Kurega Zvakawanda Nokuda Kwechimwe Chinhu Chikuru Zvikuru
YAKATAURWA NAJULIUS OWO BELLO
Kwamakore 32 ndakanga ndiri muAladura.a Ndaidavira kuti kuporesa nokutenda uye minyengetero zvaizopedza zvinetso zvangu zvose ndokurapa zvirwere zvose. Handina kutongotenga mishonga ipi neipi, kwete kunyange zvokunyaradza marwadzo. Mukati mamakore iwayo, hapana munhu mumhuri yangu akambopinzwa muchipatara. Panguva ipi kana ipi apo upi noupi wavana vangu airwara, ndaivanyengeterera masikati nousiku kutozosvikira vapora. Ndaidavira kuti Mwari akanga ari kupindura minyengetero yangu uye achindikomborera.
* Kubva mushoko reYoruba rinoreva kuti “anonyengetera.” Rinonongedzera kumutezo wechechi yeAfrica inoshandisa kuporesa kwemidzimu.
NDAKANGA NDIRI weEgbe Jolly, kirabhu yomunzanga yakatanhamara zvikurusa muAkure, taundi riri kumavirira kweNigeria. Shamwari dzangu dzakanga dziri vanhu vakapfuma zvikurusa uye vane simba zvikurusa munzanga medu. Deji, mambo weAkure, kazhinji kazhinji aindishanyira mumusha mangu.
Ndakangawo ndiri mupariki, ndine vadzimai vatanhatu navarongo vakawanda. Bhizimisi rangu rakabudirira. Chinhu chiri chose chakanga chichindifambira zvakanaka. Bva, kufanana nomushambadzi womumuenzaniso waJesu weparera, ndakawana chimwe chinhu chinokosha kwazvo zvokuti ndakarega vashanu vevadzimai vangu, varongo vangu, chechi, kirabhu yomunzanga, uye kutanhamara kwenyika mukutsinhana nacho.—Mateo 13:45, 46.
Nzira Yandakava Nayo muAladura
Ndakatanga kunzwa nezvevaAladura muna 1936, apo ndakanga ndine makore 13 okukura. Shamwari yainzi Gabriel yakandiudza kuti: “Kana ukashanyira Christ Apostolic Church, uchanzwa Mwari achitaura.”
“Mwari anotaura sei?” ndakamubvunza.
Akati: “Huya, uye uchaona.”
Ndakanga ndichidisa kuteerera Mwari. Naizvozvo usiku ihwohwo, ndakaenda naGabriel kuchechi. Chivako chiduku chakanga chakazadzwa navanamati. Ungano yacho yakavamba kuimba kuti: “Huyai, imi vanhu! Pano ndipo pana Jesu!”
Mukati mokuimba ikoku, mumwe munhu akadanidzira kuti: “Buruka, mudzimu mutsvene!” Mumwe munhuwo zvake akaridza bhero, uye ungano yacho yakanyarara. Tevere, mumwe mukadzi akavamba kutaura nemanyemwe norurimi rwechienzi. Kamwe kamwe akadanidzira kuti: “Teererai shoko raMwari, Haiwa imi vanhu! Izvi ndizvo zvataurwa naMwari: ‘Nyengetererai vavhimi kuitira kuti vasauraye vanhu!’” Mamiriro ezvinhu akazadzwa nokutya.
Ndakadavira kuti Mwari akanga ataura kupfurikidza naye, naizvozvo gore rakatevera racho ndakabhabhatidzwa somutezo weChrist Apostolic Church.
Kuonana Kwapakuvamba neZvapupu zvaJehovha
Muna 1951, ndakagamuchira kopi yemagazini yeNharireyomurindi kuChapupu chainzi Adedeji Boboye. Magazini yacho yakanga ichifadza, naizvozvo ndakazvinyoresa kwairi ndokuirava nguva dzose. Muna 1952, ndakapinda kokorodzano yoruwa yamazuva mana yeZvapupu zvaJehovha paAdo Ekiti.
Zvandakaona pakokorodzano yacho zvakandiorora. Ndakafunga zvakakomba pamusoro pokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha asi ndakadzinga pfungwa yacho. Chinetso changu chakanga chiri chokuti ndakanga ndine vadzimai vatatu nomurongo mumwe panguva yacho. Ndakafunga kuti hapana nzira yandaigona kurarama nayo nomudzimai mumwe bedzi.
