Anopfuura Makore 50 Oku‘Yambuka’
YAKATAURWA NAEMMANUEL PATERAKIS
Mazana amakore gumi namapfumbamwe akapfuura muapostora Pauro akagamuchira kokero yechienzi: “Yambukira Makedhonia, utibatsire.” Pauro nenzira yokudisa akagamuchira uyu mukana mutsva woku“paridzira Evhangeri.” (Mabasa 16:9, 10) Nepo kokero yandakagamuchira isingasviki kure zvakadaro, kunyange zvakadaro akanga ari makore 50 akapfuura andakabvuma ku“yambukira” mundima itsva mumudzimu waIsaya 6:8: “Ndiri pano ini, nditumei.” Nzendo dzangu dzakawanda dzakandiwanisa zita romusere rokuti Muchakairi Anopfuurira, asi mibato yangu yakanga ine fanano shomanene nokuchakaira. Kanopfuura kamwe chete, pakusvika mukamuri rangu romuhotera, ndaipfugama ndokuonga Jehovha nokuda kwedziviriro yake.
NDAKABEREKWA pana January 16, 1916, muHierápetra, muCrete, mumhuri yorudzidziso zvikuru yeOrthodox. Kubvira panguva yandakanga ndiri mucheche, Amai vaienda neni nehanzvadzi dzangu nhatu kuchechi paSvondo. Kana vari baba vangu, vaisarudza kugara pamusha ndokurava Bhaibheri. Ndaiyemura baba vangu—murume akatendeseka, akanaka, uye anokanganwira—uye rufu rwavo, apo ndakanga ndava nemakore mapfumbamwe okukura, rwakanditapura zvikuru.
Ndinoyeuka kuti apo ndakanga ndava nemakore mashanu, ndakarava rugwaro kuchikoro rwaiti: “Chinhu chiri chose chakatipoteredza chinozivisa kuvapo kwaMwari.” Sezvandaikura, ndakapwiswa chose chose naikoku. Nokudaro, pazera ramakore 11, ndakasarudza kunyora nhoroondo ine Pisarema 104:24 somusoro wayo: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nefuma yenyu.” Ndakashamiswa nezvishamiso zvechisiko, kunyange nezvinhu zvakapfava sembeu dzakashongedzwa nemapapiro maduku kuti dzigotorwa nemhepo dzichibva pamumvuri womuti wacho. Vhiki yapashure pokunge ndapinza nhoroondo yangu, mudzidzisi wangu akairavira kukirasi yose, uye ipapo kuchikoro chose. Panguva yacho, vadzidzisi vakanga vachirwisa pfungwa dzechiKominisiti uye vakafara kunzwa kudzivirira kwangu kuvapo kwaMwari. Kana ndirini, ndakanga ndichingofara chete kuratidzira kudavira kwangu muMusiki.
Mhinduro Dzemibvunzo Yangu
Kunangana kwangu kwokutanga neZvapupu zvaJehovha pakuvamba muma1930 kuchakajeka muyeuko yangu. Emmanuel Lionoudakis akanga ave achiparidza mumataundi ose nemisha yeCrete. Ndakagamuchira mabhukwana anoverengeka kwaari, asi rakanga riri rine musoro unoti Where Are the Dead? rakabata ngwariro yangu chaizvoizvo. Ndakanga ndichitya rufu zvikuru zvokuti ndakanga ndisingambogoni kupinda mukamuri umo baba vangu vakanga vafira. Sezvandakarava ndaravazve iri bhukwana ndokudzidza izvo Bhaibheri rinodzidzisa pamusoro pomugariro wavakafa, ndakanzwa rutyo rwangu rwokutenda mashura ruchipera.
Kamwe pagore mukati mezhizha, Zvapupu zvakashanyira taundi redu ndokundiunzira mabhuku akawanda okurava. Zvishoma nezvishoma nzwisiso yangu yaMagwaro yakawedzera, asi ndakapfuurira kupinda Chechi yeOrthodox. Bhuku rinonzi Deliverance, zvisinei, rakaratidzira nguva yechinjo huru. Rakaratidza zvakajeka musiyano uri pakati pesangano raJehovha nerero raSatani. Kubva panguva iyi zvichienda mberi, ndakavamba kakawanda nguva dzose kufunda Bhaibheri uye api naapi amabhuku eWatch Tower Society andaigona kuwana. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvarambidzwa muGreece, ndaifunda muchivande usiku. Zvisinei, ndakanga ndine mbavarira kwazvo pamusoro pezvandaidzidza zvokuti ndakanga ndisingagoni kuzvidzora ndimene kutaura kumunhu ari wose pamusoro pazvo. Yakanga isati iri nguva refu apo mapurisa akavamba kundironda, achindishanyira nguva dzose pamaawa ose amasikati nousiku kuti atsvake mabhuku.
