Uri Kuziva Nguva Dzatiri Here?
KUZIVA kuti kune ngozi kunogona kuponesa. Izvi zvinogona kuenzanisirwa nezvakaitika kuzvitsuwa zviviri zvine makomo anoputika.
Gomo rePelée, gomo rakaputika zvakaipisisa romuzana ramakore rechi20, rakaputika musi wa8 May, 1902, pachitsuwa cheCaribbean cheMartinique. Rakauraya vanenge 30 000 vose kunze kwevashomanene vaigara muSaint Pierre, guta riri mujinga megomo rinoputika.
Muna June 1991, Gomo rePinatubo rakaputika zvichida ndiko kwaiva kuputika kukurusa kwezana ramakore racho. Zvakaitika munharaunda ine vanhu vakawanda yePhilippines uye zvakauraya vanhu 900. Zvisinei, nguva ino zvinhu zviviri zvakabetsera kuponesa mazana oupenyu: (1) kuziva kuti kune ngozi uye (2) kuda kuteerera nenyevero.
Chiito Chakafanira Chakaponesa Upenyu
Gomo rePinatubo rakanga rakati nho-o kwamazana amakore apo, muna April 1991, rakatanga kuratidza zviratidzo zvokuti rakanga roda kuputika. Utsi nesulfur dioxide zvakavamba kupfungaira panhongonya yacho. Vagari vemo vakanzwa kudengenyeka kwapasi kwaitevedzana, uye matombo anopisa ane zvaaireva akatanga kubuda mugomo. Masayendisiti okuPhilippine Institute of Volcanology and Seismology akanyatsotarisisa uye pashure penguva yakati akapwisa vakuru vakuru kuti kwaizova kuchenjera kutamisa vagari veko 35 000 kubva mumataundi nemisha zvaiva pedyo.
Sezvinonzwisisika vanhu havawanzoda kubva pamisha yavo pasina chikonzero, asi kusada ikoko kwakakurirwa kupfurikidza nokuratidzwa vhidhiyo yairatidza zvakajeka ngozi dzokuputika kwegomo. Kutama kwacho kwakaitika panguva yakakodzera. Mazuva maviri gare gare, kuputika kune simba kwakarasira macubic kilometre masere emadota mumhepo. Matope, kana kuti madhaka, zvakazouraya mazana avanhu. Zvisinei, zvichida zviuru zvakaponeswa, nemhaka yokuti vanhu vacho vakanga vanyeverwa nezvengozi yacho uye vakanga vateerera nyevero dzacho.
Kutiza Ngwavaira Inoparirwa Nomunhu
Muzana ramakore rokutanga reNguva Yedu, vaKristu vaigara muJerusarema vaifanirawo kusarudza kuti vasiye misha yavo here kana kuti kwete. Kutiza muguta iroro muna 66 C.E. kwakavaponesa pakuparadzwa kwakawira vamwe vanhu vaigaramo uye zviuru zvavaJudha zvakanga zvauya kuJerusarema kuPaseka ya70 C.E. Vanhu vanopfuura miriyoni imwe vakanga vari muguta iroro raiva namasvingo kuti vachengete Paseka mauto eRoma paakaita kuti pasava nomukana wokutiza. Nzara, kurwira ukuru, uye kurwisa kwavaRoma vasinganeti kwakaguma nokufa kwevanopfuura miriyoni imwe.
Ngwavaira yakagumisa kupandukira Roma kwavaJudha haina kuuya isina kuziviswa. Makumi amakore anoverengeka izvi zvisati zvaitika, Jesu Kristu akanga afanotaura kuti Jerusarema raizokombwa. Akati: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” (Ruka 21:20, 21) Mirayiridzo iyoyo yakanga yakajeka, uye vateveri vaJesu vakaifungisisa.
Wezvenhau womuzana ramakore rechina Eusebius weCaesarea anoshuma kuti vaKristu vomuJudhea mose vakateerera nyevero yaJesu. VaRoma pavakarega kukomba kwavo Jerusarema kwokutanga muna 66 C.E., vaKristu vechiJudha vakawanda vakaenda kunogara muguta ravaMamwe Marudzi rePella, muruwa rweRoma rwePerea. Nokugara vachiziva nguva dzavakanga vari nokuteerera nyevero yaJesu, vakapukunyuka zvakarondedzerwa se“kumwe kukomba kwakaipisisa munhau yose.”
Nhasi, kungwarira kwakafanana kunodikanwa. Ndizvo zvakaitawo chiito chakananga. Nyaya inotevera ichatsanangura kuti chikonzero nei.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Godo-Foto, West Stock