Mwari Munhu Chaiyeiye Kwauri Here?
PAUNOWANA zvinetso zvinotambudza, unonyengetera kuna Mwari nyore nyore here? Kana zvakadaro, unonzwa kuti uri kutaura nomunhu chaiyeiye here?
Achitaura nezvaBaba vake vokudenga, Jesu Kristu akati: “Iyeye akandituma aripo chaizvoizvo.” (Johane 7:28, NW) Hungu, Jehovha Mwari munhu chaiyeiye, uye kunyengetera kwaari kwakafanana nokutsvaka kubetserwa nezano kushamwari yepedyo iri munhu. Chokwadika, kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, inofanira kuva minyengetero inogamuchirwa mukuwirirana neMagwaro. Somuenzaniso, tinofanira kuenda kuna iye “[w]okunzwa munyengetero” nokuzvininipisa nokuMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Pisarema 65:2; 138:6; Johane 14:6.
Vamwe vangafunga kuti sezvo Mwari asingaoneki, haasi munhu. Kwavari, Mwari angaratidzika seasiri munhu. Kunyange vamwe vaKristu, vakadzidza nezvemavara aMwari anoshamisa, pane dzimwe nguva vangazviwana zvakaoma kunzwisisa kuti munhu chaiyeiye sei. Ndizvo zvave zvichiitika kwauri here? Kana zvakadaro, chii chinogona kubetsera kuti Jehovha Mwari ave munhu chaiyeiye kwauri?
Funda Magwaro
Unofunda Magwaro Matsvene nguva dzose here? Kana ukagara uchifunda nokufungisisa Bhaibheri zvikuru, Jehovha Mwari achava munhu chaiyeiye kwauri. Nokudaro kutenda kwako kuchasimbiswa, zvichikugonesa chaizvoizvo ku‘ona Uyo asingaoneki.’ (VaHebheru 11:6, 27) Asiwo, kufundwa kweBhaibheri kusingawanzoitwi nguva dzose kana kuti panhambo nenhambo kungasava nomugumisiro une revo pakutenda kwako.
Kuenzanisira: Fungidzira kuti chiremba wako akakurayira kuzora mumwe mushonga kaviri pazuva kuti upedze mapundu anopfuurira. Mapundu ako aizopera here kudai waizozora mushonga wacho kamwe chete kana kuti kaviri pamwedzi bedzi? Izvozvo hazvingadaro. Nenzira yakafanana, wezvamapisarema anotipa “tsamba yemushonga” nokuda kwoutano hwomudzimu. Rava Shoko raMwari noku“fungisisa . . . masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Kuti tirambe tichibetserwa, tinofanira kutevedzera zvinotaurwa ne“tsamba yemushonga”—kurava Shoko raMwari zuva nezuva tichibetserwa nezvinyorwa zvechiKristu.—Joshua 1:8.
Ungada kuita kuti nhambo dzefundo yako dzisimbise kutenda zvikuru here? Hechino chimwe chikarakadzo: Pashure pokurava ganhuro rimwe muNew World Translation of the Holy Scriptures kana kuti rimwe Bhaibheri rine nongedzero, sarudza ndima inonakidza ndokutarira Magwaro enongedzero akaratidzwa. Izvi zvichawedzera kunakidza kwefundo yako, uye pasina mubvunzo uchaororwa nokutsinhirana kweBhaibheri. Uyewo, izvi zvichaita kuti Munyori waro, Jehovha Mwari, ave munhu chaiyeiye zvikuru kwauri.
Kushandisa nongedzero kunogonawo kuita kuti unorovedzane nouporofita hweBhaibheri nokuzadzika kwahwo. Zvichida unoziva uporofita hukuru hweBhaibheri, hwakadai sohunorondedzera kuparadzwa kweJerusarema nevaBhabhironi. Nepo, Bhaibheri rine mubatanidzwa wouporofita hwakafanana nokuzadzika kwahwo. Humwe hwaihwohwu hahunyatsozivikanwi.