Muna 1936, ndakapinda musangano kwenguva yokutanga, mamaira 75 kubva kuIráklion. Ndakafara kwazvo kusangana neZvapupu. Vazhinjisa vavo vakanga vari varume vanozvininipisa, zvikurukuru varimi, asi vakabetsera kundisimbisira kuti ichi chaiva chokwadi. Tsauriro yangu kuna Jehovha yakaitwa pakarepo.
Rubhabhatidzo rwangu chiitiko chandisingazotongokanganwi. Humwe husiku muna 1938, vaviri vevadzidzi vangu veBhaibheri neni takaendeswa naHama Lionoudakis murima guru kumhenderekedzo yegungwa. Pashure pokunyengetera, ivo vakatinyudza mumvura yacho.
Muusungwa
Nguva yokutanga imene yandakaenda kunoparidza yaikosha, kungotaura zvishomanene. Ndakasangana neshamwari yekare yokuchikoro iyo yakanga yava muprista, uye takava nekurukurirano yakaisvonaka pamwe chete. Asi pashure pacho yakatsanangura kuti mutsinhirano nokurayira kwabhishopi, yakanga ichifanira kuita kuti ndisungwe. Apo takanga takamirira tiri muhofisi yameya kuti mapurisa asvike achibva kumusha uri pedyo, boka rakaungana panze. Naizvozvo ndakatora Testamente Itsva yechiGiriki yakanga iri muhofisi ndokuvamba kuvapa hurukuro yakavakirwa pana Mateo ganhuro 24. Pakutanga vanhu vakanga vasingadi kuteerera, asi muprista akapindira. “Regai ataure,” iye akadaro. “IBhaibheri redu.” Ndakakwanisa kutaura kweawa nehafu. Nokudaro, zuva rangu rokutanga muushumiri rakanga ririwo nhambo yokutanga yehurukuro yangu yavose. Sezvo mapurisa akanga asati asvika pandakapedza, meya nomuprista vakasarudza kuti boka ravarume rindibudise mutaundi racho. Pakona rokutanga mumugwagwa, ndakavamba kumhanya sezvandaigona kuti ndidzivise matombo avakakanda.
Zuva rakatevera racho mapurisa maviri, achiperekedzwa nabhishopi, akandisunga ndiri pabasa. Pakamba yamapurisa, ndakakwanisa kupupura kwavari ndichishandisa Bhaibheri, asi sezvo mabhuku angu eBhaibheri akanga asina chitambi chabhishopi chaidikanwa nomutemo, ndakapomerwa kutendeutsa nokuparadzira mabhuku asingatenderwi. Ndakabudiswa ndichimirira kutongwa.
Kutongwa kwangu kwakaitika mwedzi mumwe gare gare. Mukuzvidzivirira kwangu ndakaratidza kuti ndakanga ndisiri kuita zvinopfuura kuteerera murayiro waKristu wokuparidza. (Mateo 28:19, 20) Mutongi akapindura nenzira yokutsoropodza, kuti: “Mwanangu, Munhu akapa murayiro iwoyo akaroverwa. Nenzira isingafadzi, handina chiremera chokuisa chirango chakafanana pauri.” Zvisinei, rimwe gweta duku randakanga ndisingazivi rakasimuka richindidzivirira, richitaura kuti nechiKomonizimu chakawanda kwazvo uye kusadavira kuvapo kwaMwari, dare raifanira kudada kuti pakanga pane majaya akagadzirira kudzivirira Shoko raMwari. Ipapo akauya ndokundikorokotedza nenzira youshamwari pakuzvidzivirira kwangu kwakanyorwa, kwakanga kuri mufaira rangu. Aororwa nokuti ndakanga ndiri muduku kwazvo, akazvipira kundidzivirira pachena. Panzvimbo pemwedzi mitatu, ndakatongerwa mazuva gumi chete mutorongo uye faindi yemadrakema 300. Chishoro chakadaro chakangosimbisa bedzi kutsunga kwangu kubatira Jehovha ndokudzivirira chokwadi.
