Tarira Kuna Jehovha Nokuda Kwenyaradzo
“Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu.”—VAROMA 15:5.
1. Nei zuva rimwe nerimwe richiunza kudikanwa kukuru kwenyaradzo?
ZUVA rimwe nerimwe rinopfuura rinounza kudikanwa kunowedzera kwenyaradzo. Seizvo mumwe munyori weBhaibheri akacherekedza makore anopfuura 1 900 apfuura, “zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Munguva yedu “kugomera” ne“kurwadziwa” zvave zvakakura kupfuura nakare kose. Kubvira paHondo Yenyika I, rudzi rwomunhu rwakatambura njodzi imwe pashure peimwe muchimiro chehondo, utsotsi, uye ngwavaira dzomusikirwo idzo dzinowanzobatanidzwa nokusatarisirwa zvakanaka kwapasi navanhu.—Zvakazarurwa 11:18.
2. (a) Ndiani anofanira kupomerwa zvikurusa nokuda kwenhamo dzazvino dzorudzi rwemunhu? (b) Iidii rinotipa hwaro hwenyaradzo?
2 Nei kwave kune kutambura kukuru kwazvo munguva yedu? Richirondedzera kukandwa kwaSatani achibva mumatenga pashure pekuberekwa kweUmambo muna 1914, Bhaibheri rinopindura, kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Ufakazi hwakajeka hwekuzadzikwa kweuporofita ihwohwo hunoreva kuti todokusvika mugumo wekutonga kwaSatani kwakaipa. Kunonyaradza sei kuziva kuti upenyu pasi pano huchakurumidza kudzokera kumugariro worugare waivapo Satani asati apinza vabereki vedu vokutanga mukupandukira!
3. Ndirini apo vanhu vakanga vasingadi nyaradzo?
3 Pakuvamba, Musiki womunhu akagovera bindu rakaisvonaka semusha wevanhu vaviri vokutanga. Rakanga riri munharaunda yainzi Edheni, kureva kuti “Mufaro” kana kuti “Mufarwa.” (Genesi 2:8, NW, mashoko omuzasi) Kupfuurirazve, Adhama naEvha vaifarikanya utano hwakakwana, vaine kariro yokusatongofa. Chimbofunga nezvenharaunda zhinji umo vaigona kunge vakakudza mano avo—kurima bindu, kunyora mifananidzo, kuvaka, nziyo. Fungawo, nezvemabasa ose echisiko avaigona kunge vakafunda sezvavaiita basa ravo rokudzora pasi ndokuriita paradhiso. (Genesi 1:28) Zvirokwazvo, upenyu hwaAdhama naEvha hwaizodai hwakazadzwa, kwete nekugomera nekurwadziwa, asi nemufaro nemufarwa. Nenzira yakajeka, vaizodai vasina kuda nyaradzo.
4, 5. (a) Nei Adhama naEvha vakakundikana muedzo wekuteerera? (b) Rudzi rwemunhu rwakasvika sei pakuda nyaradzo?
4 Chaida Adhama naEvha, zvisinei, kwakanga kuri kusakurira rudo rukuru nokuonga Baba vavo vokudenga vane mutsa. Rudo rwakadaro rwaizodai rwakavasunda kuteerera Mwari mumamiriro ose ezvinhu. (Enzanisa naJohane 14:31.) Nenzira inosuruvarisa, vabereki vedu vapakuvamba vose vaviri vakakundikana kuteerera Changamire wavo ane maruramiro, Jehovha. Panzvimbo pezvo, vakazvibvumira vamene kupinda mukutongwa kwakaipa kwengirozi yakawa, Satani Dhiyabhorosi. Akanga ari Satani akaedza Evha kutadza ndokudya muchero wakarambidzwa. Ipapo Adhama akatadza apo iyewo akadya muchero wemuti uyo Mwari akanga anyevera zvakajeka, kuti: “Nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.”—Genesi 2:17.
