Nyaradzo Mukati Mamakore Mana Ehondo
MUKATI mamakore mana ehondo munharaunda yeyaichimbova Yugoslavia, vanhu vakawanda vakatambura nhamo nokuperevedza kwakakomba. Vaibatanidzwa pakati pavo akanga ari mazana eZvapupu zvaJehovha, zvakapfuurira nenzira yokutendeka kunamata “Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinte 1:3.
MuSarajevo, vanhu vakatambura nhamo yakawedzerwa yokugara muguta guru rakakombwa muhondo mose. Pakanga pane kuperevedza kwamagetsi, mvura, huni, uye zvokudya. Ungano yeSarajevo yeZvapupu zvaJehovha yakashanda sei muaya mamiriro ezvinhu akakomba? VaKristu vaibva munyika dzakavakidzana vakaisa upenyu hwavo mungozi kuti vapinze zvokuyamura zvakawanda. (Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1994, mapeji 23-7.) Uyewo, hama dziri muSarajevo dzakagoverana zvadzakanga dzinazvo, dzichiisa simbiso huru pakugoverana zvinhu zvomudzimu. Mukati mekomberedzo mumwe mutariri wechiKristu womuguta iroro akapa mushumo unotevera:
“Tinokoshesa misangano yedu zvikuru kwazvo. Mudzimai wangu neni, pamwe chete navamwe vanhu 30, tinofamba makiromita 15 [mamaira 9] kuenda kumisangano. Pane dzimwe nguva kwakaziviswa kuti mvura yaizogoverwa mukati menguva apo misangano yaiitwa. Hama dzaizoitei? Dzaizogara kumba here kana kuti kupinda misangano? Hama dzedu dzakasarudza kupinda misangano. Hama nguva dzose dzinobetserana; chipi kana chipi chadzinenge dzinacho, dzinogoverana. Imwe hanzvadzi yomuungano medu inogara mumucheto meguta, pedyo nesango; naizvozvo kuri nyore zvishoma kuti iwane huni. Inoshandawo mubheka, uye muripo wayo unobhadharwa nefurawa. Apo kunobvira, inobika rofu guru rechingwa ndokuuya naro kumusangano. Pashure pomusangano, pakubuda, inopa munhu ari wose chimedu.
“Kunokosha kuti hapana nomumwe wehama kana kuti hanzvadzi anotongonzwa asiyiwa. Hapana anoziva kuti ndiani wedu achatevera kuda betsero mumamiriro ezvinhu asingafadzi. Apo takanga tine migwagwa yaiva nechando chakaoma uye imwe hanzvadzi yairwara, hama duku dzakasimba, dzakaidhonzera kumisangano iri pachireyi.
“Tose zvedu tinogoverana mubasa rokuparidza, uye Jehovha akakomborera nhamburiko dzedu. Akaona mamiriro edu ezvinhu akakomba muBosnia, asi akatikomborerawo newedzero—wedzero yatakanga tisati taona hondo isati yaitika.”
Nenzira yakafanana, mune dzimwe nharaunda dzakasakadzwa nehondo dzeyaichimbova Yugoslavia, Zvapupu zvaJehovha zvakafarikanya wedzero pasinei zvapo nenhamo dzakakomba. Kuhofisi yeCroatia yeZvapupu zvaJehovha kunobva uyu mushumo pamusoro peboka reZvapupu: “Hama dzinogara muVelika Kladuša dzakanga dzine nguva dzakaoma zvikurusa dzokubata nadzo. Taundi racho rakadenhwa panhambo dzinoverengeka. Hama dzacho dzaifanira kutsanangura kusatora rutivi kwadzo kumauto eCroatia, eSerbia, uye akasiyana-siyana echiMuslim. Chokwadi, dzakanga dzichifanira kutsungirira zvakawanda—kuiswa mutorongo, kurohwa, nzara, ngozi yorufu. Zvisinei, dzose zvadzo dzakaramba dzakatendeka uye dzine ropafadzo yakatanhamara yokuona chikomborero chaJehovha pamibato yadzo.”
Pasinei zvapo neidzi nhambo, Zvapupu zvaJehovha muVelika Kladuša uye Bihać iri pedyo zvinopfuurira kufarikanya wedzero sezvazvinogoverana nokushingaira shoko raMwari renyaradzo nevavakidzani vazvo. Hwerengedzo yavaparidzi voUmambo 26 yomuidzi nzvimbo mbiri iri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 39!