Kuponeswa Munguva Yengwavaira
CHITORO chikuru chine uriri hushanu muSeoul, Korea, chakadonha kamwe kamwe, chichivharira mazana avanhu aiva mukati! Vashandi vokuponesa vakashanda siku nesikati kuti vaponese vanhu vakawanda sezvinobvira. Sezvo mazuva akapfuura, vakavamba kurasikirwa netariro yokuwana vamwe vapukunyuki vaiva vakafukidzwa nemurwi wekongiri nemasimbi.
Tariro yokuwana vapukunyuki payakanga ichangobva kupera, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. Kuchema kwakaneta, kwemunhu ari kutambudzika kwakanzwika pasi pemarara acho. Vaponesi vakachera nesimba nemaoko avo kuitira kuti vasunungure mumwe mukadzi ane makore 19 akanga avigwa ari mupenyu kwemazuva 16. Rifiti yakanga yadonha yakamudzivirira pakongiri yaidonha. Kunyange zvazvo akanga asisina mvura mumuviri make uye akachekeka-chekeka, akapukunyuka rufu!
Mazuva ano, hapana mwedzi unopfuura pasina mushumo wengwavaira, ingava kudengenyeka kwenyika, dutu rakasimba, kuputika kwepasi, njodzi, kana kuti nzara. Uye nyaya dzinoshamisa pamusoro pokuponeswa nokupukunyuka dzinokatyamadza mamiriyoni evanhu anoteerera nhau. Zvisinei, nyevero yengwavaira iri kuuya—yakakura kupfuura ipi neipi yati yamboitika—yakafuratirwa zvikuru. (Mateo 24:21) Bhaibheri rinorondedzera ichi chiitiko chiri kuuya nemashoko aya: “Tarirai, zvakaipa zvichabuda kune rumwe rudzi zvichienda kune rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika. Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kune mumwe mugumo wenyika; kusvikira kune mumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.”—Jeremia 25:32, 33.
Mashoko anovhundutsa! Asi kusafanana nengwavaira dzemusikirwo nenjodzi, ngwavaira iyi haizovi kuparadza kusingasaruri. Kutaura idi, kupukunyuka—kupukunyuka kwako—kunobvira!
Nguva Yekurumidziro
Kuti tinzwisise kuti zvinobvira sei, tinofanira kunzwisisa nei iyi ngwavaira yapasi rose ichambouya pakutanga. Chokwadi, ndiyo mhinduro yechokwadi chete yezvinetso zvomunhu. Vanhu vashomanene nhasi vanonzwa vakachengeteka. Pasinei zvapo nenhamburiko dzakanakisisa dzesayenzi, zvirwere zvinotapukira zvinopfuurira kuparadza vagari vapasi. Hondo dzinokonzerwa nemisiyano yorudzidziso, yorudzi, uye yezvematongerwe enyika dzinouraya zviuru zvavanhu. Nzara inowedzera nhamo nokutambura kwavarume, vakadzi, uye vana vasina mhaka. Kuora kwetsika kunokanganisa nzanga; kunyange vana vakashatswa.
Nokururama kunoshamisa, humwe uporofita hweBhaibheri hwakanyorwa makore anopfuura 1 900 apfuura hunorondedzera mamiriro edu ezvinhu. Hunoti: “Unofanira kuziva kuti mumazuva okupedzisira nguva dzichave dzine ngozi.”—The New Testament in Modern English, rakashandurwa naJ. B. Phillips; enzanisa naMateo 24:3-22.
Zvinoratidzika kwauri sezvinemufungo here kuti Mwari ane rudo aisazoitira hanya mamiriro edu ezvinhu akaipa? Bhaibheri rinoti: “Jehovha, wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita . . . akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Hongu, panzvimbo pokubvumira iyi nyika yakaisvonaka kuparadzwa uye vagari vayo vose kuguma, Mwari achapindira. Mubvunzo ndewokuti, Achazviita sei?
Sarudza Upenyu!
Bhaibheri rinopindura paPisarema 92:7 kuti: “Kana vakaipa vachimera souswa, uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.” Mhinduro yaMwari yezvinetso zvenyika kuparadzwa kwoushati pachahwo. Nenzira inofadza, izvozvi hazvirevi kuti vanhu vose vanofanira kuparadzwa. Pisarema 37:34 rinotivimbisa kuti: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.”
Mashoko iwaya anoratidzira kuti pane mukana wokuponeswa mungwavaira hurusa ichawira rudzi rwomunhu. Mwari akatipa chisarudzo. Mashoko akashandiswa naMosesi kukurudzira vaIsraeri sezvavakanga vachigadzirira kupinda Munyika Yakapikirwa anoshanda zvakafanana kwatiri nhasi: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako.” (Dheuteronomio 30:19) Asi munhu ano“tsaura upenyu” sei ndokuponeswa? Kuponeswa kwechokwadi kunombonyatsorevei?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
COVER: Explosion: Copyright © Gene Blevins/Los Angeles Daily News
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Yunhap News Agency/Sipa Press