RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 10/15 p. 3
  • Vafundisi Vose Vanodavira Zvavanodzidzisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vafundisi Vose Vanodavira Zvavanodzidzisa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 4—Dzidziso yoUtatu Yakatanga Rini Uye Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Nei Uchitenda Zvaunotenda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 10/15 p. 3

Vafundisi Vose Vanodavira Zvavanodzidzisa Here?

MURUME womumwe mukadzi achangobva kufa. Mupristi wake anotsanangura kuti murume wake akanga asina kunyanyonaka zvokuenda kudenga zvakananga kana kuti kunyanyoipa zvokuenda kumoto yehero. Nokudaro, maererano nomupristi wacho, ari kurangwa kusvikira anaka zvokuenda kudenga. Anobhadhara mupristi wacho kuti aite minyengetero kuitira kuti murume wake akurumidze kusunungurwa pakucheneswa. Chirikadzi yacho inogutsikana neizvi, ichifunga kuti mupristi anotendawo zvaanodavira nemwoyo wose.

Unofunga kuti chirikadzi yacho yaizoshamiswa here kudai yaizoziva kuti mupristi wayo akanga asinganyatsodaviri kurangwa kana wafa? Vakawanda vanonetseka nokuziva kuti nhamba huru yavafundisi havadaviri zvakawanda zvavanodzidzisa ivo pachavo. National Catholic Reporter, ichitaura nezvechayakati “chinetso chikuru chevafundisi chinopfuura unzenza,” yakati: “Pakati pavafundisiwo zvavo, pane vakawanda vasingachadaviri kuvapo kwaMwari kana kuti dzidziso yokupiwa mubayiro nokurangwa kana kuti kumutswa . . . zvokuti kusadavira uku atova mafungire evafundisi, hazvina kunyatsojeka.”

Mamwe machechi ane chinetso chakafanana. Kunzverwa kwavafundisi veChurch of England kwakaratidza kuti vakawanda “havadaviri zvinhu zvinokosha zvokutenda kwechiKristu zvapakuvamba zvakadai sokuberekwa nemhandara, zvishamiso zvaJesu uye kuuya kwamesiya kwechipiri,” Canberra Times rokuAustralia rinoshuma kudaro.

Munyori wezvitendero George R. Plagenz akabvunza nezvemumwe mushumiri kuti aigona sei kudzokorora mutemo waakanga asingadaviri iye pachake, nemwoyo wose. Mumwe mushumiri akataura kuti aingotsiva mashoko omutemo wacho okutanga anoti, “Ndinodavira.” Akati: “Ndinotanga mutemo wacho nokutaura kuti, ‘IVO vanodavira muna Mwari Baba Wamasimba Ose . . .’” Plagenz akadana unyengeri hwakadaro kuti “kunyengera kukuru munyika yacho.”

Zvinosuruvarisa kuti kusadavira kwavafundisi kwakadaro nokusava nechokwadi kwakaodza mwoyo yavanhu vakawanda pamusoro pezvitendero zvose zvazvo. Asi harusi irwo rutivi rwunovhiringidza bedzi rwezvitendero nhasi. Vanhu vakawanda vanoenda kuchechi vakadzidziswa kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Vangashamiswa kuziva kuti dzimwe dzidziso dzechechi dzakavakanguri vagamuchira hadzidzidziswi muBhaibheri here? Nyaya inotevera ichataura nezvomumwe muenzaniso.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe