‘Munofanira Kuva Vatsvene Nemhaka Yokuti Ini Ndiri Mutsvene.’
“Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.”—REVHITIKO 19:2.
1. Ndevapi vamwe vanhu vanorangarirwa nenyika kuva vatsvene?
MAZHINJISA emarudzidziso makuru enyika ane avo anorangarira kuva vatsvene. Mother Teresa aiva nemukurumbira muIndia anowanzorangarirwa semutsvene nemhaka yekuzvipira kwake kuvarombo. Papa anonzi “Baba Vatsvene.” Muvambi wesangano razvino uno rechiKaturike Opus Dei, José María, anorangarirwa nevamwe vaKaturike se“muenzaniso weutsvene.” ChiHindu chine vadzidzisi vacho, kana kuti varume vatsvene. Gandhi aikudzwa semunhu mutsvene. ChiBuddha chine mamongi acho matsvene, uye chiIslam muporofita wacho mutsvene. Asi chaizvoizvo kunorevei kuva mutsvene?
2, 3. (a) Mashoko okuti “mutsvene” uye “utsvene” anorevei? (b) Ndeipi iri mimwe mibvunzo inofanira kupindurwa?
2 Shoko rokuti “mutsvene” rakarondedzerwa kuva “1. . . . chakabatanidzwa nesimba raMwari; chinoyera. 2. Chinorangarirwa kana kuti chakafanirwa nekunamatwa kana kuti nekukudzwa . . . 3. Kurarama maererano nemuitiro worumano kana kuti wetsika wakakwirira worudzidziso kana kuti womudzimu. . . 4. Chakasarudzwa kana kuti chakatsaurwa nokuda kwechinangwa chorudzidziso.” Mumashoko akapoteredza eBhaibheri, utsvene hunoreva “kuchena kana kuti kunaka kworudzidziso; kuyera.” Maererano nebhuku renongedzero yeBhaibheri rinonzi Insight on the Scriptures, “[shoko] rapakuvamba rechiHebheru qoʹdhesh rinopa mufungo wekuparadzana, wokusiyana, kana kuti wokutsveneswa kuna Mwari, . . . mugariro wokuva akatsaurwa kubasa raMwari.”a
3 Rudzi rwaIsraeri rwakarairwa kuva rutsvene. Mutemo waMwari waiti: “Ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Ndiani akanga ari Manyuko eutsvene? VaIsraeri vasina kukwana vaigona sei kuva vatsvene? Uye zvidzidzoi zvatinogona kuzviwanira timene nhasi mukuraira kwaJehovha utsvene?—Revhitiko 11:44.
Kubatanidzwa Kwakaita Israeri neManyuko eUtsvene
4. Utsvene hwaJehovha hwakaratidzirwa sei muna Israeri?
4 Chinhu chiri chose chakabatanidzwa nekunamata Jehovha Mwari kwaIsraeri chaifanira kurangarirwa sechitsvene ndokubatwa sechakadaro. Nei kwakanga kwakadaro? Nemhaka yekuti Jehovha amene mavambo nemanyuko eutsvene. Nhoroondo yaMosesi yekugadzirira tabhenakeri tsvene uye nguo nezvishongo inoguma nemashoko anoti: “Vakaitawo hwendefa rekorona tsvene nendarama yakaisvonaka, vakanyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, vachiti: Mutsvene kuna Jehovha.” Iri hwendefa raipenya rendarama yakachena raisungirirwa pangowani yemuprista mukuru, uye rairatidzira kuti akanga akatsaurirwa kubasa reutsvene chaihwo. Sezvavaipupurira ichi chiratidzo chakanyorwa chichipenya muchiedza chezuva, vaIsraeri nguva dzose vaiyeuchidzwa nezveutsvene hwaJehovha.—Eksodho 28:36; 29:6; 39:30.
5. VaIsraeri vasina kukwana vaigona sei kurangarirwa savatsvene?
5 Asi vaIsraeri vaigona sei kuva vatsvene? Kupfurikidza bedzi neukama hwavo hwapedyo naJehovha nekumunamata kwavo kwakachena. Vaida zivo yakarurama ye“Mutsvene” kuitira kuti vamunamate muutsvene, murucheno rwemuviri nerwemudzimu. (Zvirevo 2:1-6; 9:10) VaIsraeri naizvozvo vaifanira kunamata Mwari nevavariro yakachena nemwoyo wakachena. Chimiro chipi nechipi chokunyengera chokunamata chaizova chinonyangadza kuna Jehovha.—Zvirevo 21:27.
