Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
“Kudya kwakanaka ndikwo chinodikanwa chinokosha zvikurusa chevanhu. . . . Pasina zvokudya zvakakwana, tingafa.”—Food and Nutrition.
CHOKWADI ichocho chinokosha chinoratidzirwa zvakajeka mumiviri yakawonda yevarume, vakadzi, uye vana vari kuziya nenzara avo vanonyimwa ichi “chinodikanwa chinokosha zvikurusa chevanhu.” Vamwe vanokwanisa kugovera ichi chinodikanwa kusvikira kumwero wakati asi vachiri vasina zvokudya zvakakwana nenzira yakakomba. Bva, vakawanda avo vangagona kudya zvakanaka kazhinji kazhinji vanozvigutsa vamene nezvokudya zvisingavaki muviri izvo zvinogovera zvokudya chaizvoizvo zvishoma. “Zvokudya,” rinodaro Healthy Eating, “zvinoratidzika kuva chimwe chezvinhu zvedu zvinoshandiswa nenzira isina kufanira zvikurusa.”
Kwakasiyana zvishomanene nezvokudya zvomudzimu—chokwadi chinowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Vamwe vanhu vanoshayiwa kunyange zvokudya zvinokosha zvikurusa; vanoziya nenzara mumudzimu. Vamwe vanongoregeredza zvavo kushandisa zvokudya zvomudzimu zvinowanika. Zvakadini newe? Unodya zvakanaka mumudzimu semunhu oga here? Kana kuti kungagona kuva kwakadaro here kuti uri kuzvinyima umene zvokudya zvomudzimu? Kunokosha kuva vakatendeseka kwatiri timene muiyi nhau nemhaka yokuti tinoda zvokudya zvomudzimu zvinotopfuura kuda kwatinoita zvokudya zvokunyama.—Mateo 4:4.
Zvokudya Zvokukura Mumudzimu
Food and Nutrition, bhuku rinofundwa iro rinokurukura ukoshi hwokuva nezvokudya zvakafanira, rinotipa zvikonzero zvitatu zvakanaka nokuda kwekudya zvakanaka. Chimwe ndechokuti tinoda zvokudya “kuti titsigire kukura uye kuti titsive kupera kwemasero emuviri.” Waiziva here kuti zuva rimwe nerimwe roupenyu hwako, masero tiririyoni emuviri wako anofa uye anofanira kutsiviwa? Kukura kwakafanira uye kuchengeta muviri kunoda zvokudya zvakanaka.
Ikoko ichokwadiwo mumudzimu. Apo muapostora Pauro akanyorera ungano muEfeso, somuenzaniso, akasimbisa kuda kunoita muKristu mumwe nomumwe zvokudya zvakanaka zvomudzimu kuti ave “munhu wakura.” (VaEfeso 4:11-13) Apo tinozvidyisa timene zvakafanira pazvokudya zvomudzimu zvinovaka muviri, hatisisiri sevana vasina simba, tisingagoni kuzvitarisira timene, tichiva vanyajambwa kumarudzi ose engozi. (VaEfeso 4:14) Panzvimbo pezvo, tinokura kuva vakuru vakasimba, vanokwanisa kurwisa kutenda zvakasimba nemhaka yokuti tino“rerwa namashoko akanaka okutenda.”—1 Timotio 4:6.
Ikoko ichokwadi nezvako here? Wakura mumudzimu here? Kana kuti uchiri semucheche womudzimu—asina dziviriro, anotsamira chose chose pavamwe, uye asingakwanisi kuita mabasa akazara echiKristu here? Nenzira inonzwisisika, vashoma vedu nokudisa vaizotaura kuti mumudzimu takafanana nemucheche, asi kuzvinzvera kwechokwadi kwakafanira. Vamwe vaKristu vakazodzwa vakanga vakadaro muzana remakore rekutanga. Kunyange zvazvo vakanga vava kufanira kuva “vadzidzisi” ivo vamene, vachikwanisa uye vachidisa kudzidzisa vamwe icho Shoko raMwari rinotaura, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari, mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.” Kana uchida kukura mumudzimu, sakurira kuda zvokudya zvakanaka, zvakasimba zvomudzimu. Usagutswa nezvokudya zvomudzimu zvemucheche!—VaHebheru 5:12.
