RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/15 pp. 18-23
  • Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira kwechiKristu Murusununguko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira kwechiKristu Murusununguko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mudzimu waMwari Unoderedza Kudikanwa Kwemitemo
  • Vanozvidavirira Kumutumbi Unodzora Here?
  • Vadzidzi Navarwi
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Muranda Akatendeka, Akangwara” Anoita Basa Rei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/15 pp. 18-23

Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira kwechiKristu Murusununguko

“Pane Mweya waShe, pane [ru]sununguko.”—2 VAKORINTE 3:17.

 1. Zvapupu zvaJehovha zvinozvitsaurira kuna ani, uye nei zvichishandisa masangano apamutemo?

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinodavira kuti rudzidziso rwazvo rwuchagara nokusingaperi. Naizvozvo zvinokarira kubatira Mwari “mumweya nezvokwadi” nokusingagumi. (Johane 4:23, 24) Savanhu vanoita zvavanoda, vaKristu ava vakaita tsauriro isina kuganhurirwa kuna Jehovha Mwari uye vakatsunga kurarama maererano nayo. Nechinangwa ichocho, vanovimba neShoko raMwari uye nomudzimu wake mutsvene. Sezvazvinoronda nzira yazvo yokuzvitsaurira kwechiKristu nomwoyo wose murusununguko rwakapiwa naMwari, Zvapupu zvinoratidza ruremekedzo rwakafanira basa re“masimba makuru” ehurumende uye zvinoshandisa zvakafanira zvinhu negadziriro zvapamutemo. (VaRoma 13:1; Jakobho 1:25) Somuenzaniso, Zvapupu zvinoshandisa Watch Tower Society sechishandiso chapamutemo—chimwe chezvakawanda munyika dzakasiyana-siyana—kuti izvigonese kuita basa razvo rokubetsera vanhu biyazvo, zvikurukuru mumudzimu. Asi Zvapupu zvakazvitsaurira kuna Mwari, kwete kusangano ripi neripi rapamutemo, uye kuzvitsaurira kwazvo kuna Jehovha kuchagara nokusingaperi.

 2. Nei Watch Tower Society nemasangano apamutemo akafanana achiongwa zvikuru neZvapupu zvaJehovha?

2 Sevabatiri vakazvitsaurira kuna Mwari, Zvapupu zvaJehovha zvinosungirwa kutevera mirayiridzo yaJesu yoku“dzidzis[a] marudzi ose, [zvichi]vabhabhatidz[a] muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; [zvichi]vadzidzis[a].” (Mateo 28:19, 20) Basa iri richapfuurira kusvikira kumugumo wegadziriro yezvinhu, nokuti Jesu akatiwo: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:3, 14) Gore rimwe nerimwe, nzvimbo dzokudhindira dzeWatch Tower Society nemasangano apamutemo akafanana zvinogovera Zvapupu zvaJehovha mamiriyoni emaBhaibheri, mabhuku, mabhurocha, uye magazini zvokushandisa mubasa razvo rokuparidza remunyika yose. Aya masangano apamutemo naizvozvo anokosha mukubetsera vabatiri vakazvitsaurira vaMwari kuti vararame maererano nokuzvitsaurira kwavo kwaari.

 3. Zvapupu zvaJehovha zvaimboshandisa shoko rokuti “Sosaiti” mupfungwa ipi?

3 Mumwe munhu angataura kuti mataurire anoita Zvapupu pamusoro peWatch Tower Society—kana kuti kazhinji kazhinji zvikuru kungoti “Sosaiti”—anoratidzira kuti vanoirangarira seinopfuura chishandiso chapamutemo. Hazviirangariri kuva chiremera chokupedzisira panhau dzokunamata here? Bhuku rinonzi Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom rinojekesa mufungo uyu kupfurikidza nokutsanangura kuti: “Apo Nharireyomurindi [June 1, 1938] yakanongedzera ku‘Sosaiti,’ ikoku kwakareva, kwete sanganowo zvaro rapamutemo, asi boka ravaKristu vakazodzwa iro rakanga raumba sangano rapamutemo iroro ndokurishandisa.”a Naizvozvo kutaura kwacho kwaimirira “muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45) Zvapupu zvaiwanzoshandisa shoko rokuti “Sosaiti” mupfungwa iyi. Chokwadika, sangano rapamutemo ne“muranda akatendeka nowakachenjera” haasi mashoko anochinjaniswa. Kunyange zvazvo vatungamiriri veWatch Tower Society vachisarudzwa, Zvapupu zvinoumba ‘muranda akatendeka’ zvinozodzwa nomudzimu mutsvene waJehovha.

