Ruponeso Runobva Kuna Jehovha
“Mwari ndiye Mwari unotirwira.”—PISAREMA 68:20.
1, 2. (a) Nei tingataura kuti ruponeso Runobva kuna Jehovha? (b) Ungatsanangura sei Zvirevo 21:31?
JEHOVHA ndiye Muponesi wevanhu vanomuda. (Isaya 43:11) Mambo waIsraeri akakurumbira Dhavhidhi aiziva izvi kubva mukuzvionera, uye akaimba nemwoyo wose kuti: “Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Pisarema 3:8) Muporofita Jona akashandisa mashoko mamwe chetewo mumunyengetero womwoyo wose paakanga ari mudumbu rehove huru.—Jona 2:9.
2 Mwanakomana waDhavhidhi Soromoni aizivawo kuti Ruponeso runobva kuna Jehovha, nokuti akati: ‘Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi ruponeso rwunobva kuna Jehovha.’ (Zvirevo 21:31) MuMiddle East yekare, madhonza aidhonza gejo, mbongoro dzaitakura mitoro, vanhu vaitasva manyurusi, uye mabhiza aishandiswa muhondo. Zvisinei, vaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mwari akarayira kuti mambo wavo womunguva yemberi, “arege kuzviwanzira mabhiza.” (Dheuteronomio 17:16) Mabhiza ehondo aisazodiwa nokuti Jehovha aizoponesa vanhu vake.
3. Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?
3 Changamire Ishe Jehovha ndi“Mwari unotirwira.” (Pisarema 68:20) Ipfungwa inokurudzira zvakadini! Asi ku“rwira” kwakaitwa naJehovha ndokupi? Uye ndiani waakarwira?
Jehovha Anoponesa Vakarurama
4. Tinoziva sei kuti Jehovha anoponesa vanhu vanoda Mwari?
4 Vose vari kuronda nzira yakarurama sevashumiri vaMwari vakazvitsaurira vanogona kunyaradzwa nemashoko aPetro anoti: “Ishe unoziva kusunungura pamiedzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurohwa kusvikira pazuva rokutongwa.” Achiratidza kuti pfungwa iyi ndeyechokwadi, Petro akataura kuti Mwari “[haana ku]regawo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari.”—2 Petro 2:5, 9.
5. Noa akashanda se“muparidzi wokururama” mumamiriro api ezvinhu?
5 Imbozvifungidzira uri pakati pemamiriro ezvinhu aiva muzuva raNoa. Madhimoni akapfeka miviri yenyama ari munyika. Vana vengirozi idzi dzisingateereri vanoitira vanhu utsinye, uye ‘nyika yazara nokumanikidzana.’ (Genesi 6:1-12) Zvisinei, Noa haagoni kutyisidzirwa kuti arege basa raJehovha. Panzvimbo pezvo, “muparidzi wokururama.” Iye nemhuri yake vanovaka areka, vasingamboregi kuva nechokwadi chokuti uipi huchabviswa vachiri vapenyu. Kutenda kwaNoa kunopa nyika iyoyo mhosva. (VaHebheru 11:7) Mamiriro ezvinhu ezuva ranhasi akafanana neemuzuva raNoa, achiratidza kuti aya mazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu yakaipa. (Mateo 24:37-39; 2 Timotio 3:1-5) Ipapo, kufanana naNoa, ucharatidza kuti wakatendeka somuparidzi wokururama anoshanda pamwe chete nevanhu vaMwari sezvaunomirira kuponesa kwaJehovha here?
6. Ko 2 Petro 2:7, 8 inoratidza sei kuti Jehovha anoponesa vakarurama?
6 Petro anotaura humwezve uchapupu hwokuti Jehovha anoponesa vakarurama. Muapostora wacho anoti: “[Mwari] akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakanga afa neshungu nokuda kwomufambire woutere wavakashata, (nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achiona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).” (2 Petro 2:7, 8; Genesi 19:1-29) Unzenza hwevatano hwazova mararamiro emamiriyoni mumazuva ano okupedzisira. Kufanana naRoti, uri ku‘fa neshungu nokuda kwomufambiro woutere’ uri kuitwa nevakawanda zvikuru nhasi here? Kana uchidaro, uye kana uri kuita zvakarurama, ungava pakati pevachaponeswa naJehovha pachagumiswa gadziriro ino yakaipa.
