Zuva raJehovha Rava Pedyo
“Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino.”—JOERE 1:2.
1, 2. Jehovha akafuridzira Joere kutaura uporofita hwake hwakasimba nemhaka yamamiriroi ezvinhu munyika yaJudha?
“HAIWA, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wamasimba ose.” Iziviso inoshamisa zvakadini! Rakanga riri shoko raMwari kuvanhu vake rakapiwa nomuporofita wake Joere.
2 Mashoko iwayo aJoere 1:15 akanyorwa munyika yaJudha, zvimwe munenge mugore ra820 B.C.E. Panguva iyoyo makomo akasvibira akanga ashongedza nyika. Michero nezviyo zvakanga zvakawanda. Mafuro akanga akawanda uye akasvibira. Nepo, chimwe chinhu chakanga chisina kururama kwazvo. Kunamatwa kwaBhaari kwaikura muJerusarema nomunyika yaJudha. Vanhu vaiita mitambo yokudhakwa pamberi pouyu mwari wenhema. (Enzanisa na2 Makoronike 21:4-6, 11.) Jehovha aizobvumira ikoku kwose kupfuurira here?
3. Jehovha akanyevera nezvei, uye marudzi anofanira kugadzirirei?
3 Bhuku reBhaibheri raJoere rakajeka pamusoro pemhinduro. Jehovha Mwari aizoreverera uchangamire hwake ndokutsvenesa zita rake dzvene. Zuva guru raJehovha rakanga rava pedyo. Panguva iyoyo Mwari aizoita rutongeso pamarudzi ose mu“mupata waJehoshafati.” (Joere 3:12) Ngavagadzirire kurwa noWamasimba Ose, Jehovha. Isuwo tatarisana nezuva guru raJehovha. Nokudaro ngatinzverei mashoko ouporofita hwaJoere nokuda kwezuva redu nerakapfuura.
Kuvhozhokera Kwezvipembenene
4. Chiitiko chakanyeverwa nezvacho naJoere chaizova chikuru sei?
4 Kupfurikidza nomuporofita wake, Jehovha anoti: “Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera.” (Joere 1:2, 3) Vakuru navanhu vose vaigona kukarira chimwe chinhu chakadai seicho chisina kumboitika muupenyu hwavo kana kuti mumazuva amadzitateguru avo. Chaikatyamadza kwazvo zvokuti chaizorondedzerwa kuchizvarwa chechitatu! Chii chakanga chiri ichi chiitiko chinoshamisa? Kuti tiwane, ngatifungidzirei kuti tadzoka muzuva raJoere.
5, 6. (a) Rondedzera denda iro Joere anoporofita. (b) Ndiani aiva manyuko edenda iroro?
5 Teerera! Joere anonzwa kutinhira kure. Denga rinosviba, uye kutinhira ikoko kunotyisa kunowedzera sezvo rima rinopararira pamusoro. Panguva iyoyo gore rinenge utsi rinoburuka. Iuto ramamiriyoni ezvipembenene. Uye kuparadza kwakadini kwazvinoparira! Zvino rangarira Joere 1:4. Zvipembenene zvinovhozhokera hazvina kuganhurirwa kumhashu dzine mapapiro dzinotama. Haiwa, aiwa! Ari kuuyawo mapoka ane nzara amagwatakwata, mhashu dzisina mapapiro. Dzichiunzwa nemhepo, mhashu dzinosvika kamwe kamwe, uye kutinhira kwadzo kwakafanana nouko kwengoro. (Joere 2:5) Nemhaka yenzara yokukara kwadzo, mamirioni adzo anogona kuchinja nokukurumidza inodokuva paradhiso kuva renje.
6 Iri kufambawo miteteni—danho remakonye ezvipembenene nemafufura. Mauto makuru emiteteni ine nzara anogona kudya mashizha ezvinomera chidimbu nechidimbu, shizha neshizha, kusvikira miti yodokuva isina kusvibirira. Uye zvizhinji zvazvinosiya, mhashu dzinodya. Uye izvo mhashu dzinosiya, mapete anofamba nokukurumidza ine chokwadi chokupedza chose. Bva cherekedza izvi: Pana Joere ganhuro 2, ndima 11, Mwari anozivisa uto remhashu se“hondo yake.” Hungu, aiva manyuko edambudziko remhashu raizoparadza nyika ndokuparira nzara yakakomba. Riini? “Zuva raJehovha” risati rasvika chaizvo.
“Mukai, Imi Vakabatwa Nedoro”!
7. (a) Ndechipi chakanga chiri chimiro chavatungamiriri vorudzidziso vaJudha? (b) Nhasi vatungamiriri vechiKristudhomu vari muchimiro chakafanana neicho chavatungamiriri vorudzidziso vaJudha sei?