Somuenzaniso, rava uporofita hwechirango chokuvakazve Jeriko uye ipapo funga nezvokuzadzika kwahwo. Joshua 6:26 inoti: “Joshua akavapikisa, achiti: Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharasikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharasikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.” Kuzadzika kwakazoitika makore anenge 500 gare gare, nokuti tinorava pana 1 Madzimambo 16:34, kuti: “Pamazuva ake [Mambo Ahabhi] Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhirami, nguva yaakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa masuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.”a Mwari chaiyeiye bedzi aigona kufuridzira uporofita hwakadaro ndokuita kuti huzadzike.
Paunenge uchirava Bhaibheri, ungada kuziva mumwe mufungo wakati. Somuenzaniso, ungashamisika kuti makore mangani akapera pakati pouporofita nokuzadzikwa kwahwo. Panzvimbo pokungobvunza mumwe munhu, kuregererei kuita nhamburiko yokuzvinzverera? Uchishandisa machati neyamuro dzokufunda Bhaibheri, shingairira kutsvaga mhinduro dzacho sezvawaizoedza kuziva mepu inoratidza kune pfuma. (Zvirevo 2:4, 5) Kuwana mhinduro dzacho kuchava nomugumisiro wakakura pakutenda kwako uye kuchaita kuti Jehovha Mwari ave munhu chaiyeiye zvikuru kwauri.
Nyengetera Nguva Dzose Uye Nokushingaira
Usarerutsa kukosha kwomunyengetero nokutenda. Vadzidzi vaJesu vakaita ichi chikumbiro chakananga: “Tiwedzerei kutenda kwedu.” (Ruka 17:5) Kana Jehovha asingaiti somunhu chaiyeiye kwauri, kuregererei kunyengetera kwaari kuti unoda kuwedzerwa kumwe kutenda? Kumbira nechivimbo betsero yaBaba vako vokudenga kuti vazviite munhu chaiyeiye kwauri.
Kana chimwe chinetso chiri kukunetsa, shandisa nguva inodikanwa kutaura neShamwari yako yokudenga nomwoyo wose. Apo Jesu akanga ava kuda kufa, akanyengetera zvakasimba zvikuru. Kunyange zvazvo akazvidza muitiro worudzidziso wokuita minyengetero mirefu inoitirwa kuonekwa navanhu, akapedza usiku hwose achinyengetera pachivande asati asarudza vaapostora vake 12. (Marko 12:38-40; Ruka 6:12-16) Tingadzidzawo kubva kuna Hana, akava amai vomuporofita Samueri. Achishuva mwana mukomana, aka“ramba achinyengetera pamberi paJehovha.”—1 Samueri 1:12.
Ndechipi chidzidzo chinokosha mune zvose izvi? Kana uchikarira kugamuchira mhinduro dzeminyengetero yako, unofanira kunyengetera nomwoyo wose, nokushingaira, nguva dzose—uye, chokwadika, maererano nokuda kwaMwari. (Ruka 22:44; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17; 1 Johane 5:13-15) Kuita izvi kuchabetsera kuita kuti Mwari ave munhu chaiyeiye kwauri.
Cherekedza Chisiko
Unhu hwomunyori wemifananidzo hunogona kuziviswa kupfurikidza nemifananidzo yake. Nenzira yakafanana, “zvaari zvisingaoneki” zvaJehovha, Mugadziri noMusiki wechisiko chose, zvinooneka zvakajeka muzvakasikwa. (VaRoma 1:20, NW) Patinocherekedza nokungwarira basa rakaitwa nemaoko aJehovha, tinonzwisisa zviri nani unhu hwake, uye nokudaro anova munhu chaiyeiye zvikuru kwatiri.
Kana ukanyatsocherekedza zvinhu zvakasikwa naMwari, ungaororwa zvikuru nokuti mavara ake ndeechokwadi sei. Somuenzaniso, mashoko ezvemano eshiri okutama angawedzera zvikuru kunzwisisa kwako uchenjeri hwaJehovha. Pakurava pamusoro pechisiko chose, ungadzidza kuti Gwara Renzou, rinotorera chiedza makore 100 000 kuti chiyambuke, rinongova rimwe ramabhiriyoni amapoka enyeredzi ari muchadenga mose. Izvozvo hazvikuiti kuti unzwisise uchenjeri hwoMusiki here?