Jehovha Anoponesa Vanhu Vake Pavadzvinyiriri
7. Kubata kwaJehovha nevaIsraeri muEgipita kunoratidza sei kuti anonunura vanhu vake mukudzvinyirirwa?
7 Chero bedzi gadziriro ino yekare ichiripo, vashumiri vaJehovha vachatambudzwa uye vachadzvinyirirwa nevavengi. Asi vanogona kuvimba kuti Jehovha achavanunura, nokuti akamboponesa vanhu vake munguva yakapfuura. Ngatitii waiva muIsraeri akanga achidzvinyirirwa nevaEgipita vomuzuva raMosesi. (Eksodho 1:1-14; 6:8) Mwari anorova Egipita nedambudziko rimwe pashure perimwe. (Eksodho 8:5–10:29) Dambudziko rinouraya rechigumi parinouraya matangwe eEgipita, Farao anobvumira vaIsraeri kuenda asi gare gare anogadzirira mauto ake ndokuvatevera. Zvisinei, pasina nenguva ipi iye nevanhu vake vanoparadzwa muGungwa Dzvuku. (Eksodho 14:23-28) Unokumbanira Mosesi nevaIsraeri vose murwiyo urwu: “Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake. Wakakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.” (Eksodho 15:3-5) Ngwavaira yakafanana iri kumirira vose vanodzvinyirira vanhu vaMwari mumazuva ano okupedzisira.
8, 9. Ipa muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anoponesa vanhu vake pavadzvinyiriri, kubva mubhuku raVatongi.
8 Kwemakore akawanda vaIsraeri vapinda muNyika Yakapikirwa, vatongi vakavaruramisira. Vanhu vacho pane dzimwe nguva vakatambura pavaidzvinyirirwa nevanhu vokudzimwe nyika, asi Mwari akashandisa vatongi vakatendeka kuti vavanunure. Kunyange tika‘gomera nemhaka yevanotidzvinyirira nokutinetsa’ zvakangofanana, Jehovha achatiponesawo sevashumiri vake vakatendeka. (Vatongi 2:16-18; 3:9, 15) Kutaura chokwadi, bhuku reBhaibheri raVatongi rinotivimbisa izvi uye kuponesa kukuru kuchaunzwa naMwari achishandisa Mutongi wake akagadzwa, Jesu Kristu.
9 Ngatidzokei kumazuva eMutongi Bharaki. Nemhaka yokunamata kwenhema nokusatenderwa naMwari, vaIsraeri vava nemakore 20 okutonga kwoutsinye kwaMambo weKanani Jabhini. Sisera ndiye mutungamiri weuto guru reKanani. Asi, ‘hapaoneki nhoo, kana pfumo, pakati pavaIsraeri vane zviuru zvine makumi mana,’ kunyange zvazvo rudzi rwacho rungava nevanhu vanenge mamiriyoni mana. (Vatongi 5:6-8) VaIsraeri vanochema kuna Jehovha nenzira inoratidza kupfidza. Sezvakanga zvarayiridzwa naMwari achishandisa muporofitakadzi Dhebhora, Bharaki anounganidza varume 10 000 paGomo reTabhori, uye Jehovha anokwevera muvengi mubani riri muzasi megomo refu reTabhori. Mauto akawanda aSisera nengoro dzehondo 900 ari kumhanya achiita ruzha achidimbura nomurenje racho nemahombekombe erwizi rwakaoma rweKishoni. Asi mvura zhinji inonaya inozadza Kishoni rwacho nemvura yakawanda yemafashamo. Bharaki nevarume vake sezvavanofamba vachidzika muGomo reTabhori vachivanzwa nedutu, vanozvionera kunyonganiswa kwaparirwa nehasha dzaratidzwa naJehovha. Varume vaBharaki vanobaya vaKanani vavhundutswa, vari kutiza, uye hapana anopukunyuka. Vadzvinyiriri vedu vanoedza kurwisana naMwari vanonyeverwa zvakadini!—Vatongi 4:3-16; 5:19-22.
10. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari achaponesa vashumiri vake vomuzuva ranhasi pavadzvinyiriri vavo?
