“Bhachi Dzvene reTrier”
TRIER, rine nhau inodzokera shure makore 2 000, ndiro guta rekaresa muGermany.a Kwemazana emakore Trier rakava nebatano dzakasimba neChechi yeKaturike. Muna 1996 cathedral muTrier yakaratidzira chisaririra icho sezvinofungidzirwa chinodokuva chekare seguta racho rimene. Chinonzi Bhachi Dzvene reTrier.
Bhachi racho rakareba mamita 1,57 uye rakafara mamita 1,09 uye rine maoko ane urefu hwehafu yourefu. Rakaitwa nedonje uye, maererano naHans-Joachim mubhuku rake rinonzi Wallfahrtsführer Trier und Umgebung (Nhungamiro Yekuenda Kunzvimbo Tsvene kuTrier Nemhoteredzo), zvimwe raipfekwa senguo yekunze. Kumwe kufungidzira kunopa musi nguo yepakuvamba—uzhinji hwayo hwakagadzirwa ndokusimbiswa nemamwe machira mumazana emakore apfuura—shure kusvikira kuzana remakore rechipiri kana kuti kunyange zana rekutanga C.E. Kana kwakarurama, ikoko kungariita chipfeko chekare chechienzi, chinhu chinofadza chemiziyemu.
Zvisinei, vamwe vanotaura kuti nguo yacho haisi yechienzi bedzi asi itsvenewo—nokudaro zita rokuti Bhachi Dzvene. Ikoku imhaka yokuti harina musono, sezvakanga zvakaita nguo yomukati yaipfekwa naJesu Kristu. (Johane 19:23, 24) Vamwe vanotaura kuti “Bhachi Dzvene” chaizvoizvo rakanga riri raMesiya.
Kuti bhachi racho rakauya sei kuTrier hakuna chokwadi. Rimwe bhuku renongedzero rinotaura kuti raka“piwa kuguta namambokadzi Helena, amai vaConstantine Mukuru.” Kann anotaura kuti mushumo wekutanga wakavimbika wekuvapo kwechunika yacho muTrier unovambira muna 1196.
Bhachi racho, iro rakachengetwa mucatheral, rakaratidzirwa panguva dzakasiyana-siyana kubva muzana remakore rechi16. Somuenzaniso, ikoku kwakaitwa muna 1655, nokukurumidza pashure peMakore Makumi Matatu Ehondo, iyo yakanga ichidhurira Trier zvikuru. Kutengeswa kwezviyeuchidzo zvekuenda kunzvimbo tsvene panhambo nenhambo kwakaita mari yakawanda.
Kwave kune nzendo dzekunzvimbo tsvene dze“Bhachi Dzvene” nhatu muzana rino remakore—muna 1933, 1959, uye 1996. Muna 1933 kuenda kunzvimbo tsvene kwakaziviswa pazuva rimwe chetero iro Hitler akagadzwa semutongi weGerman Reich. Kann anotaura kuti uku kuitika panguva imwe cheteyo kwezviitiko zvacho zviviri pamusi mumwe chetewo kunosimbisa mamiriro ezvinhu akanga akapoteredza kuenda kunzvimbo tsvene kwacho. Varwi veNazi vakapfeka yunifomu vakachengetedza vaendi vekunzvimbo tsvene vakanga vari kunze kwecathedral. Vanhu vane mamiriyoni maviri nehafu vakaona nguo yacho gore iroro.
Herbert, mugari wemuTrier kwemakore akawanda, akaenzanisa kuenda kunzvimbo tsvene kwa1959 na1996. “Muna 1959 migwagwa yakanga yakazadzwa, nzvimbo dzekutengesera zviyeuchidzo dzaiva panenge pakona iri yose yemugwagwa. Gore rino chiitiko chacho chakanyarara zvikuru.” Zvirokwazvo, 700 000 bedzi vakaona nguo yacho muna 1996, vashoma nevane miriyoni venhamba ya1959.
Nei Vachienda Kunoona Nguo Yacho?
Chechi inosimbisa kuti nguo yacho haifaniri kuonwa sechinhu chekunamatwa. Nguo yacho isina musono inorangarirwa seinoratidzira chinzwano chechechi. Frankfurter Allgemeine Zeitung rinoshuma kuti pakuzivisa kuenda kunzvimbo tsvene, Bhishopi Spital akati: “Mamiriro ezvinhu echienzi munyika yedu anotinyandura isu vaKristu kuti tive nemhinduro dzechienzi. Tinofanira kushora kuitika kunowedzera kweruvengo, utsinye, uye masimba masimba.” Bhishopi wacho akatsanangura kuti kuona nguo yacho kwaizoyeuchidza munhu nezvechinzwano.
Asi nei munhu upi noupi achida “Bhachi Dzvene” kuti ayeuchidzwe nezvechinzwano chechechi? Zvakadini kana nguo yacho ikashatiswa kana kuti ikaparara kana kuti ikafumurwa seyenhema? Chinzwano chechechi ipapo chingava mungozi here? Zvakadini nevanhu vasingakwanisi kuita rwendo rwekunzvimbo tsvene kuTrier? Vanoziva zvishoma nezvechinzwano chipi nechipi mukati mechechi here?
Magwaro Matsvene haadudzi kuda kwevaKristu vepakuvamba zvinhu zvokuvayeuchidza nezvekudikanwa kwechinzwano chechiKristu. Zvirokwazvo, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu nemashoko okuti: “Tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona.” (2 VaKorinte 5:7) Chinzwano icho vaKristu vechokwadi vanofarikanya nokudaro chinorondedzerwa se“umwe hwokutenda.”—VaEfeso 4:11-13.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaApril 22, 1980, mapeji 21-3.