Pane imwe nhambo apo ndakasungwa, mutongi akacherekedza kusununguka kwandakanokora nako mashoko eBhaibheri. Akakumbira bhishopi kuti abude muhofisi make, achiti: “Waita basa rako. Ndichamutarisira.” Ipapo akabudisa Bhaibheri rake, uye takataura pamusoro poUmambo hwaMwari masikati ose. Zviitiko zvakadaro zvaindikurudzira kupfuurira pasinei zvapo nezvinetso.
Mutongo Worufu
Muna 1940, ndakadanirwa basa rehondo ndokunyora tsamba ndichitsanangura chikonzero nei ndakanga ndisingagoni kubvuma kunyoreswa. Mazuva maviri gare gare ndakasungwa uye ndakarohwa zvakakomba namapurisa. Ipapo ndakatumirwa kunzvimbo yamauto muAlbania, uko ndakatongwa nedare ramauto nemhaka yokuti ndakaramba kurwa. Zviremera zvehondo zvakandiudza kuti zvakanga zvisingafariri kuziva kana ndakanga ndakarurama kana kuti ndisina kururama kupfuura murangariro uyo muenzaniso wangu waizova nawo pavarwi. Ndakatongerwa rufu, asi nemhaka yechikanganiso chapamutemo chapapepa, kukusunungurwa kwangu kukuru, uyu mutongo wakachinjirwa kumakore gumi nebasa rakaoma. Ndakapedza mwedzi mishomanene yakatevera youpenyu hwangu ndiri mutorongo yamauto muGreece mumigariro yakaoma zvikuru, iyo nemhaka yayo ndichiri kutambura tapuro dzomuviri.
Torongo, kunyange zvakadaro, haina kundiregedzesa kuparidza. Nyangwe napaduku pose! Kurukurirano dzakanga dziri nyore kutanga, sezvo vakawanda vaishamisika chikonzero nei asiri murwi akanga ari mutorongo yamauto. Imwe yeidzi kurukurirano nerimwe jaya rapachokwadi yakatungamirira kufundo yeBhaibheri muvazhe yetorongo. Makore makumi matatu namasere gare gare ndakasanganazve nouyu murume pagungano. Akanga agamuchira chokwadi uye achibatira somutariri weungano pachitsuwa cheLefkás.
Apo mauto aHitler akavhozhokera Yugoslavia muna 1941, takatamisirwa kumaodzanyemba zvikuru kutorongo iri muPreveza. Mukati morwendo rwacho, boka redu ravaperekedzi vanodzivirira rakadenhwa navabhombi veGermany, uye isu vasungwa hatina kupiwa zvokudya. Apo chingwa chishomanene chandakanga ndinacho chakapera, ndakanyengetera kuna Mwari, kuti: “Kana kuri kuda kwenyu kuti ndife nenzara pashure pokunge mandiponesa pamutongo worufu, ipapo kuda kwenyu ngakuitwe.”
Zuva rakatevera racho mumwe mukuru mukuru akandidanira parutivi mukati mokushevedzera vaivapo uye, pashure pokuziva kwandaibva, vakanga vari vabereki vangu, uye chikonzero nei ndakanga ndiri mutorongo, akandiudza kuti ndimutevere. Akandiendesa kuimba yokudyira yavakuru vakuru mutaundi, akandinongedzera kutafura yechingwa, chizi, uye gwayana rakagochwa, ndokundiudza kuti ndizvibetsere ndimene. Asi ndakatsanangura kuti, sezvo vamwe vasungwa 60 vakanga vasina chinhu, hana yangu yaisazondirega ndichidya. Mukuru mukuru wacho akapindura, kuti: “Handigoni kupa munhu ari wose zvokudya! Baba vako vakanga vane rupo zvikuru kune vangu. Ndine musengwa wetsika kwauri asi kwete kuna vamwe.” “Kana zvakadaro ndichangodzokera,” ndakapindura kudaro. Akafunga kwekanguva uye ipapo akandipa bhegi guru rokuisira zvokudya zvakawanda sezvandaigona.