10 Jehovha achaponesa vashumiri vake vomuzuva razvino pavavengi vavo vose vanodzvinyirira, sezvaakangonunura vaIsraeri vanotya Mwari munguva dzengozi. (Isaya 43:3; Jeremia 14:8) Mwari akanunura Dhavhidhi “pamaoko evavengi vake vose.” (2 Samueri 22:1-3) Saka kana tikadzvinyirirwa kana kutambudzwa sevanhu vaJehovha, ngatishingei, nokuti Mambo wake ari Mesiya achatisunungura muudzvinyiriri. Hungu, “uchaponesa mweya yavashaiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.” (Pisarema 72:13, 14) Kudzikinurwa ikoko kwava pedyo zvechokwadi.
Mwari Anoponesa Vanovimba Naye
11. Dhavhidhi muduku akagovera muenzaniso upi wokuvimba naJehovha?
11 Kuti tione kuponesa kwaJehovha, tinofanira kuvimba naye nokushinga. Dhavhidhi akaratidza kutsamira pana Mwari kwokushinga paakabuda kundosangana nehofori Goriati. Fungidzira muFiristia iyeye akareba ari pamberi paDhavhidhi mudiki, uyo anodanidzira kuti: “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri, vaunoshora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFiristia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati pavaIsraeri. Zvino kuti ungano iyo yose izive kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha.” Pasina nenguva ipi Goriati atofa, uye vaFiristia vakundwa. Zvakajeka kuti Jehovha akaponesa vanhu vake.—1 Samueri 17:45-54.
12. Nei zvingava zvinobetsera kuyeuka murume akasimba waDhavhidhi Eriezari?
12 Patinotarisana nevatambudzi, tingafanira “kushinga” ndokuvimba naMwari zvakazara. (Isaya 46:8-13, NW; Zvirevo 3:5, 6) Cherekedza chakaitika ichi pane imwe nzvimbo inonzi Pasi-dhamini. VaIsraeri vatiza mauto evaFiristia. Asi Eriezari, mumwe wevarume vatatu vakasimba vaDhavhidhi, haatyi. Anomira mumunda webhari ndokuuraya vaFiristia nomunondo ari oga. Nokudaro ‘Jehovha akaponesa Israeri nokuponesa kukuru.’ (1 Makoronike 11:12-14; 2 Samueri 23:9, 10) Hapana anotikarira kukunda simba reuto tiri toga. Asi, pane dzimwe nguva tingava tiri toga uye tichidzvinyirirwa nevavengi. Tichavimba nenzira yokunyengetera naJehovha, Mwari unotirwira here? Tichada kubatsirwa naye kuitira kuti tidzivise kutengesa vatinotenda navo kuvatambudzi here?
Jehovha Anoponesa Vanoramba Vakatendeseka
13. Nei zvakanga zvakaoma kuramba wakatendeseka kuna Mwari muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri?
13 Kuti tiponeswe naJehovha, tinofanira kuramba takatendeseka kwaari nyangwe zvodii. Vanhu vaMwari vomunguva dzekare vakawana miedzo yakasiyana-siyana. Funga kuti ungadai wakatarisana nei kudai wakanga wararama muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri. Hasha dzaRehobhoami dzakanga dzaita kuti ndudzi gumi dzirege kumutsigira ndokuumba umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri. (2 Makoronike 10:16, 17; 11:13, 14) Pamadzimambo ahwo akawanda, Jehu ndiye akanga akanakisisa, asi kunyange iyewo ‘haana kufamba nomwoyo wake wose nomurayiro waJehovha.’ (2 Madzimambo 10:30, 31) Kunyange zvakadaro, umambo hwendudzi gumi hwakanga hunewo vakatendeseka. (1 Madzimambo 19:18) Vakatenda muna Mwari, uye iye akaratidza kuti aiva navo. Pasinei zvapo nokuedzwa kwokutenda kwako, uri kuramba wakatendeseka kuna Jehovha here?
