Unoonga Chaizvoizvo Zvikomborero zvaJehovha Here?
KENICHI, mumwe murume wezera rapakati nepakati, akashanyira chitoro chemishonga kuti awane mushonga wedzihwa. Paakanwa mushonga wacho, akaita tumapundu tunovava nemaronda aibuda mvura mumuviri wake wose. Nenzira isingashamisi, Kenichi akavamba kusava nechokwadi kana mutengesi womuchitoro chemishonga akanga apa ngwariro yakakwana kuzvinodikanwa zvake.
Vamwe vangafunga nezvaJehovha Mwari nenzira yakafanana iyo Kenichi akarangarira nayo mutengesi womuchitoro chemishonga. Havana chokwadi chokuti Mwari wamasimba ose, Jehovha, anotifarira chaizvoizvo sevanhu. Kunyange zvavo vachiziva kuti Mwari akanaka, havapwiswi kuti anotiitira hanya somunhu mumwe nomumwe. Izvi zvinova zvechokwadi zvikurukuru apo zvinhu zvinenge zvisingavafambiri zvakanaka kana kuti apo kuomerera kwavo kunheyo dzeBhaibheri kunoteverwa nezvinetso zvakaoma. Nemhaka yokusanzwisisa, vanorangarira zvinetso zvavo semapundu anovava nemaronda izvo Kenichi akava nazvo asingakariri, sokunge kuti munzira yakati imhaka yaMwari.—Zvirevo 19:3.
Jehovha haafaniri kuenzaniswa navanhu vasina kukwana. Vanhu vakaganhurirwa muzivo namano. Vanokundikana kuziva zvakakwana zvinodikanwa chaizvoizvo zvavamwe, sezvakaita mutengesi womuchitoro chemishonga waKenichi. Mukupesana, hapana chisingaonekwi nameso aJehovha. Jehovha anowanzotibetsera tisingazivi uye tisingaongi idi iroro nemhaka yokuti tinowanzoda kuisa ngwariro pane zvatisina ndokufuratira zvikomborero zvakawanda zvatinazvo. Panzvimbo pokukurumidza kupa Jehovha mhosva yezvinetso zvipi nezvipi zvatinotarisana nazvo, tinofanira kuedza kuona zvikomborero zvinobva kuna Jehovha zvatinofarikanya.
Maererano neWebster’s Ninth New Collegiate Dictionary, “chikomborero” chinogona kurondedzerwa se“chinhu chinoparira mufaro kana kuti garikano.” Unonzwisisa kuti izvi ndezvechokwadi zvikuru nezvezvikomborero zvinobva kuna Jehovha here?
Mugoveri Asingaenzaniswi
Mudzimai paanotaura kuti murume wake mugoveri akanaka, kazhinji kazhinji anoreva kuti anoitira hanya zvakakwana zvinodikanwa zvemhuri, kugovera zvokudya zvakakwana, pokugara, uye zvokupfeka nokuda kwokufara kwemhuri negarikano. Jehovha Mugoveri wedu akanaka sei? Rangarira Pasi redu, musha womunhu. Rakaiswa pamakiromita 150 000 000 kubva kuzuva, chinhambwe chakarurama chaicho nokuda kwetembiricha dzine mwero dzinoita kuti upenyu hubvire pasi pano. Kutsveyamiswa kwemadhigirii 23.5 kwedenderedzwa redu kwakagadzirwa nenzira yakakwana, kuchiguma nezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoparira kukohwa zvakawanda. Somugumisiro, pasi rinogovera zvokudya vanhu vanopfuura mabhiriyoni mashanu. Zvirokwazvo Jehovha Mugoveri akaisvonaka!
Uyezve, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha anotifarira zvikuru savanhu uye anofarira garikano yedu. Chimbofunga, Jehovha anoziva imwe neimwe yemabhiriyoni enyeredzi nezita, uye hapana kunyange shiri duku imwe inowira pasi asingazivi. (Isaya 40:26; Mateo 10:29-31) Anoitira hanya zvikuru sei vanhu vanomuda uye vakatengwa neropa rinokosha roMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu! (Mabasa 20:28) Murume akachenjera akasanozivisa kuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.”—Zvirevo 10:22, NW.
