Kudzokera Kuguruva Sei?
“ZVAURI guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Apo munhu wokutanga, Adhama, akanzwa mashoko iwayo, iye akaziva chokukarira. Iye akanga aitwa neguruva revhu uye aizodzokera kuguruvawo zvaro. Iye aizofa nemhaka yokuti akanga asina kuteerera Musiki wake, Jehovha Mwari.—Genesi 2:7, 15-17; 3:17-19.
Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vakaitwa neguruva. Rinotiwo: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4; Pisarema 103:14) Rufu rwakaunza nhamo kumamiriyoni uye rwakamutsa rwamutsazve mibvunzo pamusoro pokurasa mutumbi womunhu.
Miitiro Yomunguva Yakapfuura Neyazvino
Mitumbi yavanhu yairaswa sei pakati pavanhu vaMwari vomunguva dzakare? Mumapeji aro okutanga, Bhaibheri rinodudza nzira dzakasiyana-siyana dzokubata nadzo navakafa, kubatanidza kuviga muvhu. (Genesi 35:8) Tateguru Abrahama nomudzimai wake, Sara, pamwe chete nomwanakomana wake Isaka nomuzukuru Jakobho vakavigwa mubako reMakpera. (Genesi 23:2, 19; 25:9; 49:30, 31; 50:13) Vatongi vaIsraeri Gidheoni naSamsoni vakavigwa mu‘hwiro hwamadzibaba avo.’ (Vatongi 8:32; 16:31) Ikoku kunokarakadza kuti kuva nenzvimbo yamakuva emhuri kwakanga kuchidiwa pakati pavanhu vakare vaMwari. Apo Jesu Kristu akafa muzana rokutanga ramakore C.E., mutumbi wake wakaiswa muhwiro hwapabwe hwakanga huchangobva kucherwa. (Mateo 27:57-60) Kazhinji kazhinji, ipapoka, mitumbi yavanhu yaivigwa mupasi kana kuti yaiiswa muhwiro. Uyu uchiri muitiro munzvimbo dzakawanda zvikurusa kupota pasi.
Mune mamwe mativi enyika nhasi, zvisinei, kuperevedza kwakakomba kwenzvimbo uye kudhura kwenzvimbo zviri kukuita kwakaoma nenzira inowedzera kuwana nzvimbo dzokuviga. Naizvozvo, vamwe vanhu vava kurangarira dzimwe nzira dzokurasa nadzo mitumbi yavanhu.
Kumwaya madota pashure pokunge muviri womunhu wapiswa kuri kuva kunozivikanwa navose zvikuru. MuEngland inenge 40 muzana yavakafa zvino inotarisirwa nouyu mutoo. MuSweden, umo inopfuura 80 muzana yavakafa mumadhorobha inopiswa, masango akati anosarudzwa nokuda kwokumwaya madota. Uye muShanghai namamwe maguta mashomanene ari pedyo negungwa eChina, hurumende dzomumaguta dzinotsigira kumwayiwa kwakawanda mugungwa kanoverengeka pagore.
Madota anogona kumwayiwa kupi? Kwete nzvimbo ipi neipiwo zvayo. Vamwe vangatyira kuti kumwaya madota kunokuvadza mhoteredzo. Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, ngozi ipi neipi inobvira yomurakatira inoitwa isingashandi kupfurikidza nokupisa. Mahwiro akati muEngland uye mapindu eyeuko muUnited States anotsaura nzvimbo dzine tsangadzi kana kuti mapindu amaruva senzvimbo dzokumwayira. Chokwadika, vaKristu vanoitira hanya vanonetseka zvikurukuru pamusoro pomurangariro wapaMagwaro wokupisa nokumwayiwa kwamadota.
Ndoupi Uri Murangariro wapaMagwaro?
Muziviso yairwisana na“mambo weBhabhironi,” muporofita Isaya akati: “Warashwa kure nohwiro hwako.” (Isaya 14:4, 19) Kumwayiwa kwamadota kunofanira kuenzaniswa nechiitiko chakadaro chokuninipiswa here? Aiwa, nokuti hapana nongedzero yokupisa uye kuchengetedzwa kana kuti kumwayiwa kwamadota anovapo somugumisiro.
Jesu Kristu akataura nezvorumuko rwapasi rwavakafa kuti rwuchaitika mukati Mokutonga kwake Kwamakore Ane Chiuru apo akati: “Vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi [rangu], vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Zvisinei, kuti guva chairoiro haridikanwi zvaro kumutsa munhu kunotsigirwa mune imwe rondedzero youporofita yorumuko. Zvakazarurwa 20:13 inoti: “Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” Naizvozvo, chinokosha hakusi uko kana kuti nzira iyo munhu ‘anodzokera nayo kuguruva.’ Panzvimbo pezvo, ndechokuti iye anoyeukwa naMwari uye achamutswa here. (Jobho 14:13-15; enzanisa naRuka 23:42, 43.) Jehovha zvirokwazvo haadi makuva anoorora kuti amubetsere kuyeuka vanhu. Kupisa hakudzivisi kumutswa kwomunhu. Uye kana kumwayiwa kwamadota kuchiitwa nevavariro yakarurama uye pasina mitambo yenhema yorudzidziso, kungasava kusingawirirani naMagwaro.
Avo vanosarudza kutsigira kumwayiwa kwamadota vachada kupa ngwariro huru kumutemo wenyika. Kungavawo kwakafanira kuti varangarire mirangariro yavakafirwa navamwe. Vabatiri vaJehovha vachaita zvakanaka kungwarira kuti kushandisa rusununguko rwavo rwapaMagwaro muna ikoku hakuunzi ruzvidzo pazita rakanaka iro vaKristu vanaro. Ikoku kunokosha zvikuru munyika umo kupiswa nokumwayiwa kwamadota kunobvumidzwa zviri pamutemo asi kusati kwagamuchirwa zvizere munzanga. Chokwadika, muKristu achadzivisa miitiro ipi neipi kana kuti tsika dzakavakirwa parudaviro mukusafa kwomweya womunhu.
Rusununguko Rwakazara Muguva!
Vamwe avo vanoreverera kumwayiwa kwamadota vanotaura kuti kunoreva rusununguko mukuviga mumakuva. Kuchaunza zorodzo hurusa, zvisinei, kuchava kuzadzikwa kwechipikirwa cheBhaibheri chokuti “muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.”—1 VaKorinte 15:24-28.
Ikoku kunoreva kuti makuva, hwiro, kunyange kupisa uye kumwayiwa kwamadota, zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. Hungu, rufu haruchazovipo. Mufuridziro youmwari muapostora Johane akanyora kuti: “Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kwose ikoku kuchavapo apo rufu rwomunhu runobva muchivi chaAdhama runobviswa chose chose muUmambo hwaMwari. Panguva iyoyo rudzi rwomunhu rwunoteerera harusati ruchizotarisana nekariro yokudzokera kuguruva.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mitoo inozivikanwa navose yokubata nayo mitumbi yavanhu
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kumwaya madota muSagami Bay, Japan
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of Koueisha, Tokyo