“Kufunga Zvakanaka” Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
“Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. Naizvozvo, fungai zvakanaka.”—1 PETRO 4:7, NW.
1. Chii chinobatanidzwa muku“funga zvakanaka”?
MASHOKO omuapostora Petro ari pamusoro apa anofanira kuva netapuro huru panzira iyo vaKristu vanorarama nayo upenyu hwavo. Zvisinei, Petro haana kuudza varavi vake kuti vatize mabasa akarovedzeka nezvinoitirwa hanya muupenyu; uyewo haana kukurudzira pfungwa yokutya ruparadziko rwava kuda kusvika. Panzvimbo pezvo, akakurudzira kuti: “Fungai zvakanaka.” Ku‘funga zvakanaka’ kunobatanidza kuita chisarudzo chakanaka, kuva ane mufungo, akachenjera, anorangarira mukutaura kwedu nezviito. Kunoreva kuita kuti Shoko raMwari risarudze mafungiro edu nezviito. (VaRoma 12:2, NW) Sezvo tichirarama “pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka,” kufunga zvakanaka kunodikanwa kuti tidzivise zvinetso.—VaFiripi 2:15.
2. Kushivirira kwaJehovha kunobetsera vaKristu sei nhasi?
2 “Kufunga zvakanaka” kunotibetserawo kuva nomurangariro wakadzikama, chaiwoiwo pamusoro pedu. (Tito 2:12, NW; VaRoma 12:3) Izvi zvinokosha nemhaka yemashoko akanyorwa pana 2 Petro 3:9 okuti: “Ishe [Jehovha, NW] haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” Cherekedza kuti Jehovha ari kuva nomwoyo murefu, kwete chete kuvasingatendi, asiwo “kwamuri”—mitezo yeungano yechiKristu. Nei? Nemhaka yokuti “haadi kuti vamwe varashike.” Zvichida vamwe vachiri kufanira kuita chinjo negadziridzo kuitira kuti vakwanirise nokuda kwechipo choupenyu husingaperi. Naizvozvo ngatitarirei nharaunda umo gadziridzo dzingadikanwa.
“Kufunga Zvakanaka” Muukama Hwedu Navanhu
3. Vabereki vangazvibvunza mibvunzoi pamusoro pevana vavo?
3 Musha unofanira kuva nzvimbo ine rugare. Asi kuvamwe “imba izere . . . nokukakavara.” (Zvirevo 17:1) Zvakadiniko nemhuri yako? Musha wako hauna “kutsamwa, nehasha, nokupopota” here? (VaEfeso 4:31) Zvakadiniko navana vako? Vanonzwa vachidiwa uye vachiongwa here? (Enzanisa naRuka 3:22.) Uri kuwana nguva yokuvarayiridza nokuvarovedza here? Uno‘ranga mukururama’ panzvimbo pehasha nokutsamwa here? (2 Timotio 3:16) Sezvo vana vari “nhaka inobva kuna Jehovha,” anofarira zvikuru nzira yavanobatwa nayo.—Pisarema 127:3.
4. (a) Chii chinogona kuva mugumisiro kana murume akabata mukadzi wake nomutoo wehasha? (b) Vakadzi vanogona sei kutsigira rugare naMwari uye mufaro mumhuri yose?
4 Zvakadini nomukwanyina wedu weroorano? “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke.” (VaEfeso 5:28, 29) Murume ane hasha, anotonga, kana kuti asina mufungo haangoisi pangozi bedzi dzikamo yomusha wake asi anosekesa ukama hwake naMwari. (1 Petro 3:7) Zvakadini navakadzi? Nenzira yakafanana vanofanira ku“zviis[a] pasi pavarume [vavo] chaivo, sezva[va]noita kunaShe.” (VaEfeso 5:22) Kufunga nezvokufadza Mwari kunogona kubetsera mukadzi kufuratira mhosho dzomurume wake ndokuzviisa pasi pake pasina pfundepfunde. Padzimwe nguva, mukadzi anganzwa achifanira kutaura murangariro wake. Zvirevo 31:26 inoti nezvomukadzi ane unyanzvi: “Unoshamisa muromo wake nouchenjeri; rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.” Kupfurikidza nokubata murume wake nenzira yomutsa, yokuremekedza, anoramba ane rugare naMwari, uye anotsigira mufarwa wemhuri yose.—Zvirevo 14:1.