Tinodawo izvi zvokudya zvakasimba zvomudzimu kuti tigadzire kuvadziko inoitwa nemiyedzo yezuva nezuva yatinotarisana nayo munyika ine utsinye. Iyi inogona kunetesa simba redu remudzimu. Asi Mwari anogona kumutsidzira simba iroro. Pauro akati: “Saka hatineti, kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.” (2 VaKorinte 4:16) Ti“novandudzwa zuva rimwe nerimwe” sei? Murutivi, kupfurikidza nokudya nguva dzose paShoko raMwari kupfurikidza nefundo yemunhu oga neyeboka yeMagwaro uye zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri.
Zvokudya Zvesimba Remudzimu
Zvokudya zvinodikanwawo “kuparira kudziya nesimba.” Zvokudya zvinogovera mafuta kuti miviri yedu ishande zvakanaka. Kana tikasadya zvakanaka, tichava nesimba shomanene. Kushayikwa kwesimbi muzvokudya zvedu kunogona kutisiya tichinzwa takaneta uye tisina simba. Ndiwo manzwire aunoita here padzimwe nguva pakunouya kumubato wemudzimu? Kunokuomera here kuita mabasa ayo anouya nokuva muKristu? Vamwe vanotaura kuva vateveri vaKristu vanoneta mukuita zvakanaka, uye vanoshayiwa simba nokuda kwebasa rechiKristu. (Jakobho 2:17, 26) Kana uchiona kuti ikoku kwave kuri kwechokwadi kwauri, mushonga kusvikira kumwero mukuru ungava mukunatsa kudya kwako kwemudzimu kana kuti kuwedzera kudya kwako zvokudya zvomudzimu.—Isaya 40:29-31; VaGaratia 6:9.
Usanyengerwa kupinda mukusakurira miitiro isina kunaka yekudya kwemudzimu. Imwe yenyengedzo hurusa idzo Satani akashandisa mumazana emakore yave iri iya yekupwisa vanhu kuti havafaniri kurava Bhaibheri uye kupinza zivo yakarurama inobva mariri. Anoshandisa mutoo wekare kare waishandiswa nemauto anovhozhokera kuti akurire maguta evavengi—kuvashayisa zvokudya ndokuvaziyisa nenzara kusvika vatera. Asi akapfuudzira uyu mutoo kusvika kune rimwe danho. Anonyengera vaari “kukomba” kuzviziyisa nepo vakapoteredzwa negomo rezvokudya zvakanaka zvomudzimu. Hakushamisi kuti vakawanda kwazvo vanova vanyajambwa vekurwisa kwake!—VaEfeso 6:10-18.
Zvokudya Zveutano Hwomudzimu
Chikonzero chechitatu nei tichida zvokudya, rinodaro Food and Nutrition, “kudzora utano hwemuviri . . . uye kudzivisa hosha.” Betsero dzeutano dzezvokudya zvakanaka hadzioneki nokukurumidza. Apo tinopedza zvokudya zvakanaka, hatiwanzofunga kuti, ‘Izvi zvabetsera zvikuru mwoyo wangu (kana kuti itsvo dzangu kana kuti tsandanyama, zvichingunodaro).’ Bva, edza kusadya kwenhambo yakareba yenguva, uye migumisiro kuutano hwako inooneka. Migumisiroi? “Chinowanzozivikanwa zvikurusa,” rinodaro rimwe bhuku renongedzero rezvekurapa, “chinokuvadza: kukundikana kukura zvakanaka, kukundikana kudzivisa kutapurwa kuduku, kushayiwa simba kana kuti kutanga kuita chinhu.” Rudzi rwakaenzana rwekurwara kwemudzimu rwakatapura Israeri wekare kwenguva yakati. Muporofita Isaya akati nezvavo: “Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya. Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri.”—Isaya 1:5, 6.