Pakudzokera kutorongo, ndakaisa bhegi racho pasi ndokuti: “Varume, izvi ndezvenyu.” Sezvineiwo, manheru azuro wacho, ndakanga ndapomerwa mhaka yomugariro wakaipa wavamwe vasungwa nemhaka yokuti ndaisakumbanira muminyengetero yavo kuna Mariya Mhandara. Zvisinei, mumwe muKomonisiti akanga andidzivirira. Zvino pakuona zvokudya, akati kuna vamwe: “‘Mariya Mhandara’ yenyu ari kupi? Makataura kuti taizofa nemhaka yomurume uyu, bva ndiye anotiunzira zvokudya.” Ipapo akatendeukira kwandiri ndokuti: “Emmanuel! Huya unyengetere.”
Nokukurumidza pashure pacho, kusvika kweuto reGermany kwakaparira varindiri vetorongo kutiza, kuchivhura masuo outapwa. Ndakaenda kuPatras kuti ndigowana zvimwe Zvapupu ndisati ndaenda kuAthens pakupera kwaMay 1941. Ikoko ndakakwanisa kuwana mbatya neshangu uye kugeza kwangu kwokutanga murinopfuura gore. Kutozosvikira kupera kwokutapa, vaGerman nguva dzose vaindimisa apo ndakanga ndichiparidza, asi havana kutongondisunga. Mumwe wavo akati: “MuGermany tinopfura Zvapupu zvaJehovha. Asi muno tinoshuva kuti kudai vavengi vedu vose vaiva Zvapupu!”
Mibato Yapashure Pehondo
Sokunge kuti Greece yakanga isina kurwiswa zvakakwana, yakaparadzwazve nehondo yavagari vemo kubva muna 1946 kusvikira kuna 1949, kuchiparira zviuru zvenzufu. Hama dzaida kurudziro huru zvikuru kuti dzirambe dzakasimba panguva apo kungopinda chete misangano kwaigona kutungamirira kukusungwa. Hama dzinoverengeka dzakatongerwa rufu nokuda kwechimiro chadzo chokusatora rutivi. Asi pasinei hapo naikoku, vanhu vakawanda vakagamuchira shoko roUmambo, uye takanga tine kubhabhatidzwa kumwe kana kuti kuviri vhiki iri yose. Kuvambira muna 1947, ndakavamba kushanda pahofisi dzeSosaiti muAthens masikati uye kushanyira ungano somutariri anofambira usiku.
Muna 1948, ndakava nomufaro wokukokwa kupinda Watchtower Bible School of Gilead, muUnited States. Asi pakanga pane chinetso. Nemhaka yepomerwo dzangu dzakapfuura, ndakanga ndisingakwanisi kuwana pasipoti. Zvisinei, mumwe wavadzidzi vangu veBhaibheri akanga achishamwaridzana nomukuru mukuru wamauto. Nemhaka yomudzidzi iyeyu, muvhiki shomanene chete, ndakanga ndava nepasipoti yangu. Asi ndakanetseka apo, chinguvana ndisati ndaenda, ndakasungwa nokuda kwokuparadzira Nharireyomurindi. Mumwe mupurisa akandiendesa kumukuru weState Security Police muAthens. Kukushamisika kwangu kwakakwana, akanga ari mumwe wavavakidzani vangu! Mupurisa wacho akatsanangura chikonzero nei ndakanga ndasungwa ndokumupa magazini acho. Muvakidzani wangu akabudisa murwi wamagazini eNharireyomurindi mudhesiki rake ndokuti kwandiri: “Handina chinyorwa chazvino uno. Ndingatora kopi here?” Ndakanyaradzwa sei kuona ruoko rwaJehovha munhau dzakadaro!
Kirasi yechi16 yeGilead, muna 1950, yakanga iri chakaitika chinopfumisa. Pakupera kwayo, ndakagoverwa kuCyprus, uko ndakakurumidza kuwana kuti chishoro chavafundisi chakanga chichityisa somuGreece. Kazhinji kazhinji takanga tichifanira kutarisana nemapoka avanyanyisi vorudzidziso akanyandurirwa kuupengo navaprista veOrthodox. Muna 1953 vhiza yangu yokuCyprus haina kumutsidzirwa, uye ndakagoverwazve kuIstanbul, Turkey. Kuno zvakare, ndakagara nguva pfupi. Nyanduko dzezvematongerwe enyika pakati peTurkey neGreece dzakareva kuti, pasinei zvapo nemigumisiro yakanaka mubasa rokuparidza, ndakanga ndichifanira kuenda kumumwe mugove—Egypt.