Chikonzero Nei Jehovha Akashurikidza Israeri
6. VaJudha vemuzuva raMaraki vakabata sei tafura yaJehovha?
6 Ikoku kwakaratidzirwa zvakajeka apo vaIsraeri nemwoyo miviri vakanga vachiunza zvibayiro zvakashata, zvakaremara kutembere. Kupfurikidza nemuporofita Maraki, Jehovha akashurikidza zvipiriso zvavo zvakashata: “Handikufaririyi imi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu. . . . Asi imi munozvimhura, zvamunoti: Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo. Munotiwo: Tarirai zvinonetsa sei! Mazvishoora—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here?—Ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Maraki 1:10, 12, 13.
7. Mabasai asati ari matsvene ayo vaJudha vakanga vachiita muzana ramakore rechishanu B.C.E.?
7 Maraki akashandiswa naMwari kushurikidza miitiro yenhema yevaJudha, zvimwe mukati mezana ramakore rechishanu B.C.E. Vaprista vakanga vachigadza muenzaniso wakashata, uye mufambiro wavo wakanga usitongari mutsvene. Vanhu, vachitevera nhungamiro iyoyo, vakanga vachiregeredza nheyo dzavo, kunyange kusvikira kupfundo rokuchatanura vadzimai vavo, zvimwe kuitira kuti vagogona kutora vadzimai vaduku vechihedheni. Maraki akanyora, kuti: “Jehovha wakanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera,b kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye. . . . Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe unonyengera mukadzi woujaya hwake. Nokuti ndinovenga kurambana—ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri.”—Maraki 2:14-16.
8. Vamwe vari muungano yechiKristu vakatapurwa sei nemurangariro wazvino uno wechatanuro?
8 Munguva dzazvino uno, munyika zhinji umo kuchatanura kunowanwa nyore nyore, mwero wokuchatanura wakakura zvikuru. Kunyange ungano yechiKristu yakatapurwa. Panzvimbo pokutsvaka betsero yevakuru kuti vakurire mhinganidzo ndokuedza kuita kuti roorano yavo ibudirire, vamwe vakairega nokukurumidza zvikuru. Kazhinji kazhinji vana vanosiiwa vachitambura zvikuru mumirangariro.—Mateo 19:8, 9.
9, 10. Tinofanira kurangarira sei kunamata kwedu Jehovha?
9 Sezvataona pamusoro apa, mukurangarira mugariro unosiririsa womudzimu waiva muzuva raMaraki, Jehovha nenzira yakananga akashurikidza kunamata kwaJudha kusina maturo ndokuratidza kuti aizogamuchira bedzi kunamata kwakachena. Ikoku hakufaniri here kutiita kuti tirangarire rudzi rwekunamata kwedu Jehovha Mwari, Changamire Ishe wechisiko chose, Manyuko eutsvene hwechokwadi? Tiri kupa chaizvoizvo kuna Mwari basa dzvene here? Tinozvichengeta timene tiri mumugariro wakachena mumudzimu here?
10 Ikoku hakurevi kuti tinofanira kuva vakakwana, uko kusingabviri, kana kuti tinofanira kuzvienzanisa timene nevamwe. Asi kunoreva kuti muKristu mumwe nomumwe anofanira kuve achipa kuna Mwari kunamata kwake kwakanakisisa mumamiriro ezvinhu emunhu mumwe nemumwe. Ikoku kunonongedzera kurudzi rwekunamata kwedu. Basa redu rinoyera rinofanira kuva rakanakisisa redu—basa dzvene. Ikoko kunoitwa sei?—Ruka 16:10; VaGaratia 6:3, 4.
Mwoyo Yakachena Inotungamirira Kukunamata Kwakachena
11, 12. Mufambiro usati uri mutsvene unobva kupi?
11 Jesu nenzira yakajeka akadzidzisa kuti chiri mumwoyo chichaoneka kupfurikidza neizvo munhu anotaura uye anoita. Jesu akati kuvaFarise vaizviruramisa, bva vasiri vatsvene: “Zvibereko zvenyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamwoyo.” Gare gare akaratidza kuti zviito zvakaipa zvinobva mumifungo yakaipa iri mumwoyo, kana kuti munhu womukati. Akati: “Zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noufeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokumhura Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu.”—Mateo 12:34; 15:18-20.