7 Rimwe boka rinoshoreka, vatungamiriri vorudzidziso vaJudha rinosarudzwa apo murayiro unopiwa: “Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.” (Joere 1:5) Hungu, zvidhakwa zvomudzimu zvaJudha zvakaudzwa kuti “mukai,” kupengenuka. Asi usafunga kuti iyi inhauwo zvayo yekare. Pari zvino, zuva guru raJehovha risati rasvika, vafundisi vechiKristudhomu nenzira yokufananidzira vakadhakwa kwazvo newaini inonaka zvokuti vanodokuva vasingazivi murayiro uyu unobva kuno Wokumusorosoro. Vachashamiswa sei apo vanomutswa mukudhakwa kwavo mumudzimu kwokusaziva nezuva guru nerinotyisa raJehovha!
8, 9. (a) Joere anorondedzera sei mhashu nomugumisiro wedenda radzo? (b) Nhasi, mhashu dzinomirira vanaani?
8 Tarira uto guru iroro remhashu! “Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, rune meno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa. Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo.”—Joere 1:6-8.
9 Uhu hunongova zvahwo uporofita pamusoro pe“rudzi” rwemhashu, bumha remhashu, rinovhozhokera Judha here? Aiwa, kune zvinopfuura izvozvo. Pose pari paviri pana Joere 1:6 naZvakazarurwa 9:7, vanhu vaMwari vanomirirwa nemhashu. Uto remhashu romuzuva razvino uno harisi rimwe kunze kweuto rehondo remhashu dzakazodzwa dzaJehovha, zvino rinokumbanirwa nevane 5 600 000 va“mamwe makwai” aJesu. (Johane 10:16) Haufari kuva rutivi rweiri boka guru ravanamati vaJehovha here?
10. Ndoupi uri mugumisiro wedenda remhashu pana Judha?
10 Pana Joere 1:9-12, tinorava nezvemigumisiro yedenda remhashu. Bumha rimwe pashure perimwe rinoparira ruparadziko rwachose rwenyika. Vasina zviyo, waini, uye mafuta, vapristi vasina kutendeka havagoni kupfuuridzira mabasa avo. Kunyange nyika inochema, nokuti mhashu dzakaparadza zviyo zvayo, uye miti yemichero yakasiyiwa isina zvibereko. Mizambiringa yaparadzwa, hapachinazve waini nokuda kwavanonwisa waini ivavo vaBhaari zvidhakwa zvomudzimu.
“Zvisungei Zviuno, Imi Vapristi”
11, 12. (a) Ndivanaani vanotaura kuva vapristi vaMwari nhasi? (b) Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vari kutapurwa sei nedenda remhashu romuzuva razvino uno?
11 Teerera shoko raMwari ravapristi ivavo vasingadzoreki: “Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapristi; ungudzai imi vashumiri veatari.”(Joere 1:13) Mukuzadzikwa kwokutanga kwouporofita hwaJoere, vapristi vaRevhi vaibatira paatari. Asi zvakadiniko nomuzadziko yokupedzisira? Nhasi, vafundisi vechiKristudhomu vakatora chiremera chokubatira paatari yaMwari, vachitaura kuva vashumiri vake, “vapristi” vake. Zvisinei, chii chiri kuitika zvino sezvo mhashu dzomuzuva razvino dzaMwari dziri kufamba?
12 Apo “vapristi” vechiKristudhomu vanoona vanhu vaJehovha vachiita chiito ndokunzwa nyevero yavo yorutongeso rwaMwari, vanovhiringidzwa. Vanorova zvipfuva zvavo mukushatirwa uye vane hasha nemhaka yemigumisiro yeshoko roUmambo. Uye vanochema sezvo makwai avo anovatiza. Mafuro avo achipera, ngavavate usiku hwose vakapfeka masaga, vachichema pamusoro pokurasirwa kwavo nemari. Nokukurumidza, vacharasikirwawo namabasa avo. Kutaura idi, Mwari anovaudza kuchema usiku hwose nemhaka yokuti mugumo wavo wava pedyo.
13. ChiKristudhomu chose zvacho seboka chichadavidza zvakanaka kunyevero yaJehovha here?
13 Maererano naJoere 1:14, tariro yavo bedzi iri mukupfidza nokudanidzira kuna “Jehovha [nokuda kweyamuro, NW].” Tinogona kukarira boka rose ravafundisi vechiKristudhomu kutendeukira kuna Jehovha here? Chokwadika kwete! Vanhu vamwe navamwe pakati pavo vangadavidza kunyevero yaJehovha. Asi kuziya nenzara mumudzimu kwaava vatungamiriri vorudzidziso nevemumaruwa vavo seboka kuchapfuurira. Muporofita Amosi akafanotaura kuti: “Tarirai, mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha—andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Kune rumwe rutivi, tinoonga sei madyo akapfuma omudzimu ayo Jehovha anogovera norudo kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara”!—Mateo 24:45-47.
