Kudzidziswa Kuita Kuda kwaJehovha
“Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.”—PISAREMA 143:10.
1, 2. (a) Ndirini patinofanira kudzidziswa, uye nomurangariroi wechokwadi? (b) Nei kudzidziswa naJehovha kuchikosha kwazvo?
ZUVA riri rose iro munhu anenge ari mupenyu uye achishingaira, anogona kudzidziswa chimwe chinhu chakafanira. Ikoko ichokwadi kwauri, uye ndokwechokwadi nezvavamwe. Asi chii chinoitika parufu? Hakubviri kudzidziswa chinhu chipi nechipi kana kuti kudzidza mumamiriro ezvinhu iwayo. Bhaibheri nenzira yakajeka rinotaura kuti vakafa “havana chavanoziva.” Hamuna zivo muSheori, guva ravose rorudzi rwomunhu. (Muparidzi 9:5, 10) Ikoku kunoreva here kuti kuva kwedu vanodzidziswa, kuunganidza zivo, hakuna maturo? Ikoko kunotsamira pane zvatinodzidziswa uye mashandisire atinoita zivo iyoyo.
2 Kana tikadzidziswa zviri zvenyika bedzi, hatina nguva yemberi isingaperi. Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, mamiriyoni avanhu ari mumarudzi ose ari kudzidziswa kuda kwaMwari nomurangariro woupenyu husingaperi. Hwaro hweiyi tariro huri mukudzidziswa naJehovha, Manyuko ezivo inopa upenyu.—Pisarema 94:9-12.
3. (a) Nei kuchigona kutaurwa kuti Jesu akanga ari mudzidzi wokutanga waMwari? (b) Ivimbisoi yatinayo yokuti vanhu vaizodzidziswa naJehovha, uye nomugumisiroi?
3 Mwanakomana wedangwe waMwari, somudzidzi Wake wokutanga, akadzidziswa kuita kuda kwaBaba vake. (Zvirevo 8:22-30; Johane 8:28) Uyewo, Jesu akaratidzira kuti zviuru zvavanhu zvaizodzidziswa naBaba vake. Chii chiri kariro dzaavo vedu vanodzidza kuna Mwari? Jesu akati: “Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kuna Baba, akadzidza, unouya kwandiri. . . . Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoupenyu husingaperi.”—Johane 6:45-47.
4. Mamiriyoni avanhu anotapurwa sei nokudzidzisa kwaMwari, uye ikariroi dzaanadzo?
4 Jesu akanga achinokora mashoko pana Isaya 54:13, iyo yakanyorerwa mukadzi wokufananidzira waMwari, Zioni rokudenga. Uporofita ihwohwo hunoshanda chaizvo kuvanakomana varo, vadzidzi vakaberekwa nomudzimu vane 144 000 vaJesu Kristu. Vakasarira vavanakomana vomudzimu ivavo vanoshingaira nhasi, vachitungamirira gadziriro yomunyika yose yokudzidzisa. Somugumisiro, mamiriyoni avamwe anoumba “boka guru” anobetserwawo nokudzidziswa naJehovha. Ane kariro yechienzi yokudzidza asingafi. Sei? Eya, vachapukunyuka “dambudziko guru” riri kusvika nokukurumidza uye vachafarikanya upenyu husingaperi muparadhiso yapasi.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 13-17, NW.
Simbiso Huru Zvikuru Pakuita Kuda kwaMwari
5. (a) Ndorupi ruri rugwaro rwegore rwa1997? (b) Tinofanira kunzwa sei pamusoro pokupinda misangano yechiKristu?
5 Mukati ma1997, mudzinopfuura ungano 80 000 munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvichasanorangarira mashoko okuvhura ePisarema 143:10: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu.” Irworwo ndirwo ruchava rugwaro rwegore rwa1997. Mashoko iwayo, anoratidzirwa zvakatanhamara muHoro dzoUmambo, achabatira sechiyeuchidzo chokuti nzvimbo yakatanhamara yokugamuchira dzidzo youmwari iri pamisangano yeungano, apo tinogona kugoverana mugadziriro inopfuurira yomurayiridzo. Pakukumbanira hama dzedu pamisangano kuti tidzidziswe noMurayiridzi wedu Mukuru, tinogona kunzwa sowezvamapisarema, uyo akanyora, kuti: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehovha.”—Pisarema 122:1; Isaya 30:20.
6. Mumashoko aDhavhidhi, chii chatinobvuma?
6 Hungu, tinoshuva kudzidziswa kuita kuda kwaMwari panzvimbo pokuda kwomuvengi wedu Dhiyabhorosi kana kuti kuda kwavanhu vasina kukwana. Naizvozvo, saDhavhidhi, tinobvuma Mwari watinonamata nokubatira: “Nokuti ndimi Mwari wangu; mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere.” (Pisarema 143:10) Panzvimbo pokuda kusangana navanhu vasiri vechokwadi, Dhavhidhi akada kuva uko kunamatwa kwaJehovha kwaipfuuridzirwa. (Pisarema 26:4-6) Ane mudzimu waMwari kuti utungamirire nhanho dzake, Dhavhidhi aigona kufamba munzira dzokururama.—Pisarema 17:5; 23:3.
7. Mudzimu waMwari wakashanda sei paungano yechiKristu?
7 Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, akavimbisa vaapostora kuti mudzimu mutsvene waizovadzidzisa zvinhu zvose ndokuvayeuchidza zvinhu zvose zvaakanga avaudza. (Johane 14:26) Kubva paPentekosta zvichienda mberi, Jehovha nenzira inofambira mberi ave achizivisa “zvinhu zvakavanzika zvaMwari” zviri muShoko rake rakanyorwa. (1 VaKorinte 2:10-13) Akaita ikoku kupfurikidza nomukoto unooneka uyo Jesu akadana kuti “muranda wakatendeka, wakangwara.” Anogovera zvokudya zvomudzimu zvinorangarirwa mugadziriro yokudzidzisa yeungano dzavanhu vaMwari munyika yose.—Mateo 24:45-47.
Kudzidziswa Kuda kwaJehovha Pamisangano Yedu
8. Nei kugoverana muFundo yeNharireyomurindi kuchikosha kwazvo?
8 Mashoko ari muFundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki yeungano kazhinji kazhinji anobata nokushanda kwenheyo dzeBhaibheri. Ikoku zvirokwazvo kunotibetsera kugonana nefunganyo dzoupenyu. Mune zvimwe zvifundo zvokwadi dzakadzama dzomudzimu kana kuti uporofita hweBhaibheri zvinorangarirwa. Tinodzidziswa zvakawanda sei mukati mefundo dzakadaro! Munyika dzakawanda Horo dzoUmambo dzinozadzwa zvikuru nokuda kweiyi misangano. Bva munyika dzakati, vapindi vemisangano vakaderera. Unofunga kuti neiko? Vamwe vangava vari kubvumira basa rokunyika kuvhiringidza kuungana kwavo pamwe chete nguva dzose “kuti tive norudo namabasa akanaka” here? Kana kuti maawa akawanda angava ari kupedzwa mumibato yenhandaro kana kuti mukutarira terevhizheni, kuchiita kuti rudungwe ruratidzike rwakaoma zvikuru kuti usvike pamisangano yose here? Yeuka murayiro wakafuridzirwa uri pana VaHebheru 10:23-25. Kuungana pamwe chete nokuda kwomurayiridzo waMwari hakusi kunotokosha zvikuru zvino sezvatino“ona kuti zuva roswedera” here?
9. (a) Musangano Webasa unogona sei kutishongedzera nokuda kwoushumiri? (b) Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro pamusoro pokupupura?
9 Rimwe ramabasa edu okutanga nderokubatira savashumiri vaMwari. Musangano Webasa wakagadzirirwa kutidzidzisa nzira yatinogona nayo kuita ikoku nenzira inobudirira. Tinodzidza nzira yokusvika nayo vanhu, chokutaura, nzira yokuita nayo apo panenge pane mhinduro yakanaka, uye kunyange chokuita apo vanhu vanoramba shoko redu. (Ruka 10:1-11) Sezvo mitoo inobudirira inokurukurwa ndokuenzanisirwa muuyu musangano wevhiki nevhiki, tinogadzirirwa zviri nani kusvika vanhu kwete bedzi pakuenda paimba neimba asiwo pakuparidza mumigwagwa, munzvimbo dzokupaka motokari, muzvifambiso zvavose, panhandare dzendege, panzvimbo dzebhizimisi, kana kuti muzvikoro. Maererano nechikumbiro chedu, “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,” tichada kushandisa mukana uri wose kuita sezvakakurudzirwa naTenzi wedu, kuti: “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti . . . vakudze Baba venyu vari kudenga.—Mateo 5:16.