Apo ndakanga ndiri mutorongo, ndaiyeuka Pisarema 55:6, 7. Dhavhidhi imomo akataura chishuvo chokutizira kurenje. Handina kutongofungidzira kuti rimwe zuva ndiko chaikoiko kwandaizova. Muna 1954, pashure porwendo rwunonetesa rwamazuva anoverengeka nechitima uye negwa reNile, pakupedzisira ndakasvika kwandaienda—Khartoum, muSudan. Chandakanga ndichida kuita bedzi kwaiva kugeza uye kuenda kunorara. Asi ndakakanganwa kuti akanga ari masikati makuru. Mvura yacho, yaichengeterwa mutangi pamusoro pedenga, yakandipisa, ichindisungira kupfeka herimeti yezuva kwemwedzi inoverengeka kutozosvikira musoro wangu wapora.
Kazhinji kazhinji ndainzwa ndiri ndoga ikoko, ndiri ndoga pakati peSahara, mamaira ane chiuru kubva kuungano yapedyosa, asi Jehovha akanditsigira ndokundipa simba rokupfuurira. Kurudziro pane dzimwe nguva yakabva kumanyuko aisakarirwa zvikurusa. Rimwe zuva ndakasangana nomukuru mukuru weMuseum yeKhartoum. Iye akanga ane ndangariro yakanaka, uye takava nekurukurirano yakaisvonaka. Pakuziva kuti ndakanga ndiri chizvarwa chechiGiriki, akandikumbira kana ndaizomubetsera kupfurikidza nokuenda kumuziyamu kunoshandura mamwe manyoro aiva pazvakaitwa nounyanzvi zvakawanikwa muchechi yezana ramakore rechitanhatu. Pashure pamaawa mashanu munzvimbo iri pasi isina mhepo yakawanda, ndakawana ndiro yaiva nezita raJehovha, Tetragrammaton. Fungidzira mufaro wangu! MuEurope hakusi kwechienzi kuona zita raMwari muchechi, asi ndokwechienzi zvikurusa pakati peSahara!
Pashure pegungano ramarudzi akawanda muna 1958, ndakagoverwa somutariri wezoni kuti ndishanyire hama dzaiva munyika 26 nendima dziri muMiddle neNear East uye muMediterranean. Kazhinji kazhinji handina kuziva nzira yandaizobuda nayo mumamiriro ezvinhu akaoma, asi Jehovha nguva dzose akagovera nzira yokubuda nayo.
Ndakaororwa nguva dzose netarisiro iyo sangano raJehovha rinoratidzira Zvapupu zviri zvoga munyika dzakati. Pane imwe nhambo, ndakasangana nehama yechiIndian ichishanda mumunda wemafuta. Sezviri pachena iyo yakanga iri Chapupu bedzi munyika yacho. Mukabati mayo yakanga ine zvinyorwa mumitauro 18 yakasiyana-siyana, zvayakapa vashandi biyayo. Kunyange muno umo mamwe marudzidziso ose okumwe airambidzwa zvakasimba, hama yedu haina kukanganwa basa rayo rokuparidza mashoko akanaka. Vabiyayo vakaororwa kuona kuti mumiriri worudzidziso rwake akanga atumwa kuzomushanyira.
Gore ra1959 ndakashanyira Spain nePortugal. Dzose dziri mbiri dzakanga dziri muudzvinyiriri hwemauto panguva yacho, nebasa reZvapupu zvaJehovha richirambidzwa zvakasimba. Mumwedzi mumwe ndakakwanisa kuitisa misangano inopfuura zana, ndichikurudzira hama kuti dzisarega pasinei hapo nezvinetso.