Pandakadzokera kuAkure, ndakaudza Adedeji kuti arege kundishanyira, uye handina kumutsidzira kuzvinyoresa kwangu kuNharireyomurindi. Ndakava anoshingaira zvikuru muchechi mangu. Pashure pezvose, ndakarangarira, Mwari akanga andikomborera chibviro cheapo ndakakumbanira Christ Apostolic Church. Ndakanga ndaroora vadzimai vatatu ndokubereka vana vakawanda. Ndakanga ndavaka imba yangu ndimene. Ndakanga ndisina kutongopinzwa muchipatara. Sezvo Mwari airatidzika kuva aipindura minyengetero yangu, kuchinjirei rudzidziso rwangu?
Utanhamari Hunokura Pamwe Chete Nokuodzwa Mwoyo
Ndakavamba kupa mari yakawanda kuchechi. Nokukurumidza vakandiita mukuru wechechi, nzvimbo yakandigonesa kunyatsoona kushanda kwechechi yacho. Zvandakaona zvakandikangaidza. Mufudzi nava“porofita” vaida mari; makaro avo akandikatyamadza.
Somuenzaniso, muna March 1967 ndakaberekerwa vana vatatu navakadzi vakasiyana-siyana. Yakanga iri tsika yomuchechi kuva nomutambo wokupiwa zita kwomwana. Naizvozvo ndakaenda nezvipo—hove, lemonade, uye zvinwiwa zvaiva mumabhodhoro—kumufudzi nokuda kwokugadzirira mutambo wacho.
Pazuva romunamato wechechi, mufudzi akati ari mberi kweungano yose: “Vanhu vakapfuma vari muchechi ino vandishamisa. Vanoda kuva nomutambo wokupiwa mazita, uye chavanongounza bedzi zvinwiwa nehove. Pasina nyama! Pasina mbudzi! Fungidzirai! Kaini akapa Mwari chibayiro chemadhumbe mahombe, bva Mwari haana kugamuchira chibayiro ichocho sezvo makanga musina ropa machiri. Mwari anoda zvinhu zvine ropa mazviri. Abheri akaunza mhuka, uye chibayiro chake chakagamuchirwa.”
Naikoko, ndakasimuka ndokubuda ndakatsamwa. Zvisinei, ndakangopinda chechi yacho. Nenzira inowedzera, ndakapedza nguva yakawanda zvikuru ndichitandara nokupinda misangano yekirabhu yangu. Pane dzimwe nguva ndaipinda misangano paHoro yoUmambo, uye ndakamutsidzira kuzvinyoresa kwangu kuNharireyomurindi. Kunyange zvakadaro, ndakanga ndisati ndagadzirira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Chisarudzo Chokubatira Jehovha
Nguva yechinjo huru nokuda kwangu yakasvika muna 1968. Rimwe zuva ndakavamba kurava nyaya yaiva muNharireyomurindi yairondedzera kutambudzwa kwoutsinye kweZvapupu zvaJehovha muMalawi. Yakataura nezvomusikana aiva nemakore 15 okukura uyo akasungirirwa pamuti ndokubatwa chibharo katanhatu nemhaka yokuti akaramba kubvumiranisa pane zvisina kufanira kutenda kwake. Ndakatyamadzwa zvikuru, ndakadonhedza magazini yacho, asi ndakaramba ndichifunga nezvazvo. Ndakaziva kuti hapana musikana womuchechi mangu aizoratidza rudzi rwakadaro rwokutenda. Gare gare manheru iwayo, ndakatora magazini yacho ndokurava peji yacho zvakare.
Ndakavamba kufunda Bhaibheri nenzira yakakomba. Sezvandakakura muzivo, ndakavamba kuona kutitsausa zvikuru uko chechi yakanga yave ichiita. Sezvakwakanga kuri chokwadi munguva dzakare, vaprista vedu vakanga vari ‘kupfuurira nokusazvibata bedzi.’ (Hosea 6:9) Varume vakadaro vakanga vari pakati pavaporofita venhema avo Jesu akanyevera pamusoro pavo! (Mateo 24:24) Handina kuisazve kutenda kwangu muzviono zvavo nemabasa esimba. Ndakasarudza kusununguka murudzidziso rwenhema ndokubetsera vamwe kuita zvimwe chetezvo.
Nhamburiko Dzokundichengeta Ndiri Muchechi
Apo vakuru vechechi vakaziva kuti ndakanga ndasarudza kubva muchechi, vakatuma nhume kuti dzinditeterere. Vakanga vasingadi kurasikirwa nemanyuko anokosha emari. Vakakumbira kuti vandiite Baba Egbe, mutsigiri weimwe yemachechi eChrist Apostolic muAkure.