 4. (a) Zvapupu zvakawanda zvinotaura sei kuti zvidzivise kusanzwisisa? (b) Nei tichifanira kuva vakadzikama pamusoro pemashoko anoshandiswa?

4 Kuti zvidzivise kusanzwisisa, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kungwarira nzira yazvinotaura nayo. Panzvimbo pokuti, “Sosaiti inodzidzisa kuti,” Zvapupu zvakawanda zvinosarudza kushandisa kutaura kwakadai sokuti, “Bhaibheri rinoti” kana kuti, “ndinonzwisisa kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti.” Nenzira iyi zvinosimbisa chisarudzo chomunhu oga icho Chapupu chimwe nechimwe chakaita mukugamuchira dzidziso dzeBhaibheri uyewo zvinodzivisa kupa murangariro wenhema wokuti Zvapupu nenzira yakati zvinosungwa nezvinotaura sekete rakati rorudzidziso. Chokwadika, zvikarakadzo zvine chokuita nemashoko anoshandiswa hazvifaniri kumbova chinhu chinokakavadzanwa pamusoro pacho. Pashure pezvose, mashoko anoshandiswa anokosha bedzi kusvika kumwero waanodzivisa kusanzwisisa. Dzikamo yechiKristu inodikanwa. Bhaibheri rinotirayira kuti ti“rege kuita nharo zvisina maturo.” (2 Timotio 2:14, 15) Magwaro anotaurawo nheyo iyi: “Kana musingatauri norurimi mashoko anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko?”—1 VaKorinte 14:9.

Mudzimu waMwari Unoderedza Kudikanwa Kwemitemo

 5. VaKorinte Wokutanga 10:23 inofanira kunzwisiswa sei?

5 “Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi zvose hazvindibatsiri,” akataura kudaro muapostora Pauro. Akawedzera kuti: “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” (1 VaKorinte 10:23) Pauro sezviri pachena haana kureva kuti zvinotenderwa kuita zvinhu zvinoshorwa zvakajeka neShoko raMwari. Ichienzaniswa nemitemo 600 yakapiwa Israeri wakare, pane mitemo mishomanene zvikuru yakajeka inodzora upenyu hwechiKristu. Nokudaro, zvinhu zvakawanda zvinosiyirwa kuhana yomunhu. Munhu akazvitsaurira kuna Jehovha anofarikanya rusununguko rwunobva munhungamiro inopiwa nomudzimu waMwari. Achiva aita chokwadi chake amene, muKristu anotevera hana yake yakarovedzwa neBhaibheri uye anovimba nenhungamiro yaMwari inopiwa nomudzimu waMwari. Izvi zvinobetsera muKristu akazvitsaurira kuti asarudze chicha“simbis[a]” uye chicha“batsir[a]” nokuda kwake uye vamwe. Anoziva kuti zvisarudzo zvaanoita zvichatapura ukama hwake hwomunhu oga naMwari, waakazvitsaurira kwaari.

 6. Pamisangano yechiKristu, tinogona sei kuratidzira kuti takagamuchira chokwadi somunhu oga?

6 Chapupu chinoratidzira kuti chakagamuchira chokwadi somunhu oga kupfurikidza nokutsinhira pamisangano yechiKristu. Pakutanga, angataura nomusoro zvinotaurwa muchinyorwa chiri kufundwa. Zvisinei, pashure penguva yakati, achafambira mberi kusvika pakutaura dzidziso dzeBhaibheri namashoko ake pachake. Nokudaro anopa ufakazi hwokuti ari kukudziridza mano ake okufunga, kwete kungodzokorora bedzi zvataurwa navamwe. Kuronga mifungo mumashoko ake pachake uye kutaura namashoko akarurama echokwadi nomwoyo wose zvichamufadza ndokuratidza kuti anopwiswa mundangariro yake pachake.—Muparidzi 12:10; enzanisa naVaRoma 14:5b.

