Kubetsera Vamwe Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari
“Ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.”—1 VAKORINTE 9:16.
1, 2. (a) Mwari anoda kuti tigoverane mumabasai maviri? (b) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kudzidzei kuti vave vadzorwi voUmambo hwaMwari?
JEHOVHA ane mashoko akanaka nokuda kworudzi rwomunhu. Ane Umambo, uye anoda kuti vanhu kwose kwose vanzwe pamusoro pahwo! Tangodzidza bedzi aya mashoko akanaka, Mwari anoda kuti tiagoverane navamwe. Aya mabasa maviri. Rokutanga, tinofanira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Muuporofita hwake pamusoro po“kuguma kwenyika,” Jesu akati: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:3, 14.
2 Rutivi rwechipiri rweiri basa runobatanidza kudzidzisa avo vanogamuchira zvakanaka kuziviswa kwoUmambo. Pashure pokumuka kwake, Jesu akaudza boka guru ravadzidzi vake kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:19, 20) ‘Zvinhu izvo Kristu akarayira’ hazvina kubva kwaari; akadzidzisa vamwe kuchengeta mirayiro yaMwari, kana kuti zvinodikanwa. (Johane 14:23, 24; 15:10) Kudzidzisa vamwe ku‘chengeta zvinhu izvo Kristu akarayira’ nokudaro kunobatanidza kuvabetsera kudzidza zvinodikanwa zvaMwari. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kusvitsa zvinodikanwa zvaMwari kuti vagova vadzorwi voUmambo hwake.
3. Umambo hwaMwari chii, uye huchaitei zvinoita kuti shoko roUmambo rive mashoko akanaka kudaro?
3 Umambo hwaMwari chii? Uye huchaitei zvinoita kuti shoko roUmambo rive mashoko akanaka kudaro? Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga. Hunokosha zvikuru kumwoyo waJehovha, nokuti ndiwo mutoo waachatsvenesa nawo zita rake, achiribvisira ruzvidzo rwose. Umambo chishandiso icho Jehovha achashandisa kuparira kuti kuda kwake kuitwe pasi pano sezvakuri mudenga. Ndicho chikonzero nei Jesu akatidzidzisa kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye ndokutikurudzira kuhuisa pakutanga muupenyu hwedu. (Mateo 6:9, 10, 33) Unoona here chikonzero nei kuchikosha kwazvo kuna Jehovha kuti tidzidzise vamwe pamusoro poUmambo hwake?
Denho Asi Kwete Mutoro
4. Kunogona kuratidzirwa sei kuti basa redu rokuparidza mashoko akanaka hausi mutoro?
4 Mutoro here kuparidza aya mashoko akanaka? Nyangwe napaduku pose! Kuenzanisira: Baba vane basa rokugovera mhuri yavo mune zvokunyama. Kukundikana kuita kudaro kwakaenzana nokuramba kutenda kwechiKristu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Asi basa iroro mutoro kumurume wechiKristu here? Kwete kana achida mhuri yake, nokuti muna ikoko anoda kuvagovera.
5. Kunyange zvazvo basa rokuparidza nokuita vadzidzi riri basa, nei tichifanira kufadzwa nokugoverana mariri?
5 Nenzira yakafanana, basa rokuparidza nokuita vadzidzi ibasa, ndichinodikanwa, apo upenyu hwedu humene hunotsamira. Pauro akakutaura neiyi nzira: “Ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.” (1 VaKorinte 9:16; enzanisa naEzekieri 33:7-9.) Zvisinei, vavariro yedu yokuparidza ndirwo rudo, kwete basawo zvaro. Zvikurukuru tinoda Mwari, asi tinodawo vavakidzani vedu, uye tinoziva kuti kunokosha sei kuti vanzwe mashoko akanaka. (Mateo 22:37-39) Anovapa tariro yenguva yemberi. Umambo hwaMwari huchakurumidza kururamisa kusaruramisira, kubvisa udzvinyiriri hwose, uye kudzorera rugare nechinzwano—zvose kukukomborerwa kusingaperi kwaavo vanozviisa pasi pokutonga kwahwo kwakarurama. Hatifadzwi here, hungu kunakidzwa, nokugoverana mashoko akanaka akadaro navamwe?—Pisarema 110:3.