10. Tinogona sei kubetsera zvirokwazvo ‘vakafanirwa’?
10 Pamisangano yeungano yakadaro, tinodzidziswawo kuita vadzidzi vavamwe. Fariro yangowanwa kana kuti bhuku ragoverwa, vavariro yedu pakuita shanyo dzedzokerero ndeyokutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mupfungwa yakati, ikoku kwakafanana no‘kugara navakafanirwa’ kwavadzidzi kuti vavadzidzise zvinhu izvo Jesu akanga arayira. (Mateo 10:11; 28:19, 20) Tiine betsero dzakaisvonaka, dzakadai sebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chaizvoizvo takasanoshongedzerwa kuita ushumiri hwedu zvakakwana. (2 Timotio 4:5) Vhiki imwe neimwe sezvaunopinda Musangano Webasa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, vavarira kunzwisisa uye ipapo kushandisa mapfundo anobetsera achakurumbidza somumwe wavashumiri vaMwari akakwaniriswa zvakakwana, anoita kuda kwake.—2 VaKorinte 3:3, 5; 4:1, 2.
11. Vamwe vakaratidzira sei kutenda mumashoko anowanwa pana Mateo 6:33?
11 Kuda kwaMwari kuti ti“tang[e] kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake.” (Mateo 6:33) Zvibvunze umene kuti, ‘Ndingashandisa sei iyi nheyo kana zvinodikanwa pabasa rangu rokunyika [kana kuti zvomukwanyina wangu] zvikadzongonyedza kupinda misangano?’ Vakakura mumudzimu vakawanda vangaita matanho okutaura kuvashandirwi vavo pamusoro penhau yacho. Mumwe mushumiri wenguva yakazara akazivisa mushandirwi wake kuti akanga achida kuva nenguva yokusashanda vhiki imwe neimwe kuitira kuti apinde misangano yeungano. Akabvuma chikumbiro chacho. Asi achidisa kuziva pamusoro pechinoitika kumisangano, akakumbira kupinda. Ikoko akanzwa chiziviso chaiva nechokuita nekokorodzano yoruwa yakanga iri kuuya. Somugumisiro, mushandirwi akaronga kupedza zuva rose ari pakokorodzano yacho. Chidzidzoi chaunowana muuyu muenzaniso?
Kudzidziswa Kuda kwaMwari Navabereki Voumwari
12. Kuti vana vadzidziswe kuda kwaJehovha, vabereki vechiKristu vanofanira kuitei neshiviriro uye vakasimba?
12 Asi misangano yeungano nekokorodzano haisi iyo bedzi gadziriro yokudzidziswa kuita kuda kwaMwari. Vabereki voumwari vanorayirwa kurovedza, kuranga, uye kurera vana vavo kuti varumbidze Jehovha ndokuita kuda kwake. (Pisarema 148:12, 13; Zvirevo 22:6, 15) Kuita kudaro kunoda kuti tiende na“vaduku” vedu kumisangano uko vanogona ku‘teerera nokudzidza,’ asi zvakadiniko nokuvadzidzisa mumanyoro matsvene kumba? (Dheuteronomio 31:12; 2 Timotio 3:15) Mhuri dzakawanda nenzira yokutungamirirwa nehana dzakavamba gadziriro yefundo yenguva dzose yemhuri yeBhaibheri, dzichizongobvumira bedzi idzodzi kuti dzipere kana kuti kuregwa nokukurumidza. Wakava nechakaitika chakadaro here? Uchagumisa kuti rumbidzo yokuva nefundo yenguva dzose haina kufanira kana kuti mhuri yako yakasiyana kwazvo zvokuti hazvisati zvichizotongoshanda hazvo kwauri here? Api kana api ari mamiriro ezvinhu, vabereki tapota hwirudzurai nyaya dzakaisvonaka dzokuti “Nhaka Yedu Yomudzimu Inokosha” uye “Tuso Dzokupfuurira” dziri muNharireyomurindi yaAugust 1, 1995.
13. Mhuri dzinogona sei kubetserwa nokurangarira rugwaro rwezuva nezuva?
13 Mhuri dzinokurudzirwa kuita muitiro wokurangarira rugwaro rwezuva nezuva muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Kungorava chete rugwaro rwacho netsinhiro kwakanaka, asi kukurukura rugwaro rwacho nokurushandisa kunobetsera zvikuru. Somuenzaniso, kana ichirangarira VaEfeso 5:15-17, mitezo yemhuri ingagona kurangarira pamusoro penzira yoku‘tenga nayo nguva yakafanira’ yefundo yomunhu oga, yokugoverana muchimiro chakati choushumiri hwenguva yakazara, uye yokutarisira mimwe migove youbati ushe hwaMwari. Hungu, kurukurirano yemhuri yorugwaro rwezuva nezuva ingagona kutungamirira mumwe kana kuti vakawanda ku“ziv[a] [zvizere zvikuru] kuda kwaShe.”
