Kusvika Mwoyo Nounyanzvi Hwokunyengetedza
VANHU vakawanda vanorangarira shoko rokuti “kunyengetedza” nenyumwiro. Ringakarakadza kundangariro yomunhu mutengesi anonyengetedza kana kuti shambadziro yakaitirwa kunyengera kana kuti kufurira mutengi. Kunyange muBhaibheri, pfungwa yokunyengetedza pane dzimwe nguva ine revo isina kunaka, inoreva kushatisa kana kuti kutsausa. Somuenzaniso, muapostora wechiKristu Pauro akanyorera vaGaratia kuti: “Makanga muchimhanya zvakanaka. Ndianiko akakudzivisai kuramba muchiteerera chokwadi? Kunyengetedza kworudzi urwu hakubvi kune Uyo anokudanai.” (VaGaratia 5:7, 8, NW) Pauro akanyeverawo VaKorose kuti vasarega munhu upi noupi ‘achivanyengera nenharo dzinonyengetedza.’ (VaKorose 2:4) Kunyengetedza kwakadaro kunotsamira panharo dzokuchenjera dzinovakirwa pahwaro hwenhema.
Mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, zvisinei, muapostora Pauro akashandisa pfungwa yokunyengetedza mupfungwa yakasiyana. Akanyora kuti: “Rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani.” (2 Timotio 3:14) Mukuva aka“tendiswa,” Timotio akanga asiri kunyengedzwa namai vake nambuya vake, vaakadzidza zvokwadi dzeMagwaro kupfurikidza navo.—2 Timotio 1:5.a
Paakanga akasungwa ari mumba muRoma, Pauro akapupura kwazvo kuvakawanda, achi“vanyengetedza pamusoro paJesu, nomurayiro waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.” (Mabasa 28:23) Pauro akanga ari kunyengera vateereri vake here? Nyangwe! Nenzira yakajeka, ipapoka, kunyengetedza nguva dzose hakusi chinhu chakaipa.
Rashandiswa mupfungwa yakanaka, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “nyengetedza” rinoreva kuti kupwisa, kuchinja ndangariro kupfurikidza nokurangarira kwakanaka, kune mufungo. Mudzidzisi nokudaro anogona kuvakira pahwaro hwaMagwaro, achishandisa kunyengetedza kuti aise muvamwe kupwiswa nechokwadi cheBhaibheri. (2 Timotio 2:15) Zvirokwazvo, ichi chakanga chiri chiratidzo choushumiri hwaPauro. Kunyange Dhemetrio mupfuri wesirivha, uyo aifunga kuti dzidziso dzechiKristu ndedzenhema, akati: “Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari.”—Mabasa 19:26.
Kushandisa Kunyengetedza Muushumiri
Jesu Kristu akarayira vateveri vake kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:19, 20) Munyika dzinopfuura 230, Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera murayiro uyu. Mwedzi mumwe nomumwe mukati megore razvo rebasa ra1997, zvakaitisa avhareji yefundo dzeBhaibheri dzapamusha 4 552 589 munyika yose.
Kana une ropafadzo yokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha, ungakwanisa kukarira denho dzichada kushandisa unyanzvi hwokunyengetedza. Somuenzaniso, ngatitii parusando rwako rwunotevera rwefundo, mubvunzo unomuka pamusoro poUtatu. Zvakadini kana uchiziva kuti mudzidzi wako anodavira dzidziso iyi? Ungagona kumupa chinyorwa chinokurukura nhau iyoyo. Pashure pokunge achirava, ungawana kuti anyengetedzwa kuti Mwari naJesu havana kufanana. Asi kana achine mimwe mibvunzo, ungapfuurira sei?
Teerera nokungwarira. Izvi zvichakubetsera kuziva zvinotodavirwa nomudzidzi wako pamusoro penhau yakati. Somuenzaniso, kana mudzidzi wako achiti, “Ndinodavira Utatu,” ungakurumidza kutanga kurukurirano yaMagwaro kuti uratidze kuti dzidziso iyi ndeyenhema. Asi pane zvitendero zvakasiyana-siyana pamusoro poUtatu. Mudzidzi wako angadavira chimwe chinhu chakasiyana zvikuru nechaungarondedzera sedzidziso yoUtatu. Zvimwe chetezvo zvingataurwa nezvezvimwe zvitendero, zvakadai sokuberekwazve, kusafa kwomweya, uye kuponeswa. Naizvozvo teerera nokungwarira usati wataura. Usafungidzira pamusoro pezvinodavira mudzidzi.—Zvirevo 18:13.