Zvokudya zvomudzimu zvakanaka zvinotipa simba rokudzivisa undonda hwakadaro hwomudzimu nemigumisiro yekutapurwa mumudzimu. Zivo inobva kuna Mwari inobetsera kutichengeta tiri muchimiro chakanaka chemudzimu—kana tikaidya! Jesu Kristu akatsinhira kusadzidza kwakaita vanhu vazhinjisa muzuva rake mukuregeredza kwemadzibaba avo munhau yekudya zvakafanira mumudzimu. Ivowo vakaramba kudya pazvokwadi dzaakanga achidzidzisa. Nemugumisiroi? Jesu akati: “Mwoyo yevanhu ava yava mikukutu, nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomwoyo, vakadzoka, ndivaporese.” (Mateo 13:15) Vazhinjisa havana kutongobetserwa nesimba rinoporesa reShoko raMwari. Vakaramba vachirwara mumudzimu. Kunyange vamwe vaKristu vakazodzwa vakava “vasina simba, vanorwara.” (1 VaKorinte 11:30) Ngatiregei kutongoratidza kuzvidza zvokudya zvomudzimu izvo Mwari ari kugovera.—Pisarema 107:20.
Kushatiswa Mumudzimu
Kunze kwetyisidziro yekuziya nenzara mumudzimu, pane imwe ngozi yatinofanira kungwarira—rudzi rwezvokudya zvimene zvatinodya zvingava zvakashatiswa. Kupinza dzidziso dzakashatiswa nepfungwa dzeudhemoni dzine ngozi kunogona kutikuvadza zviri nyore kungofanana nokudya zvokudya zvomuviri izvo zvakashatiswa neutachiona kana kuti chepfu. (VaKorose 2:8) Hakusi nyore nguva dzose kuziva zvokudya zvine chepfu. “Zvokudya,” rinodaro rimwe bhuku, “pane dzimwe nguva zvingaratidzika sezvakanaka zvikuru asi zviine utachiona hunoparira zvirwere.” Naizvozvo tinoita zvakanaka kunzvera manyuko ezvokudya zvedu zvokufananidzira, tichirangarira kuti mamwe mabhuku, akadai sezvinyorwa zvevakaramba kutenda, zvingashatiswa nekutangwa kwedzidziso dzisiri dzemagwaro neuzivi. Vamwe vagadziri vezvokudya vanotoshandisa zviratidzo zvinotsausa kuti vanyengere vatengi vavo kusaziva zviri mukati mezvinogadzirwa zvavo. Zvirokwazvo tinogona kukarira Satani, munyengeri mukuru, kuita zvimwe chetezvo. Iva nechokwadi, naizvozvo, chokuti unowana zvokudya zvekufananidzira zvakadaro mumanyuko akavimbika, kuitira kuti u“rurame mukutenda.”—Tito 1:9, 13.
Thomas Adams, muparidzi wezana remakore rechi17, akati nezvevanhu munguva yake: “Vakachera makuva avo nemazino avo.” Nemamwe mashoko, zvavakadya zvakavauraya. Iva nechokwadi chokuti zvaunodya mumudzimu hazvikuurayi. Tsvaka migove yakanaka yezvokudya zvomudzimu. “Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya?” Jehovha Mwari akabvunza kudaro apo vaitaura kuva vanhu vake vakatendeukira kuvadzidzisi venhema nevaporofita. “Nditererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora. Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai mweya yenyu igorarama.”—Isaya 55:2, 3; enzanisa naJeremia 2:8, 13.
Zvokudya Zvomudzimu Zvakawanda
Zvirokwazvo hakuna perevedzo yezvokudya zvakanaka zvomudzimu. Sezvakaporofita Jesu Kristu, zvino ane boka remuranda akatendeka uye akachenjera iro rakabatikana kugovera “zvokudya panguva yakafanira” nokuda kwemunhu upi noupi anozvida. (Mateo 24:45) Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Jehovha akapikira kuti: “Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; . . . Varanda vangu vachaimba nokufara kwemwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo.” Kutaura idi, anopikira mabiko ezvokudya nokuda kweavo vanoda kuzvidya. “Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nemwongo.”—Isaya 25:6; 65:13, 14.