6. Nei basa rokuparidza nokuita vadzidzi richipa denho chaiyoiyo?
6 Panguva imwe cheteyo, iri basa rokuparidza nokuita vadzidzi rinopa denho chaiyoiyo. Vanhu vanosiyana. Vose havana fariro dzimwe chetedzo kana kuti mano. Vamwe vakasanodzidza, nepo vamwe vane dzidzo shomanene zvikuru. Kurava—kwaichimbova chokuvaraidza chaifarirwa—zvino kazhinji kazhinji kunorangarirwa sebasa. Kusafarira kurava, uko kunorondedzerwa se“kunaka kana kuti chimiro chokukwanisa kurava asi usingafariri kuita kudaro,” chinetso chiri kukura, kunyange munyika dzinodada pamusoro pomwero wakakwirira wokugona kurava. Ipapoka, tinogona sei kubetsera vanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana zvakadaro nefariro yokudzidza izvo Mwari anoda?—Enzanisa na1 VaKorinte 9:20-23.
Vakashongedzera Zvakafanira Kubetsera Vamwe
7. “Muranda wakatendeka, wakangwara” akatishongedzera sei kubetsera vamwe kudzidza zvinodikanwa zvaMwari?
7 Basa rinodenha riri nyore zvikuru kuita kana une zvishandiso zvakafanira kana kuti zvokushandisa. Chishandiso chakafanira nokuda kwebasa rakati nhasi chingagadziridzwa kana kuti kunyange kutsiviwa mangwana nemhaka yezvinodikanwa zvinochinja. Zvakafanana nebasa redu rokuzivisa shoko pamusoro poUmambo hwaMwari. Mumakore akapfuura, “muranda akatendeka, wakangwara” akatigovera zvishandiso zvakarurama chaizvo, zvinyorwa zvakagadzirirwa zvikurukuru kushandiswa mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. (Mateo 24:45) Nokudaro takashongedzerwa kubetsera vanhu “vakabva kundudzi dzose, namarudzi . . . nendimi” kuti vadzidze zvinodikanwa zvaMwari. (Zvakazarurwa 7:9) Panguva nenguva, zvishandiso zvitsva zvave zvichigoverwa kuti zvifambirane nezvinodikanwa zviri kuchinja mumunda wenyika. Ngatirangarirei mienzaniso mishomanene.
8. (a) Bhuku ra“Mwari Ngaave Wazvokwadi” rakava norutivii mukufambisira mberi dzidzo yeBhaibheri? (b) Chishandisoi nokuda kwebasa refundo yeBhaibheri chakagoverwa muna 1968, uye chakanga chakagadzirwa chaizvo sei? (c) Bhuku raZvokwadi rakayamura sei mubasa rokuita vadzidzi?
8 Kubva muna 1946 kusvikira muna 1968, bhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi” rakashandiswa sechishandiso chine simba chedzidzo yeBhaibheri, uye makopi 250 000 000 akabudiswa mumitauro 54. Rakabudiswa muna 1968, bhuku raZvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi kwamakore akawanda rakashandiswa nenzira inobudirira mukufunda Bhaibheri navanofarira. Munguva yakapfuura, kwaizivikanwa kuti vamwe vafunde neZvapupu zvaJehovha gore negore vasingabhabhatidzwi. Asi ichi chishandiso chakagadzirirwa kubatanidza mudzidzi wacho, chichimukurudzira kushandisa zvaakanga ari kudzidza. Mugumisiro wacho? Bhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom rinoti: “Kwamakore matatu ebasa kuvambira pana September 1, 1968, uye kugumira pana August 31, 1971, hwerengedzo yevanhu 434 906 yakabhabhatidzwa—inopfuura kakapetwa kaviri nhamba yavakabhabhatidzwa mukati mamakore matatu ebasa akapfuura!” Chibviro chokubudiswa kwaro, bhuku raZvokwadi rakaparadzirwa zvikuru—kupfuura 107 000 000 mumitauro 117.