5. Nei pwere dzichifanira kutevera zano reBhaibheri pamusoro pokutarisira vabereki vadzo?
5 Vaduku, munobata sei vabereki venyu? Munoshandisa mutauro wokutuka, usingaremekedzi uyo unowanzoshivirirwa nenyika here? Kana kuti muri kuteerera here murayiro weBhaibheri wokuti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. Kudza baba vako namai—ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa—kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.”—VaEfeso 6:1-3.
6. Tinogona sei kutsvaka rugare nevatinonamata navo?
6 Tinoratidzirawo “kufunga zvakanaka” patino“tsvaka rugare ndokurutevera” navatinonamata navo. (1 Petro 3:11, NW) Kuitirana nharo nokusanzwisisana zvingamuka panguva nenguva. (Jakobho 3:2) Kana kuvengana kukabvumirwa kukura, rugare rweungano yose rwunogona kuiswa pangozi. (VaGaratia 5:15) Naizvozvo gadzirisai kakavadzano nokukurumidza; tsvakai mhinduro dzine rugare.—Mateo 5:23-25; VaEfeso 4:26; VaKorose 3:13, 14.
“Kufunga Zvakanaka” Nemitoro Yemhuri
7. (a) Pauro akakurudzira sei kuratidza “kufunga zvakanaka” munhau dzakarovedzeka? (b) Varume navakadzi vechiKristu vanofanira kuva nechimiroi chendangariro pamusoro pemitoro yemhuri?
7 Muapostora Pauro akapa zano vaKristu kuti va“rarame vachifunga zvakanaka.” (Tito 2:12) Zvinofadza kuti, mumashoko akapoteredza, Pauro anorayira vakadzi “kuda varume vavo, kuda vana vavo, kufunga zvakanaka, kudzikama, kuva vashandi pamusha.” (Tito 2:4, 5, NW) Pauro akanyora izvozvo mumakore a61-64 C.E., makore mashomanene mugumo wetsika yezvinhu yechiJudha usati wasvika. Nepo, zvinhu zvaive zvakarovedzeka, zvakadai sebasa rapamusha, zvakanga zvichiri zvinokosha. Vose vari vaviri varume navakadzi naizvozvo vanofanira kuramba vane murangariro wakanaka, wakananga wemabasa avo omumba kuitira kuti “shoko raMwari risamhurwa.” Mumwe musoro wemhuri wakakumbira ruregerero kumushanyi nemhaka yechitarisiko chainyadzisa chomusha wake. Akatsanangura kuti wakanga usina kugadziridzwa “nemhaka yokuti akanga ari kupayona.” Zvinorumbidzwa patinorega zvimwe zvinhu nokuda kwoUmambo, asi tinofanira kuitira hanya kuti tisaisa mungozi garikano yemhuri dzedu.
8. Misoro yemhuri inogona sei kutarisira zvinodikanwa zvemhuri yayo nenzira yakadzikama?
8 Bhaibheri rinokurudzira madzibaba kuisa mhuri dzawo pakutanga, richitaura kuti munhu anokundikana kugovera mhuri yake “warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Mipimo yokurarama inosiyana-siyana munyika yose, uye zvakanaka kuramba tichiita kuti kariro dzezvokunyama dzirambe dzine mwero. “Regai kundipa urombo kana pfuma,” akanyengetera kudaro munyori waZvirevo 30:8. Zvisinei, vabereki havafaniri kufuratira zvinodikanwa zvokunyama zvavana vavo. Kungava kuchenjera here, somuenzaniso, kurega mhuri yako isina zvinodikanwa zvinokosha zvoupenyu kuitira kuti uronde ropafadzo dzoubati ushe hwaMwari? Izvi hazvingatsamwisi vana here? Pane rumwe rutivi, Zvirevo 24:27 inoti: “Gadzira basa rako kunze, uzvigadzirire iro pamunda. Pashure ugovaka imba yako.” Hungu, nepo kuitira hanya zvinhu zvokunyama kune nzvimbo yako, ‘kuvaka imba yomunhu’—mumudzimu nemumurangariro—kunokosha.
9. Nei kuri kuchenjera kuti misoro yemhuri irangarire kubvira kworufu rwayo kana kuti chirwere?
9 Wakaita gadziriro dzokutarisira mhuri yako kana ukawirwa norufu rwusingakarirwi here? Zvirevo 13:22 inoti: “Munhu, wakanaka, uchasiyira vana vavana vake nhaka.” Mukuwedzera kunhaka yokuziva Jehovha noukama naye, vabereki vangafarira kugovera vana vavo zvokunyama. Munyika dzakawanda misoro yemhuri yakavimbika ichaedza kuchengeta mari, chido chenhaka chapamutemo, uye inishuwarenzi. Pashure pezvose, vanhu vaMwari vano“wirwa vose nenguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Mari “chitaviridzo,” uye kuronga kwakanaka kazhinji kazhinji kunogona kudzivisa nhamo. (Muparidzi 7:12) Munyika umo kurapwa kusingabhadharwi nehurumende, vamwe vangasarudza kutsaura mari yokurapwa kana kuti kuronga rumwe rudzi rwokutarisirwa kwoutano.a
10. Vabereki vechiKristu vanga“chengetera” sei vana vavo?
10 Rugwaro rwunotiwo: “Vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.” (2 VaKorinte 12:14) Munyika zvakarovedzeka kuti vabereki vanochengeta mari yedzidzo yenguva yemberi yavana vavo neroorano kuitira kuti vavaitire mavambo akanaka muupenyu. Wakafunga nezvokuchengetera nguva yemberi yomudzimu yomwana wako here? Ngatitii, somuenzaniso, mwana akura ari kuronda ushumiri hwenguva yakazara. Nepo vabatiri venguva yakazara vasingafaniri kurayira kana kuti zvimwe kukarira tsigiro yezvemari inobva kuvamwe, vabereki vane rudo vangasarudza ku‘mugovera zvinodikanwa zvake’ kuitira kumubetsera kuramba ari mubasa renguva yakazara.—VaRoma 12:13; 1 Samueri 2:18, 19; VaFiripi 4:14-18.
11. Kuva nomurangariro chaiwoiwo wemari kunoratidzira kushayikwa kwokutenda here? Tsanangura.
11 Kuva nomurangariro chaiwoiwo wemari hakuratidziri kushayikwa kwokutenda kuti tsika yezvinhu yaSatani yava pedyo nomugumo wayo. Inongova zvayo nhau yokuratidza “uchenjeri chaihwo” uye kuita chisarudzo chakanaka. (Zvirevo 2:7; 3:21) Jesu akambotaura kuti “vana venyika ino vakachenjera . . . kukunda vana vechiedza” mukushandisa kwavo mari. (Ruka 16:8) Hazvishamisi, ipapoka, kuti vamwe vakaona kudikanwa kwokugadziridza nzira yavanoshandisa nayo pfuma yavo, kuitira kuti vagogona kutarisira zviri nani zvinodikanwa zvemhuri dzavo.
“Kufunga Zvakanaka” Mumurangariro Wedu Wedzidzo
12. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake sei kuti vagamuchire mamiriro ezvinhu matsva?
12 “Mugariro wenyika ino unopfuura,” uye chinjo huru dzezvemari nemabasa esayenzi zviri kukurumidza kuitika. (1 VaKorinte 7:31) Zvisinei, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuva vanochinjika. Akavaudza paakavatuma panhimbe yavo yokutanga yokuparidza: “Musatora ndarama kana sirveri, kana ndarira muzvikwama zvenyu; kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.” (Mateo 10:9, 10) Panhambo yapashure, kunyange zvakadaro, Jesu akati: “Une chikwama, ngaachitore, nokudarowo une hombodo.” (Ruka 22:36) Chii chakanga chachinja? Mamiriro ezvinhu. Mamiriro ezvinhu orudzidziso akanga ava oruvengo, uye zvino vaifanira kuzviitira mbuva dzavo.