Funga nezveizvi, kunyange zvakadaro: tingagona kuziya nenzara kusvikira kurufu pamabiko! Takakomberedzwa nezvokudya, tinogona kuguma tisina zvokudya zvinovaka muviri nenzira yakakomba kana tikasasimuka isu timene kuti tidye zvimwe zvazvo. Zvirevo 26:15 inogovera iyi rondedzero chaiyoiyo: “Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, ine usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.” Mamiriro ezvinhu anosuruvarisa zvakadini! Isuwo nenzira yakafanana tinogona kuva vane usimbe zvikuru zvokusagona kuzvishandisa timene mufundo yemunhu oga yeShoko raMwari nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvakagadzirirwa kutibetsera kudya zvokudya zvomudzimu. Kana kuti tinogona kuva vakanyanyoneta zvokusagona kugadzirira kana kuti kugoverana misangano yeungano yechiKristu.
Tsika Dzokudya Dzakanaka
Tine chikonzero chiri chose, ipapoka, chekutanga tsika dzakanaka dzokudya. Chokwadi, zvisinei, ndechokuti vamwe vanodya zvishoma pazvokudya zvavo zvomudzimu, vamwe kunyange kutozviziyisa nenzara chose chose. Vanogona kuva sevanhu vasingaoni ukoshi hwezvokudya zvakafanira kutozosvikira vatambura migumisiro muupenyu gare gare. Healthy Eating rinopa ichi chikonzero nei tingava vasingaitiri hanya tsika dzedu dzokudya, kunyange zvazvo tichiziva kuti kudya kwakanaka kunokosha nokuda kweupenyu: “Chinetso ndechokuti [semugumisiro wetsika dzisina kunaka dzekudya] hapana kuderera kunokurumidza kuutano, hapana mugumisiro wepakarepo wakadai seunotevera kuyambuka mugwagwa kwekusangwarira. Panzvimbo pezvo, pangava nekuderera kunononoka zvikuru, kunonyengera kweutano hwemunhu, hosha dzingabatwa zviri nyore zvikuru, mapfupa angava asina kusimba zvikuru, kupora kwemaronda uye kunaya muhosha kungava kunononoka zvikuru.”
Muzviitiko zvakakomba munhu angava semukadzi muduku anotambura neanorexia nervosa. Anozvipwisa amene kuti anoda zvokudya zvishoma, kuti akasimba zvikuru, pasinei zvapo neidi rokuti ari kupera mumuviri. Pakupedzisira anorasikirwa nechishuvo chose chokudya. “Mumiriro wezvinhu une ngozi,” rinodaro rimwe bhuku renongedzero rezvekurapa. Nei? “Kunyange zvazvo murwere wacho asingawanzofa chaizvoizvo nekuziya nenzara anova asina zvokudya zvakakwana nenzira yakakomba uye angatera kukungava kunofanira kuva kutapurwa kuduku.”
Mumwe mukadzi wechiKristu akabvuma kuti: “Kwemakore ndakaparapatika nokuziva kudikanwa kwekugadzirira misangano nguva dzose nefundo yemunhu oga asi ndisingatongokwanisi kuzviita.” Pakupedzisira akaita chinjo zvokuti akava mudzidzi akanaka weShoko raMwari, asi apo chete akanga aziva zvizere kurumidziro yemamiriro ake ezvinhu.
Rangarira, ipapoka, zano iro muapostora Petro akapa. Iva se“[mu]cheche,” uye “[panga] mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo.” (1 Petro 2:2) Hungu, “[panga]”—sakurira chishuvo chakasimba—chokuzadza ndangariro yako nemwoyo nezivo yaMwari. Vakuru mumudzimu vanodawo kuramba vachisakurira kupanga ikoko. Usabvumira zvokudya zvomudzimu kuva ‘chimwe chezvinhu zvako chinobatwa nenzira isina kufanira zvikurusa.’ Idya zvakanaka mumudzimu, uye betserwa zvakazara ne“mashoko akarurama” ose anowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri.—2 Timotio 1:13, 14.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Unofanira kunatsa zvokudya zvako here?