14. Denda remhashu rinotangira chii?
14 Denda remhashu rakatangira uye rinotangira chimwe chinhu. Chei? Joere anotiudza nenzira yakajeka, achiti: “Haiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kune Wamasimba-ose.” (Joere 1:15) Kuvhozhokera munyika yose kweuto remhashu dzaMwari nhasi kunoratidzira zvakajeka kuti zuva guru nerinotyisa raJehovha rava pedyo. Chokwadi, vose vane mwoyo yakarurama vanoshuva zuva chairo iroro rokuzvidavirira apo rutongeso rwaMwari runoitwa pavakaipa uye Jehovha anokunda saChangamire Wechisiko chose.
15. Mukurangarira kuparadzwa kwenyika, avo vanoteerera nyevero yaMwari vanoita sei?
15 Seizvo Joere 1:16-20 inoratidza, zvokudya zvakabviswa munyika yaJudha yekare. Ndozvakaitwawo mufaro. Matura akanga asina chinhu, uye tsapi dzaifanira kuparadzwa. Dzichishayiwa mafuro nemhaka yokuti mhashu dzakanga dzaparadza zvinomera zvenyika, mombe dzakadzungaira dzakavhiringidzika uye mapoka amakwai akaparara. Ingwavaira yakadini! Pakati pezviitiko zvakadaro, chii chakaitika kuna Joere? Maererano nendima 19, akati: “Haiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri.” Nhasiwo, vakawanda vanoteerera nyevero dzaMwari uye vanodana kuna Jehovha Mwari mukutenda.
“Zuva raJehovha Rinouya”
16. Neiko “vagere panyika” vaifanira kudedera?
16 Teerera murayiro uyu unobva kuna Mwari: “Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere.” (Joere 2:1) Kuitirei nenzira iyoyo? Uporofita hwacho hunopindura kuti: “Nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedyo; richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo.” (Joere 2:1, 2) Pane mufungo chaiwoiwo wekurumidziro wakabatanidzwa nezuva guru raJehovha.
17. Nyika navanhu vaiva munyika yaJudha zvakatapurwa sei nedenda remhashu?
17 Fungidzira mugumisiro wechiono chomuporofita sezvo mhashu dzine utsinye dzakachinja rinodokuva bindu reEdheni kuva renje. Teerera kurondedzero yeuto remhashu: “Pakuonekwa kwavo vakafanana namabhiza; savatasvi vamabhiza, ndiko kumhanya kwavo. Kuuruka kwavo pamusoro pamakomo kunoita somubvumo wengoro, somubvumo womurazvo wemoto unoparadza mashanga, savanhu vane simba vakagadzirirwa kurwa. Kana vachisvika, vanhu vose vanotya kwazvo, zviso zvose zvinocheneruka.” (Joere 2:4-6) Mukati medenda remhashu muzuva raJoere, nhamo yavanamati vaBhaari yakawedzera, uye funganyo yaigona kuoneka pazviso zvavo.
18, 19. Mubato wavanhu vaJehovha nhasi wave wakafanana sei nedenda remhashu?
18 Hapana chinhu chakamisa mhashu dzine nhevedzano, dzisinganeti. Dzakamhanya “savanhu vane simba” uye kutokwira madziro. Kana ‘dzimwe dzadzo dzakawira pakati pezvombo zvinokandwa, dzimwe dzacho hadzina kubva munzira.’ (Joere 2:7, 8) Mufananidzo wouporofita wakajeka zvakadini weuto raMwari remhashu dzokufananidzira dzomuzuva razvino! Nhasiwo, uto remhashu raJehovha rinoramba richienda rakananga mberi. Hakuna “rusvingo” rwechishoro runovadzivisa. Havabvumiranisi pane zvisina kufanira perero yavo kuna Mwari asi vanodisa kutarisana norufu, sezvakaita zviuru zveZvapupu izvo ‘zvakawira pakati pezvombo zvinokandwa, nokuda kwokuramba kurumbidza Hitler mukati mehurumende yeNazi yeGermany.
19 Uto raMwari romuzuva razvino uno remhashu rapa uchapupu hwakakwana mu“guta” rechiKristudhomu. (Joere 2:9) Vaita saizvozvo munyika yose. Vachiri kukurira mhinganidzo dzose, vachipinda mumamiriyoni emisha, vachisvika vanhu mumugwagwa, vachitaura kwavari murunhare, uye vachionana navo munzira iri yose inobvira sezvavanozivisa shoko raJehovha. Zvirokwazvo, vaparadzira mabhiriyoni ezvinyorwa zveBhaibheri uye vachaparadzira zvakawanda, zvakawanda zvikuru muushumiri hwavo husingaregwi—pose pari paviri pachena napaimba neimba.—Mabasa 20:20, 21.