 7. Ndezvipi zvisarudzo zvakaitwa nenzira yakasununguka nevabatiri vaJehovha?

7 Zvapupu zvaJehovha zvinosundwa nokuda Mwari navanhu biyazvo. (Mateo 22:36-40) Chokwadi, zvakasanobatanidzwa pamwe chete nechisungo chorudo rwakafanana norwaKristu sesangano remunyika yose rehama. (VaKorose 3:14; 1 Petro 5:9) Asi somunhu anoita zvaanoda, mumwe nomumwe akasarudza somunhu oga kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, kuramba asingatori rutivi mune zvematongerwe enyika, kurega ropa, kudzivisa marudzi akati evaraidzo, uye kurarama maererano nemipimo yeBhaibheri. Izvi zvisarudzo hazvimanikidzwi pazviri. Zvisarudzo zviri rutivi rwemararamiro anosarudzwa nokuzvidira neZvapupu zvinokarirwa zvisati zvatomboita nhanho yokuzvitsaurira kwechiKristu.

Vanozvidavirira Kumutumbi Unodzora Here?

 8. Mubvunzoi unofanira kujekeswa?

8 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti vaKristu vechokwadi havabatiri Mwari vachimanikidzwa. Rinoti: “Ishe ndiMweya; zvino pane Mweya waShe, pane sununguko.” (2 VaKorinte 3:17) Asi idi iri rinogona sei kutsinhiraniswa nepfungwa yo“muranda wakatendeka, wakangwara” noMutumbi wawo Unodzora?—Mateo 24:45-47.

 9, 10. (a) Nheyo youmusoro inoshanda sei muungano yechiKristu? (b) Kutevera nheyo youmusoro kwaidei muungano yechiKristu yomuzana ramakore rokutanga?

9 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kurangarira nheyo yeMagwaro youmusoro. (1 VaKorinte 11:3) Pana VaEfeso 5:21-24, Kristu anoziviswa se“musoro wekereke,” wairi “pasi” pake. Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti muranda akatendeka uye akangwara anoumbwa nehama dzaJesu dzomudzimu. (VaHebheru 2:10-13) Iri boka romuranda akatendeka rakagadzwa kuti rigovere vanhu vaMwari “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” Munguva ino yomugumo, Kristu akagadza muranda uyu kuti “ave mutariri wezvose zvaanazvo.” Nzvimbo yake naizvozvo inofanirwa nokuremekedzwa nomunhu upi noupi anotaura kuti muKristu.

10 Chinangwa choumusoro ndechokuchengetedza kubatana ndokuva nechokwadi chokuti “zvinhu zvose . . . zviitwe nomutoo wakafanira zvine mirayiro yazvo.” (1 VaKorinte 14:40) Kuti vaite izvi muzana rokutanga ramakore, vaKristu vakazodzwa vakawanda vakabva muboka romuranda akatendeka uye akangwara vakasarudzwa kuti vamirire boka racho rose. Sokubvumikisa kwakaita zviitiko zvakatevera, kutarisira kwakaitwa nouyu mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore kwakanga kune tendero yaJehovha nechikomborero. VaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakagamuchira gadziriro yacho nomufaro. Hungu, vakagamuchira chaizvoizvo uye vakaonga migumisiro yakaisvonaka yayakagovera.—Mabasa 15:1-32.

11. Mutumbi Unodzora womuzuva razvino unofanira kurangarirwa sei?

11 Kukosha kwegadziriro yakadaro kuchiripo. Panguva ino, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakaumbwa navaKristu vakazodzwa gumi, vose vane makumi amakore oruzivo rwokuzviwanira rwechiKristu. Vanopa Zvapupu zvaJehovha nhungamiro yomudzimu, sezvakaita mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore. (Mabasa 16:4) Kufanana navaKristu vapakuvamba, Zvapupu zvinotarira kuhama dzakakura mumudzimu dzoMutumbi Unodzora zvichifara nokuda kwenhungamiro yakavakirwa paBhaibheri nenhungamiro munhau dzokunamata. Kunyange zvazvo mitezo yoMutumbi Unodzora iri varanda vaJehovha nevaKristu, sezvakaita vaKristu vainonamata navo, Bhaibheri rinotirayira kuti: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.”—VaHebheru 13:17.

12. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvidavirira kuna ani?

12 Nzvimbo yokutarisira iyo Magwaro anopa Mutumbi Unodzora inoreva here kuti mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha anofanira kuzvidavirira kwauri nokuda kwamabasa ake? Kwete maererano nemashoko aPauro kuvaKristu vaiva muRoma: “Unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. . . . Mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.”—VaRoma 14:10-12.

13. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichishuma basa razvo rokuparidza?

13 Hachisi chokwadi here, zvisinei, kuti Zvapupu zvinokarirwa kushuma basa razvo rokuparidza? Hungu, asi chinangwa cheizvi chinotsanangurwa zvakajeka mune rimwe bhuku duku remirayiridzo reZvapupu, rinoti: “Vateveri vaJesu Kristu vapakuvamba vaifarira mishumo yokufambira mberi mubasa rokuparidza. (Marko 6:30) Sezvo basa raibudirira, mishumo yenhamba yaibatanidzwa pamwe chete nenhoroondo dzezvakaitika zvakatanhamara zvaavo vaigoverana mukuparidza mashoko akanaka. . . . (Mabasa 2:5-11, 41, 47; 6:7; 1:15; 4:4) . . . Zvakanga zvichikurudzira sei kuti vashandi ivavo vechiKristu vakatendeka vanzwe mishumo yezvakanga zvichiitwa! . . . Nomutoo wakafanana, sangano raJehovha romuzuva razvino uno rinoedza kuchengeta zvinyorwa zvakarurama zvebasa riri kuitwa mukuzadzikwa kwaMateo 24:14.”

14, 15. (a) VaKorinte Wechipiri 1:24 inoshanda sei kuMutumbi Unodzora? (b) VaKristu vanofanira kuvakira zvisarudzo zvavo zvomunhu oga pahwaroi, vachiziva idi rokuti chii?

14 Mutumbi Unodzora igadziriro yorudo uye muenzaniso wokutenda wakafanirwa nokutevedzerwa. (VaFiripi 3:17; VaHebheru 13:7) Kupfurikidza nokunamata kwavo uye kutevera Kristu somuenzaniso, vanogona kudzokorora mashoko aPauro okuti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.” (2 VaKorinte 1:24, NW) Kupfurikidza nokucherekedza miitiro, Mutumbi Unodzora unokwevera ngwariro kubetsero dzokuteerera zano reBhaibheri, unopa zvikarakadzo pamusoro pokushandisa mitemo yeBhaibheri nenheyo, unonyevera nezvengozi dzakavanda, uye unogovera “vashandi pamwe” kurudziro inodikanwa. Nokudaro unoita kutarisira kwawo kwechiKristu, unovabetsera kuramba vane mufaro wavo, uye unovavaka mukutenda kuitira kuti vagomira vakasimba.—1 VaKorinte 4:1, 2; Tito 1:7-9.

15 Kana Chapupu chikaita chisarudzo pahwaro hwezano reBhaibheri rinopiwa noMutumbi Unodzora, chinodaro nokuzvidira nemhaka yokuti kufunda kwacho Bhaibheri kwakachipwisa kuti iyi ndiyo nzira yakafanira. Chapupu chimwe nechimwe chinopesvedzerwa neShoko raMwari pachake kuti chishandise zano raMagwaro rinopiwa noMutumbi Unodzora, chichiziva zvakazara kuti zvisarudzo zvachinoita zvichatapura ukama hwacho hwomunhu oga naMwari, wachakazvitsaurira kwaari.—1 VaTesaronika 2:13.