Bvunza mibvunzo. Iyoyi ingabatanidza: ‘Nguva dzose makadavira Utatu here? Makamboita fundo yakakwana yezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro penhau iyi here? Kudai Mwari ari rutivi rwoutatu, Shoko rake, Bhaibheri, raisazotiudza izvozvo zvakajeka uye zvakananga here?’ Mukudzidzisa mudzidzi wacho, mira panhambo nenhambo kuti ubvunze mibvunzo yakaita seiyi: ‘Zvatarangarira kusvika panguva ino zvine mufungo kwamuri here?’ ‘Munobvumirana netsananguro iyi here?’ Kupfurikidza nokushandisa kwako mibvunzo nounyanzvi, unobatanidza mudzidzi wacho mumuitiro wokudzidza. Haangofaniri bedzi kuva achiteerera iwe uchitsanangura nhau yakati.
Shandisa kurangarira kwakanaka. Mukukurukura dzidziso yoUtatu, somuenzaniso, ungagona kuti kumudzidzi wako: ‘Apo Jesu akabhabhatidzwa, inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa.” Kudai Mwari akanga ari pasi pano zvechokwadi achibhabhatidzwa, aizokwidza inzwi rake kumusoro kudenga ndokudzoka kuitira kuti mashoko iwayo agogona kunzwiwa pasi pano here? Izvozvo zvaisazotsausa here? Mwari, “usingatongorevi nhema,” aizoita chinhu chinonyengera chakadaro here?’—Ruka 3:21, 22; Tito 1:1, 2.
Kurangarira kwakanaka kunopiwa nomutoo wokungwarira kakawanda kunoshanda zvikuru. Rangarira muenzaniso womumwe mukadzi watichadana kuti Barbara. Muupenyu hwake hwose, akanga achidavira kuti Jesu akanga ari Mwari uye rutivi rwoutatu rwaibatanidza mudzimu mutsvene. Asi ipapo mumwe weZvapupu zvaJehovha akamuudza kuti Mwari naJesu vanhu vaviri vakasiyana zvikuru, uye akamuratidza magwaro okutsigira kutaura kwake.b Barbara aisagona kuramba Bhaibheri. Panguva imwe cheteyo, akashatiriswa. Pashure pezvose, aida dzidziso yoUtatu.
Chapupu chakarangarira nokushivirira naBarbara. “Kana uchiedza kundidzidzisa kuti vanhu vaviri vakaenzana,” akabvunza kudaro, “ndohupi ukama hwemhuri hwaungashandisa kuti uzvienzanisire?” Akafunga kwechinguvana ndokupindura kuti: “Ndingashandisa mukoma nomunin’ina. “Ndizvo chaizvo,” Chapupu chacho chakapindura kudaro. “Zvichida kunyange mapatya akafanana zvikuru. Asi mukutidzidzisa kuti tirangarire Mwari saBaba uye iye pachake soMwanakomana, Jesu akanga ari kupa shoko rokutii?” “Ndaona,” akapindura kudaro Barbara, maziso ake achivhurika. “Ari kurondedzera mumwe somukuru uye ane chiremera chikuru.”
“Hungu,” chakapindura kudaro Chapupu chacho, “uye vateereri vaJesu vechiJudha, vachigara munzanga yamadzitateguru, vangadai vakasvika mugumisiro iwoyo zvikurukuru.” Chichisimbisa mufungo wacho, Chapupu chakagumisa kuti: “Kana tava nemuenzaniso wakafanira kudaro kuti tidzidzise kuenzana—uyo wemukoma nomunin’ina kana kuti mapatya akafanana—zvechokwadi Jesu, Mudzidzisi Mukuru, aigona kunge akadarowo. Panzvimbo pezvo, akashandisa mashoko okuti ‘baba’ uye ‘mwanakomana’ kuti arondedzere ukama huri pakati pake naMwari.”
Barbara pakupedzisira akanzwisisa mufungo wacho, uye akaugamuchira. Mwoyo wake wakanga wasvikwa nounyanzvi hwokunyengetedza.