9. Bhuku raKurarama Nokusingaperi rine rutivii chairwo, uye rakava nemigumisiroi yakanaka muvazivisi voUmambo?
9 Muna 1982 bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano rakava bhuku guru raishandiswa mukuitisa fundo dzeBhaibheri. Ichi chishandiso chine mifananidzo inooneka inopfuura 150, mumwe nomumwe une mashoko anotsanangura mufananidzo akasanonyorwa ayo nenzira yokupfupikisa anosimbisa pfungwa yokudzidzisa yemifananidzo yacho. Chinyorwa chaOctober 1982 choUshumiri Hwedu hwoUmambo chakati: “Muanenge makore 20 ayo ‘Mwari Ngaave Wazvokwadi’ rakanga riri bhuku redu guru refundo (kubva muna 1946 kusvikira pakati pama1960) vazivisi voUmambo vatsva vanopfuura 1 000 000 vakawedzerwa kusangano redu. Ipapo vamwe vaparidzi 1 000 000 vakawedzerwa apo Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi rakava bhuku redu guru refundo pashure pokubudiswa kwaro muna 1968. Nokushandiswa kwebhuku redu idzva refundo, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, tichaona wedzero yakafanana muvaparidzi voUmambo here? Zvirokwazvo, kana ikoku kuri kuda kwaJehovha!” Sezviri pachena kwakanga kuri kuda kwaJehovha, nemhaka yokuti kubva muna 1982 kusvikira muna 1995, vanopfuura 2 700 000 vakawedzerwa kuvazivisi voUmambo!
10. Chishandisoi chitsva chakagoverwa muna 1995, uye nei chichifanira kugonesa vadzidzi veBhaibheri kuita fambiro mberi yomudzimu yokukurumidza zvikuru?
10 “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma,” akadaro Jesu. (Mateo 9:37) Kucheka, zvirokwazvo, kukuru. Kuchine zvakawanda zvokuita. Mune dzimwe nyika vanhu vanofanira kuiswa pandaza yokumirira fundo dzeBhaibheri. Naizvozvo nomurangariro wokuparadzira zivo yaMwari nokukurumidza zvikuru, muna 1995 “muranda wakatendeka, wakangwara” akagovera chishandiso chitsva, bhuku rine mapeji 192 rine musoro unoti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Ichi chishandiso chinokosha hachinangidziri ngwariro padzidziso dzenhema. Chinopa zvokwadi dzeBhaibheri nenzira yakananga. Kunokarirwa kuti chichagonesa vadzidzi veBhaibheri kuita fambiro mberi yomudzimu yokukurumidza zvikuru. Bhuku raZivo rava kutova nemigumisiro yakanaka pamunda wenyika nemakopi 45 500 000 akadhindwa mumitauro 125 uye neshanduro mumitauro 21 yokuwedzera iri kuitwa.
11. Chishandisoi chinobudirira chakagoverwa kubetsera kudzidzisa avo vasingagoni kunyora kana kuti vanorava zvakaipa, uye chakabetsera zvikuru sei chirongwa chedu chokudzidzisa chomunyika yose?
11 Panguva nenguva, ‘muranda akatendeka’ akagovera zvishandiso zvakagadzirirwa vateereri vakati, kana kuti vakaganhurirwa. Somuenzaniso, zvakadiniko navanhu vangada betsero chaiyo nemhaka yemamiriro ezvinhu ekare etsika dzavo kana kuti orudzidziso? Tinogona sei kuvabatsira kudzidza zvinodikanwa zvaMwari? Muna 1982 takagamuchira chataida chaizvo—bhurocha rine mapeji 32 raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Ichi chinyorwa chine mifananidzo yakawanda chave chiri chishandiso chinobudirira mukudzidzisa avo vasingagoni kurava kana kuti vanorava zvakaipa. Chinopa zvakapfava zvikuru uye zviri nyore kunzwisisa dzidziso huru dzapaMagwaro. Kubvira pakubudiswa kwaro, bhurocha raUpenyu Pasi Pano rakabetsera zvikuru kwazvo chirongwa chedu chokudzidzisa chomunyika yose. Makopi anopfuura 105 100 000 akadhindwa mumitauro 239, kuchichiita chinyorwa chakashandurwa zvikurusa icho Watch Tower Society yati yabudisa kusvika zvino!
12, 13. (a) Kubvira muna 1990, ‘muranda akatendeka’ akagovera nzirai yakanaka kuti asvike vateereri vakapararira? (b) Tingashandisa sei mavhidhiyo eSosaiti muushumiri hwedu hwomumunda? (c) Chishandisoi chitsva chakagoverwa nguva pfupi yakapfuura kubatsira mubasa redu rokuita vadzidzi?