Vadzidzi Navarwi

16. Kunyange zvazvo zvisarudzo zvomufambiro iri nhau yomunhu oga, nei vamwe vachidzingwa?

16 Asi kana zvisarudzo zvomufambiro iri nhau yomunhu oga, nei vamwe veZvapupu zvaJehovha vachidzingwa? Hapana munhu anongosarudzawo zvake pasina chikonzero kuti muitiro wechivi chakati unoda kudzinga. Panzvimbo pezvo, chiito ichi chinodikanwa naMagwaro bedzi apo mutezo weungano unoita zvivi zvakakomba usingapfidzi, zvakadai seizvo zvinorongwa muganhuro rechishanu raVaKorinte Wokutanga. Nokudaro, nepo muKristu angadzingirwa kuita ufeve, izvi zvinoitika bedzi kana munhu wacho achiramba kugamuchira betsero yomudzimu yevafudzi vane rudo. Zvapupu zvaJehovha hazvisi zvoga mukutevera uyu muitiro wechiKristu. The Encyclopedia of Religion inoti: “Nzanga ipi neipi inotaura kuti ine kodzero yokuzvidzivirira pamitezo isingawirirani ingatyisidzira garikano yavanhu vose. Mumamiriro ezvinhu orudzidziso iyi kodzero inowanzoshandiswa nokudavira kuti kuganhurira kwacho [kwokudzinga] kunotapura chimiro chomunhu pamberi paMwari.”

17, 18. Kufanira kwokudzinga kungaratidzirwa sei?

17 Zvapupu zvaJehovha vadzidzi veBhaibheri. (Joshua 1:8; Pisarema 1:2; Mabasa 17:11) Gadziriro yefundo yeBhaibheri inogoverwa noMutumbi Unodzora ingaenzaniswa nezvinofundwa kuchikoro zvakarongwa neboka redzidzo. Kunyange zvazvo boka racho pacharo risiri kunobva mashoko ari kudzidziswa, rinoronga zvinofundwa, rinosarudza mutoo wokurayiridza nawo, uye rinopa nhungamiro dzinodikanwa. Kana munhu upi noupi akaramba nenzira yokuzvidza kurarama maererano nezvinodikanwa zvechikoro, akatanga zvinetso nokuda kwevaanodzidza navo, kana kuti akanyadzisa chikoro, anogona kudzingwa. Zviremera zvechikoro zvine maruramiro okubetsera vadzidzi vose zvavo.

18 Kunze kwokuva vadzidzi, Zvapupu zvaJehovha varwi vaJesu Kristu, vanorayirwa kuti va“rwe kurwa kwakanaka kwokutenda.” (1 Timotio 6:12; 2 Timotio 2:3) Sezvaizokarirwa, mufambiro usina kufanira murwi wechiKristu unopfuurira ungaparira kusatendera kwaMwari. Somunhu akapiwa rusununguko rwokusarudza, murwi wechiKristu anogona kusarudza zvaanoda, asi anofanira kuwana migumisiro yechisarudzo chake. Pauro anorangarira kuti: “Hakuna munhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa oupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. Nomunhuwo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarayirwa.” (2 Timotio 2:4, 5) VaKristu vakakura mumudzimu, kubatanidza avo voMutumbi Unodzora, vanoramba vachishandiswa chose chose noMutungamiriri wavo, Jesu Kristu, vachichengeta mi“rayir[o]” kuitira kuti vagogona kuwana mubayiro woupenyu husingaperi.—Johane 17:3; Zvakazarurwa 2:10.

19. Tanzvera maidi pamusoro petsauriro yechiKristu, tinogona kuva nechokwadi nezvechii?

19 Maidi haajekesi here kuti Zvapupu zvaJehovha vabatiri vaMwari, kwete varanda vavanhu? SavaKristu vakazvitsaurira vanofarikanya rusununguko urwo Kristu akavasunungura narwo, vanorega mudzimu waMwari neShoko rake zvichidzora upenyu hwavo sezvavanoshanda vakabatana nehama dzavo muungano yaMwari. (Pisarema 133:1) Ufakazi hweizvi hunofanirawo kubvisa kusava nechokwadi kupi nokupi pamusoro pekunobva simba ravo. Nowezvamapisarema, vanogona kuimba kuti: “Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; saka mwoyo wangu unofara kwazvo, ndichamurumbidza norwiyo rwangu.”—Pisarema 28:7.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa muna 1993 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ungapindura Sei?

◻ Watch Tower Society nemamwe masangano akafanana apamutemo zvinobetsera sei Zvapupu zvaJehovha?

◻ VaKristu vanobetserwa sei nebasa roMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha?

◻ Nei vanhu vaJehovha vachishuma basa ravo rokuparidza?

◻ Kudzingwa kwomuKristu akazvitsaurira kwakafanira mumamiriroi ezvinhu?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore waiva nechokwadi chokubatana kwedzidziso

[Mufananidzo uri papeji 23]

Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya rusununguko rwazvakasunungurwa narwo naKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe