Mbeu yeNyoka—Inoziviswa Sei?
“Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake.”—GENESI 3:15.
1. (a) Nei Jehovha ari Mwari anofara? (b) Chii chaakaita kutigonesa kugoverana mufaro wake?
JEHOVHA ndiMwari anofara uye nechikonzero chakanaka. Iye ndiye Mupi mukurusa uye wokutanga wezvinhu zviri zvakanaka, uye hapana chinhu chinogona kudzivisa kuzadzikwa kwezvinangwa zvake. (Isaya 55:10, 11; 1 Timotio 1:11; Jakobho 1:17) Iye anoda kuti vabatiri vake vagoverane mufaro wake, uye iye anogovera zvikonzero zvakasimba zvokuti vaite kudaro. Nokudaro, pane imwe yenguva dzakaipa zvikurusa munhau yomunhu—rupandukiro muEdheni—iye akagovera hwaro hwokuti isu titarire kune ramangwana netariro.—VaRoma 8:19-21.
2. Pakuita rutongeso pavapandukiri muEdheni, Jehovha akagovera sei hwaro hwetariro yavana vaAdhama naEvha?
2 Mumwe wavanakomana vomudzimu vaJehovha, kupfurikidza nokudzivisa uye kuchera Mwari, akanga achangobva kuzviita amene Satani Dhiyabhorosi. Vanhu vokutanga, Evha uye ipapo Adhama, vakanga vawira mupesvedzero yake uye vakanga vaputsa mutemo wakataurwa zvakajeka waJehovha. Ivo nenzira yakarurama vakatongerwa rufu. (Genesi 3:1-24) Bva, pakutaura rutongeso paava vapandukiri, Jehovha akagovera hwaro hwetariro yavana vaAdhama naEvha. Munzirai? Sezvakanyorwa pana Genesi 3:15, Jehovha akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” Uporofita ihwohwo iyamuro kukunzwisisa Bhaibheri rose pamwe chete nezviitiko zvomunguva yakapfuura nezvazvino zvinobatanidza zvose zviri zviviri nyika navabatiri vaJehovha.
Icho Uporofita Hwacho Hunoreva
3. Sezvinonongedzerwa pana Genesi 3:15, zivisa (a) Nyoka, (b) “mukadzi,” (c) “mbeu” yeNyoka, (d) “mbeu” yomukadzi.
3 Kuti unzwisise revo yahwo, rangarira zvinhu zvakasiyana-siyana zvouporofita hwacho humene. Yakataurwa kwairi pana Genesi 3:15 iNyoka—kwete nyoka yakaderera asi uyo akaishandisa. (Zvakazarurwa 12:9) “Mukadzi” haasi Evha asi sangano raJehovha rokudenga, mai vevabatiri vake vakazodzwa nomudzimu vari pasi pano. (VaGaratia 4:26) “Mbeu” yeNyoka, imbeu yaSatani, vana vake—madhimoni navanhu pamwe chete namasangano avanhu ayo anoratidzira mavara aSatani uye ayo anoratidza ruvengo ku“mbeu” yomukadzi. (Johane 15:19; 17:15) “Mbeu” yomukadzi zvikurukuru ndiJesu Kristu, uyo akazodzwa nomudzimu mutsvene muna 29 C.E. Vane 144 000, avo vano“berekw[a] kutsva . . . nemvura noMweya” uye avo vari vadyi venhaka yoUmambo hwokudenga naKristu, rutivi ruduku rwembeu iyoyo yakavimbiswa. Ivava vakavamba kuwedzerwa kumbeu yomukadzi kuvambira paPentekosta 33 C.E. zvichienda mberi.—Johane 3:3, 5; VaGaratia 3:16, 29.