14. Kuponesa kupi kwakaitwa naJehovha mumazuva aMambo Hezekia, uye chii chakaita kuti Bhabhironi rikunde Judha?
14 Kusava nebasa noMutemo waMwari kwakanga kwapararira kwakaita kuti umambo hwaIsraeri huve nedambudziko. VaAsiria pavakahukunda muna 740 B.C.E., vanhu vaibva mundudzi dzahwo gumi pasina mubvunzo vakatizira kuumambo hwendudzi mbiri hwaJudha, kwavaigona kunamata Jehovha patemberi yake. Pamadzimambo 19 aJudha edzinza raDhavhidhi, vana vavo—Asa, Jehoshafati, Hezekia, uye Josia—vakanga vakasiyana nevamwe mukuzvipira kwavo kuna Mwari. Mumazuva aHezekia akatendeseka, vaAsiria vakauya kuzorwa naJudha nehondo yakasimba. Achipindura zvikumbiro zvaHezekia, Mwari akashandisa ngirozi imwe chete bedzi kuuraya vaAsiria 185 000 muusiku humwe chete, nokudaro achiponesa vanamati Vake! (Isaya 37:36-38) Gare gare, kukundikana kwavanhu kuchengeta Mutemo nokuteerera zvainyeverwa nevaporofita vaMwari kwakaita kuti Bhabhironi rikurire Judha uye kuti guta raro guru, Jerusarema, uye temberi zviparadzwe muna 607 B.C.E.
15. Nei nhapwa dzechiJudha dzaiva muBhabhironi dzaifanira kutsungirira, uye pakupedzisira Jehovha akaita sei kuti kusunungurwa kubvire?
15 Nhapwa dzechiJudha dzaifanira kutsungirira kuti dzirambe dzakatendeseka kuna Mwari padzakanga dziri muusungwa muBhabhironi makore anenge 70 anosuruvarisa. (Pisarema 137:1-6) Mumwe akanga akatendeseka anofanira kufungwa nezvake akanga ari muporofita Dhanieri. (Dhanieri 1:1-7; 9:1-3) Fungidzira kufara kwaakaita pakashanda mutemo waMambo Koreshi wePersia muna 537 B.C.E., uchibvumira vaJudha kudzoka kuJudha kuti vazovakazve temberi! (Ezra 1:1-4) Dhanieri nevamwe vakanga vatsungirira kwamakore akawanda, asi vakapedzisira vaona kukurirwa kweBhabhironi nokununurwa kwavanhu vaJehovha. Izvi zvinofanira kutibetsera kuratidza kutsungirira patinomirira kuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema.—Zvakazarurwa 18:1-5.
Jehovha Anoponesa Vanhu Vake Nguva Dzose
16. Kuponeswa kupi kwakaparirwa naMwari mumazuva aMambokadzi Estere?
16 Jehovha anoponesa vanhu vake nguva dzose pavanenge vakatendeka kuzita rake. (1 Samueri 12:22; Isaya 43:10-12) Funga nezvemazuva aMambokadzi Estere—makore ezana rechishanu B.C.E. Mambo Ahashveroshi (Xerxes I) agadza Hamani somutungamiri wehurumende. Atsamwiswa nokuramba kumukotamira kwaMordekai muJudha, Hamani anoronga kumuparadza nevaJudha vose vari muUmambo hwePersia. Anovarondedzera sevaputsi vomutemo, anowedzera mari yokukurudzira kuti izvi zviitwe, uye anobvumirwa kushandisa chindori chamambo kuti asimbise gwaro rinorayira kuti vaparadzwe. Estere nokushinga anozivisa mambo kuti ndewedzinza rechiJudha ndokufumura zano raHamani rokuuraya. Pasina nguva Hamani ndiye ava kurembera padanda chairo raanga agadzirira Mordekai kuti aurayirwe. Mordekai anoitwa mutungamiri wehurumende, nekodzero yokubvumira vaJudha kuti vazvidzivirire. Vanokunda vavengi vavo zvikuru. (Estere 3:1–9:19) Chiitiko ichi chinofanira kusimbisa kutenda kwedu kuti Jehovha acharwira vashumiri vake vanoteerera vomuzuva ranhasi.
