Makore Ane Zana Okukura Uye Ndichakasimba
YAKATAURWA NARALPH MITCHELL
Baba vangu, murume wourefu hwapakati napakati, vakanga vari muparidzi weMethodist. Vakatamiswa kubva kune imwe chechi kuenda kune imwe chechi makore maviri kana kuti matatu ari ose munhevedzano zvikurukuru yamataundi maduku, kubatanidza Asheville, North Carolina, U.S.A., uko ndakaberekerwa muna February 1895. Naizvozvo ndakakura ndakarovedzana zvikuru nechiKristudhomu.
NDINOYEUKA ndichitungamirirwa sekakomana ku“bhenji ravachemi” pamusangano une vaparidzi vane mirangariro yakakwirira zvikuru kuti vazadzwe nomudzimu mutsvene—kuti va“wane rudzidziso,” sokudana kwavaizviita. Ndakaudzwa kureurura zvivi zvangu, kuchengeta Mitemo Gumi, uye kuva akanaka. Nokudaro ndaizoenda kudenga pandaizofa. ‘Eya,’ ndakadaro kwandiri ndimene, ‘Ndinofunga ndichaenda kuhero nemhaka yokuti handigoni kuva akanaka zvakakwana nokuda kwokudenga.’ Ndakafunga kuti vakuru bedzi—zvikurukuru vaparidzi—ndivo vairarama maererano nemipimo yeBhaibheri.
Asi kunyange ndisati ndasvitsa makore okuyaruka, ndakavamba kucherekedza unyengeri murudzidziso. Somuenzaniso, baba vangu vaishandisa zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yavo kuti vagovere chete mari yabhishopi nechikamu chikuru chemari pamusangano wavose. Vaikarira kuti ikoku kwaizovaita kuti vagadzwe kuchechi huru zvikuru. Ndinoyeuka mumwe muparidzi womunzvimbomo uyo akanga ariwo murimi wedonje. Akanga achidisa kuwana nzvimbo yakatanhamara, naizvozvo akatengesa zana ramabhero edonje ndokuenda kumusangano nehomwe izere nemari. Apo kwakaratidzika kuti vakanga vawana mari yose yavaigona kubva muvateereri—vaiumbwa zvikurukuru navaparidzi—uyu murimi wedonje aiva muparidzi akasvetuka ndokushamarara achiti: “Iyi ndiyo yose yamuri kupa bhishopi wenyu here? Muparidzi ari wose uyo anouya nemadhora mashanu, ndichaapamhidzira kuti ave madhora gumi!” Chinopfuura chiuru chamadhora chakaunganidzwa, uye bhishopi akagadza uyu murume kuti ave mukuru anotungamirira kupfuura baba vangu. Ndaisagona kudavira kuti kugadzwa kwakadaro kwakabva kuna Mwari. Kubvira panguva iyeyo ndakava anopanikira pamusoro pechinhu chipi nechipi chaiva nechokuita norudzidziso.
Ndakapinzwa muuto apo United States yakava inobatanidzwa muhondo yenyika yokutanga. Ndinosanoyeuka ndichinzwa vatungamiriri vorudzidziso vamauto vachitiparidzira isu varwi pamusoro pokurwira nyika yedu nokuvimbika, uye ikoku kwakawedzera bedzi kusafarira kwangu rudzidziso. Nharidzano dzangu dzakanga dziri kupukunyuka, kupedza dzidzo yangu, uye ipapo kuroora. Rudzidziso rwakanga rusina nzvimbo muzvirongwa zvangu zvenguva yemberi.
Kuchinja Kwechimiro Chendangariro
Muna 1922, ndakadanana nomumwe mukadzi muduku ainzi Louise. Pakupedzisira kwakabvumikisa kuti, akanga ari muKaturike akazvipira, uye apo takasarudza kuroorana, aida muchato wechiKaturike. Eya, ndakanga ndisingadi mutambo worudzidziso worudzi rwupi norwupi, nokudaro akabvuma kuti taizochatira pachivako chemenisiparati muNew York City.
Pakutanga hatina kuva nekakavadzano dzorudzidziso. Ndakangoita kuti kujeke kwaari kuti ndakanga ndisina chivimbo norudzidziso uye kuti taizogarisana zvakanaka chero bedzi paisava nokududzwa kwarwo. Ipapo, pakati pamakore 1924 ne1937, vana vakaberekwa—mumwe pashure pomumwe, kusvikira tava navakomana vashanu navanasikana vashanu! Louise aida kuti vana vedu vapinde chikoro cheKaturike. Ndakanga ndisingadi kuti vave norudzi rwupi norwupi rwerovedzo yorudzidziso, naizvozvo takaitirana nharo pamusoro paikoko.
Mukuvamba kwa1939 chimwe chinhu chakaitika icho chaizochinja murangariro wangu zvachose parudzidziso. Henry Webber naHarry Piatt, vaviri veZvapupu zvaJehovha, vakauya kumusha wangu muRoselle, New Jersey. Nokukurumidza kwakava kwakajeka kuti vakanga vachida kutaura pamusoro penhau imwe yandakanga ndisingafariri kukurukura—rudzidziso. Kutenda kwangu kwakanga kuchakashatiswa neidi rokuti vatungamiriri vamauto vorudzidziso vaiva muuto vakati, ‘Rwirai nyika yenyu,’ nepo vezvorudzidziso shure kumusha vaiti, ‘Usauraya.’ Unyengeri hwakadini! Ndakafunga kuti ndaizoruramisa izvi Zvapupu zviviri. “Regai ndikuudzei chimwe chinhu,” ndakadaro kwavari. “Kana rudzidziso rwenyu rwuri rwechokwadi, ipapo mamwe ose ndeenhema. Uye kana rumwe bedzi rwamamwe rwuri rwechokwadi, ipapo mamwe ose asara, kubatanidza rwenyu, ndeenhema. Kunogona bedzi kuva norudzidziso rwechokwadi rumwe chete.” Zvikuru kukushamisika kwangu, vakabvumirana neni!
Tevere, vakandikumbira kutora Bhaibheri rangu uye kurizarura pana 1 VaKorinte 1:10. Ipapo ndakarava, kuti: “Zvino ndinokukumbirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, uye kuti pasave nokukamukana pakati penyu; asi kuti mubatanidzwe zvakakwana mundangariro imwe chete uye mukutonga kumwe chete.” (King James Version) Ndakashamiswa nourwu rugwaro. Panguva imwe cheteyo, ndakatya kuti ava varume vaviri vakanga vachiedza kundibatanidza murudzi rwakati rwechitendero. Bva ndakanga ndadzidza chimwe chinhu—chokuti hapafaniri kuva nokukamukana pakati pavaKristu. Ndakanga ndine mimwe mibvunzo yakawanda mundangariro yangu. Somuenzaniso, Chii chinoitika kumweya parufu? Ndaizoda sei kukurukura mubvunzo iwoyo navo! Asi, ndakafunga, ikoko kwaizovamba kakavadzano huru zvikuru yorudzidziso mumusha.
Ipapo mumwe wavarume vaviri akati: “Tingada kudzokazve ndokutaura newe zvakare vhiki inotevera.” Ndakaedza kuvadzivisa nenzira yokungwarira, asi mudzimai wangu akataura zvinonzwika. “Ralph,” akadaro, “vanoda kuziva pavanogona kudzoka.” Ikoku kwakandishamisa, sezvo akanga ari muKaturike anodisa! Zvisinei, ndakafunga, kuti ‘Zvimwe tingawana mapfundo okubvumirana panhau yorudzidziso pashure pokurangarira zvose.’ Naizvozvo ndakabvuma kuti Henry Webber naHarry Piatt vandishanyirezve Chishanu chaitevera.
Nokudaro kwakadaro kuti ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kusati kwapera nguva yakareba pashure paikoku, ndakakokwa kuti ndipinde kokorodzano paMadison Square Garden muNew York City. Ndinoyeuka zvakajeka hurukuro yaJoseph F. Rutherford “Hurumende Norugare,” yakapiwa pana June 25, 1939. Ndakanga ndiri mumwe wavanhu 18 000 vakanga varipo. Chaizvoizvo, 75 000 vakanzwa hurukuro yacho, apo unobatanidza avo vakanga vakabatanidzwa nezvinobatanidza nyika yose zvichishandisa tambo dzeredhiyo nenhare.
Zvinhu hazvina kufamba zviri nyore zvisinei. Vateveri vomuprista weKaturike Charles Coughlin vakanga vatyisidzira kuparadza gungano racho, uye sezvaikarirwa, panenge pakati pehurukuro yaHama Rutherford, mazana avanhu vakashatirwa akavamba kutyisidzira uye kudanidzira mashoko akadai sokuti, “Heil Hitler!” uye Viva Franco!” Kwakanga kune mheremhere kwazvo zvokuti bongozozo raigona kunzwika nomutambo dzorunhare! Kwakatorera varindiri anenge maminiti 15 kuti vanyaradze mhomho yacho. Munguva yose iyi, Hama Rutherford vasingatyiswi, vakaramba vachitaura, sezvo kuombera kwaidzokororwa kwaibva muvateereri kwaivapa tsigiro.