13. Donzo guru rokudzidza chii, uye vabereki vanogona kutsigira sei vana vavo munhau iyi?
13 Nenzira yakafanana nhasi, vabereki vangada kurangarira chokwadi chanhasi pamusoro pezvemari. Somuenzaniso, uri kuita gadziriro dzokuti vana vako vagamuchire dzidzo yakakwana here? Chinangwa chikuru chedzidzo chinofanira kuva chokushongedzera pwere kuva mushumiri anobudirira waJehovha. Uye dzidzo inokosha zvikurusa kupfuura dzose idzidzo yomudzimu. (Isaya 54:13) Vabereki vanoitirawo hanya pamusoro pemano avana vavo okuzvitsigira mune zvemari. Naizvozvo ipa vana vako nhungamiro, vabetsere kusarudza zvidzidzo zvokuchikoro zvakakodzera, uye kurukura navo kana kuri kuchenjera kuronda dzidzo ipi neipi yokuwedzera kana kuti kwete. Zvisarudzo zvakadaro mutoro wemhuri, uye vamwe havafaniri kutsoropodza nzira inenge yaitwa. (Zvirevo 22:6) Zvakadini neavo vakasarudza kudzidzisa vana vavo vari pamusha?b Nepo vakawanda vakaita basa rinorumbidzwa, vamwe vakawana basa racho rakaoma zvikuru kupfuura zvavaifungidzira, uye vana vavo vakatambura. Naizvozvo kana uri kurangarira kufundisa uri pamusha, iva nechokwadi chokurangarira ndyiko yacho, sezvaunonzvera chaizvoizvo kana une unyanzvi uye kuzviranga kunodikanwa.—Ruka 14:28.
‘Musatsvaka Zvinhu Zvikuru’
14, 15. (a) Bharuki akarasikirwa sei nedzikamo yake yomudzimu? (b) Nei hwakanga huri upenzi ‘kutsvaka zvinhu zvikuru’?
14 Sezvo mugumo wetsika ino yezvinhu usati wauya, vamwe vangada kutsvaka zvinogoverwa nenyika—mabasa akakwirira, uye upfumi. Rangarira munyori waJeremia, Bharuki. Akachema kuti: “Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshayiwa zororo.” (Jeremia 45:3) Bharuki akanga aneta. Kushanda somunyori waJeremia kwakanga kuri basa rakaoma, rinonetesa. (Jeremia 36:14-26) Uye kuneta kwacho kwairatidzika sokusingaperi. Aizova makore 18 Jerusarema risati raparadzwa.
15 Jehovha akaudza Bharuki kuti: “Tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose. Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka.” Bharuki akanga arasikirwa nedzikamo yake. Akanga avamba ‘kuzvitsvakira zvinhu zvikuru,’ zvichida upfumi, kutanhamara, kana kuti kuchengeteka mune zvokunyama. Sezvo Jehovha akanga ari “kudzura, kunyange nyika,” zvaibetserei kutsvaka zvinhu zvakadaro? Jehovha naizvozvo akapa Bharuki ichi chiyeuchidzo chakanaka: “Ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose . . . asi ndichakupa upenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.” Zvinhu zvokunyama zvakanga zvisingazopukunyuki kuparadzwa kweJerusarema! Jehovha akavimbisa bedzi kuponeswa kwo“upenyu hwako chive chinhu chakapambwa.”—Jeremia 45:4, 5.
16. Vanhu vaJehovha nhasi vanogona kudzidza chidzidzoi muchiitiko chaBharuki?
16 Bharuki akateerera kururamisa kwaJehovha, uye, sokuvimbisa kwaJehovha, Bharuki akapukunyuka noupenyu hwake. (Jeremia 43:6, 7) Chidzidzo chine simba zvakadini nokuda kwavanhu vaJehovha nhasi! Ino haisi nguva ‘yokuzvitsvakira zvinhu zvikuru.’ Nei? Nemhaka yokuti “nyika inopfuura nokuchiva kwayo.”—1 Johane 2:17.
Kushandiswa Kwakanakisisa Kwenguva Yasara
17, 18. (a) Jona akaita sei apo vaNinevhe vakapfidza? (b) Jehovha akadzidzisa Jona chidzidzoi?
17 Tinogona sei, ipapoka, kushandisa zvakanakisisa nguva yasara? Dzidza muchiitiko chomuporofita Jona. “Akaenda Ninevhe, . . . . akadana achiti: Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” Zvakashamisa Jona kuona vanhu veNinevhe vachigamuchira shoko rake ndokupfidza! Jehovha akarega kuparadza guta racho. Kuita kwaJona? “Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”—Jona 3:3, 4; 4:3.
18 Ipapo Jehovha akadzidzisa Jona chidzidzo chinokosha. A“karayira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, . . . Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwe.” Zvisinei, kufara kwaJona kwakanga kuri kwechinguvana, sezvo muti wacho wakakurumidza kuoma. Jona aka“tsamwa” nemhaka yokupiswa. Jehovha akasimbisa pfundo Rake, achiti: “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwe . . . Ini handizaifanira kuva netsitsi neNinevhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”—Jona 4:6, 7, 9-11.