Zvirokwazvo, kuchenjera kwaJehovha ndekwechokwadi! Asi izvozvo zvinorevei kwauri? Chokwadi, haagoni kuvhiringidzwa nezvinetso izvo ani naani wedu anotaura kwaari mumunyengetero. Hungu, kunyange zivo shomanene zvikuru yechisiko inogona kuita kuti Jehovha ave munhu chaiyeiye zvikuru kwauri.
Famba naJehovha
Iwe pachako unogona kunzwa kuti Jehovha munhu chaiyeiye zvakadini here? Hungu, kana wakafanana natateguru vakatendeka Noa. Aiteerera Jehovha nguva dzose, zvokuti zvaigona kunzi: “Noa wakafamba naMwari.” (Genesi 6:9) Noa akararama sokunge kuti Jehovha akanga ari parutivi rwake chaipo. Mwari anogona kuva munhu chaiyeiye zvakadaro kwauri.
Kana uri kufamba naMwari, unovimba nevimbiso dzeMagwaro ndokuita maererano nadzo. Somuenzaniso, unotenda mashoko aJesu anoti: “Tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose [zvinhu zvokunyama] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:25-33) Chokwadi, Jehovha angasagovera nguva dzose zvaunoda munzira yaunokarira. Asi, paunonyengetera uye ipapo wobetserwa naMwari, achava munhu chaiyeiye zvikuru kwauri somunhu upi noupi ari parutivi pako.
Ukama hwapedyo hwakadaro naJehovha hunokura sezvo munhu anotsungirira kufamba naMwari. Imbofunga nezvaManuela, Chapupu chinotaura chiSpanish, uyo akatsungirira miedzo yakawanda. Anoti: “Pose pandinonetseka kana kuti pandinoshayiwa chinhu, ndinoshandisa nheyo inowanika pana Zvirevo 18:10. Ndinomhanyira kuna Jehovha kuti andibetsere. Nguva dzose ave ari ‘shongwe huru’ kwandiri.” Manuela anogona kutaura izvi pashure pemakore 36 okuvimba naJehovha nokutsigirwa naye.
Uchangobva kutanga kuvimba naJehovha here? Usaora mwoyo kana ukama hwako naye husati hwaita zvaunoda kuti huve. Rarama zuva roga roga somunhu ari kufamba naMwari. Sezvaunotanga mararamire okutendeseka, uchafadzwa noukama hwepedyo naJehovha.—Pisarema 25:14; Zvirevo 3:26, 32.
Imwe nzira yokufamba naMwari ndeyokubatanidzwa zvikuru mubasa rake. Paunopinda mubasa rokuparidza Umambo, uri kushanda pamwe chete naJehovha. (1 VaKorinte 3:9) Kuziva izvi kunobetsera kuita kuti Mwari ave munhu chaiyeiye zvikuru kwauri.
Wezvamapisarema anokurudzira kuti: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.” (Pisarema 37:5) Usambokundikana kukandira Mwari mitoro ipi neipi yaunayo kana kuti zvaunoitira hanya. Nguva dzose betserwa uye tungamirirwa naye. Kana ukatsamira pana Jehovha Mwari nenzira yokunyengetera uye uchivimba naye zvakakwana nguva dzose, uchanzwa wakachengeteka nokuti unoziva kuti haasati achizokundikana kukuitira zvinhu. Une chivimbo paunosvika Jehovha nezvinetso zvako zvomunhu oga here? Uchadaro—kana Mwari ari munhu chaiyeiye kwauri.
[Mashoko Omuzasi]
a Somumwe muenzaniso, rava pamusoro pokusvibiswa kweatari yaJerobhoami kwakafanotaurwa pana 1 Madzimambo 13:1-3. Ipapo cherekedza kuzadzikwa kwacho kwakanyorwa pana 2 Madzimambo 23:16-18.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Ita kuti nguva dzokufunda kwako dzisimbise kutenda
[Mufananidzo uri papeji 22]
Wana nguva yokunyengetera nguva dzose, nokushingaira
[Mifananidzo iri papeji 23]
Cherekedza kuti mavara aMwari anooneka sei muzvakasikwa
[Kwazvakatorwa]
Hummingbird: U.S. Fish and Wildlife Service, Washington, D.C./Dean Biggins; stars: Photo: Copyright IAC/RGO 1991, Dr. D. Malin et al, Isaac Newton Telescope, Roque de los Muchachos Observatory, La Palma, Canary Islands