Zvikomborero Zvinotipfumisa
Tine chimwe chinhu chinokosha zvikuru chatinofanira kuonga zvikuru. Chii ichocho? Bhaibheri rinochizivisa parinoti: “Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha.” (Pisarema 119:72; Zvirevo 8:10) Sezvo ndarama yakaisvonaka ichikosha, mutemo waJehovha unofanira kushuviwa zvikuru. Zivo yakarurama yomutemo wake pamwe chete nenzwisiso nouchenjeri zvinopiwa naJehovha kuvatsvaki vechokwadi vapachokwadi zvinhu zvinofanira kukosheswa. Zvinotishongedzera kuti tizvidzivirire, kuti tigonane nemamiriro ezvinhu akaoma, kubata nezvinetso nenzira inobudirira, uye nokudaro kugutsikana nokufara.
Izvi ichokwadi kunyange nezvavaduku zvikuru. Rangarira nzira iyo mumwe musikana muduku akapedza nayo zvinetso zvake kupfurikidza nokutevera mutemo waJehovha. Musikana wacho, Akemi, anogara pedyo neTokyo. Baba vake namai vakashandisa nheyo dzeBhaibheri mukumurovedza uye kupfurikidza neshoko nomuenzaniso vakabetsera mwanasikana wavo kuti ade Jehovha nomuvakidzani. Vachifanoona zvinetso zvaaizosangana nazvo kuchikoro, vakaedza kumugadzirira sezvavaigona. Akemi paakaenda kuchikoro chepuraimari, zvisinei, akarangarirwa nevamwe vomukirasi yake se“akasiyana” nemhaka yokuti ainyengetera asati adya uye nenzira yokutungamirirwa nehana aidzivisa mibato yakati isiri yomuMagwaro. Nokukurumidza akava chipfuro cheboka guru ravashushi raimumanikidza kuenda pakavanda pashure pechikoro ndokumudira mbama kumeso, kumonya maoko ake, uye kumuseka.
Akemi muduku haana kudzorera, uyewo haana kutya vatambudzi vake. Panzvimbo pezvo, akaedza kushandisa zvaakanga adzidza. Somugumisiro wemufambiro wake wakaisvonaka nokushinga, akaremekedzwa navaaidzidza navo vakawanda. Vakataura nhau yacho kumudzidzisi, uye kubvira zuva iroro, Akemi haanazve kuzombobatwa zvisina kufanira kuchikoro.
Chii chakabetsera Akemi kubata nemamiriro ezvinhu akaoma? Zivo yakarurama, nzwisiso, uye uchenjeri zvinobva kuna Jehovha izvo vabereki vake vakanga varoverera maari. Akanga achisanoziva kutsungirira kwaJesu, uye izvozvo zvakamusunda kutevedzera muenzaniso wake. Bhaibheri rakamubetsera kunzwisisa kuti vamwe vanhu vanoita zvinhu zvakaipa nemhaka yokusaziva, uye rakamukurudzira kuvenga zvakaipa zvaiitwa navanhu ivavo nepo asingavengi vanhu vacho pachavo.—Ruka 23:34; VaRoma 12:9, 17-21.
Chokwadika, hapana vabereki vangada kuona mwana wavo achisekwa uye achibatwa zvisina kufanira. Zvisinei, unogona kufungidzira kudada kwakaita vabereki vaAkemi pavakanzwa nezvemashoko ose ezvakanga zvaitika. Vana vakadaro zvirokwazvo chikomborero chinobva kuna Jehovha.—Pisarema 127:3; 1 Petro 1:6, 7.
Kumirira Jehovha Nenzira Yokushivirira
Usati wagamuchira zvikomborero zvaJehovha, kunyange zvakadaro, pane dzimwe nguva unofanira kumirira nguva yake. Jehovha anoziva mamiriro ako ezvinhu uye anogovera chinodikanwa chimwe nechimwe pachichava chakakunakira zvikuru. (Pisarema 145:16; Muparidzi 3:1; Jakobho 1:17) Ungava uchida muchero, asi ungafungei nezvomunhu anokupa muchero usati waibva? Ringava riri apuro, ranjisi, kana kuti chimwe chinhuwo zvacho, ungada muchero wako waibva, une muto, uye uchitapira. Nenzira yakafanana, Jehovha anogovera zvaunoda panguva yakarurama—kwete nokukurumidzisa kana kuti kunonokesa.