Kubata Nemirangariro
Zvitendero zvorudzidziso zvakasimba zvikuru kakawanda zvinobatanidza mativi emirangariro. Rangarira chiitiko chaEdna, muKaturike akasimba. Vazukuru vake vaduku vakamupa chibvumikiso chakajeka chaMagwaro chokuti Mwari naJesu havasi munhu mumwe cheteyo. Edna akanzwisisa zvaakanzwa. Kunyange zvakadaro, akati nenzira yomutsa asi yakasimba: “Ndinodavira Utatu husande.”
Zvichida wakava nechakaitika chakafanana. Vakawanda vanorangarira dzidziso dzorudzidziso rwavo sokunge idzodzi rutivi rwokuzivikanwa kwavo chaiko. Kuti unyengetedze vadzidzi veBhaibheri vakadaro, zvakawanda zvinodikanwa zvinopfuura kungorangarirawo zvako kana kuti kunyange nhevedzano yamagwaro inobvumikisa murangariro womunhu kuva une chikanganiso. Mamiriro ezvinhu akadaro anogona kupedzwa zvakanaka kupfurikidza nokudzikamisa kokunyengetedza netsitsi. (Enzanisa naVaRoma 12:15; VaKorose 3:12.) Sezvinobvumwa, mudzidzisi anobudirira anofanira kupwiswa zvakasimba. Somuenzaniso, Pauro akashandisa kutaura kwakadai sokuti “ndinoziva kwazvo” uye “ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu.” (VaRoma 8:38; 14:14) Zvisinei, mukutaura zvitendero zvedu, hatifaniri kuita mutoo wokurayira, wokuzviita vakarurama, kana kuti kuva vanotuka kana kuti kuzvidza mukupa zvokwadi dzeBhaibheri. Zvirokwazvo hatidi kushatirisa kana kuti kunyange kutuka mudzidzi.—Zvirevo 12:18.
Zvinobudirira zvikuru kuremekedza zvitendero zvomudzidzi uye kuziva kodzero yake yokuva nazvo. Kuzvininipisa ndiko kunokosha. Mudzidzisi anozvininipisa haarangariri kuti mukuru kumudzidzi wake. (Ruka 18:9-14; VaFiripi 2:3, 4) Kunyengetedza kwaMwari kunobatanidza kuzvininipisa uko, chaizvoizvo, kunoti: ‘Jehovha nenzira yetsitsi akandibetsera kuona izvi. Regai ndizvigoverane nemi.’
KuvaKristu biyake vaiva muKorinte, Pauro akanyora kuti: “Nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinotapa mifungo yose kuti iterere Kristu.” (2 VaKorinte 10:4, 5) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa Shoko raMwari kuputsa dzidziso dzenhema dzakasimba pamwe chete nemiitiro nemavara zvakasimba zvisingamufadzi. (1 VaKorinte 6:9-11) Mukuita izvi, Zvapupu zvinoyeuka kuti Jehovha ave achizvishivirira nenzira yorudo. Zvinofara sei kuva neShoko rake, Bhaibheri, uye kushandisa chishandiso ichi chine simba kuti zvidzure dzidziso dzenhema ndokusvika mwoyo nounyanzvi hwokunyengetedza!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Juniki naRoisi—Vadzidzisi Vomuenzaniso,” pamapeji 7-9 echinyorwa chino cheNharireyomurindi.
b Ona Johane 14:28; VaFiripi 2:5, 6; VaKorose 1:13-15. Nokuda kwamamwe mashoko, ona bhurocha raUnofanira Kudavira Utatu Here?, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Bhokisi riri papeji 23]
KUSVIKA MWOYO WOMUDZIDZI WAKO
◻ Nyengeterera nhungamiro yaJehovha mukusvika mwoyo womudzidzi weBhaibheri.—Nehemia 2:4, 5; Isaya 50:4.
◻ Ziva zvinodavira mudzidzi uye chikonzero nei angawana chitendero chenhema chichifadza.—Mabasa 17:22, 23.
◻ Nomutoo wetsitsi, wokushivirira, vaka nharo dzine mufungo, dzaMagwaro nepo uchibvumirana naye.—Mabasa 17:24-34.
◻ Kana zvichibvira, simbisa zvokwadi dzeBhaibheri nemienzaniso inobudirira.—Marko 4:33, 34.
◻ Ratidza mudzidzi betsero dzokugamuchira zivo yakarurama inobva muBhaibheri.—1 Timotio 2:3, 4; 2 Timotio 3:14, 15.