12 Ikoku kunotibetsera kunzwisisa kuti zviito zvisati zviri zvitsvene hazvisi zvemuzvarirwo chete kana kuti zvisina hwaro hwapakuvamba. Mugumisiro wemirangariro inosvibisa iyo yave yakahwanda mumwoyo—zvishuvo zvakavanzika uye zvimwe fungidziro. Ndicho chikonzero nei Jesu aigona kuti: “Makanzwa kuti zvakanzi: Usaita upombwe. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.” Nemamwe mashoko, ufeve neupombwe zvakatotanga mumwoyo chiito chipi nechipi chisati chaitika. Ipapo, mumamiriro ezvinhu akarurama, mifungo isati iri mitsvene inova mufambiro usati uri mutsvene. Ufeve, upombwe, ungochani, umbavha, kumhura, uye kuramba kutenda zvinova imwe yemigumiriso inooneka.—Mateo 5:27, 28; VaGaratia 5:19-21.
13. Ndeipi iri mimwe mienzaniso yenzira iyo mifungo isati iri mitsvene inogona kutungamirira nayo kumabasa asati ari matsvene?
13 Ikoku kunogona kuenzaniswa munzira dzakasiyana-siyana. Mune dzimwe nyika, dzimba dzekubhejera dziri kuwanda zvikuru, nokudaro dzichiwedzera mukana wekubhejera. Munhu angaedzwa kutendeukira kuiyi mhinduro yenhema kuti aedze kupedza zvinetso zvake zvemari. Kurangarira kunonyengera kungaparira hama kuramba kana kuti kurerutsa nheyo dzayo dzeBhaibheri.c Mune chimwe chiitiko, kuwana zviri nyore zvinoratidza vatano, kungava kupfurikidza neTV, mavhidhiyo, makomupiyuta, kana kuti mabhuku, zvingagona kupinza muKristu mumufambiro usati uri mutsvene. Anongoda bedzi kuregeredza chifukidziro chake chesimbi chomudzimu, uye asati akuziva, awira muunzenza. Asi muzviitiko zvizhinjisa kupinda muchivi kunotangira mundangariro. Hungu, mumamiriro ezvinhu akafanana naiwaya, mashoko aJakobho anozadzikwa, okuti: “Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.”—Jakobho 1:14, 15; VaEfeso 6:11-18.
14. Vazhinji vakabva sei mumufambiro wavo usati uri mutsvene?
14 Nenzira inofadza, vaKristu vazhinji avo vanotadza muutera vanoratidza rupfidzo rwechokwadi, uye vakuru vanokwanisa kudzorera vakadaro nenzira yomudzimu. Kunyange vazhinji vakadzingwa nemhaka yekushaikwa kwerupfidzo pakupedzisira vanofunga zvakanaka uye vanosimbiswazve muungano. Vanosvika pakuziva nzira iyo Satani akavakunda nayo nyore nyore apo vakabvumira mifungo isati iri mitsvene kutanga mumwoyo.—VaGaratia 6:1; 2 Timotio 2:24-26; 1 Petro 5:8, 9.
Denho—Yokutarisana Neutera Hwedu
15. (a) Nei tichifanira kutarisana neutera hwedu? (b) Chii chinogona kutibetsera kubvuma mautera edu?
15 Tinofanira kuita nhamburiko yokuziva mwoyo yedu pasina kwatakarerekera. Tinodisa kutarisana neutera hwedu, ndokuhubvuma, uye ipapo kushanda kuhukurira here? Tinodisa kubvunza shamwari yakatendeseka nzira iyo tingagona kunatsa nayo, uye kuteerera zano here? Kuti tirambe tiri vatsvene tinofanira kukurira zvikanganiso zvedu. Nei? Nemhaka yekuti Satani anoziva utera hwedu. Achashandisa mazano ake emanomano kuti atinyandurire kupinda muchivi nemufambiro usati uri mutsvene. Kupfurikidza nezviito zvake zvemanomano, anoedza kutiparadzanisa nerudo rwaMwari kuitira kuti tisavezve vakatsveneswa uye vanoshanda nokuda kwokunamatwa kwaJehovha.—Jeremia 17:9; VaEfeso 6:11; Jakobho 1:19.
16. Pauro airwisana nei?
16 Muapostora Pauro akanga aine miedzo yake amene, sezvaakapupurira mutsamba yake kuvaRoma: “Ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. . . . Ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.”—VaRoma 7:18-23.