Yeuka chiitiko chaJosefa. Kunyange yakanga isiri mhosva yake, akazviwana ari mutorongo reEgipita. Mumwe musungwa, mudiri waFarao, aikarira kusunungurwa uye akavimbisa kutaura nhau yaJosefa kuna Farao. Asi pashure pokusunungurwa kwake akakanganwa zvose pamusoro paJosefa. Zvakaratidzika sokunge Josefa akanga asiyiwa. Zvisinei, makore maviri akazara gare gare, akasunungurwa mutorongo uye pakupedzisira akaitwa mutongi wechipiri muEgipita. Panzvimbo pokuva asingashiviriri, Josefa akamirira Jehovha. Nokuda kweizvi, akakomborerwa nomutoo wakareva kuchengetedzwa kwoupenyu hwevose vari vaviri vaIsraeri navaEgipita.—Genesi 39:1–41:57.
Masashi akanga ari mukuru muungano yekuchamhembe kweJapan. Akanga asiri mutorongo, asi aifanira kumirira Jehovha. Nei? Kubvira panguva apo Chikoro Chokurovedza Vashumiri, chikoro chokurovedza vashumiri vechiKristu vakakwaniriswa, chakatangwa muJapan, akaiita vavariro yake huru kuti apinde. Akanyengetera zvakakomba pamusoro peropafadzo yacho. Waaipayona naye akakokwa, asi pasinei zvapo nechishuvo chake chikuru, Masashi haana. Akaodzwa mwoyo zvikurusa.
Zvisinei, akaita matanho okuti agonane nemirangariro yake. Akafunda Bhaibheri nezvinyorwa zvakabudiswa neWatch Tower Society, achiisa ngwariro panhau dzakadai sokuva anozvininipisa uye anodzora mirangariro yake. Akagadzirisa kufunga kwake uye nokudaro akawana gutsikano huru mumugove wake. Ipapo, asingambozvikariri, akakokwa kuti apinde chikoro chacho.
Sezvaakanga ava namavara akadai sokushivirira nokuzvininipisa, akabetserwa zvikuru nechikoro chacho. Gare gare, Masashi akapiwa ropafadzo yokushanda nehama dzake somutariri anofambira. Hungu, Jehovha aiziva zvaidiwa naMasashi uye akazvigovera pazvaizoita zvakanakisisa.
Tsvaka Zvikomborero Zvake
Nokudaro, Jehovha haana kufanana neanotengesa muchitoro chemishonga. Kunyange zvazvo tingakundikana kunzwisisa kutarisira kwaJehovha nokuitira hanya, mutsa wake unouya uri muzvimiro zvakasiyana-siyana—panguva uye munzira dzinotibetsera zvikuru. Naizvozvo ramba uchitsvaka zvikomborero zvake. Yeuka kuti unotova nezvikonzero zvakawanda zvokuva anoonga. Wakakomborerwa negadziriro dzinokosha dzokupfuurira kurarama pasi pano. Wakapiwa zivo yaJehovha neyenzira dzake dzakakwana. Wakapiwa nzwisiso. Uye wakawana nzwisiso. Izvi zvose zvinoparira garikano yako nomufaro.
Kuti uwane zvikomborero zvaJehovha zvizere zvikuru, pfuurira kufunda Bhaibheri nguva dzose. Teterera Jehovha kuti akubetsere kunzwisisa uye kushandisa dzidziso dzakafanana namabwe anokosha dziri muShoko rake rakafuridzirwa. Dzichakuita akapfuma zvechokwadi, zvokuti hauzoshayiwi chinhu. Hungu, dzichareva mufarwa wako negutsikano zvino uye upenyu hune zvakawanda munyika itsva iri kuuya.—Johane 10:10; 1 Timotio 4:8, 9.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Zvikomborero zvaJehovha zvinokosha kupfuura ndarama