nzira Iyo Jehovha Anodzidzisa Nayo
20. Jehovha anodzidzisa munzirai?
20 Jehovha anodzidzisa munzira dzakawanda. Somuenzaniso, anoita kudaro kupfurikidza namabasa ake echisiko, ayo anopupurira zvose zviri zviviri kuvapo kwake nouchenjeri hwake hukuru. (Jobho 12:7-9; Pisarema 19:1, 2; VaRoma 1:20) Mukuwedzera, anodzidzisa nokukurukura zvakananga, sezvaakaita mukurayiridza Jesu asati ava munhu. Nenzira yakafanana, panhambo nhatu dzakanyorwa, akataura zvakananga kubva kudenga kuvanhu pasi pano.—Mateo 3:17; 17:5; Johane 12:28.
21. Ingirozi ipi iyo Jehovha akashandisa zvikurukuru somumiriri wake, asi tinoziva sei kuti dzimwewo dzakashandiswa?
21 Jehovha anoshandisawo vamiriri vengirozi kudzidzisa, kubatanidza Dangwe rake, “Shoko.” (Johane 1:1-3) Kunyange zvazvo Jehovha aigona kuve akataura zvakananga kumwanakomana wake akakwana, Adhama, mubindu reEdheni, sezvingabvira akashandisa Jesu asati ava munhu kuMutaurira. (Genesi 2:16, 17) Iyeyu sezvinobvira aiva “mutumwa waMwari, wakanga akatungamirira hondo yavaIsraeri,” uye uyo nezvake Jehovha akarayira kuti: “Muteerere inzwi rake.” (Eksodho 14:19; 23:20, 21) Pasina kupokana Jesu asati ava munhu akanga ariwo “mukuru wehondo yaJehovha” uyo akaoneka kuna Joshua kuti amusimbise. (Joshua 5:14, 15) Jehovha anoshandisawo dzimwe ngirozi kugovera dzidziso dzake, dzakadai seidzo dzaakashandisa kupa Mutemo wake kuna Mosesi.—Eksodho 20:1; VaGaratia 3:19; VaHebheru 2:2, 3.
22. (a) Jehovha akashandisa vanaani pasi pano kudzidzisa? (b) Ndoupi uri mutoo mukuru uyo kupfurikidza nawo Jehovha anorayiridza vanhu nhasi?
22 Mukuwedzera, Jehovha Mwari anoshandisa vamiriri vavanhu kudzidzisa. Vabereki muna Israeri vaifanira kudzidzisa vana vavo; vaporofita, vaprista, machinda, uye vaRevhi vakadzidzisa Mutemo waJehovha kurudzi. (Dheuteronomio 11:18-21; 1 Samueri 12:20-25; 2 Makoronike 17:7-9) Jesu akanga ari Mutauriri mukuru waMwari pasi pano. (VaHebheru 1:1, 2) Jesu aiwanzotaura kuti zvaaidzidzisa zvakanga zviri izvo chaizvo zvaakadzidza kuna Baba, naizvozvo vateereri vake vakanga, chaizvoizvo, vari kudzidziswa naJehovha. (Johane 7:16; 8:28; 12:49; 14:9, 10) Jehovha akaita kuti kutaura kwake kunyorwe, uye muzuva redu anodzidzisa vanhu zvikurukuru kupfurikidza neaya Magwaro akafuridzirwa.—VaRoma 15:4; 2 Timotio 3:16.
23. Mibvunzoi icharangarirwa munyaya inotevera?
23 Tiri kurarama munguva dzinokosha, sezvo Magwaro achipikira kuti ‘murutivi rwamazuva okupedzisira [rwatiri kurarama marwuri] vanhu vakawanda vacharayiridzwa pamusoro penzira dzaJehovha.’ (Isaya 2:2, 3) Uyu murayiridzo unogoverwa sei? Chii chatinofanira kuita kuti tibetserwe, pamwe chete nokugoverana, mupurogiramu huru yokudzidzisa yaJehovha iri kufambira mberi zvino? Ticharangarira mibvunzo yakadaro munyaya inotevera.
Waizopindura Sei?
◻ Jehovha akava sei Baba, Mudzidzisi, uye Murume?
◻ Jehovha anodzidzisei pamusoro pe“mbeu”?
◻ Kudzidzisai kunokosha kunoitwa naMwari kwatinofanira kuchengeta?
◻ Jehovha anodzidzisa sei?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kumutsa mwanasikana waJairosi kwakagovera hwaro hwokudavira chipikirwa chaJesu chorumuko