5 Nenzira iyi, varoorani vanotadza vakavamba kufa. Pakupa mutongo worufu, Mwari akatiwo kuna Adhama: “Zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa noutumbambeva; iwe uchadya mirivo yomusango.” (Genesi 3:17, 18) Nokudaro Adhama naEvha vakarasikirwa nekariro yokuita pasi risina kurimwa paradhiso. Vadzingwa muEdheni, vaifanira kunangidzira masimba avo pakuwana zvokudya mupasi rakanga ratukwa. Vazukuru vavo, vagara nhaka uyu mugariro wokutadza, wokufa, vakada zvikuru nyaradzo.—VaRoma 5:12.
Chipikirwa Chinonyaradza Chinozadzikwa
6. (a) Chipikirwai chinonyaradza icho Mwari akaita pashure pekupinda kwerudzi rwemunhu muchivi? (b) Uporofitai pamusoro penyaradzo uhwo Rameki akataura?
6 Pakutongera muvambi wokupandukira kwomunhu, Jehovha akabvumikisa kuva ‘Mwari anogovera nyaradzo.’ (VaRoma 15:5) Akaita saizvozvo kupfurikidza nokupikira kutuma “mbeu” iyo pakupedzisira yaizonunura vana vaAdhama mumigumisiro ine ngwavaira yekupandukira kwaAdhama. (Genesi 3:15, NW) Pakupedzisira, Mwari akagoverawo kufanoonwa kwekununurwa ikoku. Somuenzaniso, akafuridzira Rameki, muzukuru chibvi waAdhama kupfurikidza nemwanakomana wake Seti, kuporofita pamusoro peizvo mwanakomana waRameki aizoita: “Uyu uchativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.” (Genesi 5:29) Mutsinhirano nechipikirwa ichi, mukomana wacho akadanwa kuti Noa, iro rinonzwisiswa kureva kuti “Zororo” kana kuti “Nyaradzo.”
7, 8. (a) Mumiriroi wezvinhu wakatungamirira Jehovha kudemba pamusoro pokusika munhu, uye Iye akaronga kuitei? (b) Noa akararama sei maererano nerevo yezita rake?
7 Munguvayo, Satani akanga achiwana vateveri pakati pedzimwe dzengirozi dzokudenga. Idzodzi dzakava nemiviri savanhu ndokutora vazukuru vakanaka vechikadzi vaAdhama sevadzimai. Kubatanidzwa kwakadaro kusiri kwomusikirwo kwakashatsazve nzanga yavanhu ndokubudisa rudzi rwusina umwari rwevaNefirimi, “vawisi,” avo vakazadza pasi nemasimba masimba. (Genesi 6:1, 2, 4, 11; Judhasi 6) “Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, . . . Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake.”—Genesi 6:5, 6.
8 Jehovha akaronga kuparadza nyika iyoyo yakaipa neboporodzi remupasi rose, asi pakutanga akaita kuti Noa avake areka yokuchengeta upenyu. Nokudaro, dzinza romunhu nemarudzi emhuka zvakaponeswa. Noa nemhuri yake vanofanira kuva vakanzwa vazorodzwa sei pashure peMafashamo sezvo vakabuda muareka vachipinda mupasi rakacheneswa! Kwainyaradza sei kuwana kuti kutukwa kwepasi kwakanga kwabviswa, kuchiita kuti mubato wekurima uve nyore zvikuru kwazvo! Zvirokwazvo, uporofita hwaRameki hwakabvumikisa kuva hwechokwadi, uye Noa akararama maererano nerevo yezita rake. (Genesi 8:21) Semubatiri akatendeka waMwari, Noa akashandiswa mukuunza mwero we“nyaradzo” kurudzi rwomunhu. Zvisinei, pesvedzero yakaipa yaSatani nemadhemoni ake engirozi haina kuguma neMafashamo, uye rudzi rwomunhu rwunopfuurira kugomera mumutoro wechivi, chirwere, uye rufu.
Mumwe Munhu Mukuru Zvikuru Kupfuura Noa
9. Jesu Kristu akabvumikisa sei kuva mubetseri uye munyaradzi wevanhu vanopfidza?
9 Pakupedzisira, pakupera kwemakore anenge 4 000 enhau yemunhu, Mbeu yakapikirwa yakasvika. Achisundwa nekuda zvikuru rudzi rwemunhu, Jehovha Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi kuti afe sorudzikinuro rwerudzi rwemunhu runotadza. (Johane 3:16) Jesu Kristu anounza rusununguko rukuru kuvatadzi vanopfidza avo vanoshandisa kutenda murufu rwake rwechibayiro. Vose vanotsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokuva vadzidzi vakabhabhatidzwa veMwanakomana wake vanowana zororo nenyaradzo zvinogara. (Mateo 11:28-30; 16:24) Pasinei zvapo nekusakwana kwavo, vanowana mufaro mukuru mukubatira Mwari nehana yakachena. Kunonyaradza sei nokuda kwavo kuziva kuti kana vakapfuurira kushandisa kutenda muna Jesu, vachatuswa noupenyu husingaperi! (Johane 3:36; VaHebheru 5:9) Kana nemhaka youtera vakaita chivi chakakomba, ipapo vanova nemubetseri, kana kuti munyaradzi, muna Ishe Jesu Kristu akamutswa. (1 Johane 2:1, 2) Kupfurikidza nekureurura chivi chakadaro uye kupfurikidza nokuita nhanho dzapaMagwaro kuti vadzivise kuva vaiti vechivi, vanowana rusununguko, vachiziva kuti ‘Mwari akatendeka uye akarurama zvokukanganwa chivi chavo.’—1 Johane 1:9; 3:6; Zvirevo 28:13.
10. Chii chatinodzidza muzvishamiso izvo Jesu akaita apo akanga ari pasi pano?
10 Ari pasi pano, Jesu akaunzawo zororo kupfurikidza nokusunungura vakanga vane madhemoni, kupfurikidza nokuporesa rudzi rwuri rwose rwechirwere, uye kupfurikidza nokudzorera vakafa vaidiwa kuupenyu. Chokwadi, zvishamiso zvakadaro zvakanga zviri zvebetsero yechinguvana bedzi, sezvo vose vakakomborerwa zvakadaro pashure pezvo vakakwegura ndokufa. Kunyange zvakadaro, Jesu nenzira iyoyo akanongedzera kuzvikomborero zvechigarire zvemunguva yemberi izvo achadururira parudzi rwose rwomunhu. Zvino ava Mambo wokudenga ane simba, achakurumidza kuita zvinopfuura zvikuru kungodzingawo zvake madhemoni. Achaakandira mugomba rakadzika-dzika pamwe chete nomutungamiriri wawo, Satani, mumugariro wokusaita basa. Ipapo Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu kune mbiri kuchavamba.—Ruka 8:30, 31; Zvakazarurwa 20:1, 2, 6.
11. Nei Jesu akazvidana amene kuti “Ishe wesabata”?
11 Jesu akataura kuti akanga ari “Ishe wesabata,” uye kuzhinji kwekurapa kwake kwakaitwa pazuva reSabata. (Mateo 12:8-13; Ruka 13:14-17; Johane 5:15, 16; 9:14) Nei ikoku kwakanga kwakadaro? Eya, Sabata yakanga iri rutivi rweMutemo waMwari kuna Israeri uye nokudaro yakabatira se“mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.” (VaHebheru 10:1) Mazuva matanhatu evhiki okushanda anotiyechidza nezvemakore 6 000 omunhu apfuura euranda kukutonga kwaSatani kunodzvinyirira. Zuva reSabata pakupera kwevhiki rinoyeuchidza zororo rinonyaradza iro rudzi rwomunhu ruchava naro mukati meKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaNoa Mukuru, Jesu Kristu.—Enzanisa na2 Petro 3:8.
12. Tinogona kutarira mberi kuzviitikoi zvinonyaradza?
12 Vadzorwi vapasi vekutonga kwaKristu vachanzwa rusununguko rwakadini apo, pakupedzisira, vanozviwana vamene vakasununguka chose chose papesvedzero yaSatani yakaipa! Imwe nyaradzo ichauya sezvavanowana kuporeswa kweurwere hwavo hwemuviri, hwemirangariro, uye hwendangariro. (Isaya 65:17) Ipapo, chimbofunga nezvemufaro wavo sezvavanotanga kugamuchira vadiwa vachibva kuvakafa! Munzira idzodzi Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo.” (Zvakazarurwa 21:4) Sezvo betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaJesu dzinoshandiswa nenzira inofambira mberi, vadzorwi vanoteerera veUmambo hwaMwari vachakura kusvika kukukwana, vachiva vakasununguka chose chose patapuro dzose dzakashata dzechivi chaAdhama. (Zvakazarurwa 22:1-5) Ipapo Satani achasunungurwa “chinguva chiduku.” (Zvakazarurwa 20:3, 7) Vanhu vose vanotsigira nokutendeka uchangamire hwaJehovha hwemaruramiro vachatuswa neupenyu husingaperi. Fungidzira mufaro usingataurike nerusununguko rwoku“sunungurw[a]wo [chose chose] pauranda hwokuora”! Nokudaro rudzi rwomunhu rwunoteerera ruchafarikanya “kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”—VaRoma 8:21.
13. Nei vaKristu vose vechokwadi vachida nyaradzo iyo Mwari anogovera?
13 Munguvayi, tinopfuurira kugomera nokurwadziwa kunozivikanwa navose avo vanorarama pakati petsika yaSatani yakaipa. Kuwedzera kwekurwara mumuviri uye kurwara kwendangariro zvinotapura marudzi ose avanhu, kubatanidza vaKristu vakatendeka. (VaFiripi 2:25-27; 1 VaTesaronika 5:14) Mukuwedzera, savaKristu tinowanzotambura kunyombwa nechitambudzo zvisina kururama izvo Satani anotutira patiri nokuda kwoku‘teerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.’ (Mabasa 5:29) Nokudaro, kana tichizotsungirira mukuita kuda kwaMwari kusvikira kumugumo chaiko kwenyika yaSatani, tinoda nyaradzo, betsero, uye simba izvo Iye anogovera.
Kwokuwana Nyaradzo
14. (a) Chipikirwai icho Jesu akaita pausiku asati afa? (b) Chii chiri madikanwa kana tichizobetserwa zvizere nenyaradzo yemudzimu mutsvene waMwari?
14 Pausiku rufu rwake rwusati rwaitika, Jesu akajekesa kuvaapostora vake vakatendeka kuti aizokurumidza kuvasiya achidzokera kuna Baba vake. Ikoko kwakavanetsa nokuvarwadza. (Johane 13:33, 36; 14:27-31) Achiziva kuda kwavo nyaradzo inopfuurira, Jesu akavimbisa, kuti: “Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi.” (Johane 14:16) Jesu pano akanongedzera kumudzimu mutsvene waMwari, uwo wakadururwa pavadzidzi vake mazuva 50 pashure pokumutswa kwake.a Pakati pezvimwe zvinhu, mudzimu waMwari wakavanyaradza mukati memiedzo yavo ndokuvasimbisa kupfuurira kuita kuda kwaMwari. (Mabasa 4:31) Zvisinei, betsero yakadaro haifaniri kurangarirwa sechimwe chinhu chinongoerekana chaitika. Kuti abetserwe nayo zvizere, muKristu mumwe nomumwe anofanira kupfuurira kunyengeterera betsero inonyaradza iyo Mwari anogovera kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake.—Ruka 11:13.