17. Pauro akakunda sei mukurwisana kwake neutera?
17 Zvino pfundo rinokosha muchiitiko chaPauro nderekuti akabvuma utera hwake. Pasinei zvapo nahwo, aigona kuti: “Ndinofarira murairo waMwari nomunhu [womudzimu] womukati.” Pauro aida zvakanaka uye aivenga zvakashata. Asi akanga achiri kufanira kurwa, hondo imwe cheteyo iyo tose zvedu tinayo—yokurwisana naSatani, nyika, uye nyama. Naizvozvo tinogona sei kukunda hondo yacho ndokuramba tiri vatsvene, takaparadzana nenyika ino nekufunga kwayo?—2 VaKorinte 4:4; VaEfeso 6:12.
Tinogona Sei Kuramba Tiri Vatsvene?
18. Tinogona sei kuramba tiri vatsvene?
18 Utsvene hauwanwi kupfurikidza nokutora nzira iri nyore kana kuti nokuva ane udyire. Rudzi irworwo rwomunhu nguva dzose rwuchapembedza mufambire wake ndokupomera kumwewo zvako. Zvichida tinofanira kudzidza kuva vane mutoro nokuda kwezviito zvedu kwete kuva sevamwe avo vanotaura kuti jambwa rakavawira nemhaka yemamiriro ezvinhu akare emhuri kana kuti mavara anogarwa nhaka. Manyuko enhau yacho ari mumwoyo womunhu. Iye anoda kururama here? anoshuva utsvene here? anoshuva chikomborero chaMwari here? Wezvamapisarema akajekesa kudikanwa kweutsvene apo akati: “Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; tsvaka rugare, urutevere.” Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.”—Pisarema 34:14; 97:10; VaRoma 12:9.
19, 20. (a) Tinogona sei kuvaka ndangariro yedu? (b) Fundo yemunhu oga inobudirira inobatanidzei?
19 Tinogona ku“namatira . . . zvakanaka” kana tikarangarira zvinhu nemurangariro waJehovha uye kana tikava nendangariro yaKristu. (1 VaKorinte 2:16) Ikoku kunoitwa sei? Kupfurikidza nokufunda uye kufungisisa nguva dzose Shoko raMwari. Zano irori rakapiwa kazhinji kazhinji sei! Asi tinorikoshesa zvakakwana here? Somuenzaniso, unofunda magazini ino chaizvoizvo here, uchinzvera magwaro eBhaibheri, usati wauya kumusangano? Kupfurikidza nekufunda hatirevi kungotara chete zvitsama zvishomanene zvamashoko mundima imwe neimwe. Nyaya yefundo inogona kunzverwa ndokutarwa muanenge maminiti 15. Ikoko kunoreva kuti tafunda nyaya yacho here? Chaizvoizvo, kungatora awa kana kuti maviri kufunda ndokunzwisisa betsero yomudzimu iyo nyaya imwe neimwe inopa.
20 Zvichida tinofanira kuzviranga timene kuti tirege TV kwemaawa mashomanene vhiki imwe neimwe ndokufungisisa chaizvoizvo utsvene hwedu hwomunhu oga. Kufunda kwedu nguva dzose kunotivaka mumudzimu, kuchisunda ndangariro kuita zvisarudzo zvakarurama—zvisarudzo zvinotungamirira ku“mufambire . . . mutsvene.”—2 Petro 3:11; VaEfeso 4:23; 5:15, 16.
21. Mubvunzoi wasara kuti upindurwe?
21 Mubvunzo zvino ndewekuti, Mudzimwei nharaunda dzemubato nemufambiro matinogona isu savaKristu kuva vatsvene, kunyange sezvo Jehovha ari mutsvene? Nyaya inotevera ichapa zvokufunga.
[Mashoko Omuzasi]
a Iri bhuku renongedzero rine mavhoriyamu maviri rinobudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Nokuda kwekurangarirwa kwakakwana zvikuru kwechinorehwa neku“nyengera,” ona Mukai! yaFebruary 8, 1994, peji 29, “Mwari Anovenga Rudzii Rwokuchatanura?”
c Nokuda kwamashoko akawanda pamusoro pechikonzero nei kubhejera kuri mufambiro usati uri mutsvene, ona Mukai! yaAugust 8, 1994, mapeji 20-21, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Manyuko eutsvene akazivikanwa sei muna Israeri?
◻ Kunamata kwaIsraeri kwakanga kusati kuri kutsvene munzirai muzuva raMaraki?
◻ Mufambiro usati uri mutsvene unotangirepi?
◻ Kuti tive vatsvene, tinofanira kuzivei?
◻ Tinogona sei kuramba tiri vatsvene?