4. Genesi 3:15 ine chokuitai nokuva kwapasi paradhiso, yakazadzwa navanhu vasina chivi uye rufu?
4 Nyoka chaiyoiyo muEdheni yakashandiswa somutauriri nomunhu ane kunyengera kwakatungamirira kukurasikirwa kworudzi rwomunhu neParadhiso. Genesi 3:15 yakanongedzera mberi kunguva apo uyo akashandisa nyoka iyoyo achapwanywa. Ipapo nzira ichave yazarukira zvakare vabatiri vaMwari vavanhu kuti vagare muParadhiso, vasina chivi norufu. Iyoyo ichava nguva inofadza zvakadini!—Zvakazarurwa 20:1-3; 21:1-5.
5. Mavarai anoratidzira vana vomudzimu vaDhiyabhorosi?
5 Pashure porupandukiro muEdheni, vanhu vamwe navamwe uye masangano zvakavamba kuoneka izvo zvakaratidzira mavara akafanana naayo aSatani Dhiyabhorosi—rupandukiro, kureva nhema, kuchera, uye kuponda, pamwe chete nechishoro kukuda kwaJehovha uye kuavo vanonamata Jehovha. Mavara iwawo akazivisa vana, vana vomudzimu, vaDhiyabhorosi. Pakati paivava pakanga pana Kaini, uyo akaponda Abheri apo Jehovha akada kunamata kwaAbheri panzvimbo pokwaKaini. (1 Johane 3:10-12) Nimirodhi akanga ari mumwe uyo ane zita rimene rakamuzivisa somupandukiri uye uyo akava muvhimi ane simba uye mutongi mukupesana naJehovha. (Genesi 10:9) Mukuwedzera pakanga pane nhevedzano youmambo hwakare, kubatanidza Bhabhironi, nemarudzidziso avo aitsigirwa nehurumende akanga akavakirwa panhema, uye iwaya nenzira youtsinye akadzvinyirira vanamati vaJehovha.—Jeremia 50:29.
“Ruvengo Pakati Pako Nomukadzi”
6. Satani akaratidza ruvengo kumukadzi waJehovha munzirai?
6 Mukati menguva iyi yose, pakanga pane ruvengo pakati peNyoka nomukadzi waJehovha, pakati paSatani Dhiyabhorosi nesangano raJehovha rokudenga rezvisikwa zvakavimbika zvomudzimu. Ruvengo rwaSatani rwakaratidzwa sezvo iye akashora Jehovha ndokutsvaka kuparadza sangano rokudenga raJehovha, achinyengera ngirozi kusiya nzvimbo yadzo yakafanira yokugara. (Zvirevo 27:11; Judhasi 6) Kwakaratidzirwa apo Satani akashandisa madhimoni ake kuedza kudzongonyedza nhume dzaiva ngirozi dzakatumwa naJehovha. (Dhanieri 10:13, 14, 20, 21) Kwakanga kuri pachena nenzira yakatanhamara muzana rino ramakore rechi20 apo Satani akatsvaka kuparadza Umambo hwaMesiya pakuzvarwa kwahwo.—Zvakazarurwa 12:1-4.
7. Nei ngirozi dzaJehovha dzakavimbika dzakanzwa ruvengo kuNyoka yokufananidzira, bva kuzvidzorai kwadzakaratidza?
7 Pakanga panewo ruvengo kumukadzi waJehovha, boka rengirozi dzakavimbika, kuNyoka yokufananidzira. Satani akanga achera zita rakanaka raMwari; akanga apanikirawo kuperera kwechimwe nechimwe chezvisikwa zvakangwara zvaMwari, kubatanidza ngirozi dzose, uye akanga achiedza nenzira yokushingaira kuparadza ruvimbiko rwavo kuna Mwari. (Zvakazarurwa 12:4a) Ngirozi dzakavimbika, makerubhi, uye maserafimi zvaisagona kuita neimwe nzira kunze kwokunzwa kunyangadzwa kune uyo akanga azviita amene Dhiyabhorosi naSatani. Bva, idzo dzakamirira Jehovha kuti abate nhau dzacho munguva yake amene nenzira.—Enzanisa naJudhasi 9.
Utsinye kuMbeu Yomukadzi waMwari
8. Satani akanga achitsvaka ani?
8 Munguvayo, Satani akanga achitsvaka Mbeu yakafanotaurwa yomukadzi, uyo Jehovha akati aizopwanya Nyoka mumusoro. Apo ngirozi yaibva kudenga yakazivisa kuti Jesu, uyo akanga azvarwa muBhetrehema, akanga ari “Muponesi, ndiye Kristu Ishe,” ichochi chakanga chiri chibvumikiso chakasimba chokuti aizova Mbeu yakafanotaurwa yomukadzi.—Ruka 2:10, 11.
9. Pashure pokuzvarwa kwaJesu, Satani akaratidzira sei ruvengo rwakakomba?
9 Ruvengo rwakakomba rwaSatani rwakakurumidza kuratidzwa apo iye akanyengera nyanzvi dzenyeredzi dzechihedheni pabasa iro rakavaendesa kutanga kuna Mambo Herodhe muJerusarema uye ipapo kuimba yaiva muBhetrehema umo vakawana mukomana muduku Jesu namai vake, Maria. Nokukurumidza pashure pezvo Mambo Herodhe akarayira rufu rwavakomana vose kubva pamakore maviri ezera zvichidzika, mukati uye makapoteredza Bhetrehema. Muna ikoku, Herodhe akaratidza kuvenga Mbeu kwaSatani. Herodhe sezviri pachena aiziva zvikuru kwazvo kuti akanga achiedza kuuraya uyo akanga achizova Mesiya. (Mateo 2:1-6, 16) Nhau inopupurira kuti Mambo Herodhe akanga asina tsika, ane manomano, uye achiuraya—zvirokwazvo imwe yembeu yeNyoka.
10. (a) Pashure porubhapatidzo rwaJesu, Satani pachake akaedza sei oga kudzivisa chinangwa chaJehovha nezveMbeu yakapikirwa? (b) Satani akashandisa sei vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha mukuronda vavariro dzake?
10 Pashure pokunge Jesu azodzwa nomudzimu mutsvene muna 29 C.E. uye Jehovha ataura ari kudenga achibvuma Jesu soMwanakomana wake, Satani akaedza aedzazve kuti Jesu akundwe pamuidzo, nokudaro achitsvaka kudzivisa chinangwa chaJehovha pamusoro poMwanakomana wake. (Mateo 4:1-10) Achikundikana muna ikoku, iye akachinjira kukushandiswazve kwavatumwa vavanhu kuti aite zvinangwa zvake. Pakati paavo vakashandiswa mukuedza kuzvidza Jesu vakanga vari vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera. Ivo vakashandisa nhema uye kuchera, rudzi rwezvinhu zvinoshandiswa naSatani amene. Apo Jesu akaudza akaoma mutezo kuti, “Tsunga mwoyo, wakanganwirwa zvivi zvako,” vanyori, vasina kutongomira kuti vaone kana munhu wacho akanga aporeswa zvirokwazvo, vakatonga Jesu kuva mumhuri waMwari. (Mateo 9:2-7) Apo Jesu akaporesa vanhu paSabata, vaFarise vakamushurikidza somuputsi womutemo weSabata ndokurangana kumuparadza. (Mateo 12:9-14; Johane 5:1-18) Apo Jesu akabudisa madhimoni, vaFarise vakapomera kuti iye akanga achisonganirana na“Bheerzebhuri, muchinda wemweya yakaipa.” (Mateo 12:22-24) Pashure pokunge Razaro amutswa muvakafa, vakawanda vavanhu vacho vakatenda muna Jesu, asi vaprista vakuru navaFarise vakarangana zvakare kumuuraya.—Johane 11:47-53.