20. Ndiani ari kutsigira mhashu dzomuzuva razvino uno, uye nomugumisiroi?
20 Joere 2:10 inoratidzira kuti boka guru remhashu rakafanana negore rinogona kudzikatidza zuva, mwedzi, uye nyeredzi. (Enzanisa naIsaya 60:8.) Pane mubvunzo upi noupi wokuti ndiani anotsigira iri uto here? Pamusoro pokutinhira kwezvipembenene, tinonzwa mashoko awa aJoere 2:11: “Jehovha unobudisa inzwi rake pamberi pehondo yake, nokuti hondo yake ihuru kwazvo; nokuti muiti wezvaakataura une simba; nokuti zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko ungatsunga naro?” Hungu, Jehovha Mwari ari kutumira uto rake remhashu zvino—pamberi pezuva guru rake.
“Ishe Haanonoki”
21. Chii chichava mugumisiro apo ‘zuva raJehovha rinouya sembavha’?
21 Kufanana naJoere, muapostora Petro akataura nezvezuva guru raJehovha. Akanyora kuti: “Asi zuva raShe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.” (2 Petro 3:10) Mupesvedzero yaSatani Dhiyabhorosi, “matenga” akaipa ari hurumende anotonga pamusoro pe“nyika” ndiko kuti, rudzi rwomunhu rwakaparadzaniswa naMwari. (VaEfeso 6:12; 1 Johane 5:19) Awa matenga napasi zvokufananidzira hazvisati zvichizopukunyuka kupisa kwehasha dzaMwari mukati mezuva guru raJehovha. Panzvimbo pezvo, zvichatsiviwa ne“denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:13.
22, 23. (a) Tinofanira kuita sei kukuratidzira kushivirira kwetsitsi kwaJehovha? (b) Tinofanira kuita sei kukuva pedyo kwezuva raJehovha?
22 Nezvinotsausa zvose zvezuva razvino nemiedzo yokutenda, tingasaona kurumidziro yenguva dzedu. Asi sezvo mhashu dzokufananidzira dzichifambira mberi nguva dzose, vanhu vakawanda vari kudavidza kushoko roUmambo. Kunyange zvazvo Mwari akabvumira nguva yaikoku, hatifaniri kuvhiringidza kushivirira kwake nekunonoka. “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi uno mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9.
23 Tichimirira zuva guru raJehovha, ngatirangarirei zvakadzama mashoko aPetro akanyorwa pana 2 Petro 3:11, 12 anoti: “Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuva kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro zvedenga zvichanyauka zvichipiswa.” Zviito izvi namabasa zvirokwazvo zvinobatanidza kuti tifambirane neuto remhashu raJehovha kupfurikidza nokuva negoverano inotsinhirana uye ine revo mukuparidza mashoko akanaka oUmambo mugumo usati wauya.—Marko 13:10.
24, 25. (a) Unodavidza sei kuropafadzo yokugoverana mubasa reuto remhashu dzaJehovha? (b) Mubvunzoi une revo uyo Joere anomutsa?
24 Uto remhashu raMwari harizoregi basa raro kusvikira zuva guru nerinotyisa raMwari ratanga. Kuvapo chaiko kweiri simba risingagoni kumiswa remhashu chibvumikiso chinoshamisa chokuti zuva raJehovha rava pedyo. Haufadzwi kubatira pakati pemhashu dzakazodzwa dzaJehovha neshamwari dzadzo mukudenha kwokupedzisira zuva guru nerinotyisa raJehovha risati rasvika here?
25 Zuva raJehovha richava guru sei! Hakushamisi kuti mubvunzo unomutswa unoti: “Ndianiko ungatsunga naro?” (Joere 2:11) Uyu mubvunzo nemimwe yakawanda icharangarirwa munyaya mbiri dzinotevera.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nei Jehovha akanyevera nezvedenda rezvipembenene panyika yaJudha?
◻ Muzadziko yomuzuva razvino uno youporofita hwaJoere, ndivanaani vari mhashu dzaJehovha?
◻ Vatungamiriri vechiKristudhomu vanoita sei kudenda remhashu, uye vamwe vavo vanogona sei kutiza migumisiro yaro?
◻ Denda remhashu rave rakakura sei mukati mezana ramakore rechi20, uye richapfuurira kusvikira riini?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Denda rezvipembenene rakatangira chimwe chinhu chakatoipisisa
[Kwazvakatorwa]
Muti usingabereki: FAO photo/G. Singh
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jehovha Mwari ndiye ari kutsigira denda remhashu romuzuva razvino uno
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
Mhashu: FAO photo/G. Tortoli; boka remhashu: FAO photo/Desert Locust Survey