15. Ndedzipi dziri dzimwe nzira idzo Jehovha anotigovera nadzo nyaradzo?
15 Imwe nzira iyo Mwari anogovera nayo nyaradzo yake iri kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri. Pauro akanyora, kuti: “Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.” (VaRoma 15:4) Ikoku kunoratidza kudikanwa kwokuti tifunde nguva dzose uye kufungisisa zvinhu zvakanyorwa paBhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa muBhaibheri. Tinofanirawo kuva venguva dzose mukupinda misangano yechiKristu, uko mifungo inonyaradza inogoveranwa ichibva muShoko raMwari. Rimwe remadonzo makuru ekuungana kwakadaro nderekukurudzirana.—VaHebheru 10:25.
16. Gadziriro dzaMwari dzinonyaradza dzinofanira kutisunda kuitei?
16 Tsamba yaPauro kuvaRoma inopfuurira kuratidza migumisiro yakanaka yatinogamuchira mukushandisa gadziriro dzaMwari dzinonyaradza. “Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza,” Pauro akanyora kudaro, “ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.” (VaRoma 15:5, 6) Hungu, kupfurikidza nokushandisa zvakazara gadziriro dzaMwari dzinonyaradza, tichava vakafanana zvikuru noMutungamiriri wedu ane ushingi, Jesu Kristu. Ikoku kuchatisunda kuramba tichishandisa miromo yedu kurumbidza Mwari mubasa redu rokupupura, pamisangano yedu, mukurukurirano yomunhu oga nevatendi biyedu, uye muminyengetero yedu.
Munguva Dzemuedzo Wakakomba
17. Jehovha akanyaradza sei Mwanakomana wake, uye nemugumisiroi?
17 Jesu akava “neshungu nokudumbirwa” uye “akatambudzika zvikuru” pausiku rufu rwake rwunotambudza rwusati rwaitika. (Mateo 26:37, 38) Naizvozvo akafamba chinhambwe chiduku kubva kuvadzidzi vake ndokunyengetera kuna Baba vake nokuda kwebetsero. “Akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 5:7) Bhaibheri rinoshuma kuti “mutumwa akaonekwa na[Jesu], wakabva kudenga, akamusimbisa.” (Ruka 22:43) Nzira youshingi uye yakasimba iyo Jesu akapfuurira kunangana nayo nevashori vake ufakazi hwokuti nzira yaMwari yokunyaradza Mwanakomana wake yakanga ichishanda zvikurusa.—Johane 18:3-8, 33-38.
18. (a) Inhamboi muupenyu hwemuapostora Pauro yakanga ichitambudza zvikuru? (b) Tinogona sei kuva venyaradzo kuvakuru vanoshanda nesimba, vane tsitsi?
18 Muapostora Paurowo akapfuura nomunhambo dzemuedzo wakakomba. Somuenzaniso, ushumiri hwake muEfeso hwairatidzirwa ne“misodzi namatambudziko aka[mu]wira nerangano dzakaipa dzavaJudha.” (Mabasa 20:17-20) Pakupedzisira, Pauro akabva Efeso pashure pokunge vatsigiri vamwarikadzi Dhiana vapinda muguta nebope pamusoro pomubato wake wokuparidza. (Mabasa 19:23-29; 20:1) Sezvo Pauro akananga kuchamhembe kuguta reTroasi, chimwewo chinhu chakamutambudza zvikuru. Pane imwe nguva bope romuEfeso risati raitika, akanga agamuchira mushumo unokangaidza. Ungano duku muKorinte yakanga yatambudzwa nekukamuka, uye yakanga ichishivirira ufeve. Naizvozvo, ari muEfeso, Pauro akanga anyora tsamba yetsiuro yakasimba mutariro dzokururamisa mamiriro acho ezvinhu. Ichi chakanga chisiri chinhu chiri nyore chokuti aite. “Ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo,” gare gare akazivisa kudaro mutsamba yechipiri. (2 VaKorinte 2:4) Kufanana naPauro, vakuru vane tsitsi havakuwani kuri nyore kupa zano rokururamisa netsiuro, murutivi nemhaka yekuti ivowo vanoziva zvikuru utera hwavo vamene. (VaGaratia 6:1) Ngatinyaradzei, ipapo, avo vari kutungamirira pakati pedu kupfurikidza nokuita chimwe chinhu nokudisa kuzano rine rudo, rakavakirwa paBhaibheri.—VaHebheru 13:17.