11. Mazuva matatu Jesu asati afa, ndiani waakazivisa sorutivi rwembeu yeNyoka, uye nei?
11 Pana Nisani 11, 33 C.E., Jesu, achisanoziva chavakanga vari kuronga, akapinda asingatyi mukati chaimo menharaunda yetembere muJerusarema uye imomo akazivisa pachena rutongeso pavari. Seboka, vanyori navaFarise vakanga varatidzira nguva dzose rudzi rwavanhu rwavakanga vari; naizvozvo Jesu akati: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda.” Jesu nenzira yakananga akazivisa kuti vakanga vari rutivi rwembeu yeNyoka, achiti: “Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena?” (Mateo 23:13, 33) Mutauro wake unoratidzira uporofita huri pana Genesi 3:15.
12, 13. (a) Vaprista vakuru navanyori vakapa sei humwe hufakazi hwokuti baba vavo vomudzimu akanga ari ani? (b) Ndiani akavakumbanira? (c) Mukuzadzikwa kwaGenesi 3:15, Mbeu yomukadzi yakapwanywa sei muchitsitsinho?
12 Pakunzwa mashoko aJesu, ivo vakazvidemba, zvokuti ivo vakakumbira tsitsi dzinobva kuna Mwari here? Ivo vakapfidza uipi hwavo here? Aiwa! Marko 14:1 inoshuma kuti zuva rakatevera rimene, pamusangano muruvazhe rwomuprista mukuru, “vaprista vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutoo wavangamubata nawo [Jesu] namano, kuti vamuuraye.” Ivo vakapfuurira kuratidzira mudzimu wokuponda waSatani, uyo Jesu akanga amborondedzera somuurayi. (Johane 8:44) Nokukurumidza ivo vakakumbanirwa naJudhasi Iskarioti, uyo Satani akanyengera kuva akaramba kutenda. Judhasi akasiya Mbeu isina chaingapomerwa yomukadzi waMwari ndokukumbanira mbeu yeNyoka.
13 Nokukurumidza pamangwanani aNisani 14, mitezo yedare rechiJudha rorudzidziso yakaendesa Jesu somusungwa kuna gavhuna weRoma. Pano vakanga vari vaprista vakuru avo vakatungamirira mukudanidzira kuti arovererwe. Apo Pirato akabvunza kuti, “Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here?” vakanga vari vaprista vakuru vakapindura kuti, “Hatina mambo, asi Kesari chete.” (Johane 19:6, 15) Zvirokwazvo, ivo vakabvumikisa munzira iri yose kuti vakanga vari rutivi rwembeu yeNyoka. Asi zvirokwazvo vakanga vasiri voga. Chinyorwa chakafuridzirwa chiri pana Mateo 27:24, 25 chinopa uyu mushumo: “Pirato . . . wakatora mvura, akashamba maoko ake pamberi pavanhu vazhinji.” Ipapo vanhu vose vakati: “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napavana vedu.” Nokudaro vaJudha vakawanda vechizvarwa ichocho vakazvizivisa vamene sorutivi rwembeu yeNyoka. Zuva iroro risati rapera, Jesu akanga afa. Kupfurikidza nokushandisa mbeu yake inooneka, Satani akanga apwanya Mbeu yomukadzi waMwari muchitsitsinho.
14. Nei kupwanya chitsitsinho cheMbeu yomukadzi kusingarevi rukundo nokuda kwaSatani?
14 Satani akanga akurira here? Nyangwe napaduku zvapo! Jesu Kristu akanga akunda nyika uye akanga akurira mutongi wayo. (Johane 14:30, 31; 16:33) Iye akanga achengeta ruvimbiko rwake kuna Jehovha kusvikira parufu chaipo. Rufu rwake somunhu akakwana rwakagovera mutengo worudzikinuro waidikanwa kudzorera maruramiro oupenyu ayo akaraswa naAdhama. Naizvozvo iye akazarura nzira yokuupenyu husingagumi nokuda kwaavo vaizotenda gadziriro iyoyo ndokuteerera mirayiro yaMwari. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Jehovha akamutsa Jesu muvakafa kuupenyu husingafi mudenga. Panguva yakafanira yaJehovha, Jesu achapwanya Satani zvokusavapo. Pana Genesi 22:16-18, pakaporofitwa kuti Jehovha achaisa nyasha pamhuri dzose dzapasi idzo dzinoita chiito chiri madikanwa kuti dzizvikomborere dzimene kupfurikidza neMbeu iyoyo yakavimbika.