Zvino ndakanga ndoda kuziva chaizvoizvo. Neiko muprista weKaturike aizonyandura ruvengo rukuru rwakadaro mukurwisana neZvapupu zvaJehovha? Ndakafunga kuti paifanira kuva nechimwe chinhu kune izvo Rutherford akanga achiparidza—chimwe chinhu icho mufundisi aisada vanhu vakafanana neni kuti vanzwe. Naizvozvo ndakapfuurira kufunda Bhaibheri nokuita fambiro mberi. Pakupedzisira, muna October wa1939, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Vamwe vavana vangu vakabhapatidzwa gore rakatevera racho, uye mudzimai wangu, Louise, akabhapatidzwa muna 1941.
Kutarisana Nemiedzo
Nokukurumidza pashure pokunge ndagamuchira zvokwadi, amai vangu vakafa, uye ndaifanira kudzokera kuNorth Carolina nokuda kwamariro avo. Ndakanzwa kuti ndaisagona nehana yakanaka kupinda munamato waizoitirwa mukati mechechi yeMethodist. Nokudaro ndakaridzira baba vangu runhare ndisati ndaita rwendo rwacho ndokuvakumbira kurega bhokisi riri kumusha wamariro. Vakabvuma, asi pandakasvika ikoko, vakanga vatova munzira kuenda kuchechi, uko vakafunga kuti zvirokwazvo ndaizovakumbanira.
Eya, handina, uye ikoku kwakaparira kushatirwa kukuru mumhuri yangu. Kunyange zvazvo hanzvadzi yangu Edna neni takanga tave tiri pedyo nguva dzose, pashure pemariro aAmai akanga asisataure neni. Ndakanyora tsamba, asi haana kudzipindura. Zhizha roga roga apo Edna aiuya kuNew York kuti apinde kosi dzavadzidzisi paCity College, ndakaedza kumuona. Asi airamba, achiti aive akabatikana. Pakupedzisira ndakarega, sezvo kwairatidzika kuti ndakanga ndichimunetsa bedzi. Makore akawanda aizopera ndisati ndanzwa kubva kwaari zvakare.
Nemhaka yokuramba kwavo kukwazisa mureza, vana vangu vatanhatu vakadzingwa chikoro muna 1941, sezvakaitwa vamwe vana vakawanda muUnited States uye Canada. Kuti vawane chinodikanwa chedzidzo yapamutemo, Zvapupu zvakaronga zvikoro zvazvo zvimene zvainzi Zvikoro zvoUmambo. Yaichimbova hotera muLakewood, New Jersey, ndiyo yakanga iri nzvimbo yechikoro chacho icho vana vangu vakapinda. Horo yoUmambo yakanga iri pauriri hwokutanga, pamwe chete namakamuri ekirasi echikoro, kicheni, uye nzvimbo yokudyira. Makamuri okurara avasikana akanga ari pauriri hwechipiri, uye makamuri okurara avakomana akanga ari pauriri hwechitatu. Chakanga chiri chikoro chakaisvonaka. Vazhinjisa vavana vaigara ipapo vaienda kumusha bedzi pakupera kwevhiki. Avo vaigara kure zvikuru vaienda kumusha pavhiki rechipiri riri rose.
Kubva pamakore angu apakuvamba muzvokwadi, ndaiva nechishuvo chikuru chokuva piyona, sokudanwa kunoitwa vaparidzi venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Pakokorodzano yomuna 1941 muSt. Louis, Missouri, imwe hama yaiva papurogiramu yakataura kuti yaigona sei kupayona ichirera vana 12. Ndakafunga, kuti ‘Kana achigona kupayona ane 12, ini ndinogona kupayona ndine 10.’ Zvisinei, mamiriro angu ezvinhu haana kundibvumira kuvamba kupayona kutozosvikira makore 19 gare gare. Pakupedzisira, pana October 1, 1960, ndakakwanisa kuvamba kubatira Jehovha sapiyona wenguva dzose.