12 Mukuwedzera kuzvinyorwa zvakadhindwa, kutangira muna 1990 ‘muranda akatendeka’ akatigovera mutoo womurayiridzo unopa nzira yakanaka yokusvika nayo vateereri vakapararira—makaseti evhidhiyo. Muna October wegore iroro, vhidhiyo yamaminiti 55 inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name yakabudiswa—vhidhiyo yokutanga kubudiswa neWatch Tower Society. Kuratidzwa kwakaisvonaka, kunorayiridza, kunowanika mumitauro 35, kunoratidza sangano romunyika yose ravanhu vakazvipira vaJehovha vachiita murayiro waJesu wokuzivisa mashoko akanaka mupasi rose. Vhidhiyo yacho yakagadzirirwa zvikurukuru kubatsira mubasa redu rokuita vadzidzi. Vaparidzi voUmambo havana kupambadza nguva mukushandisa ichi chishandiso chitsva mubasa romumunda. Vamwe vakachitakura mumabhegi avo amabhuku, vakagadzirira nguva dzose kuratidza kana kuti kuchikweretesa kuvanhu vanofarira. Nokukurumidza pashure pokubudiswa kwayo, mumwe mutariri anofambira akanyora kuti: “Mavhidhiyo azova mutoo wezana ramakore rechi21 wokusvika nawo ndangariro nemwoyo zvamamiriyoni avanhu, naizvozvo itariro yedu kuti vhidhiyo iyi ichava yokutanga bedzi pandaza yakareba yamavhidhiyo ayo Sosaiti ichashandisa kupfuudzira mberi basa roUmambo munyika yose.” Zvirokwazvo, mavhidhiyo akawanda akagoverwa, kubatanidza nhevedzano ine mativi matatu yeThe Bible—A Book of Fact and Prophecy uye Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault. Kana mavhidhiyo eSosaiti achiwanika mumutauro wako, wakaashandisa muushumiri hwako hwomumunda here?a
13 Nguva pfupi yapfuura chishandiso chitsva, bhurocha raMwari Anodei Kwatiri?, rakagoverwa kutibatsira mubasa redu rokuita vadzidzi. Nei rakabudiswa? Ringashandiswa sei?
Kunzvera Chishandiso Chitsva
14, 15. Bhurocha raAnodei rakagadzirirwa vanaani, uye rinei?
14 Chinyorwa chitsva chaMwari Anodei Kwatiri? chakagadzirirwa vanhu vanotodavira Mwari uye vanotoremekedza Bhaibheri. Vatariri vanofambira pamwe chete navafundisi vakarovedzwa kuGilead vane makore akawanda oruzivo rwokuzviwanira munyika dziri kubudirira vakabatsira mukugadzirirwa kweiri bhurocha. Rine kosi yefundo yakakwana, richifukidza dzidziso huru dzeBhaibheri. Mashoko acho akanaka, akapfava, uye akananga. Panguva imwe cheteyo, mashoko acho haana kunyanyopfaviswa. Rinopa kwete chete “mukaka” asiwo “zvokudya zvikukutu” zvinobva muShoko raMwari munzira iyo vanhu vakawanda zvikurusa vanofanira kukwanisa kunzwisisa.—VaHebheru 5:12-14.
15 Mumakore mashoma apfuura vaparidzi voUmambo munyika dzakasiyana-siyana vakakumbira chinyorwa chakadaro chaizvo. Somuenzaniso, bazu reWatch Tower Society muPapua New Guinea rakanyora kuti: “Vanhu vanovhiringidzwa nedzidziso dzorudzidziso dzinorwisana. Vanoda kutaurwa kupfupi kwechokwadi, kunotsigirwa nemagwaro akati eBhaibheri avanogona kunzvera mumaBhaibheri avo vamene. Vanoda kuratidzwa zvakajeka uye zvakananga izvo Mwari anoda kuvaKristu vechokwadi uye kuti ndedzipi tsika nemiitiro zvisingagamuchiriki kwaari.” Bhurocha raAnodei ndiro ratinoda chaizvo kuti tibetsere vakadaro kudzidza zvinodikanwa zvaMwari.
16. (a) Ndivanaani zvikurukuru vangabetserwa netsananguro dzakapfava dziri mubhurocha idzva? (b) Avo vari mundima yako vangabetserwa sei nebhurocha raAnodei?
16 Ungashandisa sei ichi chishandiso chitsva? Kutanga, chinogona kushandiswa kufunda navanhu vane chinetso chokuverenga kana kuti vangasava vachida kurava.b Vanhu vakadaro vangabetserwa netsananguro dzakapfava dziri mubhurocha racho. Pashure pokuhwirudzura kopi yokutanga yeichi chinyorwa, mapazu eWatch Tower akanyora zvinotevera: “Bhurocha racho richava rinobetsera zvikuru mumativi akawanda enyika umo vanhu vasingadi kurava zvikuru.” (Brazil) “Kune vakapinda munyika vasingagoni kurava mutauro wavo uye vachine chinetso chokurava chiFrench. Iri bhurocha ringashandiswa seyamuro mukufunda navakadaro.” (France) Unogona kufunga nezvevanhu vari mundima yako vangabetserwa nebhurocha raAnodei here?