Ndakaramba ndokuvaudza chikonzero nei. “Chechi yave ichitinyepera,” ndakadaro. “Vanotaura kuti vanhu vose vakanaka vachaenda kudenga. Asi ndakarava Bhaibheri, uye ndinopwiswa kuti vanhu 144 000 bedzi vachaenda kudenga. Vamwe vanhu vakarurama vachagara muparadhiso yapasi.”—Mateo 5:5; Zvakazarurwa 14:1, 3.
Mufudzi wechechi akaedza kuti vadzimai vangu vandipandukire. Akavaudza kudzivisa Zvapupu zvaJehovha kuti zvisauya kumusha kwedu. Mumwe wavadzimai vangu akaisa muchetura muzvokudya zvangu. Vaviri vavo vakandinyevera pamusoro pechiono chavakanga vaona muchechi. Chiono chacho chairatidza kuti ndaizofa kana ndikabva muchechi. Pasinei zvapo naikoko, ndakaramba ndichipupura kuvadzimai vangu, ndichivakoka kuti vaende neni kumisangano. “Muchawana vamwe varume ikoko,” ndakadaro. Zvisinei, hapana mumwe wavo akaratidza fariro ipi neipi, uye vakapfuurira kuedza kundiodza mwoyo.
Pakupedzisira, pana February 2, 1970, pandakadzoka kumba ndichibva kurwendo rwokutaundi rapedyo, ndakawana kuti imba yakanga isina chinhu. Vadzimai vangu vose vakanga vatiza nevana.
Kunamatira Kumudzimai Mumwe
‘Zvino ndinogona kururamisa roorano yangu,’ ndakafunga kudaro. Ndakakoka vahosi vangu, Janet, kuti vadzoke kumusha. Vakabvuma. Mhuri yavo, zvisinei, yakashora zvakasimba pfungwa yacho. Apo vamwe vadzimai vangu vakaziva kuti ndakanga ndakumbira Janet kudzoka, vakaenda kumba kwababa vavo ndokuedza kuvarova. Mhuri yavo ipapo yakandidana kumusangano.
Pakanga pane vanhu vanenge 80 vaiva pamusangano wacho. Babamunini vaJanet, vakanga vari musoro wemhuri yacho, vakati: “Kana uchida kuroorazve mwanasikana wedu, ipapo unofanira kugamuchira vamwe vakadzi. Asi kana uchida kuita rudzidziso rwako rutsva ndokugara nomudzimai mumwe, ipapo unofanira kuwana mumwe mukadzi. Kana ukagamuchira Janet, vamwe vadzimai vako vachamuuraya, uye hatidi kuti mwanasikana wedu afe.”
Pashure pokutaura zvakawanda, mhuri yacho yakaziva kuti ndakanga ndasarudza kuva nomudzimai mumwe bedzi. Pakupedzisira vakadzikama. Babamunini vacho vakati: “Hatisati tichizokutorera mudzimai wako. Unogona kuenda naye.”
Pana May 21, 1970, Janet neni takaroorana zvapamutemo. Mazuva mapfumbamwe gare gare ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Muna December wegore rimwe chetero, Janet akabhabhatidzwawo.
Kufarikanya Chikomborero chaJehovha
Mitezo yeyaichimbova chechi yedu yakanga yaporofita kuti kana tikava Zvapupu, taizofa. Iwayo akanga ari anenge makore 30 akapfuura. Kunyange kana ndikafa zvino, kungava nemhaka yokuti ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha here? Kana mudzimai wangu akafa zvino, munhu upi noupi anogona kutaura kuti kwakanga kuri nemhaka yokuti akava mumwe weZvapupu zvaJehovha here?
Ndakatambura kuti ndiratidze vana vangu 17 nzira yechokwadi. Kunyange zvazvo vakawanda vavo vakanga vakura panguva yandakava Chapupu, ndakavakurudzira kufunda Bhaibheri ndokuenda navo kumisangano nokukokorodzano. Mufaro wangu kuva navashanu vavo vanobatira Jehovha neni. Mumwe anobatira pamwe chete neni somukuru muungano. Mumwe wacho mubatiri anoshumira muungano yapedyo. Vaviri vavana vangu vanobatira samapiyona enguva dzose.
Apo ndinotarira shure, ndinoshamiswa nomutsa usakafanirwa waJehovha mukundibetsera kuva mubatiri wake. Ndeechokwadi sei mashoko aJesu: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi”!—Johane 6:44.
[Mashoko Omuzasi]
a Kubva mushoko reYoruba rinoreva kuti ”anonyengetera.” Rinonongedzera kumutezo wechechi yeAfrica inoshandisa kuporesa kwemidzimu.