17. Kuteerera kwakashanda sei mukununurwa kwevaKristu vechiJudha vemuzana remakore rokutanga vaigara muJudhea?
17 Chimwe chikonzero chinoita kuti Mwari aponese vanhu vake ndechokuti vanomuteerera iye noMwanakomana wake. Zviise munzvimbo yevadzidzi vaJesu vechiJudha vomuzana remakore rokutanga. Anovaudza kuti: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.” (Ruka 21:20-22) Makore anopfuura, uye unoshamiswa kuti mashoko aya achaitika rini. Panobva paitika kumukira kwevaJudha muna 66 C.E. Mauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus anokomba Jerusarema ndokunanga kumadziro etemberi. Pakarepo, vaRoma vanorega pasina chikonzero chakajeka. VaKristu vechiJudha vachaitei? MuEcclesiastical History (Bhuku III, ganhuro V, 3), Eusebius anotaura kuti vakatiza kubva muJerusarema neJudhea. Havana kuurayiwa nokuti vakateerera kunyevera kweuporofita hwaJesu. Unokurumidzawo kuwirirana nenhungamiro yeMagwaro inopiwa kupfurikidza ne“mutariri wakatendeka” akagadzwa pa“zvinhu, (NW)” zvose zvaJesu here?—Ruka 12:42-44.
Ruponeso Rwoupenyu Husingaperi
18, 19. (a) Rufu rwaJesu rwakaita kuti ruponeso rupi rubvire, uye nokuda kwavanaani? (b) Muapostora Pauro akanga akatsunga kuitei?
18 Kuteerera kunyevera kwaJesu kwakaponesa upenyu hwevaKristu vechiJudha vaiva muJudhea. Asi rufu rwaJesu runoita kuti ruponeso rwoupenyu husingaperi rugone kuwanika ne“vanhu vose.” (1 Timotio 4:10) Kudiwa kworudzikinuro nevanhu kwakamuka pakatadza Adhama, zvichiita kuti arasikirwe noupenyu hwake pachake nokutengesera dzinza ravanhu muuranda kuchivi norufu. (VaRoma 5:12-19) Zvibayiro zvemhuka zvaipiwa muMutemo waMosesi zvaingofukidzawo zvishomanene zvivi. (VaHebheru 10:1-4) Jesu zvaakanga asina baba vari munhu wenyama uye mudzimu mutsvene waMwari zva‘wakafukidza’ Maria zviri pachena kubva panguva yaakabata pamuviri kusvikira pakuzvarwa kwaJesu, akazvarwa asina kugara nhaka chivi kana kusakwana. (Ruka 1:35; Johane 1:29; 1 Petro 1:18, 19) Pakafa Jesu somunhu akatendeseka akakwana, akapa upenyu hwake pachake hwakakwana kuti atengezve ndokusunungura vanhu. (VaHebheru 2:14, 15) Nokudaro Kristu “wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose.” (1 Timotio 2:5, 6) Havasi vose vachashandisa gadziriro yoruponeso iyi, asi Mwari anotendera kuti kubetsera kwayo kushandiswe kune vanoigamuchira mukutenda.
19 Kupfurikidza nokupa kukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro kuna Mwari kudenga, Kristu akatengazve vana vaAdhama. (VaHebheru 9:24) Saka Jesu anowana Mwenga, unoumbwa nevateveri vake vakazodzwa vane 144 000 vakamutsirwa kuupenyu hwokudenga. (VaEfeso 5:25-27; Zvakazarurwa 14:3, 4; 21:9) Anovawo “Baba vokusingaperi” kune vanobvuma chibayiro chake ndokugamuchira upenyu husingaperi hwapasi. (Isaya 9:6, 7; 1 Johane 2:1, 2) Chirongwa chorudo chakadini! Kuchionga kwaPauro kunooneka mutsamba yake yechipiri yakafuridzirwa yaakanyorera vaKristu vaiva muKorinte, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera. Kutaura chokwadi, Pauro akanga akatsunga kusarega chinhu chero chipi zvacho chichimudzivisa kubetsera vanhu kushandisa gadziriro yaJehovha yoruponeso rwoupenyu husingaperi.
Ungapindura Sei?
◻ Uchapupu hupi hweMagwaro huripo hwokuti Mwari anoponesa vanhu vake vakarurama?
◻ Tinoziva sei kuti Jehovha anoponesa vanovimba naye ndokuramba vakatendeseka?
◻ Mwari akaita gadziriro dzipi dzoruponeso rwoupenyu husingaperi?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Dhavhidhi akavimba naJehovha, “Mwari anotirwira.” Unodaro here?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jehovha anonunura vanhu vake nguva dzose, sezvaakaita muzuva raMambokadzi Estere