15. (a) Pashure porufu rwaJesu, vaapostora vake vakapfuurira sei kuzivisa mbeu yeNyoka? (b) Ruvengoizve rwave rwuchiratidzirwa nembeu yeNyoka kusvikira chaizvo kuzuva redu?
15 Pashure porufu rwaJesu, vaKristu vakazodzwa nomudzimu vakapfuurira kuzivisa mbeu yeNyoka, seizvo Ishe wavo akanga aita. Asundwa nomudzimu mutsvene, muapostora Pauro akanyevera mukupesana no“munhu wezvivi” uyo kuvapo kwake kwaizova “kwakaita sebasa raSatani.” (2 VaTesaronika 2:3-10) Uyu “munhu” akaumbwa navazhinji akabvumikisa kuva vafundisi vechiKristudhomu. Mbeu yeNyokawo, nenzira inotyisa yakatambudza vateveri vaJesu Kristu. Muuporofita hwakanyorwa pana Zvakazarurwa 12:17, muapostora Johane akafanotaura kuti Satani aizopfuurira kurwa hondo mukurwisana navakasarira vembeu yomukadzi waMwari kusvikira chaizvo kuzuva redu. Izvozvo ndizvo chaizvoizvo zvakaitika. Munyika dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa, zvakadenhwa nemanyongori, zvakaiswa mutorongo, kana kuti zvakakandirwa mumisasa yechibharo nemhaka yechimiro chazvo chakasimba nokuda kwoUmambo hwaMwari nenzira dzake dzakarurama.
Kuziviswa Kwezuva Razvino Uno kweMbeu yeNyoka
16. Munguva dzazvino uno, ndivanaani vakaziviswa sevari rutivi rwembeu yeNyoka, uye sei?
16 Mukutevedzera Jesu Kristu, vaKristu vechokwadi havana kurega mukuzivisa kwavo kwokusatya Nyoka nembeu yayo. Muna 1917 Vadzidzi veBhaibheri, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo, zvakabudisa bhuku rinonzi The Finished Mystery, umo vakazivisa unyengeri hwavafundisi vechiKristudhomu. Ikoku kwakateverwa, muna 1924, nechisarudzo chakadhindwa chaiva nomusoro unoti Ecclesiastics Indicted. Makopi ane mamiriyoni makumi mashanu akaparadzirwa mumarudzi akawanda. Muna 1937, J. F. Rutherford, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyeyo, akapa kuzivisa kune simba kwembeu yaSatani muhurukuro dzaiva nemisoro yaiti “Kuziviswa” uye “Rudzidziso nechiKristu.” Gore rakatevera racho, zviverengero zvekokorodzano 50 munyika dzakasiyana-siyana zvichiteerera, iye akapa hurukuro yaiti “Tarisana Namaidi” norunhare rwewairesi ari muLondon, England. Mwedzi mumwe gare gare, mubatanidzwa mukuru wewairesi muUnited States wakanga une hurukuro yaiti “chiFascist kana kuti Rusununguko.” Izvi zvakawedzerwa nokuziviswa kune simba kuri mumabhuku akadai saEnemies uye Religion uyewo kuri mubhukwana rinonzi Uncovered. Mutsinhirano nezvakanga zvabudiswa kubvira muma1920, bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!,a zvino rakadhindwa mumitauro 65, rinozivisa vatongi vezvematongerwe enyika vakaipa uye vatengesi vane makaro, vasina kutendeseka sevari pakati pemitezo mikurusa yembeu inooneka yeNyoka. Apo vatungamiriri vezvematongerwe enyika vanouita muitiro kuchinjira kunhema kuti vatsause nhau dzavo, kuratidza kusaremekedza kuyera kweropa, uye kudzvinyirira vabatiri vaJehovha (nokudaro vachiratidza kuvenga mbeu yomukadzi waMwari), ivo zvirokwazvo vanozvizivisa vamene sorutivi rwembeu yeNyoka. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvevatengesi avo, pasina kurova kupi nokupi kwehana, vanoreva nhema nokuda kwokuwana mhindu yemari uye avo vanogadzira kana kuti kutengesa zvigadzirwa izvo zvinozivikanwa kuva zvinosakisa hosha.