17. Bhurocha idzva ringava rinobetsera munyika dzakawanda munzirai, uye nei?
17 Chechipiri, munyika dzakawanda bhurocha racho ringabetsera mukutanga fundo dzeBhaibheri navanhu vanotya Mwari pasinei zvapo nokuti vakadzidza sei. Chokwadika, nhamburiko inofanira kuitwa yokutanga fundo mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Asi mune zvimwe zviitiko kungava nyore zvikuru kutanga fundo mubhurocha. Ipapo panguva yakafanira, fundo yacho inofanira kuchinjirwa kubhuku raZivo, yamuro yedu huru neinodikanwa yefundo. Pamusoro pouku kushandiswa kwebhurocha raAnodei, mapazu eWatch Tower akanyora kuti: “Kutanga fundo dzeBhaibheri kwakaoma, uye mikana yokutanga fundo inoratidzika kuva iri nani apo vaparidzi vanovamba nebhurocha.” (Germany) “Bhurocha rorudzi urwu richabudirira zvikurusa mukutanga fundo dzeBhaibheri itsva, idzo dzingagona ipapo kupfuudzirwa nebhuku raZivo.” (Italy) “Kunyange zvazvo vaJapan vakadzidza zvikuru, vakawanda zvikurusa vane zivo yakaganhurirwa zvikuru yeBhaibheri nedzidziso dzaro huru. Bhurocha racho rinofanira kuva nhanho yakaisvonaka yokuenda kubhuku raZivo.”—Japan.
18. Chii chatinofanira kuyeuka pamusoro pokusvitsa zvinodikanwa zvaMwari?
18 Mapazu eSosaiti kupote nyika akakumbira iri bhurocha, uye tendero yakapiwa yokurishandura mumitauro 221. Ichi chinyorwa chitsva ngachibvumikise kuva chinokosha mukutibetsera kubatsira vamwe kudzidza icho Jehovha Mwari anoda kwavari. Kana tirisu, ngatiyeukei kuti kusvitsa zvinodikanwa zvaMwari, kubatanidza murayiro wokuparidza nokuita vadzidzi, kunotipa mukana unokosha wokuratidza Jehovha kuti tinomuda sei. Hungu, izvo Mwari anoda kwatiri hausi mutoro. Ndiyo nzira yakanakisisa yokurarama nayo!—Pisarema 19:7-11.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom rinoti: “Makaseti evhidhiyo haasi nomutoo upi noupi kutora nzvimbo yepeji rakadhindwa kana kuti kupupura kwomunhu oga. Zvinyorwa zveSosaiti zvinopfuurira kuita basa rakakosha mukuparadzira mashoko akanaka. Basa rapaimba neimba reZvapupu zvaJehovha rinoramba riri rutivi rwakavakirwa paMagwaro zvakasimba rwoushumiri hwazvo. Zvisinei, makaseti evhidhiyo zvino anowedzera kuizvi zvishandiso zvinokosha nokuda kwokusakurira kutenda muzvipikirwa zvinokosha zvaJehovha nokunyandura kuonga zvaari kuita kuti zviitwe pasi pano muzuva redu.”
b Nokuda kwokutsanangurwa kwenzira yokuitisa nayo fundo mubhurocha raAnodei, ona nyaya inoti “Chishandiso Chitsva Chokubetsera Vanhu Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari,” iri pamapeji 16-17.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Jehovha anoda kuti vabatiri vake vagoverane mumabasai maviri?
◻ Nei basa redu rokuparidza nokuita vadzidzi usiri mutoro nokuda kwedu?
◻ “Muranda wakatendeka, wakangwara” akagovera zvishandisoi zvokushandisa mubasa redu rokuparidza nokuita vadzidzi?
◻ Bhurocha raAnodei rakagadzirirwa vanaani, uye tingarishandisa sei muushumiri hwedu?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Basa redu rokuparidza nokuita vadzidzi hausi mutoro
[Mifananidzo iri papeji 26]
“Mwari Ngaave Wazvokwadi” (1946, rakavandudzwa muna 1952): 19 250 000 mumitauro 54
“Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi” (1968): 107 000 000 mumitauro 117 (chiFrench chinoratidzwa)
“Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano” (1982): 80 900 000 mumitauro 130 (chiRussia chinoratidzwa)
“Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi” (1995): 45 500 000 mumitauro 125 (chiGerman chinoratidzwa)