Shanyo Inokatyamadza
Muna 1975, ndakagamuchira runhare kubva kune hanzvadzi yangu Edna. Zvino ndakanga ndava namakore 80 okukura, uye ndakanga ndave ndisina kumuona kana kunzwa inzwi rake kweanenge makore 20. Akanga achiridza runhare ari kunhandare yendege, uye akandikumbira kuenda kunomutora iye nomurume wake. Kwaifadza kuona Edna zvakare, asi kukatyamara kukuru kwakanga kuchiri kuuya. Munzira yokuenda kumusha, murume wake akati, “Une mutendeuki.” Handina kuziva zvaaireva. Apo takasvika pamba, akadzokororazve kuti, “Une mutendeuki pano.” Mudzimai wangu akabva angonzwisisa pakarepo. Achitendeukira kuhanzvadzi yangu, akati, “Edna, wava Chapupu?” “Zvirokwazvo ndiri,” Edna akapindura.
Edna akasvika sei pakugamuchira zvokwadi? Eya, muna 1972, munhamburiko dzokuedza kugadzirisa ukama hwedu hwakanga hwakuvadzika, ndakanga ndamutumira chipo chokuzvinyoresa kweNharireyomurindi. Rinenge gore gare gare, Edna akarwara uye akaramba ari pamusha wake. Magazini acho akanga achiri pachibhariro chake ari mumabutiro awo. Nemhaka yokuda kuziva Edna akazarura imwe ndokuvamba kurava. Pashure pokupedza magazini yacho, akazvifungira amene, kuti ‘Iyi ndiyo zvokwadi!’ Panguva iyo Zvapupu zvaJehovha zvakazoshanyira musha wake, akanga arava muunganidzwa wose wemagazini eNharireyomurindi. Akagamuchira fundo yeBhaibheri, uye mukufambira mberi kwenguva akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kugonana Nokurasikirwa
Mudzimai wangu, Louise, pakupedzisira akatapukirwa nechirwere cheshuga, uye mamiriro ake ezvinhu akaipa zvikuru kusvikira afa muna 1979, pazera remakore 82. Apo Louise akafa, rumwe rutivi rwangu rwakafawo. Nyika yangu yose yakamira. Handina kuziva chokuita. Ndakanga ndisina zvirongwa zvenguva yemberi, uye ndaida kurudziro zvikuru. Mutariri anofambira, Richard Smith, akandikurudzira kupfuurira nenzira yangu yokupayona. Ndakawana kuti nyaradzo yangu hurusa yakabva pakunyaradza vamwe vakanga vashayikirwa navadiwa.
Muna 1979 Watch Tower Society yakanga ichironga kushanyirwa kweIsrael, naizvozvo ndakanyoresa. Urwu rwendo rwakanga rwuchinyandura zvikuru kwandiri, uye apo ndakadzoka kumusha, ndakadzokera kunoshanda chaizvo mubasa roupiyona. Gore rimwe nerimwe kubva ipapo, ndakakuita basa rangu kubetsera mumunda usina kugoverwa kana kuti usingawanzoshandwa mune rumwe rutivi rwenyika. Pasinei zvapo namakore angu afambira mberi, ndichiri kukwanisa kuzviita ndimene anowanika nokuda kweiyi ropafadzo.
Ndinofungidzira kuti mumakore ose apfuura, ndakava nomufaro wokubetsera vanenge vanhu 50 kuti vave panzira inoenda kuupenyu. Vakawanda zvikurusa vavana vangu vari muzvokwadi. Vanasikana vangu vaviri vanobatira samapiyona enguva dzose. Mumwe mwanasikana, Louise Blanton, anobatira padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, nomurume wake, George, uye mumwe wavanakomna vangu akabatira somukuru kwamakore akawanda.
Chokwadika, nemhaka yokusakwana kwakagarwa nhaka kuvabereki vedu vokutanga vavanhu, tose zvedu tinorwara uye tinofa. (VaRoma 5:12) Zvirokwazvo upenyu hwangu hauna kusununguka pakutambura nokurwadziwa. Panguva ino ndiri kutambura nearthritis mugumbo rangu rokuruboshwe. Padzimwe nguva rinondiita kuti ndisagadzikane, asi harina kundidzivisa kuva anoshingaira. Uye ndinonyengetera kuti harizodaro. Ndinoda kuramba ndichipfuurira. Chishuvo changu chikuru kupfuurira mubasa roupiyona kusvikira kumugumo chaiko, ndichiita zvose zvandinogona kuzivisa zita raJehovha nezvinangwa.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Nemwanasikana wangu Rita