19. Tingada kudzivisa kufungai kwoudyire?
19 Kurangarira kwaJona kwakanga kuri kwoudyire sei! Aigona kunzwira tsitsi muti, asi haana kumbonzwira tsitsi vanhu veNinevhe—vanhu avo, tichitaura nenzira yomudzimu, ‘vakanga vasingazivi musiyano waiva pakati poruoko rwavo rworudyi nerworuboshwe.’ Nenzira yakafanana tingapanga kuparadzwa kwenyika ino yakaipa uye tine chikonzero chokudaro! (2 VaTesaronika 1:8) Tichakamirira, zvisinei, tine basa rokubetsera vanhu vane mwoyo yakatendeseka avo, tichitaura nenzira yomudzimu, vasinga‘zivi ruoko rwavo rworudyi nerworuboshwe.’ (Mateo 9:36; VaRoma 10:13-15) Uchashandisa nguva pfupi yasara kuti ubetsere vakawanda sevanobvira kuwana zivo inokosha yaJehovha here? Ibasai ringambofa rakaenzana nomufaro wokubetsera mumwe munhu kuti awane upenyu?
Ramba Uchirarama no“Kufunga Zvakanaka”
20, 21. (a) Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo “kufunga zvakanaka” mukati mamazuva ari mberi? (b) Zvikomboreroi zvichabva mukurarama “tichifunga zvakanaka”?
20 Sezvo tsika yaSatani ichipfuurira kunyura kwayo yakananga kukuparadzwa, zvinetso zvitsva zvine chokwadi chokutarisana nesu. Bhuku raTimotio wechipiri 3:13 rakafanotaura kuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa.” Asi musa“neta nokupera simba pamweya yenyu.” (VaHebheru 12:3) Vimba naJehovha nokuda kwesimba. (VaFiripi 4:13) Dzidza kuva anochinjika, kuchinjira kuaya mamiriro ezvinhu ari kuipisisa, panzvimbo pokuramba uchifunga nezvenguva yakapfuura. (Muparidzi 7:10) Shandisa uchenjeri chaihwo, uchifambirana nenhungamiro inogoverwa no“muranda wakatendeka, wakangwara.”—Mateo 24:45-47.
21 Hatizivi kuti kwasara nguva yakadini. Bva, tinogona kutaura nechivimbo kuti “mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” Kusvikira mugumo iwoyo wauya, ngatiraramei tichi“funga zvakanaka” mukubata kwedu navamwe, munzira yatinotarisira nayo mhuri dzedu, uye mumabasa edu okunyama. Kupfurikidza nokuita kudaro, tose tinogona kuva nechivimbo pakupedzisira chokuti tichawanikwa ti“sina ruvara, [ti]sina mhosva”!—2 Petro 3:14.
[Mashoko Omuzasi]
a MuUnited States, somuenzaniso, vakawanda vane inishuwarenzi yokurapwa, kunyange zvazvo ichiwanzodhura. Dzimwe mhuri dzeZvapupu dzakawana kuti vanachiremba vakawanda vanodisa kushandisa zvinotsiva ropa zvisina ropa apo mhuri dzinenge dzine inishuwarenzi yokurapwa. Vanachiremba vakawanda vachagamuchira chitsama chemari chinobvumidzwa muzvirongwa zveinishuwarenzi zvakaganhurirwa kana kuti kubhadharirwa nehurumende.
b Kuti munhu anoronda kufunda ari pamba chisarudzo chomunhu oga. Ona nyaya inoti “Home Schooling—Is It for You?,” iri muMukai yechiNgezi yaApril 8, 1993.
Mifungo Yokuhwirudzura
◻ Tinogona sei kuratidza “kufunga zvakanaka” muukama hwedu navanhu?
◻ Tinogona sei kuratidza dzikamo mukutarisira mabasa edu emhuri?
◻ Nei vabereki vachifanira kufarira dzidzo yokunyika yevana vavo?
◻ Tinodzidza zvidzidzoi kubva kuna Bharuki naJona?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Apo murume nomukadzi vanobatana zvisina kunaka, vanosekesa ukama hwavo naJehovha
[Mufananidzo uri papeji 20]
Vabereki vanofanira kuva nefariro mudzidzo yevana vavo