Handisisiri Ndoga
Kwaanopfuura makore 20, ndakanga ndave ndichibatira Jehovha mubasa renguva yakazara somurume asina kuroora, asi nokukurumidza ndakaneta nenzendo dzangu dzenguva dzose pasina musha chaiwoiwo upi noupi. Pakanga pari panenge panguva iyi pandakasangana naAnnie Bianucci, piyona chaiye muTunisia. Takaroorana muna 1963. Kuda kwake Jehovha nechokwadi, kuzvipira kwake kuushumiri kwakabatanidzwa nounyanzvi hwake hwokudzidzisa, uye zivo yake yemitauro zvakabvumikisa kuva chikomborero chaichoicho mubasa redu roufundisi neredunhu muchamhembe nomumadokero meAfrica uye muItaly.
Muna August 1965 mudzimai wangu neni takagoverwa kuDakar, Senegal, uko ndakava neropafadzo yokuronga hofisi yebazu yomunzvimbomo. Senegal yakanga iri nyika inoshamisa nokuda kwokushivirira kwayo rudzidziso, pasina panikiro nemhaka yapurezidhendi wayo, Léopold Senghor, mumwe wavatungamiriri vashomanene veAfrica veHurumende akanyorera Purezidhendi Banda weMalawi mukutsigira Zvapupu zvaJehovha mukati mechitambudzo chinotyisa chakaitika muMalawi muma1970.
Chikomborero chaJehovha Chikuru
Muna 1951, apo ndakabva Gilead ndichienda kuCyprus, ndakafamba namasutukesi manomwe. Pakuenda kuTurkey, ndakadzika kumashanu. Asi ndichifamba kwazvo, ndakanga ndichifanira kurovedzana neganhuriro yenhumbi dzinorema makirogiramu 20 (mapaundi 44), idzo dzaibatanidza mafaira angu netapureta yangu “duku zvikuru.” Rimwe zuva ndakati kuna Hama Knorr, panguva iyeyo akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society: “Munondidzivirira pakudisa zvenyika. Munondiita kuti ndirarame nemakirogiramu 20, uye ndiri kuita zvakaisvonaka chaizvo.” Handina kutongonzwa ndichishayiwa nemhaka yokusava nezvinhu zvakawanda.
Chinetso changu chikuru mukati mokufamba kwangu chakanga chiri chokupinda nokubuda munyika. Rimwe zuva, munyika umo basa rakarambidzwa, anonzvera zvinopinda munyika akatanga kuongorora mafaira angu. Ikoku kwakapa ngozi kuZvapupu zvakanga zviri munyika yacho, naizvozvo ndakabudisa mubhachi rangu tsamba yaibva kumudzimai wangu ndokuti kuanonzvera zvinopinda munyika macho: “Ndinoona kuti munofarira kurava tsamba. Mungadawo kurava iyi tsamba inobva kumudzimai wangu, isiri mumafaira here?” Anyadziswa, akaenda ndokundirega ndichipfuura.
Chibviro cha1982 mudzimai wangu neni tave tichibatira savafundisi muNice, kumaodzanyemba kweFrance. Nemhaka youtano husina kunaka, handichagonizve kuita zvakawanda zvikuru sezvandaisimboita. Asi ikoko hakurevi kuti mufaro wedu wakaderera. Takaona kuti ‘kushanda kwedu hakusati kuri pasina.’ (1 VaKorinte 15:58) Ndine mufaro wokuona vanhu vakawanda vandakava neropafadzo yokufunda navo mumakore akapfuura pamwe chete neinopfuura mitezo 40 yemhuri yangu ichibatira Jehovha nokutendeka.
Handitongodembi kurega zvimwe zvinhu uko upenyu hwangu hwoku‘yambukira’ hwakabatanidza. Pashure pezvose, hapana zvatinorega zvinogona kuenzana neizvo Jehovha noMwanakomana wake, Kristu Jesu, vakatiitira. Apo ndinofunga shure mumakore 60 akapfuura andakaziva chokwadi, ndinogona kutaura kuti Jehovha akandikomborera zvikuru. Zvirevo 10:22 inoti, “kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa.”
Pasina panikiro, “unyoro hwenyu [hwaJehovha] hunokunda upenyu.” (Pisarema 63:3) Sezvo zvinetso zvokukwegura zvichiramba zvichiwedzera, mashoko owezvamapisarema akafuridzirwa kazhinji kazhinji anotanhamara muminyengetero yangu: “Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa. Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu. Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa. Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya.”—Pisarema 71:1, 5, 17, 18.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nomudzimai wangu, Annie, nhasi