17. Mukanai uchiri wakazarukira vanhu vakatanhamara avo vangabuda mutsika yenyika?
17 Haasati ari munhu ari wose akasvibiswa norudzidziso rwenyika, zvematongerwe enyika, kana kuti zvokutengeserana achazivikanwa sorutivi rwembeu yeNyoka. Vamwe vaava varume navakadzi vanosvika pakuyemura Zvapupu zvaJehovha. Ivo vanoshandisa pesvedzero yavo kuzvibetsera uye munguva yakafanira vanogamuchira kunamata kwechokwadi. (Enzanisa naMabasa 13:7, 12; 17:32-34.) Kuna vose vakadaro, ichi chikumbiro chakatambanudzirwa: “Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; munyeverwe, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha nokutya, mufare muchidedera. Svetai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.” (Pisarema 2:10-12) Zvirokwazvo, kunokosha kuti vose avo vanoshuva nyasha dzaJehovha vaite chiito zvino, Mutongi wokudenga asati avhara suo romukana!
18. Kunyange zvazvo vasiri rutivi rwembeu yomukadzi, ndivanaani kunyange zvakadaro vari vanamati vaJehovha?
18 Avo bedzi vachaumba Umambo hwokudenga ndivo rutivi rwembeu yomukadzi. Ivava vashoma munhamba. (Zvakazarurwa 7:4, 9) Bva, kune boka guru ravamwe, hungu, mamiriyoni avo, ayo savanamati vaJehovha vanotarira mberi kuupenyu husingagumi kupasi reparadhiso. Kupfurikidza nezvose zviri zviviri shoko uye chiito, ivo vanoti kuvakazodzwa vaJehovha: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.”—Zekaria 8:23.
19. (a) Chisarudzoi icho vanhu vose vanofanira kuita? (b) Ndikunani zvikurukuru uko chikumbiro chapachokwadi chinoitwa kuti vaite nokuchenjera pachine mukana?
19 Zvino inguva apo rudzi rwose rwomunhu rwunofanira kuita chisarudzo. Ivo vanoda kunamata Jehovha ndokutsigira uchangamire hwake, kana kuti ivo vachabvumira Satani kuva mutongi wavo kupfurikidza nokuita zvinhu zvinomufadza here? Vanhu vane mamiriyoni mashanu vanobva mumarudzi ose vakamira parutivi paJehovha musonganirano nevakasarira vembeu yomukadzi, inoumbwa nevadyi venhaka voUmambo. Vamwe vane mamiriyoni masere vakaratidza fariro mukufunda Bhaibheri navo kana kuti mukupinda misangano yavo. Zvapupu zvaJehovha zvinoti kuna vose ivava: Suo romukana richiri rakazaruka. Mira pasina kupanikira parutivi paJehovha. Bvuma Kristu Jesu seMbeu yakapikirwa. Songanira nenzira yokufara nesangano rinooneka raJehovha. Goverana zvikomborero zvose izvo Iye achagovera kupfurikidza nokutonga kwaMambo, Kristu Jesu.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Ndiani ari Nyoka inonongedzerwa kwairi pana Genesi 3:15? Uye mukadzi ndiani?
◻ Mavarai anoratidzira mbeu yeNyoka?
◻ Jesu akazivisa sei mbeu yeNyoka?
◻ Ndivanaani vakaziviswa sorutivi rwembeu yeNyoka munguva dzazvino uno?
◻ Chiitoi chokukurumidzira chinodikanirwa kudzivisa kuzivikanwa nembeu yeNyoka?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jesu akazivisa vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera savari rutivi rwembeu yeNyoka