14. Dheuteronomio 6:6, 7 inoratidzira kuti vabereki vanofanira kuva rudzii rwavadzidzisi, kuchidei?
14 Vabereki vanofanira kuva vadzidzisi vanoshingaira vevana vavo. (Dheuteronomio 6:6, 7) Asi haisi nhau yokungotuka kana kuti kurayira vana vavo. Baba namai vanofanirawo kuteerera, munzira iyoyo vachiva vanokwanisa kuziva zviri nani zvinofanira kutsanangurwa, kujekeswa, kuenzanisirwa, kana kuti kudzokororwa. Mune imwe mhuri yechiKristu, vabereki vanonyandura kurukurirano yakasununguka kupfurikidza nokukurudzira vana vavo kubvunza mibvunzo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi kana kuti zvinoparira kuitira hanya. Nokudaro vakadzidza kuti mwanakomana wechiduku akanga ane chinetso chokunzwisisa kuti Jehovha haana mavambo. Vabereki vacho vakakwanisa kushandisa mashoko ari muzvinyorwa zveWatch Tower Society vachiratidza kuti nguva nenzvimbo zvinogamuchirwa sezvisingagumi. Ikoko kwakabatira kuenzanisira pfundo racho, uye kwakagutsa mwanakomana wavo. Naizvozvo wana nguva kuti upindure zvakajeka uye muMagwaro mibvunzo yavana vako, uchivabetsera kuona kuti kudzidza kuita kuda kwaMwari kunogona kuva kunogutsa zvikuru. Chiizve icho vanhu vaMwari—vaduku navakuru—vari kudzidziswa nhasi?
Kudzidziswa Kuda uye Kurwa
15. Uchokwadi hworudo rwedu rwouhama hungaedzwa rini?
15 Mutsinhirano nomurayiro mutsva waJesu, tino“dzidziswa naMwari kuti [ti]dane.” (1 VaTesaronika 4:9) Apo zvinhu zvinenge zvakadzikama uye zvichifamba zvakanaka, tingarangarira kuti tinoda hama dzedu dzose. Bva chii chinoitika apo misiyano yomunhu oga inomuka kana kuti tinogumburwa nemhaka yeizvo mumwe muKristu anotaura kana kuti anoita? Panguva ino uchokwadi hworudo rwedu hungaedzwa. (Enzanisa na2 VaKorinte 8:8.) Bhaibheri rinotidzidzisa kuitei mumamiriro ezvinhu akadaro? Chimwe chinhu ndechokuvavarira kuratidza rudo mupfungwa yakazara zvikurusa. (1 Petro 4:8) Panzvimbo pokutsvaka fariro dzedu timene, kutsamwiswa nezvikanganiso zviduku, kana kuti kurangarira kukuvadzwa, tinofanira kushanda kuti rudo rufukidze zvivi zvakawanda. (1 VaKorinte 13:5) Tinoziva kuti ikoku kuda kwaMwari, nokuti ndizvo izvo Shoko rake rinodzidzisa.
16. (a) VaKristu vanodzidziswa kupinda murudzii rwehondo? (b) Tinoshongedzerwa sei?
16 Nepo vakawanda vangasabatanidza rudo nehondo, chapashure ndechimwe chinhuwo zvacho chatiri kudzidziswa, asi rudzi rwakasiyana rwehondo. Dhavhidhi akaziva kutsamira kwake pana Jehovha kuti amudzidzise nzira yokurwa nayo, kunyange zvazvo munguva yake ikoko kwaibatanidza kurwa chaikoiko mukurwisana navavengi vaIsraeri. (1 Samueri 17:45-51; 19:8; 1 Madzimambo 5:3; Pisarema 144:1) Zvakadiniko nokurwa kwedu nhasi? Zvombo zvedu hazvisi zvokunyama. (2 VaKorinte 10:4) Kwedu kurwa kwomudzimu, kwatinofanira kuva vakashongedzerwa nechifukidziro chesimbi chomudzimu. (VaEfeso 6:10-13) Kupfurikidza neShoko rake navanhu vake vakaungana, Jehovha anotidzidzisa kurwa hondo yomudzimu inobudirira.