19. Nei Pauro akafamba achibva kuTroasi kuenda kuMakedhonia, uye pakupedzisira akawana sei rusununguko?
19 Ari muEfeso, Pauro haana bedzi kunyorera hama dzaiva muKorinte asi akatumawo Tito kuti adzibatsire, achimupa basa rokushuma kuita kwavo kutsamba yacho. Pauro aikarira kusangana naTito paTroasi. Ikoko Pauro akakomborerwa nemikana yakaisvonaka yokuita vadzidzi. Asi ikoku kwakakundikana kunyevenutsa funganyo yake nemhaka yekuti Tito akanga achigere kusvika. (2 VaKorinte 2:12, 13) Naizvozvo akaenda kuMakedhonia, achikarira kusanangana naTito ikoko. Kufunganya kwaPauro kwakawedzerwa nechishoro chakakomba kuushumiri hwake. “Takati tasvika Makedhonia,” anotsanangura kudaro, “nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. Asi Mwari, unonyaradza vakaora mwoyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito.” (2 VaKorinte 7:5, 6) Rwaiva rusununguko rwakadini apo Tito akasvika pakupedzisira kuti audze Pauro pamusoro pekuita chimwe chinhu kwakanaka kwevaKorinte kutsamba yake!
20. (a) Somuchiitiko chaPauro, ndeipi iri imwe nzira inokosha iyo Jehovha anogovera nayo nyaradzo? (b) Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
20 Chakaitika chaPauro chinonyaradza kuvabatiri vaMwari nhasi, vazhinji vavo vanotarisanawo nemiedzo inovasakisa ku“deredzwa,” kana kuti “kuodzwa mwoyo.” (Phillips) Hungu, ‘Mwari anogovera nyaradzo’ anoziva zvinodikanwa zvedu zvemunhu oga uye anogona kutishandisa kunyaradzana, kungofanana naPauro akawana nyaradzo kupfurikidza nemushumo waTito wechimiro chendangariro chokupfidza chevaKorinte. (2 VaKorinte 7:11-13) Munyaya yedu inotevera, ticharangarira kupindura kwaPauro kwoushamwari vaKorinte uye nzira iyo kunogona kutibetsera nayo kuva vagoverani vanobudirira venyaradzo yaMwari nhasi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kumwe kwokushanda kukuru kwomudzimu waMwari pavaKristu vomuzana ramakore rokutanga kwakanga kuri kuvazodza sevanakomana vomudzimu vanogamuchirwa vaMwari uye hama dzaJesu. (2 VaKorinte 1:21, 22) Ikoku kwakachengeterwa vadzidzi 144 000 bedzi vaKristu. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Nhasi ruzhinji rwevaKristu rwakapiwa nomutsa tariro yeupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Kunyange zvazvo vasina kuzodzwa, ivowo vanogamuchira betsero nenyaradzo zvemudzimu mutsvene waMwari.
Unogona Kupindura Here?
◻ Rudzi rwomunhu rwakasvika sei pakuda nyaradzo?
◻ Jesu akabvumikisa sei kuva mukuru zvikuru kupfuura Noa?
◻ Nei Jesu akazvidana amene kuti “Ishe weSabata”?
◻ Mwari anogovera sei nyaradzo nhasi?
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 10]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Pauro akawana nyaradzo huru kupfurikidza nemushumo waTito pamusoro pevaKorinte
MAKEDHONIA
Firipi
GIRISI
Korinte
ASIA
Troasi
Efeso