17. (a) Dhiyabhorosi anoshandisa unyanzvii kutitsausa? (b) Chii chatinofanira kudzivisa nenzira yokuchenjera?
17 Munzira dzokunyengedza, dzamanomano, Dhiyabhorosi kazhinji kazhinji anoshandisa zvinhu zvenyika, vakaramba kutenda, uye vamwe vashori vechokwadi munhamburiko yokutitsausira kunhau dzisingakoshi. (1 Timotio 6:3-5, 11; Tito 3:9-11) Kwakaita sokuti anoona kuti ane mukana muduku wokutikurira kupfurikidza nedenho yakanaka, yakajeka, naizvozvo anoedza kutigumbura kupfurikidza nokutiita kuti titaure kunyunyuta kwedu kuduku uye mibvunzo youpenzi, zvisina ukoshi hwomudzimu. Savarwi vakasvinurira, tinofanira kuva vakasvinurira chaizvo ngozi dzakadaro sezvatinoita denho dzakajeka.—1 Timotio 1:3, 4.
18. Kusachazviraramira timene kunobatanidzei chaizvozvo?
18 Hatitsigiri zvishuvo zvavanhu kana kuti kuda kwamarudzi. Jehovha akatidzidzisa kupfurikidza nomuenzaniso waJesu kuti hatifaniri kuchazviraramirazve, panzvimbo pezvo, tinofanira kuva vakashongedzerwa nechimiro chendangariro chimwe chetecho icho Kristu Jesu akanga anacho ndokuraramira kuda kwaMwari. (2 VaKorinte 5:14, 15) Munguva yakapfuura, tingava takararama upenyu husina mwero zvikuru, hwokusakendenga, hwokupambadza nguva yakakosha. Kutamba kwakaipa, mabira okunwa, uye unzenza zvinoratidzira nyika ino yakaipa. Zvino zvatiri kudzidziswa kuita kuda kwaMwari, hationgi here kuva vakaparadzaniswa nenyika ino yakaipa? Naizvozvo ngatirwei kurwa kwakaoma mumudzimu kuti tidzivise kubatanidzwa nemiitiro inosvibisa yenyika.—1 Petro 4:1-3.
Kutidzidzisa Kuzvibetsera Timene
19. Kudzidziswa kuda kwaJehovha uye ipapo kukuita kuchatungamirira kubetseroi?
19 Kuri madikanwa kuziva kuti kudzidziswa kuita kuda kwaJehovha kunotibetsera zvikuru kwazvo. Nenzira inonzwisisika, tinofanira kuita rutivi rwedu kupfurikidza nokusanopa ngwariro kuitira kuti tidzidze uye ipapo kutevera mirayiridzo inouya kwatiri kupfurikidza noMwanakomana wake pamwe chete nokupfurikidza neShoko rake uye vanhu vake vakaungana. (Isaya 48:17, 18; VaHebheru 2:1) Kupfurikidza nokuita kwedu kudaro, tichasimbiswa kukumira takasimba munguva dzino dzine ngwavaira ndokukunda zvinetso zviri mberi. (Mateo 7:24-27) Kunyange zvino, tichava tichifadza Mwari kupfurikidza nokuita kuda kwake uye tichava tichiva nechokwadi chokuti minyengetero yedu inopindurwa. (Johane 9:31; 1 Johane 3:22) Uye tichawana mufarwa wapachokwadi.—Johane 13:17.
20. Kungava kwakanaka kufungisisei sezvaunoona rugwaro rwegore muna 1997 wose?
20 Mukati ma1997, tichagarova nomukana wokurava ndokurangarira rugwaro rwegore, Pisarema 143:10: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu.” Sezvatinoita ikoku, ngatishandisei dzimwe dzenhambo kurangarira gadziriro idzo Mwari akatiitira kuti tidzidziswe, sezvaratidzwa pamusoro apa. Uye ngatishandisei kufungisisa kwakadaro pamashoko iwayo sechinonyandura kuti tiite nguva dzose maererano neteterero iyoyo, tichiziva kuti “unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.
Ungapindura Sei?
◻ Ndivanaani nhasi vari kudzidziswa kuita kuda kwaJehovha?
◻ Pisarema 143:10 rinofanira kutitapura sei mukati ma1997?
◻ Tiri kudzidziswa sei kuita kuda kwaJehovha?
◻ Chii chinodikanwa kuvabereki vechiKristu mukudzidzisa vana vavo?